RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 1/1 pp. 24-25
  • Genesareta—‘Inoshamisa Uye Yakaisvonaka’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Genesareta—‘Inoshamisa Uye Yakaisvonaka’
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Mashoko Akafanana
  • Uya Ushanyire Gungwa reGarirea!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Mararamiro Emunguva Dzinotaurwa muBhaibheri—Mubati Wehove
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Kubatira Savaredzi Vavanhu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Vadzidzi Vana Vachava Vabati Vevanhu
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 1/1 pp. 24-25

Zviono Zvomunyika Yakapikirwa

Genesareta—‘Inoshamisa Uye Yakaisvonaka’

“Murutivi meGungwa reGenesareta mune nyika ine zita rimwe chetero, inoshamisa mumativi ayo nomurunako rwayo. Nemhaka yevhu rakapfuma hamuna muti usingakuri zvakanaka imomo, uye vagari vemo vanokudza chinhu chiri chose: mhepo ine mwero kwazvo zvokuti inokodzera marudzi akasiana-siana zvikurusa. . . . Haisati bedzi ichibereka michero yakasiana-siana zvinoshamisa zvikurusa; inochengeta mugove unopfuurira. . . . Inodiridzwa netsime rine simba guru rinoberekesa.”

Wezvenhau Josephus akarondedzera kudaro mupata une mativi matatu uri pamucheto wokuchamhembe kwakadziva kumadokero werinowanzonzi Gungwa reGarirea. Mapikicha ari pamusoro apa angakupa pfungwa yokuti uyu mupata waibereka sei, mumwe weyakaorera zvikurusa muGarirea.a Iyi nharaunda yaikosha kwazvo munguva dzakare zvokuti munyori weEvhangeri Ruka akadana gungwa rine mvura yakanaka riri pedyo kuti “gungwa reGenesareta.”—Ruka 5:1.

Iye akashandisa kutaura ikoko pakurondedzera kuti Jesu akasvika kuiyi nharaunda ndokuwana varume vana avo vakava vaapostora. Ko ivo vakanga vari varimi here vairarama nevhu rakaorera, kurima mazambiringa, nzungu, maorivhi, kana kuti maonde? Aiwa. Zvirimwa zvakadaro zvakanga zvakawanda paMupata weGenesareta, asi ava varume vakanga vari varedzi, uye kuri nyore kunzwisisa chikonzero nei vakanga vari.

Sezvingabvira hova dzaiyerera nomumupata dzaiendesa kugungwa racho miti iyo yaigona kuva zvokudya zvehove. Naizvozvo mvura dzacho dzaizara nemhatsa yehove, kuchitungamirira kubasa guru rokuredza. Petro naAndrea vakanga vari varedzi vanotengesa imomo, sezvakanga zvakaita Jakobho naJohane, vanakomana vomuredzi Zebhedhi.—Mateo 4:18-22; Ruka 5:2-11.

Kazhinji kazhinji kuredza kwaiitwa kupfurikidza nokuparadzira utava vari mugwa. Izvozvo ndizvo izvo Petro naAndrea vakanga vachiita apo Jesu akasvika. Mambure marefu, kana kuti utava, hwaiparadzirwa kuva hafu yedenderedzwa. Zvitubu zvemiti zvaimisa mucheto wapamusoro, apo zvinorema zvaiva nechomuzasi zvaichengeta utava hwakakakatirwa pasi pegungwa. Zviverengero zvikuru zvehove zvaigona kubatwa muutava hwakadaro. Ipapo hwaikweverwa mugwa kana kuti kuzvuvirwa mumvura dzisina kudzama, kuti hubviswe hove pamhenderekedzo. Hove dzakanga dzakakodzera nokuda kwezvokudya dzaiparadzaniswa nedzisina kukodzera. Cherekedza ururami hwoudzame pana Ruka 5:4-7 naJohane 21:6-11. Unoyeuka here kuti Jesu akadudza uyu mutoo wokuredza mumuenzanisiro wake woutava? (Mateo 13:47, 48) Mukuwedzera, Mateo 4:21 inosimbisa kuti kazhinji kazhinji varedzi vaifanira kupedza nguva vachigadzira utava hwakabvaruka pamabwe kana kuti nehove.

Kana ukafamba muiyi mhenderekedzo yegungwa yeGenesareta, zvimwe ungaona nzvimbo dzakati dzinotaurwa kuva apo zvinoitika muushumiri hwaJesu zvakaitika. Imwe igomo regirini apo, mukuwirirana negamuchidzanwa, Jesu akakurukurira Mharidzo yake yapaGomo. Iyi nzvimbo hairwisani nenhauro dzeEvhangeri, nokuti Jesu akanga ari pedyo noMupata weGenesareta pakukurukura mharidzo iyoyo.—Mateo 5:1–7:29; Ruka 6:17–7:1.

Imwe nzvimbo inotaurwa kuva yechokwadi haiwirirani namaidi eBhaibheri. Uchawana chechi inonzi yakavakwa apo Jesu akadyisa vane 4 000 nezvingwa zvinomwe nehove shomanene. (Mateo 15:32-38; Marko 8:1-9) Panzvimbo pokuisa iyoyi paMupata weGenesareta, nhauro yaMarko inodudza “nharaunda dzeDhekapori,” uyo wakanga uri mhiri kwegungwa kure naanopfuura makiromita 11.—Marko 7:31.

Mateo naMarko vanotaura kuti pashure pokuita iri nenji, Jesu akafamba negwa achienda kuMagadhani, kana kuti Dharmanuta. (Mateo 15:39; Marko 8:10) Nyanzvi dzinobatanidza iyi nharaunda neMagdhara (Migdal), kumaodzanyemba kwoMupata weGenesareta, nechokuTibheria. Mukuwirirana neThe Macmillan Bible Atlas, Magdhara yakanga yaka“kurumbira nokuda kwebasa rayo rokugadzira hove.” Kuredza kukuru murutivi urwu rwegungwa zvamazvirokwazvo kwaigona kuita kuti basa rakadaro rive rinoshanda nerinobhadhara.

Nenzira inofadza, kusanaya kwemvura kwomuna 1985/86 kwakaderedza mwero wemvura muGungwa reGarirea, kuchiratidzira nzvimbo dzapasi pegungwa. Pedyo noMupata weGenesareta, varume vaviri vakawana zvisaririra zvegwa rakare. Vacheri vamatongo vakakwanisa kuwana iri igwa remiti rokuredzesa rinovambira munenge munguva apo Jesu akashanyira Gungwa noMupata weGenesareta.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona pikicha huru zvikuru ine mavara mu 1992 Karenda reZvapupu ZvaJehovha.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 24]

Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 24]

Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 25]

Garo Nalbandian

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 25]

Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe