Kubvumirei Chikanganiso?
YAKANGA iri imwe yerwisano dzechienzi zvikurusa munhau yehondo. Nhume isina zvombo yakadzorera varwi 400 vakaoma musoro vakatsunga kutsiva kunyomba. Pashure pokunzwa nheterero dzomukadzi mumwe chete akashinga, mutungamiriri wavarume ivavo akarega basa rake.
Mutungamiriri iyeyo akanga ari Dhavhidhi, uyo gare gare akava mambo waIsraeri. Akateerera mukadzi Abhigairi nemhaka yokuti aishuva kufadza Mwari. Apo iye nenzira yokungwarira pakutaura akamuratidza kuti kuita matsive pamurume wake, Nabhari, kwaizoguma nemhaka yeropa, Dhavhidhi akadanidzira, kuti: “Jehovha Mwari waIsraeri ngaakudzwe, iye wakakutuma nhasi kuzosongana neni; nokungwara kwako ngakukudzwe, newewo ukudzwe, nokuti wakandidzivirira nhasi kuti ndirege kuteura ropa, nokuzvitsiva noruoko rwangu.” Dhavhidhi akaonga kuti Mwari akashandisa Abhigairi kumudzivisa kuita chikanganiso chakakomba.—1 Samueri 25:9-35.
Mupisarema, Dhavhidhi akabvunza, kuti: “Zvikanganiso—ndianiko anogona kunzwisisa?” (Pisarema 19:12, NW) Kufanana naye, tingave tisingazivi zvikanganiso zvedu kutoti mumwe munhu akazvionesa kwatiri. Pane dzimwe nhambo miuyo isingafadzi inotimanikidzira kuziva kuti takakanganisa, tave tisina kuchenjera, kana kuti tisina mutsa.
Hazvisi Chisakiso Chokusava Netariro
Kunyange zvazvo tose zvedu tichiita zvikanganiso, izvozvi hazvifaniri kuva chisakiso chokusava netariro. Mumiriri weimwe nyika Edward John Phelps akati: “Munhu asingaiti zvikanganiso kazhinji kazhinji haaiti chinhu chipi nechipi.” Uye mudzidzi wechiKristu Jakobho akati: “Nokuti tinogumburwa tose pazvinhu zvizhinji.” (Jakobho 3:2) Mwana angadzidza kufamba pasina kumbogumburwa here? Aiwa, nokuti mwana anodzidza muzvikanganiso uye anoramba achiedza kusvikira dzikamo yawanikwa.
Kuti tirarame upenyu hwakadzikama, tinodawo kudzidza muzvikanganiso zvedu neizvo zvavamwe. Sezvo Bhaibheri richirondedzera zvinoitika zvavazhinji vane migariro ingaratidzira yedu timene, tinogona kubetserwa kudzivisa kuita zvikanganiso zvimwe chetezvo zvavakaita. Chii, ipapoka, chatinogona kudzidza muzvikanganiso zvavo?
Kuzvininipisa Ivara Rinokosha
Chimwe chidzidzo ndechokuti Mwari haashurikidzi vose vanoita zvikanganiso asi anotonga avo bedzi vanoramba kuzviruramisa kana kuchibvira. Mambo waIsraeri Sauro haana kuteerera mirairidzo yaJehovha pamusoro pokuurawa kwavaAmareki. Apo akananganwa naye nomuporofita Samueri, Sauro akatanga kuderedza zvinhu uye ipapo akaedza kupomera vamwe mhaka. Akanga achiitira hanya zvikuru pamusoro pokuzvidzwa pamberi pavanhu vake panzvimbo pokururamisa chisina kururama. Nokudaro, ‘Jehovha akamuramba samambo.’—1 Samueri 15:20-23, 30.
Kunyange zvazvo mutsivi waSauro, Dhavhidhi, akaita zvikanganiso zvakakomba, akakanganwirwa nemhaka yokuti akagamuchira zano nechirango nenzira yokuzvininipisa. Kuzvininipisa kwaDhavhidhi kwakamusunda kuteerera mashoko aAbhigairi. Mauto ake akanga akagadzirira kurwa. Bva, pamberi pamauto ake, Dhavhidhi akabvuma kuti akanga aita chisarudzo chokukurumidzira. Muupenyu hwake hwose, kuzvininipisa kwakadaro kwakabetsera Dhavhidhi kutsvaka kanganwiro ndokururamisa nhano dzake.
Kuzvininipisa kunosundawo vabatiri vaJehovha kururamisa tsinhiro dzisina mufungo. Mukati mokutonga pamberi peSanihedrini, muprista mukuru akaraira kuti Pauro ambamurwe. Muapostora akakurumidza kupindura, kuti: “Mwari achakurova iwe, rusvingo rwakacheneswa.” (Mabasa 23:3) Zvichida nemhaka yokusaona zvakanaka, Pauro haana kuziva kuti ndiani waakanga achitaura kwaari kutozosvikira vakanga vamirepo vabvunza, kuti: “Ko unotuka muprista mukuru waMwari here?” Pana ikoko, Pauro kamwe kamwe akabvuma chikanganiso chake, achiti: “Hama dzangu, ndakanga ndisingazivi kuti ndiye muprista mukuru; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: ‘Usataura zvakaipa pamusoro pomubati wavanhu vako.’” (Mabasa 23:4, 5; Eksodho 22:28) Hungu, Pauro akabvuma nenzira yokuzvininipisa chikanganiso chake.
Vakabvuma Zvikanganiso
Bhaibheri rinoratidzawo kuti vamwe vakachinja nzira yavo isina kururama yokufunga. Somuenzaniso, rangarira wezvamapisarema Asafi. Nemhaka yokuti vanhu vakaipa vairatidzika kuva vanogara zvakanaka, iye akati: “Zvirokwazvo ndakanatsa mwoyo wangu pasina.” Asi Asafi akafunga zvakanaka pashure pokuenda kuimba yaJehovha nokufungisisa pabetsero dzokunamata kwakachena. Uyezve, akabvuma chikanganiso chake muPisarema 73.
Jona akabvumirawo kufunga kusina kururama kudzikatidza murangariro wake. Pashure pokuparidzira muNinevhe, akanga achiitira hanya kuzvireverera kwomunhu oga panzvimbo pokuponeswa kwavagari veguta iroro. Jona haana kufadzwa apo Jehovha asina kuranga vaNinevhe pasinei hapo nokupfidza kwavo, asi Mwari akamururamisa. Jona akasvika pakuziva kuti murangariro wake wakanga usina kururama, nokuti bhuku reBhaibheri rine zita rake rinobvuma nenzira yokutendeseka zvikanganiso zvake.—Jona 3:10—4:11.
Achifungidzira nenzira yokukanganisa kuti Jehovha Mwari, kwete Satani Dhiabhorosi, akanga achiparira nhamo yake, munhu Jobho akaedza kubvumikisa kuti akanga asina kufanirwa nokutambura kwake. Akanga asingazivi nezvenhau huru zvikuru: Vabatiri vaMwari vaizoramba vakavimbika kwaari mumuedzo here? (Job 1:9-12) Pashure pokunge Erihu uye ipapo Jehovha vabetsera Jobho kuona chikanganiso chake, akabvuma, kuti: “Ndakataura zvandakanga ndisinganzwisisi . . . Saka ndinosema, nokuzvidemba muguruva namadota.”—Jobho 42:3, 6.
Kubvuma zvikanganiso kunotibetsera kuchengeta ukama hwakanaka naMwari. Sokuratidza kunoita mienzaniso ichangobva kududzwa, iye haasati achizotishurikidza nokuda kwezvikanganiso zvedu kana tikazvibvuma ndokuita zvatinogona kururamisa kufunga kusina kururama, mashoko asina mufungo, kana kuti zviito zvine ngozi. Tinogona sei kushandisa iyi zivo?
Kuita Chimwe Chinhu Pamusoro Pezvikanganiso Zvedu
Kubvuma nenzira yokuzvininipisa chikanganiso uye kuita chimwe chinhu pamusoro pacho kunogona kusimbisa zvisungo zvemhuri. Somuenzaniso, zvichida nemhaka yokuneta kana kuti chigumbu, mubereki angave ati ivei nehasha mukuranga mwana wake. Kuramba kururamisa ichi chikanganiso kunogona kuva nemiuyo yakashata. Nenzira inowirirana, muapostora Pauro akanyora, kuti: “Madzibaba, musatsamwisa vana venyu, asi pfuurirai kuvarera muchirango nokutungamirira ndangariro kwaJehovha.”—VaEfeso 6:4, NW.
Mumwe muKristu muduku anonzi Paul anoyeuka nenzira youshamwari, kuti: “Baba nguva dzose vaikumbira ruregerero kana vakarangarira kuti vakanga vanyanyisa kuita. Ikoko kwakandibetsera kuvaremekedza.” Kana kukumbira ruregerero kuri madikanwa mumugariro wakati ndichimwe chinhu chechisarudzo chomunhu oga. Kunyanguvezvo, kukumbira ruregerero kunofanira kuteverwa nenhamburiko dzapachokwadi dzokudzivisa zvikanganiso zvakafanana munguva yemberi.
Zvakadiniko kana murume kana kuti mudzimai akaita chikanganiso chinoparira nhamo? Kubvuma kwakananga, kukumbira ruregerero kwomwoyo wose, uye mudzimu wokukanganwira zvichabetsera kuchengeta ukama hwavo hworudo. (VaEfeso 5:33; VaKorose 3:13) Jesús, mumwe murume weSpain ane hasha ane makore ake ari muma 50, haadadi zvikuru zvokusagona kukumbira ruregerero kumudzimai wake, Albina. “Tine tsika yokukumbira ruregerero apo tinogumburana,” anodaro. “Ikoku kunotibetsera kushivirirana murudo.”
Apo Mukuru Anoita Chikanganiso
Kubvuma zvikanganiso uye kukumbira ruregerero kwapachokwadi zvichabetserawo vakuru vechiKristu kushanda pamwe chete mutsinhirano ndoku‘ratidzana rukudzo.’ (VaRoma 12:10) Mukuru angazengurira kubvuma chikanganiso nemhaka yokuti anotya kuti ikoku kuchaderedza chiremera chake muungano. Zvisinei, kuedza kururamisa, kufuratira, kana kuti kuderedza chikanganiso sezvingabvira zvikuru kuchaparira vamwe kurasikirwa nechivimbo mutarisiro yake. Hama yakakura mumudzimu iyo inokumbira ruregerero nenzira yokuzvininipisa, zvichida nokuda kwetsinhiro yakati isina mufungo, inowana ruremekedzo rwavamwe.
Fernando, mumwe mukuru muSpain, anoyeuka imwe nhambo apo mumwe mutariri wedunhu aitungamirira boka guru ravakuru akaita kutaura kusina kururama pamusoro penzira iyo musangano unofanira kuitiswa nayo. Apo imwe hama yakaruramisa nenzira yokuremekedza zvaakanga ataura, mutariri wedunhu kamwe kamwe akabvuma kuti akanga akanganisa. Fernando anoyeuka, kuti: “Apo ndakamuona achibvuma chikanganiso chake pamberi pavakuru ivavo vose, kwakandiorora zvikuru. Ndakamuremekedza zvikuru kwazvo pashure pokukumbira ruregerero ikoko. Muenzaniso wake wakandidzidzisa kuti kunokosha sei kuziva mhosho dzangu ndimene.”
Kurumidza Kubvuma Chikanganiso
Kukumbira ruregerero kazhinji kazhinji kunoongwa, zvikurukuru kana kukaitwa nokukurumidza. Kutaura idi, kana tikakurumidza zvikuru kubvuma chikanganiso kuchava kuri nani. Kuenzanisira: Pana October 31, 1992, Pope John Paul II akabvuma kuti Bvunzurudzo yakanga yaita “nokukanganisa” makore 360 akapfuura mukuranga Galileo nokuda kwokutaura kuti pasi harisati riri nzvimbo yapakati yechisiko chapose pose. Bva, kusundira mberi kukumbira ruregerero kwenguva refu yakadaro kunoderedza ukoshi hwako.
Zvimwe chetezvo ndezvechokwadi muukama hwomunhu oga. Kukumbira ruregerero kwokukurumidza kunogona kuporesa ronda rakaparirwa neshoko risina mutsa kana kuti chiito. Jesu akatikurudzira kusanonoka mukuita rugare, achiti: “Kana . . . uchiuya nechipo chako paartari, ukarangarira ipapo kuti hama yako ine mhosva newe, usiye chipo chako ipapo pamberi peartari, ugozouya woisa chipo chako.” (Mateo 5:23, 24) Kazhinji kazhinji, kudzorera ukama hune rugare kunongoda kubvuma kuti takabata zvinhu nenzira isina kururama uye kukumbira ruregerero. Kana tikamirira kwenguva refu zvikuru kuita ikoku, kunova kwakaoma zvikuru.
Fara Kubvuma Zvikanganiso
Sokuratidzira kunoita mienzaniso yaSauro naDhavhidhi, nzira yatinobata nayo zvikanganiso zvedu inogona kutapura upenyu hwedu. Sauro akadzivisa zano nenzira yechisimbwa, uye zvikanganiso zvake zvakawedzera, pakupedzisira zvichiguma norufu rwake mukusatendera kwaMwari. Pasinei hapo nezvikanganiso zvaDhavhidhi nezvivi, zvisinei, iye akagamuchira nenzira yokupfidza ruramiso ndokuramba akatendeka kuna Jehovha. (Enzanisa nePisarema 32:3-5.) Ichocho hachisati chiri chishuvo chedu here?
Tuso hurusa yokubvuma nokururamisa chikanganiso kana kuti kupfidza chivi kuziva kuti chakanganwirwa naMwari. “Wakakomborerwa . . . wakafukidzirwa zvivi zvake,” akadaro Dhavhidhi. “Wakakomborerwa munhu usingaverengerwi zvakaipa naJehovha.” (Pisarema 32:1, 2) Kuchenjera sei, ipapoka, kubvuma chikanganiso!
[Mufananidzo uri papeji 29]
Mwana angadzidza kufamba asingatongogumburwi here?