RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 2/1 pp. 25-29
  • Unoremekedza Vamwe Pakupa Zano Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unoremekedza Vamwe Pakupa Zano Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Maruramiro Omuzvarirwo Omunhu Kuchiremera
  • Jehovha Akasika Munhu Ane Chiremera Chomuzvarirwo
  • Nheyo Dzinochengeta Chiremera
  • Remekedzai Vamwe—Shorai Dhiabhorosi
  • Kudza Jehovha Nokuzvibata Zvine Chiremerera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Unoremekedza Chiremera Chavo Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Zvinokwanisika Kuti Vanhu Vose Varemekedzwe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Kuremekedzwa Kwevanhu—Kodzero Inowanzotyorwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 2/1 pp. 25-29

Unoremekedza Vamwe Pakupa Zano Here?

KWAKANAKA uye kunobetsera sei kupiwa zano nechiremera! “Zano romutsa, rokurangarira, rokuitira hanya rinoguma noukama hwakanaka,” anodaro Edward. “Apo unonzwa kuti mupi wezano anokukudza nokukuremekedza kupfurikidza nokuratidza kudisa kuteerera rutivi rwako rwenhau yacho, zano racho riri nyore zvikuru kugamuchira,” anotaura kudaro Warren. “Apo mupi wezano anondibata noruremekedzo, ndinonzwa ndakasunuguka kumusvika, ndichimukumbira zano,” anotsinhira kudaro Norman.

Maruramiro Omuzvarirwo Omunhu Kuchiremera

Zano rakanaka, roushamwari uye rorudo rinogamuchirwa zvamazvirokwazvo. Kupa vamwe zano nenzira yaunoda kupiwa nayo zano kunobetsera. (Mateo 7:12) Mupi wezano akanaka anowana nguva yokuteerera uye anotsvaka kunzwisisa munhu ari kupiwa zano—kufunga kwake, nzvimbo yake, uye mirangariro yake—panzvimbo pokutsoropodza nokushurikidza.—Zvirevo 18:13.

Vapi vezano vanhasi, kubatanidza vakuru vechiKristu, vanofanira kusvinurira kuremekedza vamwe pakupa zano. Neiko? Nokuda kwechikonzero chakapfava chokuti chimiro chendangariro chakapararira muchaunga kubata navamwe nenzira isina ruremekedzo. Ikoku kunotapukira. Kazhinji kazhinji zvikuru vaunokarira kwavari kubatwa kune ruremekedzo ndivo vanokundikana kukugovera, dzingava nyanzvi, vatungamiriri vorudzidziso, kana kuti vamwe. Kuenzanisira, munzvimbo yebasa kudzingwa basa kunokuvadza uye kunotambudza nokuda kwavose vari vaviri mushandirwi nomushandi. Kunokuvadza kuzviremekedza, zvikurukuru kana mumwe munhu ari kudzingwa akasabatwa noruremekedzo. Vatarisiri vari muuyu mugariro vanofanira kudzidza nzira yokupa nayo “shoko rakaoma kuti risvike zvakajeka, nounyanzvi, uye kunochengeta ruremekedzo rwomunhu wacho rusina kukuvadzwa,” inoshuma kudaro The Vancouver Sun. Hungu, vanhu vose vakafanirwa nokubatwa kune ruremekedzo.

General Assembly of the United Nations inozivisa, kuti: “Vanhu vose vanoberekwa vakasununguka uye vakaenzana muchiremera namaruramiro. Vakapiwa kurangarira nehana uye vanofanira kuita kune mumwe nomumwe nomudzimu wouhama.” Sezvo chiremera chomunhu chichidenhwa, kuri nechikonzero chakanaka kuti Chata yeChibatanwa chaMarudzi nesumo kuUniversal Declaration of Human Rights inoziva iri vara. Zvinosimbisa “kutenda mumaruramiro makuru omunhu, muchiremera uye kufanira kwomunhu wohunhu.”

Jehovha Akasika Munhu Ane Chiremera Chomuzvarirwo

Jehovha ndiMwari wechiremera. Shoko rake rakafuridzirwa rinotaura zvakarurama kuti, “[Chiremera, NW] noumambo zviri pamberi pake;” uye, “Chiremera [Chake] chinotaurwa pamusoro pamatenga.”—1 Makoronike 16:27; Pisarema 8:1, NW.

SaMwari ane chiremera naChangamire Wechisiko Chose, anopa chiremera pachisiko chake chose, chokudenga nechapasi. Akatanhamara pakati paavo vanokudzwa saizvozvo Mwanakomana wake akapiwa mbiri naanotonga, Mambo, Kristu Jesu. “Chiremera nembiri makaisa pamusoro pake,” akanyora kudaro Dhavhidhi nenzira youporofita.—Pisarema 21:5, NW; Dhanieri 7:14.

Nomutoo unosuruvarisa, aya maruramiro makuru omunhu ave achishandiswa zvisakafanira zvikuru munhau yose. Ngirozi ine simba, iyo kupfurikidza nezviito zvayo yakava Satani Dhiabhorosi, yakadenha maruramiro, kururama, uye kufanirwa zvouchangamire hwaMwari. Mukuita kudaro akaratidza kusaremekedza Jehovha ndokusakudza zita Rake rine chiremera achidenha maruramiro Ake okutonga. Akapa chiremera chakanyanyisa kwaari amene. Kufanana naDhiabhorosi, vatongi vohunhu vane simba, vakadai saNebhukadnezari wenguva dzeBhaibheri, vakadada ne‘simba noukuru hwavo’ zvavo. Vakadenha chiremera chaJehovha, vachipa chiremera chisina mufungo kwavari vamene. (Dhanieri 4:30) Kutonga kunodzvinyirira kwaSatani, kwakaiswa panyika yorudzi rwomunhu, kwakadenha uye kunopfuurira kudenha chiremera chomunhu.

Chiremera chako chakambokuvadzwa here? Pakupiwa zano, wakamboitwa kuti unzwe kuva ane mhaka zvakanyanyisa, kunyadziswa, kuzvidzwa, kana kuti kuderedzwa here? “Handina kunzwa kuitira hanya, kunzwira ngoni, uye chiremera. Ndakaitwa kuti ndinzwe ndisina maturo,” anotaura kudaro André, achiwedzera kuti: “Ikoku kwakatungamirira kukunzwa kwekangaidziko nefunganyo, kunyange kuora mwoyo.” “Kwakaoma kugamuchira zano rinobva kune mumwe munhu waunonzwa kuti haaitiri hanya garikano yako,” anodaro Laura.

Nokuda kweichi chikonzero, vatariri vechiKristu vanorairwa kubata boka raMwari noruremekedzo norukudzo. (1 Petro 5:2, 3) Kana migariro ikamuka umo kuri madikanwa uye kunobetsera kupa zano vamwe, unogona sei kuzvidzivirira umene pakufunga nomufambiro zvavanhu venyika avo, pasina kuzengurira, vanodenha chiremera chavamwe? Chii chinogona kukubetsera kuchengeta chiremera chamaKristu biyako, pamwe chete nechako umene?—Zvirevo 27:6; VaGaratia 6:1.

Nheyo Dzinochengeta Chiremera

Shoko raMwari harina kunyarara paiyi nhau. Mupi wezano ane unyanzvi achaisa chivimbo chakakwana muzano reShoko raMwari, panzvimbo pokutarira kuuchenjeri hwenyika ino. Manyoro Anoyera ane zano rinokosha. Apo anoteverwa, anoremekedza vose vari vaviri mupi wezano nouyo ari kurairidzwa. Nokudaro, nhungamiro yaPauro kumutariri wechiKristu Timotio yakanga iri yokuti: “Usatuka mukuru, asi umuraire sababa, navaduku savanun’una, navakadzi vakuru samadzimai, navaduku sehanzvadzi nokuchena kwomwoyo kwose.” (1 Timotio 5:1, 2) Rusuruvaro rwakadini, mirangariro yakuvadzwa, uye kukwenudzwa zvinogona kudziviswa kupfurikidza nokunamatira kuiyi mipimo!

Cherechedza kuti chinokosha kukupa zano kunobudirira ndirwo ruremekedzo rwakafanira romumwe munhu namaruramiro ake okubatwa nomutoo une chiremera, wokuitira hanya. Vakuru vechiKristu, kubatanidza vatariri vanofambira, vanofanira kuedza kutevera iri zano, vachitsvaka kuziva chikonzero nei munhu anoda gadziridzo achifunga uye achiita nenzira yaanoita nayo. Vanofanira kuda kunzwa murangariro wake, ndokuita nhamburiko iri yose inoitwa kudzivisa kunyadzisa, kuderedza, kana kuti kuzvidza uyo ari kubatsirwa.

Somukuru, ita kuti hama yako izive kuti unoitira hanya uye unoda kuibetsera nezvinetso zvayo. Ndizvo zvinoita chiremba akanaka apo unoshanyira hofisi yake nokuda kwenzverwo yomuviri. Mufungo wokubvisa zvipfeko mukamuri risingafadzi, risina utachiona ungakusiya wakwenudzwa uye wanyadziswa. Unoonga sei chiremba anoratidza kuziva kuzviremekedza kwako uye anokuremekedza nenguvo inofukidza apo anoita nzvero iri madikanwa kuti azive chisakiso chokurwara kwako! Nomutoo wakafanana, mupi wezano wechiKristu anoratidza ruremekedzo rwakakodzera nokuda kwomunhu ane mutsa uye akasimba, bva anopfekedza mugamuchiri ruremekedzo. (Zvakazarurwa 2:13, 14, 19, 20) Nenzira yakapesana, zano rine hasha, risina hanya, uye risina tsitsi rakafanana nokubvisa zvipfeko kwokufananidzira kunokuita kuti unzwe wanyadziswa, wazvidzwa, uye wabviswa chiremera chako.

Vatariri veChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari vanongwarira zvikuru kupa zano nechiremera. Pakupa zano vakwegura, vanoratidzira rudo rumwe cheterwo vaizoratidza kuvabereki vavo vokunyama. Vanorangarira, vane ushamwari, uye vanodziya. Kuziva kwakadaro kuri madikanwa. Kunoparira mugariro unobetsera kupiwa nokugamuchirwa kwezano kwakakodzera.

Vakuru, yeukai kuti zano rinoshanda rinokwidziridza, rinokurudzira, rinovaka, uye rakanaka. VaEfeso 4:29 inoti: “Mumuromo menyu murege kubuda shoko rakaora, asi rakanaka, ringasimbisa pakafanira, rivigire nyasha avo vanonzwa.”

Hapana dikanwo yokushandisa mashoko akakasharara, mutauro, kana kuti kurangarira. Panzvimbo pezvo, ruremekedzo nokuda kwomumwe munhu wacho nechishuvo chokuchengeta mirangariro yake yefaniro yake amene norukudzo zvinokusunda kupa nhau nenzira yakanaka, inovaka. Tanga tsinhiro dzipi nedzipi nokurumbidza kwokutendeseka, kwapachokwadi nokuda kwamapfundo ake akanaka kana kuti mavara, panzvimbo pokusimbisa mirangariro inomuita anzwe akangaidzwa uye asina maturo. Kana uchibatira somukuru, shandisa ‘chiremera [chako] kuvaka kwete kuputsa.’—2 VaKorinte 10:8.

Hungu, tapuro yezano ripi neripi rinobva kuvatariri vechiKristu inofanira kuva kupa kurudziro inodikanwa, kupa chiri chakanaka. Haifaniri kuodza mwoyo kana kuti “kutyisa.” (2 VaKorinte 10:9) Kunyange munhu akaita chakaipa chakakomba anofanira kupiwa mwero wakati wokuzviremekedza nechiremera. Zano rinofanira kudzikamiswa namashoko, omutsa, bva akasimba, etsiuro kumusundira kurupfidzo.—Pisarema 44:15; 1 VaKorinte 15:34.

Nomutoo unokosha, Mutemo waMwari kuna Israeri wakabatanidza nheyo dzimwe chetedzi. Wakabvumidza zano uye kunyange chirango chomuviri, nepo panguva imwe cheteyo waichengeta maruramiro omunhu kusvikira kumwero wakati wechiremera chomunhu oga. Kurova neshamhu “zvakaenzana nokutadza kwake” kwaibvumirwa, asi ikoku kwaisafanira kuva kwakanyanyisa. Ganhuriro yakaiswa pachiverengero cheshamhu dzaipiwa kuti muiti wechakaipa asa“zvidzwa.”—Dheuteronomio 25:2, 3.

Kuitira hanya mirangariro yavaiti vezvakaipa vanopfidza rakanga ririwo vara raJesu. Nezvake, Isaya akaporofita, kuti: “Rutsanga rwakapwanyika haangaruvhuni, nomwenje unopfungaira haangaudzimi; uchavigira vanhu kururamisirwa muzvokwadi.”—Isaya 42:3; Mateo 12:17, 20; Ruka 7:37, 38, 44-50.

Anosimbisazve dikanwo yokunzwira tsitsi mashoko aJesu ari muMharidzo yapaGomo: “Saka zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, muvaitire nemiwo saizvozvo.” (Mateo 7:12) Iyi nheyo inokosha kwazvo mukusimudzira ukama hwakanaka zvokuti inowanzonzi Kandiro Kanoenda Kunobva Kamwe. Somukuru wechiKristu, inogona sei kukubetsera kubata vamwe nomutsa nechiremera pakupa zano?

Rangarira kuti iwewo unoita zvikanganiso. Seizvo Jakobho akataura, “tinogumburwa tose pazvinhu zvizhinji.” (Jakobho 3:2) Kuyeuka izvi kuchabetsera kupfavisa tsinhiro dzako ndokudzora mirangariro yako apo kunenge kuri madikanwa kutaura kuvamwe pamusoro pemhosho dzavo. Ziva kutapurwa kwavo. Ikoku kuchakubetsera kudzivisa kunyanyotsoropodza, kukwevera ngwariro kuzvikanganiso zviduku kana kuti mhosho. Jesu akasimbisa ikoku apo akati: “Musatonga, kuti murege kutongwa; nokuti nokutonga kwamunotonga nako, muchatongwa nako, nechiyero chamunoyera nacho, muchayerwa nacho.”—Mateo 7:1, 2.

Remekedzai Vamwe—Shorai Dhiabhorosi

Unyanzvi hwaSatani hwakarongedzerwa kukubvisira chiremera, kuparira mirangariro yokuzvidzwa, kusava namaturo, uye kuora mwoyo. Cherekedza mashandisire aakaita mumiriri wohunhu kunyandura mirangariro yakaipa muna Jobho akatendeka. Erifazi anonyengera akati: “Haatendi [Jehovha] varanda vake; vatumwa vake [ngirozi tsvene] unovapa mhaka achiti mapenzi; ndoda vanogara mudzimba dzevhu [vanhu vanotadza], nheyo dzadzo dzakateyiwa paguruva, dzinopwanyiwa sevundudzi.” (Jobho 4:18, 19) Naizvozvo mukuwirirana naye, Jobho akanga asina maturo kuna Mwari kupfuura chipfunho. Zvamazvirokwazvo, zano raErifazi neshamwari dzake, kure nokuva rinovaka, ringadai rakasiya Jobho abirwa kunyange yeuko yenguva dziri nani. Mukuona kwavo kutendeka kwake kwomunguva yakapfuura, kurovedza mhuri, ukama naMwari, uye zvipo zvetsitsi zvaisakosha.

Nenzira yakafanana nhasi, vaiti vezvakaipa vanopfidza vanotapurwa zvikuru nemirangariro yakadaro, uye ngozi iripo yokuva kwavo ‘vanokundwa nokunyanyosuruvara.’ Vakuru, pakupa zano vakadaro, “musimbise rudo rwenyu” nokuda kwavo kupfurikidza nokuvabvumira kuchengeta mwero wakati wechiremera. (2 VaKorinte 2:7, 8) “Kubatwa pasina chiremera kunoita kuti kuve kwakaoma kugamuchira zano,” anobvuma kudaro William. Kunokosha kusimbisa kutenda kwavo kuti vanokosha mumeso aMwari. Vayeuchidzei kuti Jehovha “haazati ari usakarurama, ungakanganwa basa [ravo] norudo rwa[va]karatidza nokuda kwezita rake” mukati mamakore apfuura ebasa rokutendeka.—VaHebheru 6:10.

Ndizvinhui zvokuwedzera zvinogona kukubetsera kuremekedza vamwe pakupa zano? Ziva kuti vanhu vose vane maruramiro omuzvarirwo kuchiremera, sezvo vakaitwa mumufananidzo waMwari. Vanokosheswa naJehovha Mwari naJesu Kristu; gadziriro mbiri yorudzikinuro norumuko dzakatsigira idi iroro. Jehovha anowedzerazve chiremera kumaKristu kupfurikidza “noku[a]govera kuushumiri,” achiashandisa kukumbira chizvarwa chakaipa kuita rugare naMwari.—1 Timotio 1:12, NW.

Vakuru, yeukai kuti vazhinjisa vehama dzenyu dzechiKristu mitezo inokarirwa yenheyo yechaunga chitsva chavanhu mupasi rakacheneswa. Savanhu vamwe navamwe vanokosha navanodiwa vakadaro, vakafanirwa nokupiwa rukudzo. Pakupa zano, yeukai kuti vose vari vaviri Jehovha naJesu vanoratidza sei rangariro nokuda kwavo, uye pfuurirai kuita rutivi rwenyu kubetsera hama dzenyu kuchengeta kunzwa kwechiremera nefaniro mukutarisana nedenho dzaSatani.—2 Petro 3:13; enzanisa na 1 Petro 3:7.

[Bhokisi riri papeji 29]

Zano Rinoremekedza

(1) Ipa rumbidzo yapachokwadi neyokutendeseka. (Zvakazarurwa 2:2, 3)

(2) Iva muteereri akanaka. Ziva zvakajeka uye nomutsa chinetso chacho uye chikonzero chezano. (2 Samueri 12:1-14; Zvirevo 18:13; Zvakazarurwa 2:4)

(3) Vakira zano rako paMagwaro. Iva akananga, ano mufungo, uye anokurudzira, uye ratidza kunzwira urombo. Chengeta chiremera chomugamuchiri nefaniro zvisina kukuvadzwa. (2 Timotio 3:16; Tito 3:2; Zvakazarurwa 2:5, 6)

(4) Vimbisa mugamuchiri kuti zvikomborero zvinobva mukugamuchira nokushandisa zano racho. (VaHebheru 12:7, 11; Zvakazarurwa 2:7)

[Mufananidzo uri papeji 26]

Vakuru vechiKristu vanofanira kuremekedza vamwe pakupa zano

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe