RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 12/15 pp. 8-10
  • “Tsvakai Jehovha, Imi Mose Vanyoro”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Tsvakai Jehovha, Imi Mose Vanyoro”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kutsvakirei Unyoro?
  • Avo Vano“tsvaka Unyoro” Nhasi
  • Gamuchira Nounyoro
  • Tsvaga Unyoro Ufadze Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
  • Kuramba Tichifarirwa naMwari Pasinei Nokuchinja Kwoupenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Tsvaka Jehovha Zuva Rekutsamwa Kwake Risati Rasvika
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2017)
  • Tsvakai Jehovha Zuva Rokutsamwa Kwake Risati Rasvika
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 12/15 pp. 8-10

“Tsvakai Jehovha, Imi Mose Vanyoro”

“TSVAKAI Jehovha, imi mose vanyoro venyika, imi makachengeta mitemo yake; tsvakai kururama, tsvakai unyoro, zvimwe mungavandika nezuva rokutsamwa kwaJehovha.”—Zefania 2:3.

Muporofita Zefania akataura mashoko iwayo ku“vanyoro venyika,” uye iye akavakurudzira kuti “tsvakai unyoro” kuti vadzivirirwe mu“zuva rokutsamwa kwaJehovha.” Kunosiya panikiro shomanene yokuti unyoro ndichinodikanwa nokuda kwokupukunyuka. Asi neiko?

Kutsvakirei Unyoro?

Unyoro ivara rokuva nohunhu hunyoro, husina kuzvitutumadza kana kuti umbimbindoga. Hwakasanobatana nokumwe kunaka, zvakadai sokuzvininipisa nokutiva. Ikoko zvakwakadaro, vanhu vanyoro vanodzidzisika uye vanodisa kugamuchira chirango chinobva kuruoko rwaMwari, kunyange zvazvo chingaratidzika kuva chinorwadza kwenguva yacho.—Pisarema 25:9; VaHebheru 12:4-11.

Mahuri humene unyoro hungava nezvishomanene zvokuita nedzidzo yomunhu kana kuti nzvimbo muupenyu. Zvisinei, avo vakadzidza zvikuru kana kuti vanobudirira mune zvenyika vanoda kurangarira kuti vakakwaniriswa kuzvisarudzira vamene muchinhu chiri chose, kunyange muzvinhu zvokunamata. Ikoku kunogona kuvadzivisa kubvumira mumwe munhu kuvadzidzisa chinhu kana kuti kugamuchira zano nokuita chinjo dziri madikanwa muupenyu hwavo. Vamwe vakapfuma mune zvokunyama vangawira mukufunga kwakaipa kwokuti chengeteko yavo iri mupfuma yavo yokunyama. Nokudaro, havasati vachirangarira kudikanwa kwepfuma yomudzimu inobva muShoko raMwari, Bhaibheri.—Mateo 4:4; 5:3; 1 Timotio 6:17.

Rangarira vanyori, vaFarise, uye vaprista vakuru vomuzuva raJesu. Pane imwe nhambo apo vakuru vakuru avo vakatumwa kundosunga Jesu vakadzokera vasinaye, vaFarise vakati: “Nemiwo matsauswa kanhi? Kuvakuru nokuvaFarise kuno mumwe wakatongotenda kwaari here? Asi vanhu ava vazhinji, vasingazivi murairo, vakatukwa.” (Johane 7:45-49) Namamwe mashoko, kwavari, vasingazivi navasina kudzidza bedzi vaizova vasingazivi zvakakwana zvokudavira Jesu.

Kunyange zvakadaro, vamwe vaFarise vakakweverwa kuzvokwadi, uye vakatodzivirira Jesu namaKristu. Pakati paivava pakanga pana Nikodhimo naGamarieri. (Johane 7:50-52; Mabasa 5:34-40) Pashure porufu rwaJesu, “boka guru ravaprista rakavamba kuteerera kutenda.” (Mabasa 6:7, NW) Nenzira isingapanikirwi muenzaniso wakatanhamara zvikurusa akanga ari muapostora Pauro. Akanga akadzidza patsoka dzaGamarieri uye akava murevereri ane unyanzvi zvikuru naanoremekedzwa wechiJudha. Zvisinei, pashure penguva yakati akagamuchira nokuzvininipisa danidzo yaKristu Jesu ndokuva muteveri wake anoshingaira.—Mabasa 22:3; 26:4, 5; VaGaratia 1:14-24; 1 Timotio 1:12-16.

Kwose ikoku kunoratidzira kuti hazvinei hazvo noungava mugariro wekare womunhu kana kuti munhu angarangarira sei zvino pamusoro peshoko rinobva muBhaibheri, mashoko aZefania achiri anoshanda. Kana munhu achida kutenderwa naMwari ndokutungamirirwa neShoko rake, unyoro hunokosha.

Avo Vano“tsvaka Unyoro” Nhasi

Mamirioni avanhu kupota nyika ari kugamuchira mashoko akanaka oUmambo. Zvapupu zvaJehovha zviri kuitisa fundo dzeBhaibheri dzinopfuura mamirioni mana vhiki nevhiki mumisha yavanhu vakadaro. Ivava vanobva mumigariro yakawanda neyakasiana-siana uye migariro yakasiana-siana yezvemari neyenzanga. Bva, chinhu chimwe chavanacho vose ndechokuti vane kuzvininipisa kwakakwana kuti vagamuchire shoko reBhaibheri iro mumwe munhu akapa kwavari pasuo ravo vamene kana kuti pane imwe nzvimbo. Vazhinji vavo vari kuita fambiro mberi yakaisvonaka nemhaka yokuti vanodisa kushandisa nhamburiko kuti vakurire mhinganidzo dziri munzira yavo. Hungu, ivo vari pakati pa“vanyoro venyika” nhasi.

Rangarira, somuenzaniso, Maria ari muMexico. Iye akafunda mutemo payunivhesiti uye akanga akachengeteka mune zvemari nemhaka yenhaka. Nemhaka yaikoku, iye akatanga mirangariro yamadiro zvikuru iyo yakamuchinja, sezvo iye anokutaura, kuva munhu “anopandukira, anovirima, anodzvinyirira, uye asingatendi kuvapo kwaMwari.” “Ndakasvika pakufunga kuti chinhu chiri chose chaigona kupedzwa nemari uye kuti Mwari akanga asingakoshi. Zvomenemene, ndairangarira kuti akanga asimboripo,” Maria akayeuka kudaro. “Nokuda kwangu chechi chakanga chiri chimwe chinhu chinosetsa uye chinodikanwa chenzanga chete,” akawedzera kudaro.

Gare gare, Maria akacherechedza chinjo muhama yake yokunyama kuna baba pashure pokunge yava mumwe weZvapupu zvaJehovha. “Iyo yakanga yave iri yakaipa kwazvo, uye zvino yakanga yava munhu ane rugare zvikuru naakarurama,” Maria akatsanangura kudaro. “Hama dzokunyama dzakataura kuti akanga ari muparidziri uye airava Bhaibheri, uye nokuda kwechikonzero ichocho akanga asinganwi kana kuti kuteverazve vakadzi. Naizvozvo ndaida kuti auye ndokundiravira Bhaibheri nemhaka yokuti ndakafunga kuti neiyi nzira ndakanga ndichizowana rugare norunyararo zvandaida zvikuru kwazvo.” Muuyo wacho wakanga uri wokuti Maria akabvuma fundo yeBhaibheri navaroorani Zvapupu.

Aiva nezvinhu zvakawanda zvokukurira, uye kwakanga kwakamuomerawo zvikuru kugamuchira nheyo yeBhaibheri youmusoro kuti ave pasi pomurume wake. Asi akaita chinjo huru muupenyu hwake nechimiro chendangariro. Iye akabvuma, kuti: “Ndinofunga kuti chifo chaapo hama dzakauya pamusha pangu ndokuuya nebetsero yaJehovha, kwave kune mufarwa, runyararo, uye chikomborero chaMwari chinogara mumusha mangu.” Nhasi, Maria Chapupu chakazvitsaurira, chakabhapatidzwa chaJehovha.

Mukurondwa kwokunamata kwechokwadi, mune imwe nharaunda umo unyoro, kana kuti kushaikwa kwahwo, kunoita basa rinokosha. Kazhinji kazhinji zvikuru, mudzimai mumhuri anogamuchira zvokwadi uye anoda kubatira Mwari, bva murume anozengurira. Zvichida kwakaomera vamwe varume kugamuchira pfungwa yokuti kune mumwe munhuwo zvake—Jehovha Mwari—mudzimai wake anofanira zvino kuzviisa pasi pake. (1 VaKorinte 11:3) Mumwe mukadzi muChihuahua, Mexico, akakumbira fundo yeBhaibheri, uye pashure penguva yakati iye navana vake vanomwe vakapinda muzvokwadi. Pakutanga murume wake aishora. Neiko? Nemhaka yokuti iye aisada kuti mhuri yake iende ichiparidzira paimba neimba, ichigovera mabhuku eBhaibheri. Sezviri pachena airangarira kuti ikoku kwaimuzvidzisa. Mhuri yake, zvisinei, yakamira yakasimba muchisarudzo chavo chokubatira Mwari. Pashure penguva yakati murume akavamba kuona ukoshi hwokugamuchira gadziriro yaMwari. Asi makore 15 akapfuura iye asati azvitsaurira amene kuna Jehovha.

MuMexico mose, muchine nzanga dzakawanda dziri dzoga umo vagari vomunzvimbomo vane mitauro yavo yokuberekwa nayo yechiIndia netsika. Shoko reBhaibheri riri kusvika ava vanhu uye riri kuvabetsera kuvandudza mwero wavo wetsika, sezvo vamwe vanodzidza kurava nokunyora apo vanenge vechidzidza zvokwadi. Zvisinei, idi rokuti vanhu vane dzidzo duku kana kuti zvinhu zvishomanene zvokunyama harisati richireva zvaro kuti vachava vanogamuchira zvikuru. Rudado rwedzinza nebatano yakasimba namagamuchidzanwa avakare padzimwe nguva zvinoita kuti kuomere vamwe kugamuchira zvokwadi. Ikoku kunotsanangurawo chikonzero nei mumimwe misha yeIndia, avo vanogamuchira zvokwadi vachiwanzonetswa navamwe vagari vomumusha. Naizvozvo unyoro hunova nezvimiro zvakawanda.

Gamuchira Nounyoro

Zvakadiniko newe somunhu oga? Uri kugamuchira zvokwadi yeShoko raMwari here? Kana kuti kwakakuomera here kugamuchira dzimwe zvokwadi dzeBhaibheri? Zvichida ungada kuzvinzvera umene kuti uone chiri kukudzivisa. Unovhiringidzwa here nemhaka yokuti voruzhinji vavanhu vanokweverwa kuzvokwadi ndavamavambo akaderera? Ko rudado rwomunhu oga rungagona kubatanidzwa here mukufunga kwako? Kwakanaka kurangarira pamusoro pamashoko omuapostora Pauro: “Mwari wakatsaura zvinhu zvoupenzi zvenyika, kuti anyadzise vakachenjera; Mwari wakatsaura zvinhu zvisine simba zvenyika, kuti anyadzise izvo zvine simba; Mwari wakatsaura zvinhu zvinozvidzwa zvenyika, nezvinoshorwa, nezvinhu zvisipo, kuti ashaise zviripo simba razvo, kuti kurege kuva nenyama ingazvikudza pamberi paMwari.”—1 VaKorinte 1:27-29.

Ungaramba pfuma nemhaka bedzi yokuti waiwana mumudziyo wevhu wakaderera here? Chokwadika kwete! Bva, iyoyo ndiyo nzira iyo Mwari anosarudza kupa nayo Shoko rake rinoponesa upenyu rezvokwadi kwatiri, seizvo muapostora Pauro anotsanangura, kuti: “Pfuma iyi tinayo mumidziyo yevhu, kuti hukuru hwesimba huve hwaMwari, hurege kuva hwedu.” (2 VaKorinte 4:7) Unyoro nokuzvininipisa zvichatigonesa kuona ukoshi hwechokwadi hwepfuma ndizvo kwete chete “midziyo yevhu,” kana kuti vanhu vanoshandiswa, vanoripa kwatiri. Tichiita saizvozvo, tichawedzera bviro yokuva kwedu tinga“vandika nezuva rokutsamwa kwaJehovha” uye kuva pakati pavanyoro avo “vachagara nhaka pasi.”—Zefania 2:3; Mateo 5:5, NW.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe