RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 3/15 pp. 8-9
  • Zvapupu zvaJehovha Kupota Nyika—Bahamas

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvapupu zvaJehovha Kupota Nyika—Bahamas
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kutenda Kutsva Kunodenhwa
  • Vanotamira Munyika Imomo Vanonzwa Rwiyo Rutsva
  • Ndinofara uye Ndinoonga Kunyange Zvazvo Ndakarasikirwa Zvinorwadza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Dzimbahwe Renyika Uye Hofisi Huru Dzezvapupu zvaJehovha—Mumifananidzo
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Rutivi 4—Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 3/15 pp. 8-9

Zvapupu zvaJehovha Kupota Nyika—Bahamas

COMMONWEALTH yeBahamas—boka rezvitsuwa 3 000 netuzvitsuwa—rakaita senekiresi yakatsvukuruka richigura makiromita 900 egungwa rakasvibirira pakati peFlorida neCuba. Pakati pavagari vayo 267 000 pane boka ravaimbi rinokura ravazivisi voUmambo. Rwiyo rwavo rwerumbidzo runoyeuchidza Isaya 42:10-12: “Imbirai Jehovha rwiyo rutsva, murumbidzei kubvira pamigumo yenyika; imi, munoburukira kugungwa, nezvose zviri mukati maro, zviwi navagere pazviri. . . . ngavadanidzire vari pamusoro pamakomo. Ngavakudze Jehovha, vaparidzire pazviwi kurumbidzwa kwake.”

Kutenda Kutsva Kunodenhwa

Muna July 1992, mumwe piona wenguva dzose (muparidziri woUmambo wenguva yakazara) akagovera muzivikanwi wezvebhizimisi yamuro yefundo yeBhaibheri yaIwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso pano. Pashure pokunge murume wacho arava bhuku racho, akazviudza amene kuti, ‘Urwu rudzidziso ndichimwe chinhu chandinofanira kunzvera.’ PamaSvondo maviri akatevera, akapinda misangano paHoro dzoUmambo mbiri dzakasiana dzeZvapupu zvaJehovha. Tevere, fundo yeBhaibheri yakatangwa naye. Zvisinei, mavhiki matanhatu bedzi pashure pokunge avamba zvifundo zvake zveBhaibheri, denho yakamuka iyo yaizoedza kutenda kwake kutsva—kuchengetwa kwamazuva okuzvarwa.

Mhuri yomuzvinabhizimisi yakanga ichibatanidzwa zvikuru nokuchengeta kwakadaro, asi kuda kwake Shoko raMwari kwakamunyandura kuti apfuurire nezvifundo zvake zveBhaibheri. Sezvo zivo yake yezvokwadi yapaMagwaro yakawedzera, ndizvo zvakaitawo nzwisiso yake yokuchengetwa kwamazuva okuzvarwa namazororo enyika nomurangariro waJehovha wazvo.

Apo mudzimai wouyu murume akaronga kuungana kwenhandaro kweZuva raBaba, akaramba norupfave kuvapo. Kunyanguvezvo, akarangarira kuti akanga achisiri kumuda uye akanga ari kuisa rudzidziso rwake pamberi pake nemhuri. Akatsanangura nenzira yomutsa kuti kushandisa zvaakanga ari kudzidza muBhaibheri kwakanga kuri kubetsera kumuchinja kuti ave murume nababa ari nani. Pakupedzisira, akakura mukunzwisisa kuda kwake zvokwadi yapaMagwaro uye akabvuma kufunda Bhaibheri. Zvino anoitisa mhuri yake fundo yeBhaibheri. Uye mufaro wakadini waakava nawo pa“Kudzidzisa Kwoumwari” Kokorodzano Yoruwa gore rino rapfuura! Mudzimai wake nomwanasikana vakanga varipo uye vakamuona achibhapatidzwa.

Vanotamira Munyika Imomo Vanonzwa Rwiyo Rutsva

Zviuru zvavanotamira munyika imomo veHaiti vari kupinda munzanga yeBahamas. Ivowo vanofanira kunzwa rwiyo rutsva rwezvokwadi yoUmambo. Zvapupu zvinogara muBahamas zvinoonga kuti vanyakuroorana vaviri veHaiti neAmerica vakasvika. Ava vanhu vakabetsera kusimbisa mapoka eHaiti achangobva kuumbwa pazvitsuwa zveGrand Bahama neAbaco.

Seimwe yamuro kuvaHaiti vanofarira shoko roUmambo, kokorodzano yoruwa yokutanga yeCreole yati yamboitwa muBahamas yakaitika kubvira pana July 31 kusvikira kuna August 1, 1993. Chiverengero chavapindi chakasvika 214, vachangobva kuzvitsaurira vatatu vachibhapatidzwa. VaHaiti vakawanda avo vakadzidza zvokwadi muBahamas vakatodzoka kuchitsuwa chokumusha kwavo kana kuti vakatamira kune imwe nzvimbo kuti vawedzere manzwi avo kuawo eZvapupu zvomunzvimbomo mukuimbira Jehovha rumbidzo.

[Bhokisi riri papeji 8]

KUKAMURANISWA KWENYIKA

Gore Rebasa ra 1993a

CHIVERE. CHAPA. CHINOPUPURIRA: 1 294

RESHIYO: Chapupu 1 ku 197

VAKAPINDA CHIRANGARIDZO: 3 794

AVHAREJI YAVAPARIDZI MAPIONA: 186

AVHAREJI YEFUNDO DZEBHAIBHERI: 1 715

CHIVERE. CHAVAKABHAPATIDZWA: 79

CHIVERENGERO CHEUNGANO: 22

HOFISI YEBAZU: NASSAU

[Mashoko Omuzasi]

a Nokuda kwamashoko okuwedzera, ona Karenda reZvapupu zvaJehovha ra 1994.

[Mufananidzo uri papeji 9]

Horo yoUmambo yokutanga, nehofisi yebazu nomusha wavafundisi

[Mufananidzo uri papeji 9]

Zvapupu zvinozivisa nenzira yokushingaira mashoko akanaka

[Mufananidzo uri papeji 9]

Milton G. Henschel naNathan H. Knorr vane vafundisi muNassau makore 45 akapfuura

[Mufananidzo uri papeji 9]

Hofisi yebazu itsva, yakatsaurirwa February 8, 1992

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe