RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 7/1 pp. 30-31
  • MuSamaria Anobvumikisa Kuva Muvakidzani Akanaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • MuSamaria Anobvumikisa Kuva Muvakidzani Akanaka
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • MuSamaria Anonzwira Tsitsi
  • Chidzidzo Kwatiri
  • Zvinorevei Kuva “muSamariya Akanaka”?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • MuSamaria Ane Mutsa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • MuSamariya Anoratidza Kuti Muvakidzani Akanaka
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Kuda Muvakidzani Kunobvira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 7/1 pp. 30-31

Vakaita Kuda kwaJehovha

MuSamaria Anobvumikisa Kuva Muvakidzani Akanaka

MUZUVA raJesu, kuvengana kunocherekedzeka kwakanga kuri pakati pavaJudha naVemamwe Marudzi. Pashure penguva yakati, Mishnah yechiJudha yakatobatanidza mutemo wairambidza vakadzi vechiIsraeri kubetsera vaisava vaJudha mukati mokusununguka mwana, sezvo zvaizobetsera bedzi kuunza mumwe munhu waMarudzi munyika.—Abodah Zarah 2:1.

VaSamaria vakanga vakabatanidzwa nevaJudha zvikuru kupfuura zvakanga zvakaita Vemamwe Marudzi, mose muzvose zviri zviviri zvorudzidziso uye zvedzinza. Asi, ivowo vairangarirwa sevakarambwa. “VaJudha havafambidzani navaSamaria,” akanyora kudaro muapostora Johane. (Johane 4:9) Zvirokwazvo, Talmud yakadzidzisa kuti “chidimbu chechingwa chinopiwa nomuSamaria chakasviba zvikuru kupfuura muviri wenguruve.” Vamwe vaJudha vaitoshandisa shoko rokuti “muSamaria” sokutaura kwokuzvidza uye kutsoropodza.—Johane 8:48.

Mukurangarira mamiriro aya ezvinhu, mashoko aJesu kumurume ainyatsoziva mutemo wechiJudha anorayiridza zvikuru. Murume wacho akauya kuna Jesu ndokubvunza kuti: “Mudzidzisi, ndingaiteiko kuti ndigare nhaka youpenyu husingaperi?” Mumhinduro, Jesu akakwevera ngwariro yake kuMutemo waMosesi, uyo unorayira ku‘da Jehovha nomwoyo wako wose, mweya, simba, uye ndangariro,’ uye ku‘da muvakidzani wako sekuzvida kwaunoita.’ Ipapo gweta racho rakabvunza Jesu kuti: “[Muvakidzani wangu, NW] ndianiko?” (Ruka 10:25-29; Revhitiko 19:18; Dheuteronomio 6:5) Maererano navaFarise, shoko rokuti “muvakidzani” raishanda bedzi kuavo vaichengeta magamuchidzanwa echiJudha—zvirokwazvo kwete kuVemamwe Marudzi kana kuti vaSamaria. Kana iri gweta raida kuziva raifunga kuti Jesu aizotsigira murangariro iwowo, nokukurumidza rakanga richizoshamiswa.

MuSamaria Anonzwira Tsitsi

Jesu akapindura mubvunzo womurume wacho kupfurikidza nokurondedzera mufananidzo.a “Mumwe munhu,” akadaro, “akabva Jerusarema, akaburukira Jeriko.” Daro pakati peJerusarema neJeriko rakanga riri anenge makiromita 23. Mugwagwa waibatanidza maguta maviri aya wakanga une makona akakombama zvikuru namabwe makuru, zvaiita kuti zvive nyore kuti mbavha dzivande, dzirwise, uye dzitize. Sezvakazoitika, mufambi womumufananidzo waJesu “akawirwa namakororo, akamupamba nguvo, akamurova, akaenda, ndokumusiya oda kufa.”—Ruka 10:30.

“Zvino,” Jesu akapfuurira, “mumwe mupristi wakanga achingoburuka hake nenzira iyo; akati achimuona, akanyenyeredza. Nokudaro muRevhiwo wakasvikapo, akamuona, akanyenyeredza.” (Ruka 10:31, 32) Vapristi navaRevhi vakanga vari vadzidzisi voMutemo—kubatanidza mutemo wokuda muvakidzani. (Revhitiko 10:8-11; Dheuteronomio 33:1, 10) Chokwadi, ivo kupfuura vamwe vanhu vose vaifanira kunzwa vachigombedzerwa kubetsera mufambi akakuvadzwa.

Jesu akapfuurira: “Mumwe muSamaria, wakanga ari parwendo, wakasvika kwaari.” Kududzwa kwomuSamaria pasina kupokana kwakawedzera kuda kuziva kwegweta racho. Jesu aizotendera murangariro usina kunaka worudzi urwu here? Mukupesana, pakuona mufambi awirwa nejambwa, muSamaria “akamunzwira tsitsi.” Jesu akati: “Akaenda kwaari, ndokupombera mavanga ake, akaadira mafuta newaini; akamukwidza pachipfuwo chake, ndokumuisa kuimba yavaeni, ndokumuchengeta.b Zvino, ava mangwana, akabudisa madhenari maviri, akaapa mwene weimba, akati: Muchengete; uye zvose zvaunomuripira kupfuura izvi, ndichakupazve, kana ndichidzoka.”—Luke 10:33-35.

Zvino Jesu anobvunza mubvunzi wake kuti: “Ndoupiko kuna vatatu ava wakanga ari [muvakidzani, NW] waiye wakawirwa namakororo?” Gweta racho raiziva mhinduro yacho, asi rairatidzika kuva raisada kutaura kuti “muSamaria.” Panzvimbo pezvo, rakangopindura zvaro kuti: “Ndiye wakamuitira ngoni.” Ipapo Jesu akati: “Enda, undoita saizvozvo.”—Ruka 10:36, 37.

Chidzidzo Kwatiri

Murume akabvunza Jesu akazviita “achida kuzviruramisa.” (Ruka 10:29) Zvichida aifunga kuti Jesu aizorumbidza kuomerera kwake kwokunyanyisa kuMutemo waMosesi. Asi uyu munhu aizvikudza aifanira kudzidza chokwadi chechirevo cheBhaibheri chinoti: “Nzira ipi neipi yomunhu unoti yakarurama pakuona kwake; asi Jehovha unoyera mwoyo.”—Zvirevo 21:2.

Mufananidzo waJesu unoratidza kuti munhu wakarurama zvechokwadi ndouyo asingateereri bedzi mitemo yaMwari asiwo anotevedzera mavara ake. (VaEfeso 5:1) Somuenzaniso, Bhaibheri rinotiudza kuti “Mwari haazi mutsauri wavanhu.” (Mabasa 10:34) Tinotevedzera Mwari munhau iyi here? Mufananidzo waJesu unonyandura unoratidza kuti mutsa wedu unofanira kukurira miganhu yorudzi, yetsika, neyorudzidziso. Chaizvoizvo, vaKristu vanorayiridzwa ku“itir[a] vose zvakanaka”—kwete bedzi kuvanhu veboka rimwe chetero renzanga, dzinza, kana kuti rudzi uye kwete bedzi kuvatinonamata navo.—VaGaratia 6:10.

Zvapupu zvaJehovha zvinovavarira kutevera iri zano raMagwaro. Somuenzaniso, panoitika ngwavaira dzomusikirwo, zvinotambanudza yamuro yomutsa kuvazvinotenda navo mukuwedzera kuvasiri Zvapupu.c Mukuwedzera, pamwe chete zvinopedza maawa anopfuura bhiriyoni gore rimwe nerimwe zvichibetsera vanhu kusvika pakuziva Bhaibheri zviri nani. Zvinovavarira kusvika munhu wose neshoko roUmambo, nokuti Mwari anoda kuti “vanhu vose vaponeswe, vasvike pakuziva zvokwadi.”—1 Timotio 2:4; Mabasa 10:35.

[Mashoko Omuzasi]

a Mufananidzo inhoroondo pfupi, kazhinji kazhinji isina kuitika inodzidzisa chokwadi chetsika kana kuti chomudzimu.

b Dzimwe dzimba dzavaeni muzuva raJesu sezviri pachena dzaigovera kwete bedzi pokugara asiwo zvokudya namamwe mabasa. Urwu rwungava rudzi rwedzimba urwo Jesu airangarira, nokuti shoko rechiGiriki rinoshandiswa pano rakasiyana neiro rinoshandurwa kuti “mumba mavaeni” pana Ruka 2:7.

c Nokuda kwemienzaniso, ona Nharireyomurindi, yaDecember 1, 1996, mapeji 3-8, uye yaJanuary 15, 1998, mapeji 3-7.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe