Unoremekedza Chiremera Chavo Here?
VAUNGANIDZWA semhuka ndokuiswa mune tsvina nomunhuwi zvisingadaviriki, vanhu vakaberekerwa muAfrica vakaendeswa kuNyika dzeAmerica nechikepe vakagariswa sezvinhu. Inenge hafu yavo yakanga ichikarirwa kufa vasati vatombosvika kwavaienda. Mitezo yemhuri yakaparadzaniswa neutsinye, isingazomboonanizve. Kutengeserana varanda kwakanga kuri pakati pezviitiko zvakaipisisa mukubatwa kusina unhu kwevanhu biyavo. Zvimwe zviitiko zvakadaro zvakaitika apo vakundi vane simba vakadzora noutsinye vagari vomunyika vasina dziviriro.
Kubvisa munhu chiremera chake kunogona kurwadza zvikuru kupfuura kurova nyama. Zvinoparadza mudzimu womunhu wacho. Kunyange zvazvo uranda hwakapedzwa munyika dzakawanda zvikurusa, kurerutsa chiremera chavanhu kunopfuurira, zvichida muzvimiro zvamanomano zvikuru.
VaKristu vechokwadi, pane rumwe rutivi, vanovavarira kuteerera zano raJesu Kristu roku‘da muvakidzani sokuzvida kwavanoita.’ Nokudaro, vanozvibvunza kuti, ‘Ndinoremekedza chiremera chomunhu oga chavamwe here?’—Ruka 10:27.
Chiremera Chinoenzanisirwa
Chiremera, maererano nerimwe duramazwi, ivara kana kuti chimiro chokuva anokosha, anokudzwa, kana kuti anokosheswa. Irondedzero yakafanira zvakadini yenzvimbo yaChangamire Waposepose, Jehovha Mwari! Kutaura idi, kakawanda Magwaro anobatanidza Jehovha nouchangamire hwake nechiremera. Mosesi, Isaya, Ezekieri, Dhanieri, muapostora Johane, nevamwe vakaropafadzwa kuti vapiwe zviono zvakafuridzirwa zveWokumusorosoro nedare rake rokudenga, uye rondedzero dzavo nguva dzose dzakaratidzira simba rinoshamisa nechiremera. (Eksodho 24:9-11; Isaya 6:1; Ezekieri 1:26-28; Dhanieri 7:9; Zvakazarurwa 4:1-3) Mumunyengetero wokurumbidza, Mambo Dhavhidhi akati: “Ukuru ndohwenyu, Jehovha, nesimba, nokubwinya, nokukunda, noumambo; nokuti zvose zviri kudenga nezviri pasi ndezvenyu.” (1 Makoronike 29:11) Zvechokwadi, hapana munhu akafanirwa nokuremekedzwa nokukosheswa kupfuura Jehovha pachake.
Mukusika munhu nomufananidzo wake nokufanana, Jehovha akapa vanhu mwero wokuva vanokosha, wokuzviremekedza, uye wechiremera. (Genesi 1:26) Naizvozvo, mukubata kwedu navamwe, tinofanira kupa munhu mumwe nomumwe ruremekedzo rwakafanira norukudzo. Patinoita kudaro, chaizvoizvo, tiri kubvuma Mupi wechiremera chavanhu, Jehovha Mwari.—Pisarema 8:4-9.
Chiremera Muukama Hwemhuri
Afuridzirwa, muapostora Petro, akanga ari murume akaroora, akarayira varume vechiKristu kuti vape vakadzi vavo “[rukudzo va]chiti ndi[vo] m[i]dziyo [i]ne simba duku.” (1 Petro 3:7; Mateo 8:14) “Asi imiwo,” muapostora Pauro akarayira kudaro, “mukadzi ngaatye murume wake.” (VaEfeso 5:33) Naizvozvo, muroorano, kukudza nokuremekedza chiremera chomunhu oga chomukwanyina womunhu kunodikanwa neBhaibheri. Izvi zvinogona kuratidzirwa munzira dzipi?
Sezvo mvura ichisimbisa chirimwa chiri kukura, kutaura kune nyasha uye majangariko omutsa pakati pomurume nomudzimai, pachena uye pachivande, kunogona kukudza ukama hwavo hwapedyo. Pakutaura, kutaura nehasha, kutaura kwokunyomba kana kuti kunonyadzisa, kunowanzonzwika papurogiramu dzeTV, kunoparadza. Kunogona kumutsa mirangariro inokuvadza yokusakosha, kuora mwoyo, uye pfundepfunde; kunyange zvironda zvemirangariro zvisingarapiki nyore.
Kuremekedza chiremera chomunhu oga chavamwe kunorevawo kuvagamuchira sezvavari, kwete kuedza kuvapinza mupfungwa yakati yakafanorongwa kana kuti kuvaenzanisa nevamwe zvisina kufanira. Izvi zvinokosha zvikuru pakati pevarume nevakadzi. Uko kutaurirana uye kuratidzirana kunoitwa zvakasununguka uye zviri nyore uye pasina munhu anotya kutsoropodzwa kana kuti kutukwa, ushamwari huchakura. Apo munhu anogona kuva zvaari chaizvoizvo muroorano, ipapo musha zvirokwazvo unova utiziro kubva kunyika ine utsinye, yakaoma.
Vana vanorayirwa naMagwaro kuremekedza uye kuteerera vabereki vavo. Vabereki vakachenjera uye vane rudo vangaitawo zvakanaka kuziva chiremera chavana vavo. Kurumbidza kwoushamwari nokuda kwomufambiro wakanaka, kwakabatanidzwa nokuranga kwomwoyo murefu pakunodikanwa, kunoshanda zvakanaka mukuroverera “kurayira kwaShe.” Kutsoropodza kwenguva dzose, kuzhamba, uye kunemera nemashoko anodukupisa akafanana na“benzi” kana kuti “fuza” kuchangovashatirisa bedzi.—VaEfeso 6:4.
Mumwe mukuru wechiKristu nababa, uyo ari kurera vanakomana vatatu nevanasikana vatatu, anoti: “Pahoro yoUmambo, taipa chirango chaidikanwa chinyararire sezvaibvira. Kungogunha kana kuti ziso rinotsiura, rokunyevera kakawanda rakanga rakakwana. Kana chirango chakakomba zvikuru chaidikanwa, taichipa muchivande mumusha wedu uye pasina vamwe vana. Zvino sezvo vana vakura, chirango chinobatanidza kupa mumwe nomumwe zano rorudo, rokuchenjera rinobva muShoko raMwari maererano nezvinodikanwa zvavo zvomumwe nomumwe. Tinoedza kuramba tichichengeta zvakavanzika munhau idzi dzomunhu oga, nokudaro tichiratidza kuremekedza kodzero dzomwana mumwe nomumwe dzezvakavanzika nechiremera.”
Chisingafaniri kufuratirwa kudikanwa kwetsika dzakanaka mushoko nomuchiito mukati memhuri. Kurovedzana hakufaniri kudzivisa mashoko akadai seokuti “ndapota,” “mazvita,” “pamusoroi,” uye “ndine urombo.” Tsika dzakanaka dzinokosha mune zvose zviri zviviri kuchengeta chiremera chako woga uye kuremekedza chavamwe.
Muungano yechiKristu
“Huyai kwandiri, imi mose makaneta, makaremerwa, ini ndichakuzorodzai,” akadaro Jesu. (Mateo 11:28) Vanotambudzika, vakaodzwa mwoyo, kunyange vana vaduku, vose vakakweverwa kuna Jesu nenzira isingadzivisiki. Vakatukwa nevafundisi vaizvitutumadza nevaizviita vakarurama uye vatungamiriri vezuva racho. Asi muna Jesu vakawana mumwe munhu akavapa chiremera chavaifanirwa nacho.
Mukutevedzera Jesu, isuwo tinoda kupa zorodzo kuvatendi biyedu. Izvi zvinoreva kutsvaka mikana yokuvavaka kupfurikidza nokutaura kwedu nezviito zvedu. Zvakafanira nguva dzose kuva norupo rwechokwadi nemashoko omutsa uye akananga mukutaura kwedu. (VaRoma 1:11, 12; 1 VaTesaronika 5:11) Tinoratidza kuti tinonzwisisa mirangariro yavamwe kupfurikidza nokungwarira zvatinotaura pamwe chete nenzira yatinozvitaura nayo. (VaKorose 4:6) Kupfeka kwakafanira uye kurongeka pamisangano yechiKristu kunoratidzirawo kuremekedza kukuru chiremera chaMwari wedu, kunamatwa kwake, uye vatinonamata navo.
Jesu airemekedza chiremera chavanhu kunyange paakanga achivaitira basa. Haana kumbozvikwidziridza achinyadzisa vamwe kana kuti kupfurikidza nokuvadukupisa. Apo ane maperembudzi akauya kwaari achida kurapwa, Jesu haana kudzinga munhu wacho seasina kuchena uye asina kufanirwa, uyewo haana kumuita chiseko kupfurikidza nokuzvitsvakira ngwariro iye pachake. Panzvimbo pezvo, apo ane maperembudzi akakumbira Jesu achiti, “Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa,” Akakudza ane maperembudzi kupfurikidza nokuti, “Ndinoda.” (Ruka 5:12, 13) Zvakaisvonaka sei kuti isu tisangobetsera bedzi vanoshayiwa asiwo kuti tivavimbise kuti havasi mutoro asi vanodiwa! Vanonyara, vakaodzwa mwoyo, uye vakaremara vanowanzofuratirwa, kudziviswa, kana kuti kudukupiswa munyika. Asi vanofanira kuwana ushamwaridzani hwechokwadi nokugamuchirwa pavanenge vari pakati pehama dzavo nehanzvadzi dzechiKristu. Tinofanira kuita rutivi rwedu kuti tibetsere chimiro chendangariro ichi.
Jesu aida vadzidzi vake se“vanhu vake” uye “wakavada kusvikira pakuguma” pasinei zvapo nezvikanganiso zvavo nokusiyana kwounhu. (Johane 13:1) Mavari akaona mwoyo yakachena uye kuzvipira kwomwoyo wose kuna Baba vake. Nenzira yakafanana, hatimbofaniri kupomera vavariro dzakaipa kuvatinonamata navo nemhaka bedzi yokuti vangasaita zvinhu nenzira yedu kana kuti nemhaka yokuti miitiro yavo nounhu zvingatishatirisa. Kuremekedza chiremera chehama dzedu kuchatisunda kudzida ndokudzigamuchira sezvadziri, tichivimba kuti dzinodawo Jehovha ndokumubatira nevavariro dzakachena.—1 Petro 4:8-10.
Vakuru, zvikurukuru, vanofanira kungwarira kuti havapariri funganyo isiri madikanwa kuavo vavanotarisira. (1 Petro 5:2, 3) Pakusangana nomutezo weungano wakawira muchivi, zvingava zvakanaka kuti vakuru vapfavise mashoko avo nomutsa nokurangarira uye vadzivise kubvunza mibvunzo inonyadzisa zvisiri madikanwa. (VaGaratia 6:1) Kunyange kana zvakafanira kupa tsiuro yakasimba kana kuti chirango, vangapfuurira kuremekedza chiremera chakafanira chomuiti wechakaipa noruremekedzo.—1 Timotio 5:1, 2.
Kuchengeta Chiremera Chomunhu Oga
Sezvatakasikwa nomufananidzo waMwari uye takafanana naye, tinofanira kuratidzira, kumwero unobvira, mavara akaisvonaka aMwari—kubatanidza chiremera chake—muupenyu hwedu hwezuva nezuva. (Genesi 1:26) Nenzira yakafanana, chinorehwa nomurayiro woku“da wokwako, sezvaunozvida iwe” kudikanwa kwomwero wakadzikama wechiremera chomunhu oga nokuzviremekedza. (Mateo 22:39) Idi nderokuti kana tichida kuti vamwe vatiratidze ruremekedzo ndokutipa chiremera, tinofanira kuratidzira kuti takafanirwa nacho.
Chinhu chinokosha mukuchengeta kuzviremekedza uye chiremera chomunhu oga kuchengeta hana yakachena. Hana yakasvibiswa uye marwadzo okuva nemhaka zvingatungamirira nyore nyore kukunzwa kwokusava namaturo, kunetseka, uye kuodzwa mwoyo. Nokudaro, kana munhu aita chakaipa chakakomba, anofanira kutora matanho okukurumidza okupfidza ndokutsvaka betsero yomudzimu yavakuru kuitira kuti afarikanye “nguva dzokusimbiswa dzinobva kunaShe.” Zvinobatanidzwa mukuzorodzwa kudzorerwa kwechiremera chomunhu oga nokuzviremekedza.—Mabasa 3:19.
Zviri nani kuita nhamburiko yenguva dzose yokudzivirira hana yedu yakarovedzwa neBhaibheri, tisingabvumiri chinhu chipi nechipi kuti chiisvibise kana kuti kuinetesa. Kushandisa kuzvidzora munharaunda dzose dzoupenyu hwedu hwezuva nezuva—kudya, kunwa, bhizimisi, varaidzo, mufambiro nevemitezo yakasiyana yevatano—zvichatibetsera kuchengeta hana yakachena uye kutiita kuti tiratidzire mbiri yaMwari nechiremera muupenyu hwedu.—1 VaKorinte 10:31.
Zvakadini kana kuva nemhaka pamusoro pezvikanganiso zvedu kuchiramba kupera? Kana kuti kana yeuko dzekubatwa zvisina kufanira kwakatamburwa dzichipfuurira kuva dzinorwadza? Izvi zvinogona kuparadza chiremera chedu chomunhu oga ndokuparira kuora mwoyo kwakakomba. Mashoko aMambo Dhavhidhi anowanwa pana Pisarema 34:18 anonyaradza sei: “Jehovha uri pedyo navane mwoyo yakaputsika; unoponesa vane mweya yakapwanyika”! Jehovha akagadzirira uye anoda kuchengeta vabatiri vake pavanofanira kukurira kuora mwoyo nemirangariro yokusava nematuro. Kumuteterera pamwe chete nokutsvaka betsero yaavo vakakwaniriswa mumudzimu, vakadai savabereki vechiKristu, vakuru, uye vamwe vakakura mumudzimu muungano, ndiyo nzira yokudzorera nayo kuzviremekedza uye chiremera chomunhu oga.—Jakobho 5:13-15.
Pane rumwe rutivi, tinofanira kungwarira kusiyanisa chiremera chomunhu oga nokuzvikudza. Zano raMagwaro nderokusa“zvifunga [seva]kuru kupfuura pa[ti]nofanira kufunga napo; asi [ti]funge nokufunga kwakachenjera, mumwe nomumwe nechiyero chokutenda, sezva[t]akagoverwa naMwari.” (VaRoma 12:3) Nepo zvakafanira kusakurira kuzviremekedza, hatidi kuwedzerera kukosha kwedu kana kuti kuvhiringidza chiremera chavanhu nenhamburiko dzoudyire uye dzakanyanyisa dzinoitwa navamwe kuti vave noutanhamari pane vamwe.
Hungu, kuremekedza chiremera chavamwe kunodikanwa nechiKristu. Mitezo yemhuri yedu nevaKristu biyedu vose vanokosha uye vakafanirwa nokuremekedzwa, kukudzwa, uye kukosheswa nesu. Jehovha akapa mumwe nomumwe wedu mwero wechiremera norukudzo zvatinofanira kubvuma ndokuchengeta. Asi kupfuura zvose, tinofanira kusakurira ruremekedzo rukuru nokuda kwechiremera chikuru nouchangamire hwaBaba vedu vokudenga, Jehovha Mwari.
[Mufananidzo uri papeji 31]
Vaduku vanogona kuratidza ruremekedzo kuvakaremara