RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 5/15 pp. 28-30
  • Kugonana Nokufunga Kumusha Mubasa raMwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kugonana Nokufunga Kumusha Mubasa raMwari
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chii Chinotanga Kusuruvara?
  • Kugonana Nemirangariro Yako
  • Ramba Wakatarira Mberi
  • Unogona Kushumira Kune Imwe Nyika Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Vakazvipa Nemwoyo Unoda kuMicronesia
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • “Ibva Munyika Yako, Nokuhama Dzako”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Zvingaita Here Kuti Uyambukire kuMakedhoniya?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 5/15 pp. 28-30

Kugonana Nokufunga Kumusha Mubasa raMwari

JESU KRISTU akaraira vateveri vake, kuti: “Endai . . . mudzidzise marudzi ose.” (Mateo 28:19) Nokuda kwavaKristu vakawanda, kuita basa iroro kwakareva kugamuchira migariro yakaoma kure nomusha. Vatariri vanofambira, vadzimai vavo, uye vamwe vanosiya shure zvinhu zvakawanda nokuda kwebasa raMwari. Kufunga kumusha kunogona kuva denho chaiyoiyo nokuda kweizvi Zvapupu zvose zvaJehovha.

Kufunga kumusha kunoitika apo yeuko dzinodzosera mifungo yako shure kuchengeteko norudo zvenguva yakapfuura inofadza. Ikoku kunogona kuparira mirangariro yakakomba kudaro zvokuti unonzwa waodzwa mwoyo uye usingakwanisi kupfuurira. Kutaura idi, pashure pokutengesa zvinhu zvavo uye kuita rwendo runodhura kunyika yokumwe, vamwe vakasiya rongedzero dzavo ndokudzokera kumusha. Kufunga kumusha kwakavakurira.

Denho dzakadaro pamirangariro dzinowanzoitika nguva dzose pashure pokutama, asi navamwe dzinopfuurira kwoupenyu hwose. Pashure pokuve asipo kwaanopfuura makore 20, Jakobho ‘akanga achishuva zvikuru imba yababa wake.’ (Genesi 31:30) Ndiani anogona kukarira kutambura kufunga kumusha? Chii chinokutanga? Mumwe munhu anogona sei kugonana nemirangariro yakadaro?

Chii Chinotanga Kusuruvara?

Kufunga kumusha kunogona kutapura munhu upi noupi. Amytis, mumwe mwanasikana wamambo weMedhia Astyages, sezviri pachena akanga ane chikonzero chiri chose chomufarwa: pfuma, mukurumbira, musha wakaisvonaka. Bva, akanga achifunga kwazvo makomo okumusha eMedhia zvokuti murume wake, Mambo Nebukadnezari, akavaka mapindu anorembera eBhabhironi munhamburiko yokumunyaradza.

Kufunga kumusha kunogona kuva kunotambudza zvikuru apo upenyu hunoratidzika kuva hwakaoma zvikuru kupfuura zvahwakanga huri mumwe munhu asati atama. Apo vanhu vaJudha vakava nhapwa, vakachema, kuti: “Panzizi dzeBhabhironi, ndipo patakagara pasi, zvirokwazvo tikachema, pakurangarira kwedu Zioni. Tingaimba seiko rwiyo rwaJehovha munyika yavatorwa?”—Pisarema 137:1, 4.

Zvinhu zvakawanda zvinganyandura kusuruvara kwokufunga kumusha. Terri, uyo akanga asiya Canada, anoti: “Rimwe zuva mufanikiso wemhuri wakadonha uchibva mubhuku. Apo ndakaunhonga, kufunga kumusha kukuru kwakandikurira kamwe kamwe, uye ndakachema.” Chris, uyo akatama kubva kuEngland kuenda kunyika ine urombo zvikuru, anobvuma, kuti: “Kungoziva bedzi muririro wenziyo yekare kana kuti munhuwi wezvokudya zvakarovedzeka zvaigona kundiita kuti ndipange zvinhu zvandakasiya shure.”—Enzanisa naNumeri 11:5.

Zvisungo zvemhuri zvapedyo kazhinji kazhinji chinhu chinoparira. Roseli, wokuBrazil zvino ari kugara munyika yakavakidzana, anotsinhira, kuti: “Ndinoodzwa mwoyo apo ndinogamuchira mashoko akashata anobva kumusha uye handigoni kuvako kuti ndibetsere. Padzimwe nguva kwakaipa zvikuru apo ndisingagamuchiri mashoko uye ndinotanga kufungidzira zvinhu.” Janice akatama kubva kuNorth America kuenda kuguta duku munzvimbo dzapasi dzinopisa dzeAmazoni. Anoti: “Ndinofunga kumusha apo ndinonzwa mashoko akanaka anobva kumusha. Ndinonzwa kuti vari kuva nenguva yakanaka sei pamwe chete, uye ndinoshuva kuti dai ndaigona kuva navo.”

Hakusati kuri kungosiya chete vanhu shure kunoparira kufunga kumusha. Linda anotsanangura, kuti: “Ndaikangaidzika apo ndaisaziva kwokutenga zvinhu zvandaida. Ndaisaziva mitengo kana kuti kutsinhana zvinhu. Kuva nemotokari kwakanga kuchinyanyodhura, uye ndakanga ndichisundwa nguva dzose sezvandairwisa kukwira zvokufambisa zvavose zvakatsvikinyidzana vanhu. Ikoku kwakangondiita kuti ndishuve kumusha.” Achitsinhira pamusoro pomukaha wetsika nomugariro wemari, Janet anoti: “Hwakanga huri hurombo hwakandigumbura. Ndakanga ndisati ndatongoona vanhu vachipemha chingwa, kana kuti mhuri huru dzose dzichigara mukamuri rimwe musina mvura yomupombi. . . . Zvinhu zvakadaro zvakandigumbura zvikuru kwazvo zvokuti ndakanzwa kuti ndakanga ndisingagoni kupfuurira kugara ikoko.”

Kugonana Nemirangariro Yako

Hatifaniri kukangaidzika pamusoro pokuva nemirangariro yakasimba nokuda kwavanhu vatinoda kana kuti nokuda kwemhoteredzo dzakarovedzeka dzamakore edu okukura. Jehovha Mwari akatipa mirangariro kuti tigogona kufarikanya ukama hwapedyo hwomunhu oga. Vatariri vechiKristu veungano yapaEfeso vakanga vari varume vakakura mumirangariro. Asi chii chakaitika apo shanyo yomuapostora Pauro kwavari yakaswedera kumugumo? Chokwadi, “vakachema zvikuru vose; vakawira pamutsipa waPauro, vakaonekana naye nokumusveta”! (Mabasa 20:37) Chokwadika, chinoitika ichocho hachina kubatanidza kufunga kumusha. Bva, chinoita kuti tifunge chimwe chinhu. Ndokwomuzvarirwo kuva nemirangariro, asi hatifaniri kuirega ichitidzora. Unogona sei, ipapoka, kugonana nokufunga kumusha nenzira inobudirira?

Kudzidza kutaura mutauro womunzvimbomo ndichinokosha kukunzwa wakagadzikana. Mirangariro yokufunga kumusha ingagona kuwedzerwa apo kurukurirano inodziviswa nemhaka yokuti unofanira kubata norurimi rwokumwe. Kana zvichibvira, naizvozvo, dzidza kurava nokutaura mutauro wenharaunda yacho usati watamira ikoko. Kana ukasadaro, ipa ngwariro kuzvifundo zvomutauro mukati memavhiki mashomanene okutanga pashure pokunge wasvika. Ipapo ndipo apo unenge une sundo yakasimba zvikurusa uye nokudaro kariro yakaisvonaka yokuudzidza. Kana ukapa aya mavhiki zvikurukuru kufundo yomutauro, uchakurumidza kufarikanya kurukurirano, uye ikoko kunogona kubetsera kuderedza mirangariro yokufunga kumusha.

Ita shamwari itsva nokukurumidza sezvinobvira, nokuti ikoku kuchakubetsera kunzwa wakasununguka. Ungano yeZvapupu zvaJehovha inzvimbo yakanakisisa yokuita shamwari chaidzoidzo. Tanga uye iva anofarira vamwe. Ita nhamburiko yokuziva upenyu hwavo hwakare, mhuri yavo, zvinetso zvavo, uye fariro dzavo. Koka vatendi biyako kumba kwako. Uyewo, uchawana kuti vamwe vachakufarira.

Pakati pavanhu vaMwari, ushamwari hunogona kuva hwapedyo sezvisungo zvemhuri. Jesu akati: “Nokuti aninani unoita kuda kwaMwari, ndiye munun’una wangu, nehanzvadzi, namai.” (Marko 3:35) Kristu akavimbisawo vateveri vake, kuti: “Hakuno munhu wakasiya imba, kana vanun’una, kana hanzvadzi, kana mai, kana baba, kana vana, kana minda, nokuda kwangu nokweEvhangeri, usingazopiwi zvine zana nenguva ino, dzimba navanun’una, nehanzvadzi, namadzimai, navana, neminda, pamwe chete nokuvengwa, noupenyu husingaperi nenguva inouya.” (Marko 10:29, 30) Nohuhama hwomudzimu hunoshamisa zvakadaro, hatisi toga, kunyange munyika itsva.

Kuchengeta ushamwari naavo vakasara kumusha kunogona kukubetserawo kugonana nokufunga kumusha. Ungashamiswa nokuwana kuti zvino zvawakatama, kurukurirano netsamba iri zvikurukuru ine revo, sezvo unofunga zvikuru mashoko ako. Kuchava nezvinhu zvinofadza zvokutaura. Janet, adudzwa pakuvamba, anokarakadza, kuti: “Kuridzira runhare kure kunodhura, asi kutumira tepi yekaseti yakatepwa nepositi kwakachipa zvikuru. Kutaura kumuchina kunonzwika kuva kwechienzi pakutanga. Bva, kana ukakurukura nomumwe munhu negudzanzwi riri pakati penyu, kuri nyore uye kunofadza.” Ungakumbirawo kugamuchira kaseti yakatepwa.

Shirley, uyo akatama kubva kuUnited States kuenda kuLatin America makore 25 apfuura, anoti: “Nguva dzose ndinonyora pamusoro pezvinoitika zvinovaka panzvimbo pezvinetso. Ikoku kunokurudzira vamwe kuti varambe vachindinyorera.” Unangwarira, zvisinei. Kunyanyonyora tsamba kunogona kukudzivisa kuita shamwari itsva. Del, uyo akatama kubva kuCanada kuenda kune imwe nyika, anoti: “Dzivisa kuramba uri pamba uchifungisisa pamusoro pezvinhu zvaunorasikirwa nazvo. Panzvimbo pezvo, buda ndokufarikanya nzvimbo yako itsva.”

Ziva tsika dzenyika, nhau, zvinofadza, uye nzvimbo dzinofadza nedzakanaka. Ikoku kuchakubetsera kusanangidzira ngwariro yako pazvinhu zvakaipa. Kana uchifunga zvokugara kwavakatamira, kwakanakisisa kusashanyira nyika yokwako nokukurumidza zvikuru kana kuti kazhinji kazhinji zvikuru. Kunoda nguva kuumba hushamwari hutsva uye kurovedzana nemhoteredzo itsva. Shanyo refu dzokudzoka kumusha dzinodzonyongedza gadziriro iyoyo. Kana wangogadzikana bedzi mumusha wako mutsva, unogona kufarikanya kushanyira musha wako wekare—uye ipapo dzokera. Munguvayi, ramba wakabatikana mukuvaka batano nomusha wako mutsva.

Ramba Wakatarira Mberi

Jehovha akatipa pasi rose somusha wedu. (Pisarema 115:16) Nomudzimu unofadza wechiKristu, upenyu hunogona kufadza munyika ipi neipi. Kana ukatama kuti usimudzire fariro dzoUmambo uye kuparidzira mashoko akanaka mune imwe nyika kana kuti kune imwe nzvimbo munyika yomusha wako, ita kudaro nekariro inofadza. Tarira mberi kukuita shamwari itsva, kudzidza pamusoro petsika dzakasiyana-siyana, kuita vadzidzi, kana kuti kuita zvinhu zvinotusa mubasa raMwari.

Jehovha Mwari iShamwari imwe ichava newe nguva dzose, pasinei zvapo nokwaungava uri. (Pisarema 94:14; 145:14, 18) Naizvozvo ramba uri pedyo naye mumunyengetero. (VaRoma 12:12) Ikoku kuchakubetsera kurangarira donzo rako muupenyu somubatiri waMwari. Abrahama naSara vakachengeta donzo ravo mundangariro apo vakasiya musha wavo wakanaka muguta reUri. Mukuteerera murairo waJehovha, vakasiya shure shamwari nehama dzokunyama. (Mabasa 7:2-4) Kudai vakanga varamba vachiyeuka uye kushuva nzvimbo yavakanga vasiya, vaizodai vakava nebanza rokudzokera. Asi vakanga vachisvasvavirira nzvimbo iri nani—pakupedzisira upenyu muparadhiso yapasi muUmambo hwokudenga hwaMwari.—VaHebheru 11:15, 16.

Kuparidzira muminda yokumwe kana kuti uko kushaikwa kwavazivisi voUmambo kuri kukuru zvikuru munyika yokwako zvinogona kuva zvinodenha zvikuru. Asiwo ibasa rinobereka zvibereko uye rinotusa zvikurusa. (Johane 15:8) Uye kana mifungo yakaipa ikakukurira kwechinguvana, inogona kukurirwa nokuchengeta nharidzano yako iri mundangariro uye kutarira mberi. Hanzvadzi isina kuroorwa iri mufundisi yakati: “Apo ndinotanga kunzwa kusuruvara kuchiuya pandiri, ndinoedza kufunga pamusoro penyika itsva uye nzira iyo rudzi rwose rwomunhu ruchava nayo mhuri imwe.” Mifungo inofadza saiyoyi inogona kukubetsera kuchengeta mufaro wako ndokusatera kukufunga kumusha.

[Mufananidzo uri papeji 29]

Kufunga kumusha hakufaniri kudzonyongedza ushumiri hwechiKristu

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe