RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 3/1 pp. 4-7
  • Rugare Rwendangariro Muchaunga Chine Makwikwi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rugare Rwendangariro Muchaunga Chine Makwikwi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mavambo Omudzimu Wamakwikwi
  • Budiriro Pasina Makwikwi
  • Nzira Yokuchengeta Nayo Rugare Rwendangariro
  • Makwikwi Anokosha Kubudiriro Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Kuponeswa, Kwete Nemabasa Oga, Asi Nomutsa Usina Kufanirwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • ‘Ucharamba Uchifamba Maererano Nomudzimu’ Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Usamutsa Makwikwi—Ita Kuti Pave Nerugare
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 3/1 pp. 4-7

Rugare Rwendangariro Muchaunga Chine Makwikwi

“KANA munhu achida kuva wokutanga,” Jesu Kristu akapa zano vaapostora vake kudaro, “uchazova weshure kuna vose nomuranda wavose.” Vaapostora vakanga vachiita nharo pamusoro pokuti ndiani akanga ari mukurusa pakati pavo. Ivo vaiziva kuti Jesu aisema rudzi irworwo rwomudzimu. Haana kutongorwisanisa vadzidzi vake senzira yokusimudzira nayo fambiro mberi yomudzimu.—Marko 9:33-37.

Asati auya kupasi, Jesu Kristu akagoverana mukusikwa kwavaviri vokutanga vohunhu uye aiziva kuti vakaitwa sei. (VaKorose 1:15, 16) Vanhu vokutanga vakasikwa vane simba rokufambira mberi pasina kukwikwidzana nenzira youtsinye. Vanhu vakanga vasingafaniri kurwisana kuti vasarudze akanga ari musoro wavo, uyewo havana kukwikwidzana nemhuka muparapatiko yokupukunyuka.—Genesi 1:26; 2:20-24; 1 VaKorinte 11:3.

Mavambo Omudzimu Wamakwikwi

Ipapoka, mudzimu wamakwikwi ane utsinye wakava sei simba rakadaro rinodzora muchaunga chavanhu? Chinoitika chokutanga chokuponda munhau yavanhu chinopa mhinduro. Mudzimu wamakwikwi waKaini, mwanakomana mukurusa wavaviri vokutanga vohunhu, wakatungamirira kungwavaira. Kaini akaponda munun’una wake Abheri nemhaka yokuti chibairo chaAbheri chakafadza Mwari, nepo chaKaini chisina. Uye Bhaibheri rinotaura kuti Kaini “wakanga ari wowakaipa, akauraya munun’una wake.”—1 Johane 3:12; Genesi 4:4-8, NW.

Hungu, akaipa, Satani Dhiabhorosi, ndiye muvambi nomusimudziri womudzimu wamakwikwi. Kunyange zvazvo akanga ari mwanakomana wengirozi waMwari aiva neropafadzo huru, aida zvakawanda. (Enzanisa naEzekieri 28:14, 15.) Apo iye akanyengera Evha, akaratidzira chishuvo chake amene. Iye akataura kuti kupfurikidza nokudya muchero wakarambidzwa, iye aizo“sungirwa kuva akafanana naMwari.” (Genesi 3:4, 5, NW) Chaizvoizvo, akanga ari Satani aida kuva akafanana naMwari, achirwisa Mwari. Mudzimu wokukwikwidzana naMwari wakamusundira kukupandukira.—Jakobho 1:14, 15.

Uyu mudzimu unotapukira. Mupesvedzero yaSatani, rugare rwakapiwa naMwari rwegadziriro yemhuri yapakuvamba rwakarasika. (Genesi 3:6, 16) Chifo chokupandukira kwake Mwari, Satani Dhiabhorosi akatonga rudzi rwomunhu, achikurudzira mudzimu wamakwikwi, kunyange kunyengera varume navakadzi kupinda mukudavira kuti makwikwi ane utsinye anokosha kubudiriro. Zvisinei, Bhaibheri rinotsanangura, kuti: “Nokuti pane godo norukave, ndipo pane nyonganiso namabasa ose akaipa.” (Jakobho 3:14-16) Satani nokudaro akabira munhu mufarwa wake norugare rwendangariro.

Budiriro Pasina Makwikwi

Mukupesana nenyengetedzo yaSatani, Bhaibheri rinopa mienzaniso yebudiriro pasina makwikwi. Mukurusa ndiwo uyo waJesu Kristu. Kunyange zvazvo aivapo muchimiro chaMwari, haana kutongofunga nezvokuva akaenzana naMwari asi akava nechimiro chomuranda ndokuuya kupasi. Kupfuura izvozvo, akazvininipisa amene ndokuva anoteerera kusvikira parufu padanda rokutambudzira. Ichi chimiro chendangariro chokuteerera, chisina mudzimu upi noupi wokurwisa, chakatungamirira kukuwana kwake nyasha dzoumwari. “Saka Mwari wakamukudza zvikuru, akamupa zita rinopfuura mazita ose.” (VaFiripi 2:5-9) Ibudiriro huru zvikuru zvakadini iyo chisikwa chipi nechipi chaigona kuwana? Iye akafadza Baba vake kusvikira patambanuko isina chimwe chisikwa chaigona, uye akaita ikoku pasina mudzimu upi noupi wokurwisa kana kuti makwikwi.—Zvirevo 27:11.

Ngirozi dzakatendeka dzakawanda mudenga dzinoratidza chimiro chendangariro chimwe chetechi. Kunyange zvazvo Jesu, uyo akanga ari musoro wengirozi, akava muduku zvishomanene kwadziri apo akauya kupasi, dzakabatira nokudisa zvinodikanwa zvake. Nenzira yakajeka, dzakanga dzisina mufungo wokushandisa mugariro wacho nokuedza kumutsiva seNgirozi Huru.—Mateo 4:11; 1 VaTesaronika 4:16; VaHebheru 2:7.

Kusema kwadzo zvimiro zvendangariro zvamakwikwi kunotova pachena zvikuru apo tinorangarira nzira yadzakaita nayo kudonzo raMwari rokukwidza vamwe vanhu vasina kukwana kuupenyu hwomudzimu husingafi, muri mumugariro ivo vacha“tonga ngirozi.” (1 VaKorinte 6:3, NW) Ngirozi dzine ruzivo rwokuzviwanira rwakawanda mukubatira Jehovha uye dzine mano makuru zvikuru okuita zvakanaka kupfuura zvinoita vanhu vasina kukwana. Zvisinei, ngirozi dzinoshumira nomufaro vakazodzwa vari pasi pano, dzisingatongovi neshanje dzeicho ivava vachagamuchira. (VaHebheru 1:14) Chimiro chadzo chendangariro chakaisvonaka, chisina makwikwi chinodzigonesa kupfuurira kubatira pamberi pechigaro choumambo chaChangamire Ishe Jehovha.

Ipapoka, funga nezvavabatiri vakatendeka vakare vaMwari vachamutswa pasi pano. Abrahama akanga ari muenzaniso wakatanhamara wokutenda uye akanzi “baba vaavo vose vane kutenda.” (VaRoma 4:9, 11, NW) Jobho akagadza muenzaniso wakaisvonaka wetsungiriro. (Jakobho 5:11) Mosesi, “munhu munyoro kwazvo, kupfuura vanhu vose vaiva panyika,” akatungamirira rudzi rwaIsraeri kurusununguko. (Numeri 12:3) Ndiani pakati pavanhu vasina kukwana akagadza muenzaniso uri nani wokutenda, tsungiriro, uye unyoro kupfuura ava vanhu? Zvisinei, ivo vachagara nhaka nzvimbo yapasi yoUmambo hwaMwari. (Mateo 25:34; VaHebheru 11:13-16) Ivo, kufanana naJohane Mubhapatidzi, vachava pasi po“muduku muushe hwokudenga.” (Mateo 11:11) Vachazombofunga nezvokunyunyuta, kutaura kuti kutenda kwavo, tsungiriro, kana kuti unyoro zvakaenzana kana kuti muzvinoitika zvakati zvakapfuura izvo zvaavo vanopiwa upenyu mudenga here? Zvamazvirokwazvo kwete! Ivo vachava vadzorwi vapasi vanofara voUmambo hwaMwari.

Nhasiwo, vanhu vasina chimiro chendangariro chamakwikwi vanofadza kuva navo. Yasuo, adudzwa munyaya yokutanga, akapinda zvikuru muchikwereti chakabva mukutsvaka ndarama ndokurasikirwa nezvinhu zvake zvose. “Shamwari” dzake dzakamusiya. Sezvo mudzimai wake akanga atanga kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, akaenda kumisangano yazvo nemhaka yokunzwa urombo nokuda kwokutambura kwaakanga aparira mhuri yake. Pakupedzisira, akazvibvisira amene makwikwi ndokuva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Zvino iye anofara kupoteredzwa neshamwari dzechiKristu, rudzi runodisa kumubetsera munguva dzenhamo.

Nzira Yokuchengeta Nayo Rugare Rwendangariro

Hakusati kuri nyore nguva dzose kuchengeta rugare rwendangariro muchaunga chisina tsitsi, chine makwikwi. Tinoita zvakanaka kucherechedza kuti Bhaibheri rinoshurikidza “kuvengana, negakava, negodo, nokutsamwa, nokupesana, nokuparadzana, nedzidziso dzakatsauka, nokugodorana” sa“mabasa enyama” ayo anodzivisa vanhu kugara nhaka Umambo hwaMwari. Mabasa iwawa ose anofambidzana nomudzimu wamakwikwi. Hakushamisi kuti muapostora Pauro akakurudzira vaGaratia, kuti: “Tirege kuzvikudza, [tichinyandura makwikwi nomumwe nomumwe, NW], tichigodorana.”—VaGaratia 5:19-21, 26.

Muaya mashoko akapoteredza, tsamba yaPauro yakaratidza chinokosha kukugonana namakwikwi oudyire. Iye akati: “Chibereko chomudzimu ndirwo rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, kuzvidzora. Hakuna mutemo unorwisana nezvinhu zvakadai.” (VaGaratia 5:22, 23, NW) Chibereko chomudzimu chinotibetsera kubvisa kurwisa mundangariro dzedu. Rangarira, somuenzaniso, vara rorudo. “Rudo haruna godo,” anotsanangura kudaro Pauro. “Rudo haruna manyawi, haruzvikudzi; haruiti zvisingafaniri, haruzvitsvakiri zvarwo; harutsamwi.” (1 VaKorinte 13:4-7) Kupfurikidza nokusakurira rudo, tinogona kubvisa godo, simba rinosunda mudzimu wamakwikwi. Zvimwe zvibereko zvomudzimu zvinotibetserawo kubvisa mumwoyo yedu nendangariro zvisaririra zvipi nezvipi zvinosarira zvomudzimu wamakwikwi ane utsinye. Chokwadi, nokuzvidzora sundo ipi neipi inomuka yokukwikwidzana navamwe kuti tiwine pasinei zvapo nemiuyo inogona kukurumidza kudzvinyirirwa!—Zvirevo 17:27.

Kuti tisakurire aya mavara, zvisinei, tinofanira kubvumira mudzimu waMwari kushanda patiri. Tinogona kukurudzira uku kushanda kwakanaka kwomudzimu mutsvene kupfurikidza nokupfuurira mumunyengetero nokukumbira mudzimu waMwari kuti utibetsere. (Ruka 11:13) Mumhinduro kumunyengetero wedu, chii icho Mwari achatipa? Bhaibheri rinopindura, kuti: “Musafunganya pamusoro pechinhu chimwe; asi pazvinhu zvose, mikumbiro yenyu ngaiziviswe Mwari nokunyengetera nokukumbira, pamwe chete nokuonga. Zvino rugare rwaMwari runopfuura kunzwisisa kwose, rucharinda mwoyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu.”—VaFiripi 4:6, 7.

Ikoku kwakanga kuri pachena muchinoitika chavaapostora vaJesu. Kunyange pashure pokunge Jesu atanga Chirairo chaShe pausiku hwake hwokupedzisira ana vaapostora, vakanga vachiri kuita nharo pamusoro pokuti ndoupi wavo airatidzika kuva mukurusa. (Ruka 22:24-27) Jesu panhambo dzakasiana-siana akanga aedza kuvabetsera kururamisa kufunga kwavo, asi ichi chimiro chendangariro chamakwikwi chakanga chakasimba mavari. (Marko 9:34-37; 10:35-45; Johane 13:12-17) Zvisinei, apo vakangogamuchira bedzi mudzimu mutsvene mazuva 50 pashure pekakavadzano iyoyo, chimiro chavo chendangariro chakachinja. Kwakanga kusina nharo pamusoro peaizovamirira mukutaura kuboka raida kuziva rakaungana pazuva iroro rePentekosta.—Mabasa 2:14-21.

Pakanga pasina nzvimbo youdzori hupi nohupi hwomunhu paungano yechiKristu. Apo vaifanira kupedza chinetso pamusoro pedzingiso, Jakobho, uyo akanga asati achimbova mudzidzi panguva yorufu rwaJesu, akatungamirira pamusangano iwoyo unokosha. Hapana chiratidzo chegakava pamusoro pokuti ndiani aizotungamirira musangano iwoyo womutumbi unodzora weungano yechiKristu. Ichinjo yakadini kubva panguva apo vaapostora vakanga vakashatiswa nomudzimu wamakwikwi! Nebetsero yomudzimu mutsvene, vakayeuka dzidziso dzaJesu ndokuvamba kunzwisisa revo yezvidzidzo zvake.—Johane 14:26.

Zvimwe chetezvo zvinogona kuva zvechokwadi nezvedu. Nebetsero yomudzimu mutsvene, tinogona kukurira sundo ipi neipi inosarira yokukwikwidzana navamwe kuti tiite fambiro mberi pakuvadziko yavo. Panzvimbo pezvo, tinogona kuwana rugare rwendangariro runopfuura mufungo wose. Bhaibheri rinotivimbisa kuti manyuko amakwikwi ane utsinye, Satani Dhiabhorosi, achakurumidza kupinzwa mugomba rakadzika-dzika, kuitwa asingashandi. (Zvakazarurwa 20:1-3) Kurwisana pakati pavavakidzani hakusati kuchizovakozve. Muuyo uchava chaunga chisina fambiro mberi ipi neipi here? Nyangwe! Vanhu vachasvika kukukwana, kwete kupfurikidza namakwikwi api naapi pakati pavo vamene, asi kupfurikidza nokushandiswa kwechibairo chorudzikinuro chaJesu kwavari.—1 Johane 2:1, 2.

Keinosuke, adudzwa pakuvamba, uyo akanga ambowana mbiri yebudiriro yenyika kupfurikidza nokutengesa chiverengero chapamusoro zvikurusa chemotokari, akazvinetesa amene mose muri muviri mundangariro nomumuviri, asi pakupedzisira akarega basa rake. “Zvino, upenyu hwangu hwakazara nomufaro wechokwadi,” iye anodaro. Iye akasvika pakuona chikonzero nei budiriro yechokwadi yakaratidzira upenyu hwaJesu. Iye zvino anowana zorodzo muchipi kana chipi chaanogona kuita muungano yenyika yose yaMwari. Iye nokudaro ari kugadzirirwa nokuda kwenyika itsva, iyo ichava isina makwikwi. Iwewo unogona kuva nechiono chapachine nguva mberi cheichi chaunga chenyika itsva kupfurikidza nokushanyira imwe yeHoro dzoUmambo munharaunda yenyu ndokusonganirana neZvapupu zvaJehovha.

[Mufananidzo uri papeji 7]

Rugare nebatira pamwe zvichafarikanywa nechaunga chavanhu munyika itsva yaMwari

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe