Unogona Kushumira Kune Imwe Nyika Here?
“NDAKANGA ndagara ndichifunga nezvokupinda mubasa roufundisi. Somunhu akanga asina kuroora, ndaishumira muTexas, U.S.A., kwaidiwa vaparidzi zvikuru. Mudzimai wangu akabatana neni ikoko pashure pokuroorana kwedu. Mwanasikana wedu paakazvarwa, ndakafunga kuti, ‘A-a, ndipo pazvaperera.’ Asi Jehovha anoita kuti zvinhu zvaunoda zvikuru zviitike, kunyanya kana zvine chokuita nechido.”—Jesse, ari kushumira muEcuador nomudzimai wake nevana vatatu.
“Ndakanga ndisina kumbofungidzira kuti ndaizogona kuita chimwe chinhu chakadaro ndisina kurovedzwa kuchikoro choufundisi cheGilead. Pandakaona imwe yefundo dzangu ichipa hurukuro kana kuparidza, zvakandifadza zvikuru, uye ndakaonga Jehovha nokundipa mukana uno.”—Karen, mukadzi asina kuroorwa akapayona kwemakore masere muSouth America.
“Pashure pokuparidza nguva yakazara kwemakore 13 muUnited States, ini nomudzimai wangu takafunga kuti taida rimwe basa idzva rakaoma. Tiri kufara zvikuru kupfuura zvatakamboita; inzira youpenyu inoshamisa zvechokwadi.”—Tom, anopayona nomudzimai wake Linda, munharaunda yeAmazon.
Mashoko aya okuonga akataurwa nevanhu vane mamiriro ezvinhu asina kuvabvumira kurovedzwa ufundisi paChikoro cheBhaibheri cheGilead cheWatchtower. Zvisinei, vakawana mufaro uye zvinetso zvokushumira kune imwe nyika. Izvi zvakaitika sei? Unogona kuita basa rakadaro here?
Chido Chakarurama Ndicho Chinodiwa
Zvinopfuura kungoda kubvakachira nzvimbo itsva zvinodiwa kuti ubudirire munyika yokumwe. Vaya vakapfuurira vakaita kudaro nezvido zvakarurama. Somuapostora Pauro, vanozviona sevane chikwereti, kwete chete kuna Mwari asiwo kuvanhu. (VaRoma 1:14) Vaigona kudai vakaita zvakarayirwa naMwari zvokuti vaparidze nokupinda muushumiri munharaunda yokumusha kwavo. (Mateo 24:14) Asi vakanzwa vane chikwereti uye vakanzwa vachida kusvika kune vaya vasingawanzowana mukana wokunzwa mashoko akanaka ndokuvabatsira.
Chido chokushumira munharaunda inobereka zvikuru kazhinji ndechimwezve chido—uye chakanaka. Ndiani wedu anoti kana aona mumwe muredzi achibudirira zvikuru asingaswederi pedyo nenzvimbo iyoyo yedziva? Zvakangofanana, mishumo inofadza yokuwedzera kukuru mune dzimwe nyika yakakurudzira vakawanda kuenda kune “hove zhinji.”—Ruka 5:4-10.
Verenga Zvinodiwa Zvacho
Nyika dzakawanda hadzibvumiri vanhu vechitendero vanozvipira vokudzimwe nyika kuti vashande basa rokunyika. Saka vaya vanoda kushumira munyika yokumwe kakawanda kacho vanofanira kuva nemari yavo yokuzvitsigira. Chinetso ichi chemari chakabatwa sei nacho? Vakati kuti vakatengesa kana kuti kurojesa dzimba dzavo kuti vawane mari inodiwa. Vamwe vakatengesa mabhizimisi avo. Vamwe vakachengeta mari vachifunga nezvevavariro yavo. Vamwezve vanoshumira munyika yokumwe kwegore rimwe kana maviri, vodzoka kunyika kwavo kuti vashande vachiunganidza imwe mari, vozodzoka kunoshumirazve.
Pasina mubvunzo chimwe chakanakira kuva munyika ichiri kusimukira ndechokuti upenyu hahuwanzodhura zvikuru pane hwomunyika yakasimukira zvikuru. Izvi zvakaita kuti vamwe vakwanise kurarama zvakaringanira nemari isina kunyanya kuwanda yemudyandigere. Ichokwadi kuti mari ichashandiswa nomunhu ichanyanya kutsamira pamararamire aanosarudza. Kunyange munyika dzichiri kusimukira, dzimba dzakanaka zvikuru dzinogona kuwanwa asi pamutengo unodhura zvikuru.
Zviri pachena kuti mari inofanira kuverengwa munhu asina chaati aita. Asi, zvakawanda zvinobatanidzwa pane kungoverenga mari chete. Pamwe zvakataurwa nevamwe vakashumira muSouth America zvingabatsira.
Chinetso Chakanyanya Kukura
“Ndakatamburira chaizvo kudzidza chiSpanish,” anoyeuka kudaro Markku, wokuFinland. “Ndakafungidzira kuti sezvandakanga ndisingazivi mutauro wacho, kanguva kakati kaizopera ndisati ndagona kushumira somubatiri anoshumira. Ndakashamiswa sei pandakakumbirwa kuitisa fundo yebhuku kwapera mwedzi miviri chete! Ichokwadi kuti paiva nenguva yandainzwa ndichinyara. Ndainyanya kunetseka nemazita. Rimwe zuva ndakadana Hama Sancho kuti ‘Hama Chancho (nguruve),’ uye handifi ndakakanganwa ndichidana Hanzvadzi Salamea kuti ‘Malasea (akaipa).’ Sezvineiwo, hama nehanzvadzi dzacho dzakanga dzichishivirira chaizvo.” Markku pakupedzisira akazoshumira somutariri wedunhu munyika iyoyo nomudzimai wake, Celine kwemakore masere.
Chris, mudzimai waJesse ane mashoko ambotaurwa pakutanga, anoti: “Ndinoyeuka kushanyirwa kwedu nomutariri wedunhu kwokutanga, patakanga tangova kuno kwemwedzi mitatu chete. Ndaigona kuona kuti hama yacho yakanga ichishandisa mienzaniso uye yakanga iri kutaura chimwe chinhu chakanaka kuti iedze kufadza mwoyo yedu, asi ndakanga ndisingagoni kuinzwisisa. Imomo muhoro, ndakasvimha misodzi. Iyi yaisangova misodzi yaingoyerera; ndaipfikura. Musangano wacho wapera, ndakaedza kutsanangurira mutariri wedunhu zvandakanga ndaita. Akanga ane mutsa zvikuru uye akandiudza zvandaigaroudzwa nemunhu wose kuti, ‘Ten paciencia, hermana’ (‘Shivirirai, hanzvadzi’). Makore maviri kana kuti matatu gare gare, takasanganazve ndokutaura kwemaminiti 45, ndichifara kuti taikwanisa kukurukurirana.”
“Kudzidza kunokosha,” inotaura kudaro imwe hama. “Kana tikaedza zvakanyanya kudzidza mutauro wacho, tichavandudza unyanzvi hwedu hwekutaurirana.”
Vose vanobvuma kuti kuedza kwakadaro kunobatsira zvakawanda. Kuzvininipisa, kushivirira, uye kupfuurira zvinoshandirwa kana munhu ari kuedza kudzidza rurimi rutsva. Musuo mukuru womukana wokuparidza mashoko akanaka kuvamwe wakazarurwa. Somuenzaniso, kudzidza chiSpanish kunoita kuti munhu akwanise kutaura mutauro unotaurwa nevanhu vane mamiriyoni 400 munyika yose. Vakawanda vaizofanira kudzoka kumusha kwavo pave paya vakanga vachiri kungokwanisa kushandisa mano avo omutauro kubatsira vanhu vanotaura chiSpanish.
Zvakadiniko Nokusuwa Kumba?
“Patakatanga kuuya kuEcuador muna 1989,” anoyeuka kudaro Deborah, aishumira nomurume wake, Gary, munharaunda yeAmazon, “ndaiwanzosuwa kumba. Ndakadzidza kuvimba zvakanyanya nehama nehanzvadzi dziri muungano. Dzakaita semhuri yangu.”
Karen, adudzwa pamavambo, anoti: “Ndairwisa kusuwa kumusha nokupinda muushumiri mazuva ose. Nenzira iyi ndakanga ndisingafungi nezvekumusha. Ndaigara ndichiyeukawo kuti vabereki vangu kumusha vaidada nebasa rangu kune imwe nyika. Mai vaigara vachindikurudzira nemashoko okuti: ‘Jehovha anogona kukutarisira zviri nani pane zvandinogona kuita.’”
Makiko, anobva kuJapan, anowedzera zvinosetsa kuti: “Pandinenge ndapedza zuva rose mubasa romumunda, ndinenge ndaneta chaizvo. Nokudaro pandinosvika kumba ndokutanga kusuwa kumusha, kakawanda ndinobva ndabatwa nehope. Saka, handizonzwi kudaro kwenguva refu zvikuru.”
Zvakadiniko Nevana?
Kana paine vana, zvavanofanira kuwana zvakadai sedzidzo zvinofanira kufungwa nezvazvo. Pakadai vamwe vakasarudza dzidzo inoitirwa kumba nepo vamwe vakanyoresa vana vavo muzvikoro zvomunharaunda yacho.
Al akatamira kuSouth America nomudzimai wake, vana vaviri, namai. Anoti: “Takawana kuti kuisa vana muchikoro kwakavabatsira kudzidza mutauro wacho nokukurumidza zvikuru. Mumwedzi mitatu vakanga vava kutaura zvakatsetseka.” Ukuwo, vanakomana vari kuyaruka vaMike naCarrie vanodzidzira kumba. Vabereki vacho vanoti: “Takawana kuti kudzidza kwakadaro kwaisagona kungosiyirwa vana vedu voga. Taifanira kuitawo kosi yacho ndokuva nechokwadi chokuti vakomana vacho vari kufambirana nezvidzidzo zvavo zvavakapiwa.”
David naJanita, vokuAustralia, vanotaura manzwire avanoita pamusoro pevanakomana vavo vaviri. “Taida kuti vanakomana vedu vazvionere vega mararamire anoita vamwe. Zviri nyore kufungidzira kuti mararamire atakakura nawo ndiwo akanaka, asi chaizvoizvo ndeevanhu vashomanana munyika. Vakaonawo kuti nheyo dzokutonga kunoitwa naMwari dzinoshanda munyika yose, pasinei zvapo netsika kana nyika.”
“Pakatama mhuri yedu kubva kuEngland muna 1969 ndaingova namakore mana chete,” Ken anoyeuka kudaro. “Kunyange zvazvo ndakagumbuka kuti hatina kugara muimba yevhu ine denga rouswa, sezvandakanga ndafungidzira, ndakanzwa kuti ndakanga ndarerwa zvakanakisisa sezvingagona kuitwa mwana. Ndaigara ndichinzwira urombo vamwe vana vasina kuva nomukana wakafanana! Nemhaka yokushamwaridzana zvakanaka nevafundisi nemapiyona chaiwo, ndakatanga kuita upiyona hwebetsero ndine makore mapfumbamwe.” Ken ava mutariri anofambira.
“Ecuador ndiwo wava musha wedu chaiwo,” anobvuma kudaro Gabriella, mwanasikana waJesse. “Ndinofara chaizvo kuti vabereki vangu vakasarudza kuuya kuno.”
Nepowo, pave pane vana vakatadza kuwirirana nekwavakatamira nokuda kwezvikonzero zvakasiyana-siyana, uye vabereki vavo vaifanira kudzokera kunyika kwavo. Ndicho chikonzero nei zvichikurudzirwa kushanyira nyika yokumwe usati watamirako. Nenzira iyi zvisarudzo zvinogona kuitwa muchitsamira pane zvamunonyatsoziva.
Zvikomborero Zvokutama Kwacho
Chokwadi, kutamira kunyika yokumwe kunobatanidza zvinetso zvakawanda nokurega zvimwe zvinhu. Zvakaratidza kuva zvakakosha here kune avo vakatama? Regai vatiudze.
Jesse: “Mumakore gumi atave tiri muguta reAmbato, takaona nhamba yeungano ichiwedzera kubva pa2 kusvikira ku11. Takava neropafadzo yokubatsira kutanga shanu dzeungano idzodzo, uye takashanda pakuvakwa kweHoro dzoUmambo mbiri. Takavawo nomufaro wokubatsira avhareji yevadzidzi veBhaibheri vaviri pagore kuti vakwanise kubhabhatidzwa. Ndinongodemba chinhu chimwe chete—chokusauya kuno makore gumi kutangira patakauya.”
Linda: “Kuonga kwevanhu mashoko akanaka uye kushanda kwedu nesimba kunotikurudzira zvikuru. Somuenzaniso, mudhorobha duku romusango, imwe fundo yeBhaibheri inonzi Alfonso yakaona kuti zvaizobatsira sei kuita hurukuro dzavose munharaunda yake. Akanga achangobva kutamira muimba yake yemapuranga yakanga ichangobva kuvakwa, imwe yeshomanana mumusha wacho. Achisarudza kuti imba yake ndiyo yoga chivako mudhorobha chakanga chakafanira Jehovha, akadzokera kuimba yake youswa ndokupa hama imba yake kuti dzishandise seHoro yoUmambo.”
Jim: “Nguva yatinoshandisa tichitaura nevanhu muushumiri yakapetwa kagumi pane yataishandisa muUnited States. Uyezve, mararamire ekuno akagadzikana kwazvo. Pasina mubvunzo pane nguva yakawanda yefundo nebasa romumunda.”
Sandra: “Kuona nzira iyo chokwadi cheBhaibheri chinochinja nayo vanhu nokuda kwezviri nani kunoita kuti ndigutsikane zvikuru. Ndakambodzidza Bhaibheri naAmada, muridzi wechitoro chiduku aiva nemakore 69. Akanga ave achigarowedzera zvikamu zviviri zvemvura kuzvikamu gumi zvoga zvoga zvomukaka. Ainyengerazve vatengi vake nokuvatengesera mukaka uyu wakasanganiswa nemvura usina kuzara. Asi pashure pokudzidza mashoko ari pasi pomusoro muduku unoti ‘Kutendeseka Kunoguma Nomufarwa’ uri muchitsauko 13 chebhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, Amada akarega zvinhu izvi zvakanga zvisina kururama. Waiva mufaro wakadini kumuona achibhabhatidzwa nguva yakati pashure paizvozvo!”
Karen: “Ndakanga ndisina kumbotsamira pana Jehovha zvakanyanya zvakadaro kana kushandiswa naye zvakanyanya sezvandaita kuno. Ushamwari hwangu naJehovha hwakura uye hwasimba.”
Zvakadiniko Newe?
Mumakore ose aya zviuru zveZvapupu zvakatama kuti zvinoshumira kune imwe nyika. Zvimwe zvinogara kwegore rimwe kana maviri, zvimwe kwenguva isingazivikanwi. Zvinouya noruzivo rwazvo, kukura kwazvo mumudzimu, nepfuma yavo, zvine vavariro yokufambisira mberi zvinhu zvine chokuita noUmambo munyika yokumwe. Zvakakwanisa kushumira munharaunda umo vaparidzi voUmambo vomunzvimbo yacho vakanga vasingagoni kushumira nokuda kwokushayikwa kwebasa rokunyika. Zvakawanda zvakatenga motokari dzinodhonza nemavhiri mana kuti zvisvike ndima isingasvikiki nedzimwe nzira. Vamwe, vachida havo upenyu hwomuguta, vakadzikamisa zvinhu muungano dzakakura dzine varume vakuru vashoma. Asi, pasina anosiyiwa, vose vanotaura kuti vakawana zvikomborero zvakawanda zvikuru zvomudzimu pane zvavakapa.
Unogona kugovanawo ropafadzo yokushumira munyika yokumwe here? Kana mamiriro ako ezvinhu achibvumira, wadii waongorora kukwanisika kwokutama kwakadaro? Danho rokutanga uye rinokosha ringava rokunyorera hofisi yebazi reSosaiti iri munyika yauri kufunga kunoshumira kwairi. Mashoko akajeka aunowana achakubatsira kusarudza mikana yako yokubudirira. Uyezve, mazano akawanda anoshanda anogona kuwanikwa munyaya inoti “Ibva Munyika Yako, Nokuhama Dzako,” iri mumagazini yeNharireyomurindi yaAugust 15, 1988. Nokuronga kwakanaka uye chikomborero chaJehovha, pamwe iwewo unogona kuva nomufaro wokushumira munyika yokumwe.
[Mufananidzo uri papeji 24]
TOM NALINDA VARI MUNZIRA IRI KURE, INONANGA KUSHUAR NZANGA YEINDIA
[Mufananidzo uri papeji 25]
VAKAWANDA VANOSHUMIRA MUQUITO, GUTA GURU REECUADOR
[Mufananidzo uri papeji 25]
MAKIKO ACHIPARIDZA MUMAKOMO EANDES
[Mufananidzo uri papeji 26]
MHURI YEKWAHILBIG YAVE ICHISHUMIRA MUECUADOR KWEMAKORE MASHANU APFUURA