“Ruoko rwaJehovha” Muupenyu Hwangu
YAKATAURWA NALAWRENCE THOMPSON
HUMWE usiku muna 1946, baba vangu neni takagara mumotokari tichitarira zviedza zvokuchamhembe zvichitamba zvichigura matenga. Takataura pamusoro poukuru hwaJehovha nouduku hwedu. Takamutsidzira nhau dzinovambira mumakore apo basa reZvapupu zvaJehovha rakanga rakarambidzwa muCanada. Baba vakaroverera pandiri kuti Jehovha akanga atsigira nokutungamirira sei vanhu Vake mumakore iwawo.
KUNYANGE zvazvo ndakanga ndichingova namakore 13 bedzi, ndaigona kunzwisisa zvokwadi yeizvo Baba vakanga vachitaura. Ivo vakarovererawo pandiri pfungwa yekurumidziro noukuru hwebasa rokuparidzira rakanga richigere kuitwa. Baba vakanokora mashoko Numeri 11:23 ndokusimbisa kwandiri kuti, chaizvoizvo, ruoko rwaJehovha harusati ruchitongopfupikiswa. Kushaya kwedu kutenda bedzi nechivimbo maari kunoganhurira zvaachatiitira. Yakanga iri kurukurirano inokosha yababa nomwanakomana, iyo ndisati ndichizotongokanganwa.
Kufunda zvinyorwa zveWatch Tower, zvikurukuru bhuku raSalvation, rakabudiswa muna 1939, kwakapesvedzerawo zvikuru upenyu hwangu hwapakuvamba. Handisati ndichizotongokanganwa muenzanisiro wokutanga unoshamisa webhuku racho: “Chitima chinomhanya, chakazara vakwiri, chakanga chichimhanya makiromita zana namakumi matanhatu paawa. Chinofanira kuyambuka rwizi pabhiriji raiva nekona rine madhigirii anodokusvika zana namakumi masere, zvokuti vanhu vaiva muchikamu cheshure chechitima vaigona kuona injini . . varume vaviri vakakwira muchikamu cheshure . . . vakaona kuti rutivi rwebhiriji kumugumo uri kure rwakanga ruchitsva uye ruchiwira murwizi. Ivo vakaziva kuti vakanga vachitarisana nengozi huru. Iyoyo yakanga iri ngozi chaiyoiyo. Chitima chacho chaigona kumiswa here munguva kuponesa upenyu hwavakwiri vakawanda?”
Richishandisa muenzanisiro wacho, bhuku racho rakagumisa, kuti: “Nenzira yakafanana nhasi, marudzi ose navanhu vapasi vakatarisana nenjodzi hurusa. Ivo vari kunyeverwa sezvo Mwari anoraira, kuti ngwavaira yeArmagedhoni iri pamberi apa. . . . Anyeverwa, mumwe nomumwe adarozvo kunyeverwa anofanira zvino kusarudza nzira yaachatora.”
Chitima chinomhanya, bhiriji rinotsva, uye kurumidziro yebasa rokuparidzira zvakatemerwa zvisingadzimiki mundangariro yangu.
Mubato Wokuparidzira Wapakuvamba
Ndakavamba kugoverana mubasa rokuparidzira muna 1938, apo ndaiva namakore mashanu. Henry naAlice Tweed, mapiona maviri (vashumiri venguva yakazara), vaienda neni, uye taipedza maawa anovambira pa 10 kusvikira ku 12 pazuva tichitaura kuvanhu. Ndaifarikanya chose chose mazuva iwayo akazara mubasa raJehovha. Naizvozvo ndakafadzwa gore rakatevera racho apo Baba naAmai vakandibvumira kuva muparidzi ndokushuma zvomenemene mubato wangu.
Mumazuva iwayo apakuvamba, taiva nokufora kwamashoko, kufamba tichidzika nomumugwagwa mukuru wamataundi takapfeka zvikwangwani zvaiva nokutaura kwaifumura rudzidziso rwenhema ndokuzivisa Umambo hwaMwari. Taishandisawo magiramafoni anotakurika ndokuridza mashoko akavakirwa paBhaibheri pasuo chaipo ravanasaimba. Tairidza hurukuro dzaJ. F. Rutherford, purezidhendi weWatch Tower Society, dzimwe dzadzo ndaiziva nomusoro. Ndinogona kungomunzwa, achiti: “Kwave kuchiwanzonzi, Rudzidziso musungo namaminimini!”
Basa Redu Rinorambidzwa muCanada
Mukati mehondo yenyika yechipiri, basa reZvapupu zvaJehovha rakarambidzwa muCanada, sezvarakanga raitwa muNazi Germany nedzimwe nyika. Naizvozvo takangoshandisa bedzi Bhaibheri asi takapfuuridzira basa redu rakapiwa chiremera naMwari mukuteerera miraidzo yeBhaibheri. (Mateo 28:19, 20; Mabasa 5:29) Takadzidza kugonana nokuvhozhokera kwamapurisa pamisangano yedu nemisha yedu. Takavawo vane ruzivo rwokuzviwanira pakupupurira pamberi pavatongi nokupindura vaongorori.
Mukoma wangu Jim neni takava nyanzvi pakukandira mabhukwana tiri mumotokari dzinofamba pamasuo namaberere. Mukuwedzera takashanda savatakuri vezvinhu uye, padzimwe nguva, savarindiri vaavo vanoyambuka muganhu kuzopinda kokorodzano muUnited States.
Imba yedu yakanga iri kunze kwePort Arthur (zvino Thunder Bay), Ontario, hekita rimwe kana kuti kupfuura yakakombwa nemiti namakwenzi. Taiva nemombe, mhuru, nguruve, uye huku—zvose zvakabatira senyengedzo yakaisvonaka nokuda kwebasa redu rokubatsira maKristu biyedu maduku akanga achivhimwa kuti apinzwe mutorongo nokuda kwokuparidzira Umambo hwaMwari.
Usiku, motokari, marori, uye maturera zvaitakura maKristu maduku zvaipinda nokubuda muruvazhe rwedu rwuri rwoga. Taichengeta, kuvanza, kunyengedza, uye kudyisa idzi pwere uye ipapo kudzirega dzichipfuurira panzira yadzo. Baba vangu naamai, pamwe chete navamwe vashandi ivavo vapakuvamba, vaiva vabatiri vomwoyo wose avo vakaumba mwoyo wangu muduku kuti ubatire nokuda Jehovha Mwari.
Muna August 1941, ndakatsaurira upenyu hwangu kuna Jehovha uye ndakabhapatidzwa munyanza duku musango chaimo. Chiverengero chakati chedu chakanga chaungana nokuda kweichi chinoitika usiku chaihwo muimba yaivhenekerwa nerambi. Sezviri pachena achinyumwira, mapurisa akaongorora, nguva yose achinzvera nyanza namagetsi anoonesa zvikuru, asi haana kutiwana.
Mativi Akawanda Ebasa Renguva Yakazara
Muna 1951, ndakapedza kudzidza pachikoro chapamusoro ndokufamba makiromita anodokusvika chiuru namazana matanhatu kundotanga mugove woupiona muCobourg, Ontario. Ungano yacho yakanga iri duku, uye ndakanga ndisina mukutsirani piona. Asi ndichiyeuka kuti ruoko rwaJehovha haruna kupfupika, ndakarenda kamuri, ndaizvibikira ndimene, uye ndaifara kuva ndinobatira Jehovha. Gore rakatevera racho ndakakokwa kundobatira pahofisi yebazu yeWatch Tower Society muToronto. Ikoko ndakadzidza zvidzidzo zvinokosha zvakawanda izvo zvakandinatsa nokuda kwebasa roUmambo romunguva yemberi.
Pashure pokunge ndabatira sapiona muToronto kwerinopfuura gore rimwe, Lucy Trudeau neni takaroorana, uye munguva yechando ya 1954, takagamuchira mugove woupiona muLevis, Quebec. Mugariro wokunze waitonhora zvikuru, kunetsa kwenyongori namapurisa zvakanga zvichityisidzira, uye yakanga iri denho kudzidza chiFrench. Mose ruoko rwaJehovha rwakanga rusina kutongopfupika, naizvozvo nepo kwakanga kune nguva dzakaoma, takavawo nezvikomborero zvakawanda.
Somuenzaniso, takakumbirwa kunzvera ngarava mbiri (Arosa Star uye Arosa Kulm) idzo Society yakaronga kushandisa kutakura nhume kuenda kukokorodzano huru dzamarudzi ose dzeEurope muna 1955. Vachidisa kuva nebasa reSosaiti, vatarisiri vekambani dzengarava panhambo nenhambo vaitiratidza mutsa, iro rakanga riri zororo rinofadza kubva muushumiri hunonetsa muQuebec panguva iyoyo.
Mukupera kwa 1955, ndakakokwa kuzobatira somutariri anofambira, uye takapedza nguva iyoyo yechando tichishanyira ungano dziri kure kuchamhembe kunotonhora zvikuru kweOntario. Gore rakatevera racho takapinda Watchtower Bible School of Gilead muUnited States, uye pashure takagoverwa savafundisi kuBrazil, South America.
Takavamba kushanda nembavarira mumugove wedu mutsva uye nokukurumidza takakwanisa kuparidzira nokudzidzisa mumutauro wechiPutukezi. Pakuvamba muna 1957, ndakagoverwazve kundoshanda somutariri anofambira. Zvino, panzvimbo pokutonhora kukuru kweNorth, taifanira kugonana nokupisa kukuru. Kakawanda taifanira kumira ndokubvisa jecha rinopisa mushangu dzedu kana kuti kucheka nzimbe dzokutsenga kuti timutsidzire simba redu. Asi kwaiva nezvikomborero.
Mutaundi reRegente Feijo, ndakataura kumukuru wamapurisa, uye iye akaraira kuti zvitoro zvose zvipfigwe ndokuudza munhu ari wose kuenda kunzvimbo yemisangano yavanhu yetaundi. Ndiri mumumvuri womuti une mashizha makuru une maruva, ndakakurukura hurukuro yeBhaibheri kuvanhu vose vomutaundi. Nhasi imomo mune ungano yeZvapupu.
Kurera Vana Vedu muBrazil
Apo Lucy akava napamuviri muna 1958, takagara muJuiz de Fora ndokubatira samapiona chaiwo. Mukati mamakore maviri akatevera, vanasikana vedu, Susan naKim, vakaberekwa. Ivo vakabvumikisa kuva chikomborero chaichoicho muushumiri, vachiva chinhu chitsva mutaundi. Sezvo taisadzira purema dzavo mumigwagwa yakaiswa mabwe akaurungana, vanhu vaibuda kuzovaona. Sezvo kushaiwa vaparidzi voUmambo muRecife kwaiva kukuru, kumaodzanyemba kweequator, takatamira kunzvimbo iyoyo inopisa zvikuru kwazvo.
Muna 1961, handina kungokwanisa bedzi kubetsera kuronga kufamba nendege nokuda kweZvapupu zvaienda kukokorodzano muSão Paulo asi ndakakwanisawo kupinda ini ndimene kokorodzano iyoyo isingakanganwiki. Anenge maminiti 20 tichibhururuka, kunyanguvezvo, ndege yacho kamwe kamwe yakawira yakananga pasi, ichikanda-kanda vakwiri mukamuri. Mukati mendege makaparadzwa; zvigaro zvakabviswa panzvimbo yazvo, uye vakwiri vakasvuurwa uye vachibuda ropa. Nomufaro, muchairi wendege akakwanisa kubvisa ndege mukudonha kwayo, uye takamhara zvakakotsekana. Hapana nomumwe wedu akakuvadzwa zvakashata kwazvo zvokuti taisagona kupfuurira kuSão Paulo muimwe ndege. Takafarikanya kokorodzano inoshamisa, asi ndakataura kuti handisati ndaizotongofambazve nendege!
Zvisinei, apo ndakasvika kumusha ndichibva kukokorodzano, mumwe mugove wakandimirira. Ndaifanira kutarisira kokorodzano musango chaimo kuTeresina, Nyika yePiauí. Ndaizofanira kuendako nendege. Ndatyiswa sezvandakanga ndakaita, ndakagamuchira mugove wacho, ndichivimba noruoko rwaJehovha.
Muna 1962 mwanakomana wedu, Greg, akaberekwa muRecife. Kunyange zvazvo ndakanga ndisati ndichakwanisa kupayona nemhaka yokuti zvino ndaiva nemhuri inokura, ndakakwanisa kushandisa pesvedzero yakanaka paungano duku. Vana nguva dzose vaidisa kutikumbanira muushumiri, sezvo taihuita kuti hufadze kwavari. Mumwe nomumwe wavo, kuvambira pazera ramakore matatu, akakwanisa kupa mharidzo pamasuo. Takakuita tsika kusatongopotsa kupinda misangano kana kuti kugoverana mubasa romumunda. Kunyange apo mumwe mumhuri akanga chirwara uye mumwe angasara kumusha naiyeyo, vasara vaipinda musangano kana kuti kugoverana muushumiri hwomumunda.
Mumakore ose, taikurukura nguva dzose semhuri kosi dzechikoro dzavana nenharidzano dzavo muupenyu, kuvagadzirira nokuda kwebasa nesangano raJehovha. Taingwarira kusavaratidzira kupesvedzero dzinonetesa, zvakadai seterevhizheni. Takanga tisina TV mumusha medu kutosvikira vana vava vechiduku. Uye kunyange zvazvo taiva nemari yacho, hatina kuvashatisa nezvinhu zvokunyama. Somuenzaniso, takatenga bhasikoro rimwe bedzi, kuti rigoveranwe navatatu vavo.
Taiitira zvinhu pamwe chete kakawanda sekanobvira, kutamba basketball, kushambira, uye kuenda panzendo dzemhuri. Nzendo dzedu dzaiva pamusoro pokupinda kokorodzano dzechiKristu kana kuti kushanyira misha yeBheteri munyika dzakasiana-siana. Idzi nzendo dzaitipa nguva yokutaura zvakasununguka pamwe chete zvokuti Lucy neni taigona kudzidza zvaiva mumwoyo yavana vedu. Tinoonga kwazvo kuna Jehovha nokuda kwamakore iwayo aifarikanywa!
Pakupedzisira, makore edu gumi muNzvimbo dzinopisa dzapasi pedyo neequator akava nomuuyo unokuvadza pautano hwaLucy. Naizvozvo takafarira chinjo yomugove kumugariro wokunze wakaterama zvikuru wokumaodzanyemba, kuCuritiba, Nyika yeParaná.
Kudzokera kuCanada
Muna 1977, pashure pamakore anenge 20 muBrazil, Lucy neni takadzokera kuCanada navana vedu kundobetsera kutarisira baba vangu vairwara. Yakanga iri katyamadzo yakadini yetsika nokuda kwemhuri yedu! Asi yakanga isiri katyamadzo mumudzimu, sezvo takachengeta muitiro wedu mumwe chetewo nouhama hwedu hune rudo hwechiKristu.
MuCanada ushumiri hwenguva yakazara hwakava chinhu chemhuri sezvo vanasikana vedu mumwe nomumwe mudzoro akapinda muushumiri hwoupiona hwenguva yakazara. Tose zvedu takabetsera nhamburiko yemhuri yedu. Mari ipi neipi yaiwanwa kubasa renguva isina kuzara yaiiswa mumari yendyiko yokuchengeta musha wedu nemotokari nhatu dzaidikanwa kufukidza ndima yedu yakapararira. Vhiki riri rose, pashure pefundo yedu yemhuri yeBhaibheri, taikurukura gadziriro dzedu dzemhuri. Idzi kurukurirano dzakabetsera kujekesera munhu ari wose kwatakanga tichienda uye chatakanga tichiita noupenyu hwedu.
Mwanakomana wedu, Greg, kufanana nehanzvadzi dzake huru, akavawo noushumiri hwenguva yakazara senharidzano yake. Chifo chaapo aiva namakore mashanu, akataura chishuvo chokushanda pahofisi yebazu yeSosaiti, inonzi Bheteri. Iye haana kutongokanganwa nharidzano iyoyo, uye pashure pokupedza kufunda pachikoro chapamusoro, akabvunza amai vake neni, kuti: “Munofunga kuti ndinofanira kukumbira kuenda kuBheteri here?”
Nepo kwakatapura mwoyo yedu kurega mwanakomana wedu achienda, takapindura pasina zenguriro, kuti: “Hausati uchizotongonzwa ruoko rwaJehovha zvikuru sezvauchaita paBheteri—pakati pamene pesangano raJehovha.” Mukati memwedzi miviri akaenda kuBheteri reCanada. Imomo makanga muri muna 1980, uye iye akabatira ikoko chifo chenguva iyeyo.
Ma 1980 akaunza denho itsva nokuda kwaLucy neni. Takadzokera kwatakatangira—vaviri chete vedu. Pakasvika nguva iyeyo Susan akaroorwa uye akanga achipayona nomurume wake, uye Kim naGreg vose vari vaviri vakanga vachibatira paBheteri. Chii chataizoita? Mubvunzo iwoyo wakakurumidza kupindurwa muna 1981 apo takakokwa kubatira dunhu rechiPutukezi, iro rakapararira makiromita 2 000 eCanada. Tichiri kufarikanya basa rokufambira.
Kim akaroorwa ndokupinda Gilead, uye zvino anobatira nomurume wake mubasa redunhu muBrazil. Susan nomurume wake vachiri muCanada, vachirera vana vavo vaviri, uye murume waSusan ari kupayona. Kunyange zvazvo mhuri yedu mumakore achangobva kupfuura aya yave yakaparadzaniswa mumuviri nemhaka yemigove yedu yakasiana-siana mubasa renguva yakazara, tinoramba tiri pedyo mumudzimu nomumirangariro.
Lucy neni tinotarira mberi kunguva yemberi inofadza nemhuri yedu mupasi rakacheneswa. (2 Petro 3:13) Kufanana naMosesi wekare, takawana zvakananga uzvokwadi uye mhinduro kumubvunzo unoorora uri pana Numeri 11:23: “Ko ruoko rwaJehovha rwakapfupiswa here? Uchaona hako zvino kana shoko rangu richiitika kana risingaitiki.” Zvamazvirokwazvo, hapana chinhu chinogona kudzivisa Jehovha kukomborera vabatiri vake nokuda kwebasa ravo romwoyo wose.
[Mufananidzo uri papeji 25]
Nomudzimai wangu, Lucy