Makwikwi Anokosha Kubudiriro Here?
“KUKUNDA hakusi chinhu chiri chose, ndiko chinhu bedzi.” Nhasi vazhinji vanorarama mukuwirirana naaya mashoko, anowanzonzi akanyorwa nomurairidzi wenhabvu weAmerica, Vince Lombardi. Zvino, nyika dzaichimbova dzechiKomonisiti dzakakumbanira mukurumbidza nheyo yamakwikwi. Kupinza makwikwi mumisika yadzo kunotaurwa kuva kunodikanwa kuti uwane upfumi. MuMabvazuva vabereki vazhinji vanorwisanisa vana vavo navamwe ndokuvatumira kuzvikoro zvisiri zvehurumende zvinodzidzisa zvikuru zvinovadzidzisa unyanzvi hwokupasa bvunzo dzokupinda muchimwe chikoro. Vabereki vanonyanyoitira hanya vanopwiswa kuti kupinda muchikoro chine mukurumbira kunokosha kurubudiriro rwomunguva yemberi.
Makwikwi, vazhinji vanodavira zvakasimba, ndiwo anokosha kubudiriro. Mukuwirirana nechitendero chavo, vanhu vakafambira mberi kupfurikidza nokukwikwidzana. “Makwikwi okusimudzirwa ndiwo manyuko esimba ramasangano echiJapan,” yakadaro 65,9 muzana yavatungamiri vamasangano makuru akaongororwa neFederation of Economic Organizations yeJapan. Uye kunoratidzika kuti makambani eJapan ave achibudirira kwenguva yakati. Zvisinei, makwikwi chaizvoizvo anokosha kubudiriro here?
Anotusa Zvirokwazvo Here?
Vanhu vanoita makwikwi navamwe vanoratidzira chimiro chendangariro choudyire, chokuti ini pakutanga. Ivo vanofara apo vamwe vanoita zvakashata, vachifungidzira kuti kuchasimudzirawo kuyerwa kwavo vamene. Nokuda kwemhindu yavo vamene youdyire, ivo vangashandisa unyanzvi hunokuvadza kuvamwe. Kurondwa kwakadaro kwebudiriro kupfurikidza namakwikwi kuchatungamirira kuchii? Yasuo, uyo akazvibatanidza amene munhangemutange yokuva munhu anokosha mukambani yake, anoyeuka muitiro wake womunguva yakapfuura uye anoti: “Ndakazara nomudzimu wamakwikwi nokufunga kuda kusimudzirwa, ndakazvienzanisa ndimene navamwe ndokunzwa ndiri mukuru. Apo vanhu ivavo vakaiswa munzvimbo dziri pamusoro pangu, ndaishatirwa ndokunyunyuta zuva riri rose pamusoro pavatarisiri vavashandi vekambani. Ndakanga ndisina shamwari mupfungwa yechokwadi yeshoko racho.”
Mudzimu wamakwikwi unogonawo kutungamirira kurufu rwapanguva isina kufanira. Seiko? Mainichi Daily News yeJapan inobatanidza karoshi, kana kuti rufu runoparirwa nokunyanyoshanda, nomufambiro worudzi rwaA. Rudzi rwaA runorondedzera mutoo womufambiro unogonana nedzvinyiriro inoparirwa nokunyanyobatikana nokushandiswa zvakanaka kwenguva, makwikwi, uye utsinye. Nyanzvi dzomwoyo dzeAmerica Friedman naRosenman dzinobatanidza mufambiro worudzi rwaA nehosha yetsinga dzomwoyo. Hungu, mudzimu wamakwikwi ungava unouraya.
Makwikwi munzvimbo yebasa anogona kutungamirira kudzimwewo nyongano dzomuviri nedzendangariro. Muenzaniso mumwe ndiKeinosuke, uyo akanga ari mutengesi wapamusoro wavamwe vavatengesi vakuru vemotokari veJapan. Iye akapfuura vose kupfurikidza nokutengesa hwerengedzo yemotokari 1 250. Pikicha yake yakaiswa mufuremu ndokuturikwa mukamuri rinoshandiswa neboka ravatungamiriri padzimbahwe rekambani yacho. Kunyange zvazvo aisema kushandisa vabiyake samatanho okuwana nawo kusimudzirwa, kambani yakamusunda kuti aite makwikwi. Somuuyo, mugore rimwe akatambura ose ari maviri mamota omudumbu noomuura. Gore rimwe chetero, vatungamiriri 15 vomukambani yake vakapinzwa muchipatara, uye mumwe akazviuraya.
Kumusha, chimiro chendangariro chokuda kufanana navananhingi chinosunda vanhu kuti vaite ratidzirwo yokuzvitutumadza yemitoo yavo youpenyu murwisano isingatongogumi. (1 Johane 2:16) Ikoku kunobetsera kutengeserana bedzi, kuchiisa mari mumaoko avatengesi vapasi.—Enzanisa naZvakazarurwa 18:11.
Kunyange zvazvo mudzimu wokurwisana nowamakwikwi ungaparira kusanoita mubasa, hakushamisi kuti mambo Soromoni akati: “Ndakaona kubata kwose noumhizha hwose pakubata, kuti munhu unovengwa nowokwake pamusoro pazvo. Naizvozvo hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo bedzi.” (Muparidzi 4:4) Naizvozvo tinogona sei kuchengeta rugare rwendangariro tichirarama muchaunga chine makwikwi? Kuti tione, ngatitangei kuona uko pfungwa yamakwikwi yakatanga.