Kupedza Chakavanzika Chezita Gurusa
Kunofadza kuti zvose zviri zviviri Koran yeMuslim neBhaibheri rechiKristu zvinonongedzera kuzita gurusa. Iyi kurukurirano inotsanangura revo noukoshi zvezita gurusa. Inoratidzawo kuti zita iroro rinotapura sei rudzi rwose rwomunhu nenguva yedu yemberi pano pasi pano.
MAMIRIONI avarume navakadzi akararama ndokufira papasi rino. Muzvinoitika zvizhinjisa mazita avo akafa navo, uye kuyeukwa kwavo kwakakanganwika. Asi mamwe mazita makuru—akadai saAvicenna, Edison, Pasteur, Beethoven, Gandhi, uye Newton—anopfuurira kurarama. Mazita iwaya akabatanidzwa nezvakaitwa, zvakawanwa, uye zvakatangwa zvaavo vakanga vanawo.
Zvisinei, kune zita guru zvikuru kupfuura mamwe ose. Zvishamiso zvose zvomunguva yakapfuura nezvazvino muchisiko chose zvine chokuita naro. Chokwadi, tariro yorudzi rwomunhu youpenyu hurefu nohunofadza yakabatanidzwa neiri zita!
Vakawanda vakada kusvika pakuziva iri zita. Vakaritsvaka nokubvunza pamusoro paro, asi havana kuriwana. Nokuda kwavo rakaramba riri chakavanzika. Kutaura idi, hakuna munhu anogona kuwana iri zita kutoti Muridzi waro arizivisa kwaari. Nenzira inofadza, chakavanzika cheiri zita risingaenzaniswi chakapedzwa. Mwari amene akaita ikoku kuti avo vanotenda maari vagoziva pamusoro pake. Akazivisa zita rake kuna Adhama, ipapo kuna Abrahama, kuna Mosesi, uye kuvamwe vabatiri Vake vakatendeka vekare.
Kutsvaka Zita Gurusa
Koran inotaura nezvomumwe munhu “aiziva zvikuru Magwaro.” (27:40) Mukutsanangura iyi ndima, bhuku rinotsinhira rinozivikanwa seTafsīr Jalālayn rinoti: “Asaf mwanakomana waBarkhiyā akanga ari munhu akarurama. Aiziva zita gurusa raMwari, uye nguva ipi neipi airidana, aipindurwa.” Ikoku kunotiyeuchidza nezvomunyori weBhaibheri Asafi, uyo akati paPisarema 83:18: “Vazive kuti imi moga, imi mune zita rinonzi Jehovha, ndimi Wokumusoro-soro kumusoro kwapasi pose.”
PaKoran 17:2, tinorava, kuti: “Takapa Mosesi Magwaro ndokuaita nhungamiro yavaIsraeri.” MuMagwaro iwayo, Mosesi anotaura kuna Mwari, achiti: “Kana ndikasvika kuvana vaIsraeri, ndikati kwavari: ‘Mwari wamadzibaba enyu wakandituma kwamuri,’ ivo vakati kwandiri: ‘Ko zita rake ndiani?’ ndichatii kwavari?” Mwari akapindura Mosesi kupfurikidza nokuti: “Undoti kuvana vaIsraeri: ‘Jehovha, Mwari wamadzibaba enyu, Mwari waAbrahama, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho, wakandituma kwamuri;’ ndiro zita rangu nokusingaperi.”—Eksodho 3:13, 15.
Munguva dzakare, vaIsraeri vaiziva iri zita guru raMwari. Raitoshandiswa sorutivi rwamazita avo vamene. Kungofanana nokuwana kunoita munhu zvino zita rokuti Abdullah, iro rinoreva kuti “Mubatiri waMwari,” vanhu vaIsraeri wakare vakanga vane zita rokuti Obhadhia, rinoreva kuti “Mubatiri waJehovha.” Amai vomuporofita Mosesi vakadanwa kunzi Jokebhedhi, iro sezvinobvira rinoreva kuti “Jehovha Imbiri.” Zita rokuti Johane rinoreva kuti “Jehovha Ave Ane Nyasha.” Uye zita romuporofita Eria rinoreva kuti “Mwari Wangu ndiJehovha.”
Vaporofita vaiziva iri zita guru uye vairishandisa noruremekedzo rukuru. Rinowanwa kanopfuura ka 7 000 muMagwaro Matsvene. Jesu Kristu, mwanakomana waMaria, akarisimbisa apo akati mumunyengetero wake kuna Mwari: “Ndakaratidza vanhu, vamakandipa panyika, zita renyu . . . Ndakavazivisa zita renyu, uye ndicharizivisa, kuti rudo, rwamakandida narwo, ruve mavari.” (Johane 17:6, 26) Mubhuku rake retsinhiro rakakurumbira pamusoro peKoran, Bayḍāwī anotsinhira pamusoro paKoran 2:87, achitaura kuti Jesu aisi“mutsa vanhu vakafa kupfurikidza nezita gurusa raMwari.”
Chii, ipapoka, chakaitika kuita kuti zita iroro rive chakavanzika? Zita iroro rinei chokuita nenguva yemberi yomumwe nomumwe wedu?
Zita Racho RakavaSei Chakavanzika?
Vamwe vanofunga kuti “Jehovha” muchiHebheru rinoreva kuti “Allah” (Mwari). Asi “Allah” rinowirirana naʼElo·himʹ wechiHebheru, shoko rinoreva zvizhinji rorukudzo reshoko rokuti ʼelohʹah (mwari). Kutenda mashura kwakamuka pakati pavaJudha uko kwakavadzivisa kududza zita roumwari, Jehovha. Naizvozvo, apo vakanga vachirava Magwaro Matsvene ndokuona zita rokuti Jehovha, yakava tsika yavo kuti ʼAdho·naiʹ, iro rinoreva kuti “Ishe.” Mune dzimwe nzvimbo, vakatochinja rugwaro rwapakuvamba rwechiHebheru kubva kuna “Jehovha” kuenda kuna ʼAdho·naiʹ.
Vatungamiriri vorudzidziso vechiKristudhomu vakatevera nzira imwe cheteyo. Vakatsiva zita rokuti Jehovha na“Mwari” (“Allah” muchiArab) uye “Ishe.” Ikoko kwakabetsera kukutanga kwedzidziso yenhema yoUtatu, iyo isina hwaro muMagwaro Matsvene. Nemhaka yaikoku, mamirioni nenzira yokukanganisa anonamata Jesu nomudzimu mutsvene uye anozvirangarira kuva zvakaenzana naMwari.a
Nokudaro, vatungamiriri vechiJudha nevechiKristudhomu vanogoverana mhaka yokusaziva kwakapararira pamusoro pezita gurusa. Asi Mwari akaporofita, kuti: “Zita rangu guru ndichariita dzvene, . . . zvino marudzi achaziva kuti ndini Jehovha.” Hungu, Jehovha achazivisa zita rake pakati pamarudzi ose. Neiko? Nemhaka yokuti iye haasati achingova zvake Mwari wavaJudha kana kuti vorumwe rudzi rupi norupi kana kuti vanhu. Jehovha ndiMwari worudzi rwose rwomunhu.—Ezekieri 36:23; Genesi 22:18; Pisarema 145:21; Maraki 1:11.
Zita Gurusa Nenguva Yedu Yemberi
Magwaro Matsvene anoti: “Nokuti ani naani unodana kuzita ra[Jehovha, NW], uchaponeswa.” (VaRoma 10:13) Ruponeso rwedu pazuva rorutongeso ruchava rune chokuita nokuziva kwedu zita raMwari. Kuziva zita rake kunobatanidza kuziva mavara ake, mabasa, uye madonzo nokurarama mutsinhirano nenheyo dzake dzakakwirira. Somuenzaniso, Abrahama aiziva zita raMwari uye aidana zita iroro. Somuuyo, akafarikanya ukama hwakanaka naMwari, akaratidza kutenda maari, akavimba naye, uye akamuteerera. Abrahama nokudaro akava shamwari yaMwari. Nenzira yakafanana, kuziva zita raMwari kunotiswededza pedyo naye uye kunotibetsera kukudziridza ukama hwomunhu oga naye, tichibatisisa rudo rwake.—Genesi 12:8; Pisarema 9:10; Zvirevo 18:10; Jakobho 2:23.
MuBhaibheri tinorava, kuti: “Jehovha akateerera, akanzwa, bhuku yokurangaridza ikanyorwa pamberi pake, nokuda kwavanotya Jehovha, vachirangarira zita rake.” (Maraki 3:16) Neiko tichifanira ‘kufunga pamusoro’ pezita gurusa? Zita rokuti Jehovha rinoreva chaizvoizvo kuti “Anosakisa Kuva.” Ikoku kunozivisa Jehovha soUyo anozvisakisa amene kuva Muzadziki wezvipikirwa. Nguva dzose anozadzika madonzo ake. NdiMwari wamasimba ose, Musiki bedzi, uyo ane vara riri rose rakaisvonaka. Hakuna shoko rimwe rinogona kurondedzera zvizere chimiro choumwari chaMwari. Asi Mwari akazvisarudzira amene zita gurusa—Jehovha—uye rinoyeuchidza nezvemavara ake ose, uye madonzo.
MuMagwaro Matsvene, Mwari anotiudza nezvemadonzo ake kurudzi rwomunhu. Jehovha Mwari akasika munhu kuti afarikanye upenyu husingaperi, hunofadza muParadhiso. Kuda kwake nokuda kworudzi rwomunhu ndekwokuti vanhu vose vanofanira kuumba mhuri imwe, yakabatana murudo norugare. Mwari worudo achazadzika iri donzo munguva yemberi iri pedyo.—Mateo 24:3-14, 32-42; 1 Johane 4:14-21.
Mwari anotsanangura zvikonzero zvokutambura kworudzi rwomunhu uye anoratidza kuti ruponeso runobvira. (Zvakazarurwa 21:4) PaPisarema 37:10, 11, tinorava, kuti: “Kwasara chinguva chiduku, wakaipa haachazovipo; zvirokwazvo, iwe uchacherekedza zvakanaka paaigara, asi haachazovipo. Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; ndivo vachafarikanya kwazvo norugare rukuru.”—Onawo Koran 21:105.
Hungu, Mwari achazivikanwa nezita rake guru. Marudzi achafanira kuziva kuti iye ndiJehovha. Iropafadzo inoshamisa zvakadini kuziva zita gurusa, kuripupurira, uye kunamatira kwariri! Nenzira iyoyo, donzo rinofadza raMwari richazadzikwa mune mumwe nomumwe wedu: “Zvaakandida, ndichamurwira; ndichamuisa pakakwirira, nokuti wakaziva zita rangu. Iye uchadana kwandiri, ndichamupindura; . . . Ndichamugutsa noupenyu hurefu, nokumuratidza ruponeso rwangu.”—Pisarema 91:14-16.
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwechibvumikiso chokuti Utatu hahusati huri dzidziso yeBhaibheri, ona bhurocha rinonzi Unofanira Kudavira Utatu Here? rakabudiswa muna 1989 neWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania.
[Mufananidzo uri papeji 5]
Pagwenzi raipfuta, Mwari akazvizivisa amene kuna Mosesi sa‘Jehovha, Mwari waAbrahama’
[Kwazvakatorwa]
Mosesi Negwenzi Raipfuta, wakaitwa naW. Thomas, Sr.