RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwyp nyaya 29
  • Ndingaita Sei Kana Pane Zvandakanganisa?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndingaita Sei Kana Pane Zvandakanganisa?
  • Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinhu zvitatu zvakanakira kubvuma kuti wakanganisa
  • Ungadzidzei kubva pane zvaunenge wakanganisa?
  • Ndingaita Sei Kana Ndakanganisa?
    Mhinduro 10 Dzemibvunzo Yevechiduku
  • Kubvumirei Chikanganiso?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Zvaungaita Kana Wakanganisa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
  • Unodzidza Kubva Pane Zvaunokanganisa Here?
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2022
Ona Zvimwe
Vechidiki Vanobvunza Kuti
ijwyp nyaya 29
Vana vaviri vari kutarisa hwindo remota ravapwanya vachitamba bhora

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Ndingaita Sei Kana Pane Zvandakanganisa?

  • Uri iwe waizoita sei?

  • Zvinhu zvitatu zvakanakira kubvuma kuti wakanganisa

  • Ungadzidzei kubva pane zvaunenge wakanganisa?

Uri iwe waizoita sei?

Verenga unzwe zvakaitika kuna Karina, uye wofungidzira zvichiitika kwauri. Dai uri iwe waizoita sei?

Karina: “Mumwe musi ndichienda kuchikoro, ndakabatwa nemapurisa ndichibva ndapiwa tiketi nokuti ndaimhanyisa motokari. Ndakagumbuka zvisingaiti! Ndakaudza mhamha, vachibva vanditi ndiudze baba zvinotova zvinhu zvandakanga ndisiri kutoda.”

Uri iwe waizoita sei?

  1. A: Waizonyarara nyaya yacho uchiti dai baba vakasazviziva.

  2. B: Waizoudza baba zvose zvanyatsoitika.

Unogona kupindwa nomuedzo wokuita zviri paA. Ungangoita izvi nokuti unenge uchiti mhamha vachangofunga kuti watoudza baba kare. Asi pane zvazvakanakira kubvuma kuti pane zvawakanganisa, kungava kuti wapiwa tiketi nemapurisa kana kuti pane zvimwewo zvaitika.

Zvinhu zvitatu zvakanakira kubvuma kuti wakanganisa

  1. 1. Nokuti ndizvo zvakanaka. Bhaibheri parinotaura zvinofanira kuitwa nevaKristu rinoti: “Tinoda kuva vakatendeseka muzvinhu zvose.”—VaHebheru 13:18.

    “Ndakashanda nesimba kuti ndive munhu akatendeseka uye kuti ndikurumidze kubvuma zvandinenge ndakanganisa kwete kuedza kuda kuvhara-vhara.”​—Alexis.

  2. 2. Nokuti vanhu vanowanzoda kukanganwira munhu anenge abvuma kuti akanganisa. Bhaibheri rinoti: “Munhu anofukidza kudarika kwake haazobudiriri, asi anoreurura nokuzvisiya achanzwirwa ngoni.”—Zvirevo 28:13.

    “Hazvisi nyore kuti ubvume kuti wakanganisa, asi kubvuma kunoita kuti vanhu vakuvimbe. Vanoona kuti wakatendeseka. Kubvuma kuti wakanganisa kunoita kuti nyaya isanyanya kuipa.”​—Richard.

  3. 3. Chikuru pazvose ndechokuti unofadza Jehovha Mwari. Bhaibheri rinoti: “Munhu anonyengedzera anosemesa Jehovha, asi Iye anoshamwaridzana nevakarurama.”—Zvirevo 3:32.

    “Pandakaita chikanganiso chakakura, ndakatanga kuona kuti ndinotofanira kubvuma mhosva yangu ndokumbira ruregerero. Jehovha haambofi akandikomborera kana ndichiita zvinopesana nezvaanoda.”​—Rachel.

Saka Karina akaita sei nenyaya yake? Akaedza kuvanzira baba vake nyaya yetiketi raakapiwa nemapurisa. Asi nyaya iyi yakazoputika pava paya. Karina anoti, “Papera gore baba pavakanga vachiongorora mapepa einsurance vakaona tiketi rokumhanyisa motokari riri muzita rangu. Zvinhu zvakandiipira, kunyange mhamha vakandigumbukira zvisingaiti nokuti ndakanga ndisina kuita zvavakandiudza!”

Chidzidzo chandakawana: Karina anoti: “Kuramba uchivanza zvaunenge wakanganisa kunoita kuti zvinhu zvitowedzera kuipa. Zvichazongobuda chete!”

Ungadzidzei kubva pane zvaunenge wakanganisa?

Hapana munhu asingakanganisi. (VaRoma 3:23; 1 Johani 1:8) Sezvataona, kukurumidza kubvuma kuti wakanganisa kunoratidza kuti unozvininipisa uye kuti wakura.

Chinotevera ndechokuti unofanira kudzidza kubva pazvikanganiso zvako. Chinosuwisa ndechokuti vamwe vechiduku havazivi kuti vanogona kuwana zvidzidzo kubva pane zvavanenge vakanganisa! Vanogona kuva nemafungiro akafanana neewechiduku anonzi Priscilla. Anoti: “Ndainyanya kunetseka kana pane zvandaiva ndakanganisa. Ndaizvitarisira pasi saka pandaikanganisa ndaizviona senge ndine mutoro wakakurisisa wandisingagoni kutakura. Izvi zvaindirwadza uye ndaipedzisira ndazviona sendisingabatsiri.”

Musikana ari kudhiraivha asi ari kumbozvitarisa nepagirazi romumota

Unombonzwawo seizvi dzimwe nguva here? Kana zvichiitika, yeuka izvi: Kuramba uchifunga zvawakakanganisa kare kwakafanana nokudhiraivha mota asi woramba wakatarisa girazi rinoratidza kwauri kubva. Kuramba uchifunga zvawakakanganisa kare kuchaita kuti uzvione seusingabatsiri uye kunoita kuti ushaye simba rokukunda matambudziko aunozosangana nawo mune ramangwana.

Wadii kuva nemaonero ari pakati nepakati?

“Paunofunga zvawakakanganisa kare, ona kuti chidzidzo chipi chaungawana woedza kusadzokorora chikanganiso chacho. Asi usanyanya kuisa pfungwa dzako pazvikanganiso izvozvo zvokuti unozotadza kuenderera mberi noupenyu.”​—Elliot.

“Ndinoedza kuona zvikanganiso zvangu sezvidzidzo muupenyu, zvichandibatsira kuti nguva inotevera ndikasangana nedambudziko rakaita sairoro ndisazvidzokorora. Kuva nemafungiro iwayo kunobatsira kuti ukure.”​—Vera.

ZVINOTAURWA NEVEZERA RAKO

Connor

“Vamwe vanhu vanonyanya kunetseka pavanofunga zvavakakanganisa asiwo vamwe havana basa nazvo. Zvakanaka kuti usarerekera divi rimwe chete, bvuma kuti wakakanganisa uye dzidza kubva pakukanganisa kwacho woedza kusazvidzokorora.”​—Connor.

Dami

“Vanomhanya pavanodonha, vanosendeka padivi kudada vobva vasimuka. Ndozvaunofanira kuita kana une zvawakanganisa. Ukadzidza kubva pane zvawakanganisa woedza kusazvidzokorora uchava munhu anoyemurika.”​—Dami.

Zipporah

“Kufunga zvawakakanganisa hakuna kuipa kana ukazviita nenzira yakanaka. Ona kuti chii chawakadzidza kubva pakukanganisa kwawakaita uye edza kusazvidzokorora. Asi usaramba uchizvitongesa pane zvawakaita. Bvuma kuti wakakanganisa woenderera mberi noupenyu.”​—Zipporah.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe