RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 12/1 pp. 19-25
  • Vanofara Vanozvininipisa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vanofara Vanozvininipisa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kutenda muna Jehovha Kunotibetsera Kuva Vanozvininipisa
  • Kuzvininipisa—Nzira Youchenjeri
  • Kuzvininipisa Kunoparira Ukama Hwakanaka Navamwe
  • Rudo Ruchatibetsera Kuva Vanozvininipisa
  • Ratidza Kuzvininipisa Kwechokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Ungaratidza Sei Kuzvininipisa Kwechokwadi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Jehovha Anozivisa Kukudzwa Kwake Kune Vanozvininipisa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Jehovha Anokoshesa Vashumiri Vake Vanozvininipisa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 12/1 pp. 19-25

Vanofara Vanozvininipisa

“Mwari unodzivisa vanozvikudza, asi unopa nyashavanozvininipisa.”—1 PETRO 5:5.

1, 2. Jesu muMharidzo yake yapaGomo akabatanidza sei nhau yokuva anofara neiyo yokuva anozvininipisa?

KUVA anofara naanozvininipisa zvakabatana here? Mumharidzo yake yakakurumbira zvikurusa, Jesu Kristu, munhu mukurusa ati amborarama, anorondedzera mifarwa mipfumbamwe, kana kuti mifaro. (Mateo 5:1-12) Jesu akabatanidza kuva anofara nokuzvininipisa here? Hungu, akadaro, nokuti kuva anozvininipisa kunobatanidzwa muchiverengero chakati chemifarwa iyo akadudza. Somuenzaniso, munhu anofanira kuva anozvininipisa kuti azive chinodikanwa chake chomudzimu. Vanozvininipisa bedzi ndivo vane nzara nenyota yokururama. Uye vanodada havasati vari vanyoro uye havana tsitsi, uyewo havasati vari vawadzanisi.

2 Vanozvininipisa vanofara nemhaka yokuti kwakarurama uye kutendeseka kuva anozvininipisa. Uyezve, vanozvininipisa vanofara nemhaka yokuti kuchenjera kuva anozvininipisa; kunoparira ukama hwakanaka naJehovha Mwari namaKristu biyedu. Kupfuurirazve, vanhu vanozvininipisa vanofara nemhaka yokuti kuratidzirwa kworudo kwavari kuva vanozvininipisa.

3. Nei kutendeseka kuchitigombedzera kuva vanozvininipisa?

3 Neiko kutendeseka kuchida kuti tive vanozvininipisa? Kutanga, nemhaka yokuti tose zvedu tinogara nhaka kusakwana uye tinoramba tichikanganisa. Muapostora Pauro akati nezvake amene: “Ndinoziva kuti mukati mangu, imo munyama yangu, hamugari chinhu chakanaka; nokuti kuda kuripo kwandiri, asi kuita zvakanaka hakupo.” (VaRoma 7:18) Hungu, tose zvedu takatadza uye takakundikana kuwana mbiri yaMwari. (VaRoma 3:23) Uchokwadi huchatidzivisa kuva vanodada. Kubvuma chikanganiso kunoda kuzvininipisa, uye kutendeseka kuchatibetsera kugamuchira kushorwa panguva ipi neipi tinoita chikanganiso. Sezvo tichiramba tichikundikana pane zvatinovavarira kuita, tine chikonzero chakanaka chokuva vanozvininipisa.

4. Chikonzeroi chakasimba chinopiwa pana 1 VaKorinte 4:7 chokuva kwedu vanozvininipisa?

4 Muapostora Pauro anotipa chimwe chikonzero nei kutendeseka kuchifanira kutiita vanozvininipisa. Anoti: “Ndianiko wakatsaura iwe? Chinyiko chaunacho chausina kupiwa? Zvino kana wakapiwa, unozvikudzireiko sousina kupiwa?” (1 VaKorinte 4:7) Hapana panikiro pamusoro pako, kuti isu tizvipe mbiri timene, tive vanodada nezvinhu zvedu, mano, kana kuti zvinowanwa, hakusati kwaizova kutendeseka. Kutendeseka kunogovera kukuva kwedu nehana yakanaka pamberi paMwari, zvokuti tinga“zvibata timene nenzira yokutendeseka muzvinhu zvose.”—VaHebheru 13:18, NW.

5. Kutendeseka kuchatibetserawo sei apo tinenge takanganisa?

5 Kutendeseka kunotibetsera kuva vanozvininipisa apo tinoita chikanganiso. Kuchatiita vanodisa zvikuru kugamuchira kushorwa, panzvimbo pokuedza kuzviruramisa timene kana kuti kuisa kushora pane mumwe munhuwo zvake. Nokudaro, nepo Adhama akashora Evha, Dhavhidhi haana kushora Bhati-shebha, achiti, ‘Akanga asingafaniri kuzvishambidza amene achioneka. Ndaisagona kudzivisa kuedzwa.’ (Genesi 3:12; 2 Samueri 11:2-4) Chaizvoizvo, kungataurwa kuti kuno rumwe rutivi, kuva vakatendeseka kunotibetsera kuva vanozvininipisa; pano rumwe rutivi, kuva vanozvininipisa kunotibetsera kuva vakatendeseka.

Kutenda muna Jehovha Kunotibetsera Kuva Vanozvininipisa

6, 7. Kutenda muna Mwari kunotibatsira sei kuva vanozvininipisa?

6 Kutenda muna Jehovha kuchatibetserawo kuva vanozvininipisa. Kunzwisisa kuti Musiki mukuru, Changamire weChisiko Chose akadii, zvirokwazvo kuchatidzivisa kuzvirangarira timene nenzira yakakomba zvikuru. Muporofita Isaya anotiyeuchidza zvakanaka sei nezvaikoku! Pana Isaya 40:15, 22, tinorava, kuti: “Tarirai, marudzi avanhu akaita sedonhwe remvura muchirongo, anenge guruva shomanene pachiyero. . . . Ndiye ugere kumusoro kwenyika yakaurungana, vanhu vagerepo vakaita semhashu.”

7 Kutenda muna Jehovha kuchatibetserawo apo tinorangarira kuti takatambura kusaruramisira. Panzvimbo pokunetseka pamusoro penhau yacho, tichamirira Jehovha nokuzvininipisa, seizvo wezvamapisarema anotiyeuchidza paPisarema 37:1-3, 8, 9. Muapostora Pauro anosimbisa pfundo rimwe chetero, achiti: “Musatsiva, vadikanwa, asi mudziurire kutsamwa; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: ‘Kutsiva ndokwangu, ini ndicharipira,’ ndizvo zvinoreva [Jehovha, NW].”—VaRoma 12:19.

Kuzvininipisa—Nzira Youchenjeri

8. Nei kuzvininipisa kuchiparira ukama hwakanaka naJehovha?

8 Pane zvikonzero zvakawanda nei kuzvininipisa iri nzira youchenjeri. Chimwe ndechokuti, sezvatoratidzirwa, kunoparira ukama hwakanaka noMuiti wedu. Shoko raMwari rinotaura zvakajeka pana Zvirevo 16:5, kuti: “Mumwe nomumwe, uno mwoyo unozvikudza, unonyangadza Jehovha.” Tinoravawo pana Zvirevo 16:18, kuti: “Kuzvikudza kunotangira kuparadzwa; uye mweya wamanyawi unotangira kuwa.” Pakupedzisira anodada achatambudzika. Chaizvoizvo kunofanira kuva kwakadaro nemhaka yezvatinorava pana 1 Petro 5:5, kuti: “Mose pfekai kuzvininipisa mumwe kuno mumwe, nokuti Mwari unodzivisa vanozvikudza, asi unopa nyasha vanozvininipisa.” Uchawana pfundo rimwe chetero mumuenzanisiro uyo Jesu akapa womuFarise nomuteresi avo mumwe nomumwe vakanga vachinyengetera. Akanga ari muteresi anozvininipisa akabvumikiswa kuva akarurama zvikuru.—Ruka 18:9-14.

9. Kuzvininipisa ibetseroi munguva dzenhamo?

9 Kuzvininipisa inzira youchenjeri nemhaka yokuti kuzvininipisa kunokuita kuve nyore zvikuru kuti titeerere zano rinowanwa pana Jakobho 4:7, rinoti: “Muzviise pasi paMwari.” Kana tichizvininipisa, hatisati tichizopanduka apo Jehovha anotibvumidza kuti titambure nhamo. Kuzvininipisa kuchatigonesa kuva vanogutsikana nemigariro yedu uye kutsungirira. Munhu anodada haagutsikani, nguva dzose anoda zvakawanda, uye anopandukira migariro inotambudza. Pano rumwe rutivi, munhu anozvininipisa anotsungirira nhamo nemiedzo, kunyange seizvo Jobho akaita. Jobho akatambura kurasikirwa nezvinhu zvake zvose uye akarohwa nechirwere chinorwadza, uye ipapo mudzimai wake akatomupa zano rokuti atore nzira yokudada, achiti: “Shora Mwari, ufe hako.” Akapindura sei? Chinyorwa cheBhaibheri chinotiudza, kuti: “Iye wakati kwaari: ‘Iwe unotaura sezvinotaura mumwe wavakadzi mapenzi. Tingagamuchira zvakanaka bedzi paruoko rwaMwari, tikasagamuchira zvakaipawo here?’ Pazvinhu izvi zvose Jobho haana kutadza nomuromo wake.” (Jobho 2:9, 10) Nemhaka yokuti Jobho aizvininipisa, haana kupanduka asi nenzira yokuchenjera akabvuma chipi kana chipi Jehovha akabvumira kuuya paari. Uye pakupedzisira akagamuchira tuso huru.—Jobho 42:10-16; Jakobho 5:11.

Kuzvininipisa Kunoparira Ukama Hwakanaka Navamwe

10. Kuzvininipisa kunovandudza sei ukama hwedu namaKristu biyedu?

10 Kuzvininipisa inzira youchenjeri nemhaka yokuti kunoparira ukama hwakanaka namaKristu biyedu. Muapostora Pauro anosanotipa zano, kuti: “Mus[aita] chinhu nenharo, kana nokuzvikudza, asi mumwe nomumwe ngaati nomwoyo unozvininipisa, vamwe vanomupfuura iye pakunaka; mumwe nomumwe ngaarege kutarira zvake, asi ngaatarire zvavamwewo.” (VaFiripi 2:3, 4) Kuzvininipisa kuchatidzivisa nokuchenjera kuita mapitse navamwe kana kuti kuedza kukunda vamwe. Zvimiro zvendangariro zvakadaro zvinotiitira zvinetso uye maKristu biyedu.

11. Nei kuzvininipisa kuchigona kutibetsera kudzivisa kuita zvikanganiso?

11 Nguva nenguva kuzvininipisa kuchatibetsera kudzivisa kuita zvikanganiso. Kunodaro sei? Nemhaka yokuti kuzvininipisa kuchatidzivisa kunyanyova vanozvivimba. Panzvimbo pezvo, tichanzwisisa zano raPauro riri pana 1 VaKorinte 10:12, rinoti: “Unoti ndinomira, ngaachenjere kuti arege kuwa.” Munhu anodada anonyanyozvivimba, naizvozvo haatani kukanganisa nemhaka yepesvedzero dzokunze kana kuti utera hwake amene.

12. Kuzvininipisa kuchatisunda kusvitsa musengwai wapaMagwaro?

12 Kuzvininipisa kuchatibetsera kusvitsa chinodikanwa chokuva vanozviisa pasi. Pana VaEfeso 5:21, tinopiwa zano, kuti: “Muchizviisa mumwe pasi pomumwe, muchitya Kristu.” Chaizvoizvo, isu tose hatifaniri kuva vanozviisa pasi here? Vana vanofanira kuzviisa pasi pavabereki vavo, vadzimai pavarume vavo, uye varume paKristu. (1 VaKorinte 11:3; VaEfeso 5:22; 6:1) Ipapo, muungano ipi neipi yechiKristu, vose, kubatanidza vabatiri vanoshumira, vanofanira kuratidza kuzviisa pasi pavakuru. Hakusatiwo kuri kwechokwadi here kuti vakuru vari pasi peboka romuranda akatendeka, zvikurukuru sezvaanomirirwa nomutariri wedunhu? Ipapo zvakare, mutariri wedunhu anofanira kuzviisa pasi pomutariri woruwa, uye mutariri weruwa peDare reBazu renyika maari kubatira. Zvakadiniko nemitezo yeDare reBazu? Inofanira ku“zviisa mumwe pasi pomumwe” uyewo poMutumbi Unodzora unomirira boka romuranda akatendeka naakachenjera, irowo rinozvidavirira kuna Jesu, Mambo akagadzwa pachigaro choumambo. (Mateo 24:45-47) Somumutumbi upi noupi wavakuru, mitezo yoMutumbi Unodzora inofanira kuremekedza mirangariro yavamwe. Somuenzaniso, mumwe angafunga kuti ane pfungwa yakaisvonaka. Asi kutoti chiverengero chakakwana chemimwe mitezo chikabvumirana nechikarakadzo chake, anotofanira zvake kurega nhau yacho. Zvirokwazvo, tose zvedu tinoda kuzvininipisa, nokuti tose zvedu tiri pasi.

13, 14. (a) Kuzvininipisa kuchatibetsera mumugariroi chaiwo? (b) Muenzanisoi uyo Petro akagadza pamusoro pokugamuchira zano?

13 Zvikurukuru kuzvininipisa kunoonekwa kuva nzira youchenjeri mukuti kuzvininipisa kunokuita nyore zvikuru kuti tigamuchire zano nechirango. Mumwe nomumwe wedu anoda chirango padzimwe nguva, uye tinoita zvakanaka kuteerera zano riri pana Zvirevo 19:20, rinoti: “Teerera kana uchirairirwa, unzwe kana uchidzidziswa, kuti pashure ugova wakachenjera.” Sezvasanotaurwa, kuzvininipisa kunobvisa kurwadza kwetsiuro kana kuti chirango. Mukuwedzera, muapostora Pauro, pana VaHebheru 12:4-11, anotipa zano pamusoro pouchenjeri hwokubvuma chirango nokuzvininipisa. Neiyi nzira bedzi tingakarira kutungamirira nzira yedu yomunguva yemberi nokuchenjera uyewo kuwana mubairo woupenyu husingaperi. Ikoko kuchava muuyo unofadza zvakadini!

14 Muna ikoku tinganongedzera kumuenzaniso womuapostora Petro. Akagamuchira zano rakakomba kuno muapostora Pauro, sezvatinodzidza munhau iri pana VaGaratia 2:14, inoti: “Ndakati ndichiona kuti havafambi zvakarurama nezvokwadi yeevhangeri, ndakati kuna Kefasi [Petro] pamberi pavose: ‘Kana iwe, uri muJudha, uchifamba savahedheni, usingaiti savaJudha, unoreverera seiko vahedheni, kuti vafambe savaJudha?’” Muapostora Petro akanzwa agumburwa here? Kwete zvisingaperi, kana akatongodaro, sezvinogona kuonekwa munongedzero yake yapashure kuna “Pauro, hama yedu inodikanwa” pana 2 Petro 3:15, 16.

15. Chii chiri batano pakati pokuva kwedu vanozvininipisa nokuva kwedu vanofara?

15 Panewo nhau yokuzvigutsa, kugutswa. Hatimbogoni kufara kutoti tichigutswa nomugariro wedu, ropafadzo dzedu, zvikomborero zvedu. MuKristu anozvininipisa anotora chimiro chendangariro, chokuti: “Kana Mwari akachibvumidza, ndinogona kuchigamuchira,” kuri chaizvoizvo uko muapostora Pauro anotaura, sezvatinorava pana 1 VaKorinte 10:13, kuti: “Hakuno muidzo wakakubatai imi, asi wavanhu vose; asi Mwari, wakatendeka, haangatenderi kuti muidzwe kupfuura pamunogona napo; asi pamwe chete nomuidzo, iye uchakupaiwo nzira yokubuda nayo, muve nesimba rokutsunga.” Naizvozvo tinoona zvakare kuti kuzvininipisa inzira youchenjeri sei, nokuti kunotibetsera kuva vanofara pasinei zvapo noungava mugariro wedu.

Rudo Ruchatibetsera Kuva Vanozvininipisa

16, 17. (a) Muenzanisoi wapaMagwaro unosimbisa vara gurusa mukutibetsera kuva vanozvininipisa? (b) Muenzanisoi wenyika unoratidzira iri pfundo?

16 Kupfuura chimwe chinhu chipi nechipi, rudo rusina udyire, a·gaʹpe, ruchatibetsera kuva vanozvininipisa. Neiko Jesu akakwanisa kutsungirira nokuzvininipisa kwazvo chinoitika chake chedanda rake rokutambudzira icho Pauro anorondedzera kuvaFiripi? (VaFiripi 2:5-8) Neiko asina kurangarira kuva akaenzana naMwari? Nemhaka yokuti, seizvo iye amene akataura, kuti: “Ndinoda Baba.” (Johane 14:31) Ndicho chikonzero nei iye panguva dzose akanangidzira mbiri norukudzo kuna Jehovha, Baba vake vokudenga. Nokudaro, pane imwe nhambo akasimbisa kuti Baba vake bedzi vokudenga vakanga vakanaka.—Ruka 18:18, 19.

17 Chinoenzanisira iri pfundo ndichinoitika muupenyu hwomumwe wavadetembedzi veAmerica vapakuvamba, John Greenleaf Whittier. Uyu murume akanga ane mudiwa apo akanga ari muduku, uye pane imwe nguva pamapitse ekuperetera, akapereta shoko zvakarurama, nepo iye akaripereta zvakaipa. Haana kufara kwazvo pamusoro pako. Nemhaka yeiko? Seizvo mudetembedzi akayeuka, iye akati: “Ndino urombo kuti ndapereta shoko iroro. Ndinovenga kukukunda . . . nemhaka yokuti unoona, ndinokuda.” Hungu, kana tichida mumwe munhu, tichada kuti iyeyo ave pamusoro pedu, kwete pasi, nemhaka yokuti rudo runozvininipisa.

18. Kuzvininipisa kuchatibetsera kuteerera zanoi rapaMagwaro?

18 Ichi chidzidzo chakanaka nokuda kwamaKristu ose, zvikurukuru hama. Apo kunouya kuropafadzo chaiyo yebasa, tichafara kuti hama yedu yakaigamuchira panzvimbo pedu, kana kuti tichanzwa kagodo neshanje here? Kana tichida hama yedu zvirokwazvo, tichafara kuti yawana mugove iwoyo chaiwo kana kuti zivikanwo kana kuti ropafadzo yebasa. Hungu, kuzvininipisa kuchakuita kuve nyore kuteerera zano, rokuti: “Pakukudzana tungamiriranai.” (VaRoma 12:10) Imwe shanduro inorava, kuti: “Kudzanai kupfuura imi mumene.” (New International Version) Ipapo zvakare, tinopiwa zano nomuapostora Pauro, kuti: “Batiranai norudo.” (VaGaratia 5:13) Hungu, kana tine rudo, tichafara kushandira hama dzedu, kudzibatira, tichiisa fariro dzadzo negarikano pamberi pedzedu timene, uko kunoda kuzvininipisa. Kuzvininipisa kuchatidzivisawo kuganza nokudaro ndokudzivisa kumutsa muna vamwe mudzimu wegodo kana kuti shanje. Pauro akanyora kuti rudo “haruna manyawi, haruzvikudzi.” Zvokona nei? Nemhaka yokuti vavariro iri seri kwokuganza nokuzvitutumadza ine udyire, ine kuzvitutumadza, nepo rudo kusava noudyire chaikoiko.—1 VaKorinte 13:4.

19. Mienzanisoi yeBhaibheri inoratidzira kuti kuzvininipisa norudo zvakabatana, sezvinoita rudado noudyire?

19 Ukama hwaDhavhidhi naMambo Sauro nomwanakomana wake Jonatani muenzaniso unoshamisa wokuti rudo nokuzvininipisa zvakasanobatana sei uye kuti rudado noudyire nenzira yakafanana zvakasanobatana sei. Nemhaka yokubudirira kwaDhavhidhi muhondo, vakadzi vaIsraeri vakaimba, kuti: “Sauro wakauraya zviuru zvamazana ake, asi Dhavhidhi makumi ezviuru zvamazana ake.” (1 Samueri 18:7) Asati achitongova anozvininipisa asi, panzvimbo pezvo, achikundwa norudado, Sauro kubva ipapo zvichienda mberi akachengetera Dhavhidhi ruvengo rwokuuraya. Ikoku kwakanga kwakasiana sei nomudzimu womwanakomana wake Jonatani! Tinorava kuti Jonatani akada Dhavhidhi somweya wake amene. (1 Samueri 18:1) Naizvozvo Jonatani akaita sei apo, munhevedzano yezvinoitika, kwakanga kuri pachena kuti Jehovha akanga achikomborera Dhavhidhi uye kuti iye, kwete Jonatani, aizotsiva Sauro samambo waIsraeri? Jonatani akanzwa godo kana kuti shanje here? Nyangwe napaduku pose zvapo! Nemhaka yorudo rwake rukuru nokuda kwaDhavhidhi, aigona kuti, sezvatinorava pana 1 Samueri 23:17: “Usatya, nokuti ruoko rwababa vangu Sauro harungakuwani; uchava mambo waIsraeri, neni ndichava muduku kwauri; nababa vangu Sauro vanozviziva.” Rudo rukuru rwaJonatani nokuda kwaDhavhidhi rwakamuparira kugamuchira nokuzvininipisa uko ainzwisisa kuva kuda kwaMwari pamusoro pokuti ndiani aifanira kutsiva baba vake samambo waIsraeri.

20. Jesu akaratidza sei ukama hwapedyo pakati porudo nokuzvininipisa?

20 Chinosimbisazve ukama pakati porudo nokuzvininipisa ndiicho chakaitika pausiku hwokupedzisira uhwo Jesu Kristu akanga ane vaapostora vake asati afa. Pana Johane 13:1, tinorava kuti Jesu, “zvaakanga aida vanhu vake vaiva munyika, wakavada kusvikira pakuguma.” Pashure paikoko, tinorava kuti, Jesu akageza tsoka dzavaapostora vake, achiita somuranda akaderera. Chidzidzo chakasimba zvakadini mukuzvininipisa!—Johane 13:1-11.

21. Mukupeta, nei tichifanira kuva vanozvininipisa?

21 Zvirokwazvo, pane zvikonzero zvakawanda zvokuva vanozvininipisa. Ndicho chinhu chakarurama, chokutendeseka, kuva anozvininipisa. Inzira yokutenda. Inoparira ukama hwakanaka naJehovha Mwari uye navatendi biyedu. Inzira youchenjeri. Kupfuura zvose, inzira yorudo uye inounza mufarwa wechokwadi.

Waizopindura Sei?

◻ Kutendeseka ibetsero mukuva anozvininipisa munzirai?

◻ Nei kutenda muna Jehovha kuchigona kutibetsera kuva vanozvininipisa?

◻ Chii chinoratidza kuti kuva anozvininipisa inzira youchenjeri?

◻ Nei rudo ruchibetsera zvikuru kukuva kwedu vanozvininipisa?

[Mufananidzo uri papeji 21]

Jobho nokuzvininipisa akazviisa amene pasi paJehovha. Haana ku“shora Mwari, [a]fe hak[e]”

[Mufananidzo uri papeji 23]

Petro nokuzvininipisa akazviisa pasi apo Pauro akamupa zano pachena

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe