RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 2/1 pp. 6-7
  • Ungaratidza Sei Kuzvininipisa Kwechokwadi?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ungaratidza Sei Kuzvininipisa Kwechokwadi?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Muenzaniso waKristu Wokuzvininipisa
  • Zvinoita Munhu Anozvininipisa
  • Kuzvininipisa Kune Rudo Uye Kunokanganwira
  • Ratidza Kuzvininipisa Kwechokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Vanofara Vanozvininipisa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Kupfekerei Kuzvininipisa?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • “Pfekai . . . Pfungwa Dzinozvininipisa”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 2/1 pp. 6-7

Ungaratidza Sei Kuzvininipisa Kwechokwadi?

KUZVININIPISA kwechokwadi kunokosha zvikuru mumeso aMwari. Jakobho akanyora kuti: “Mwari unodzivisa vanozvikudza, asi unopa nyasha vanozvininipisa.” (Jakobho 4:6) Pano Jakobho aigona kuva aitaura nezvepfungwa dzinoverengeka dzakataurwa muMagwaro echiHebheru. “Jehovha uri kumusoro, kunyange zvakadaro une hanya nounozvininipisa; asi une manyawi Jehovha unomuziva ari kure.” “Kuzvikudza kwavanhu kuchaderedzwa, namanyawi avanhu achaninipiswa, Jehovha oga uchakudzwa nezuva iro.” “Kana vari vadadi, [Mwari] unovadadira, asi vanozvininipisa unovaitira nyasha.”—Pisarema 138:6; Isaya 2:11; Zvirevo 3:34.

Muapostora Petro akakurudzirawo kuzvininipisa. Akanyora kuti: “Mose pfekai kuzvininipisa mumwe kune mumwe, nokuti Mwari unodzivisa vanozvikudza, asi unopa nyasha vanozvininipisa.”—1 Petro 5:5.

Muenzaniso waKristu Wokuzvininipisa

Ungabvunza kuti, Kuzvininipisa kwakanakirei kana kuti kunobetserei? Kumunhu ari kuedza kuva muKristu wechokwadi mhinduro yacho inokosha—kuzvininipisa kuva saKristu. Jesu akaratidza kuzvininipisa kwake nokubvuma basa rakasiyana namamwe rokuuya pasi pano kubva kunzvimbo yokudenga ndokuva munhu akaderera, ari pasi pengirozi. (VaHebheru 2:7) Kunyange zvake aiva Mwanakomana waMwari, akatsungirira kunyadziswa kwakatutirwa paari navavengi vake vezvitendero. Akaramba akaterama paaiedzwa, kunyange zvake aikwanisa kudana mauto engirozi kuti amuyamure.—Mateo 26:53.

Pakupedzisira, Jesu akaremberera zvinonyadzisa padanda rokutambudzikira, asi akaramba akatendeka kuna Baba vake. Ndokusaka Pauro aigona kunyora nezvake kuti: “Ivai nomwoyo uyo, wakanga uri muna Kristu Jesuwo; iye, kunyange akanga akafanana naMwari, haana kuti kuenzana naMwari ndichinhu chinofanira kubatisiswa; asi wakazvidurura iye, akazviita muranda, akafanana navanhu; akati awanikwa nomufananidzo womunhu, akazvininipisa, akateerera kusvikira parufu, irwo rufu rwomuchinjikwa.”—VaFiripi 2:5-8.

Saka tingaratidzira sei kuzvininipisa kwechokwadi? Chaizvoizvo, tingazvininipisa sei panzvimbo pokudada?

Zvinoita Munhu Anozvininipisa

Ngatifungei nezvekuzvininipisa pakushanda, kungava kubasa kana kuti mubasa rechiKristu. Kuti basa riitwe richibudirira, pangafanira kuva navatariri, mamaneja, uye masupavhaiza. Pane munhu anofanira kuita zvisarudzo. Unoita sei? Unofunga here kuti, “Anozviita ani kuti andiudze zvokuita? Ndashanda basa rino makore akawanda kupfuura aashanda iye.” Hungu, kana uchidada, uchatadza kuzviisa pasi. Asiwo, munhu anozvininipisa anoedza ku“[saita] chinhu nokukakavara kana kuzvikudza, asi nepfungwa dzinozvidukupisa [ano]funga kuti vamwe vakuru.”—VaFiripi 2:3, NW.

Unoita sei kana zano rikabva kumunhu muduku kana kuti kumunhukadzi? Kana uchizvininipisa, uchafungawo nezvacho. Kana uchidada, uchasemburwa nacho kana kuti uchachiramba pakarepo. Ungasva warumbidzwa nokubatwa kumeso zvinokuita kuti uparare here kana kuti ungada zano rinokuvaka?—Zvirevo 27:9; 29:5.

Ungatarisana nechinetso chenhamo here? Kuzvininipisa kuchakuita kuti ugone kutarisana nezvinhu zvakaoma uye kuti utsungirire, kunyange sezvakaita Jobho. Kana uchidada, uchaona sounonetswa uye ungagumbukira zvinhu zvakaoma nezvingaita sezvinetso zviduku.—Jobho 1:22; 2:10; 27:2-5.

Kuzvininipisa Kune Rudo Uye Kunokanganwira

Vamwe vanhu zvinovanetsa kuti vati, “Ndine urombo. Ndakanganisa. Wanga wakarurama.” Nemhaka yei? Kunyanya kudada! Asi, kakawanda zvikuru apo kukumbira ruregerero zvechokwadi kungadzivisa kukakavadzana kwavakaroorana nyore nyore.

Unoda kukanganwira mumwe munhu paanokugumbura here? Kana kuti, nokudada kwako, unoita chigumbu, zvichida kwamazuva kana kuti mwedzi, uchiramba kutaura newaunofunga kuti akakugumbura wacho here? Unotoramba uchimuvenga uchiitira kuti unyatsotsiva here? Vamwe vanhu vakapondwa mune kumwe kuvengana. Mune kumwe, kuchera munhu ndiwo mutoo wave uchishandiswa. Zvakasiyana neizvozvo, munhu anozvininipisa ane rudo uye anokanganwira. Nei? Nokuti rudo haruchengeti mafi. Jehovha aida kukanganwira vaIsraeri kudai vakazvininipisa. Muteveri waJesu anozvininipisa anoda kukanganwira, kakatowanda!—Joere 2:12-14; Mateo 18:21, 22; 1 VaKorinte 13:5.

Munhu anozvininipisa ‘anotanga kukudza vamwe.’ (VaRoma 12:10) New International Version inoti: “Kudzai vamwe kuzvipfuura imi.” Unorumbidza vamwe ndokuonga mano avo nezvavanogona here? Kana kuti nguva dzose unofanira kutsvaka zvisina kunaka kuti usvibise mukurumbira wavo here? Ko, unokwanisa kurumbidza vamwe vanhu nemwoyo wose here? Kana uchinetseka neizvi, zvichida kusava nechivimbo nokuzvikudza ndizvo zvinokunetsa.

Munhu anodada haashiviriri. Munhu anozvininipisa anoshivirira uye ane mwoyo murefu. Ko iwe? Unorwadziwa nokusabatwa zvakanaka chero kupi zvako kwaungaitwa here? Kuita zvakadaro ndizvo zvakasiyana nokuva nomwoyo murefu. Kana uchizvininipisa, hauzonyanyi kuzvitutumadza. Yeuka zvakaitika vadzidzi vaJesu pavakazvitutumadza—vakatanga kuitirana nharo dzakakasharara pamusoro pokuti ndiani aikosha zvikuru. Vakakanganwa kuti vose vaiva “varanda pasina”!—Ruka 17:10; 22:24; Marko 10:35-37, 41.

Munyori wechiFrench Voltaire akarondedzera kuzvininipisa se“kudzikama kwomweya . . . mushonga wokudada.” Hungu, kuzvininipisa kusazvitutumadza. Munhu anozvininipisa akadzikama, haadadi. Anoremekedza zvikuru uye ane tsika dzakanaka.

Saka nei tichifanira kuedza kuzvininipisa? Nemhaka yokuti kuzvininipisa kunodiwa naMwari uye kunotibetsera kuti titungamirirwe naMwari. Nemhaka yokuzvininipisa kwaDhanieri, Jehovha akaona muporofita wacho semunhu “unodikanwa kwazvo” uye akamutumira ngirozi muchiono! (Dhanieri 9:23; 10:11, 19) Kuzvininipisa kunounza mibayiro yakawanda. Kunoita kuti uve neshamwari dzechokwadi dzinokuda. Kupfuura izvozvo, kunounza chikomborero chaJehovha. “Mubayiro wokuzvininipisa nokutya Jehovha ipfuma nokukudzwa noupenyu.”—Zvirevo 22:4.

[Mufananidzo uri papeji 7]

Kukumbira ruregerero nokuzvininipisa kungaita kuti upenyu huve nyore zvikuru

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe