RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 11/1 pp. 24-25
  • Uya Ushanyire Gungwa reGarirea!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Uya Ushanyire Gungwa reGarirea!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Mashoko Akafanana
  • A7-D Upenyu hwaJesu Panyika—Ushumiri hwaJesu Hunobudirira muGarireya (Chikamu 2)
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Jesu Anonyaradza Dutu Mugungwa
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Genesareta—‘Inoshamisa Uye Yakaisvonaka’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Mapoka Akanzwa Sei Jesu?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 11/1 pp. 24-25

Zviono zvomuNyika Yakapikirwa

Uya Ushanyire Gungwa reGarirea!

NZVIMBO shomanene dzinoyeukwa nyore nyore zvikuru navaravi veBhaibheri kupfuura Gungwa reGarirea. Asi ungagona kutsinzinya maziso ako here ndokuisa muchiono iri gungwa rine mvura yakanaka, uchiwana nzvimbo huru, zvakadai saapo Rwizi rwaJoridhani runopinda uye runobuda kana kuti nzvimbo dzeKapernaume neTibheria?

Wana nguva yokufunda chiono chomudenga chiri pasi apa, uchienzanisa newedzero ine nhamba dzinowirirana nenhamba dziri munyaya. Ingani dzenzvimbo dzakaiswa nhamba dzaunogona kuziva? Kana uchiziva dzakawanda dzadzo, Bhaibheri rako richava rinofadza nechairoiro zvikuru ndokuva rine revo. Nedonzo iroro, uya nokuda kweshanyo pfupi, inorairidza.

Ichi chiono chomudenga chakatarira kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva. Ngatitangei ne #1. Iyoyi rutivii rwegungwa? Hungu, mugumo wokumaodzanyemba, uko Joridhani anobuda, achinanga zasi napakati peSamaria neGireadhi kundodira muGungwa Rakafa. Kuruboshwe une chiono chapedyo chouyu mugumo wegungwa, unoratidzwawo mu 1993 Karenda reZvapupu zvaJehovha.

Gungwa reGarirea riri pasi muRift Valley, anenge mamita 200 pasi peGungwa reMediterranean. Sezvaunonzvera chiono chomudenga, cherekedza makomo anokwira achibva kumhenderekedzo yaro yokumabvazuva (inenge #7). Zvikomo namakomo zvinokwirawo pamhenderekedzo yegungwa iri pedyo zvikuru, kana kuti yokumadokero, kuchisimbisa kuti iri gungwa riri pakadzikira, gungwa racho richiva naanenge makiromita 21 muurefu uye makiromita akawanda zvikurusa 12 muupamhi. Pakanga paine nzvimbo pamhenderekedzo dzegungwa dzemisha uye kunyange maguta, zvakadai seTibheria (#2). Yeuka kuti boka raiva mumagwa raibva kuTibheria rakayambuka gungwa richienda uko Jesu akanga adyisa nenzira yenenji vane 5 000.—Johane 6:1, 10, 17, 23.

Sezvaunofamba mumhenderekedzo yegungwa kuchamhembe kubva kuTibheria, unopfuura nharaunda yakaorera yeGenesareti (#3).a Munharaunda iyi Jesu akakurukura Mharidzo yapaGomo, uye sezvinobvira pamhenderekedzo yegungwa iri pedyo, akadana Petro navamwe vatatu kuti vave “varedzi vavanhu,” sezvinoratidzirwa pano. (Mateo 4:18-22) Uchipfuurira kufamba, unosvika paKapernaume (#4), iyo yakanga iri nzvimbo yapakati yemibato nokuda kwaJesu, kunyange kunongedzerwa kwairi se“guta rake.” (Mateo 4:13-17; 9:1, 9-11; Ruka 4:16, 23, 31, 38-41) Uchipfuurira wakananga kumabvazuva uchipoterera gungwa racho, unopfuura (#5) apo Joridhani wokumusoro anodira mugungwa (pasi). Ipapo unosvika kunharaunda yeBhetsaidha (#6).

Tinogona kushandisa kunyange idzi nzvimbo shomanene kuratidzira kuti zivo yako yeGungwa reGarirea inogona sei kukubetsera kutevera, uye kuisa muchiono, nhauro dzeBhaibheri. Pashure pokunge Jesu adyisa vane 5 000 munharaunda yeBhetsaidha uye boka rakaedza kumuita mambo, akatuma vaapostora neigwa vakananga kuKapernaume. Mukati morwendo rwavo rwomugungwa, dutu remhepo kamwe kamwe rakavhuvhuta richibva mumakomo ndokumutsa mafungu, achityisa vaapostora. Asi Jesu akauya kwavari achifamba pamusoro pegungwa, akanyaradza dutu, uye akavagonesa kusvika panyika zvakakotsekana pedyo neGenesareti. (Mateo 14:13-34) Avo vakabva Tibheria vakayambukazve kuenda Kapernaume.—Johane 6:15, 23, 24.

Uchipfuurira kupoterera rutivi rwokumabvazuva rwegungwa, unopfuura sezvingabvira yainongedzerwa kwairi se“nyika yavaGadhara [kana kuti, Gerasa].” Yeuka kuti muno Jesu akadzinga madhemoni muvarume vaviri. Midzimu iyoyo noutsinye yakapinda muboka guru renguruve, idzo dzakawira pamawere dzichipinda mugungwa. Mumwe wavarume vacho pashure paikoko akapa uchapupu mumaguta aiva pedyo avanhu vaitaura chiGiriki eDhekapori. Jesu akaita zvose zviri zviviri kusvika uye kubva muiyi nharaunda neigwa achiyambuka Gungwa reGarirea.—Mateo 8:28-9:1; Marko 5:1-21.

Sezvaunopedza shanyo yako kumugumo wakaderera wegungwa, unopfuura pedyo naapo rwizi rukuru (runonzi Yarmuk) runounza mvura yakati zasi kwoRwizi rwaJoridhani.

Bhaibheri haritauri nzvimbo yezvinoitika muGungwa reGarirea, zvakadai sokuoneka kwapashure porumuko kwaJesu apo Petro navamwe vaapostora vairedza (pasi). Unofunga here kuti pakanga pari pedyo neKapernaume? Muchinoitika chipi nechipi, zivo yako yeiri gungwa rinokosha inokubetsera kuisa muchiono bviro iyoyo.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona nyaya inoti “Genesareti—‘Inoshamisa uye Yakaisvonaka’” muNharireyomurindi yaJanuary 1, 1992.

[Mufananidzo uri papeji 24]

1

2

3

4

5

6

7

N

S

E

W

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 24]

Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 24]

Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 24, 25]

Garo Nalbandian

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 25]

Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe