Kutsvaka Kwavo Rudzidziso Rwakarurama
CHIFO chouduku vamwe vanhu vakatsvaka mhinduro dzinogutsa kumibvunzo yavo pamusoro poupenyu. Apo vaiva vaduku, vangave vakapinda minamato yorudzidziso. Asi vakawanda vavo vakawana kuti mhinduro dzakapiwa kana kuti muitiro wechechi hazvina kuvabetsera chaizvoizvo kugonana nezvinetso zvoupenyu.
Ivo vangataura kuti vachiri vorudzidziso rwavabereki vavo, kunyange zvazvo vasingawanzopinda minamato yorudzidziso. Mukuwirirana nomumwe bishopi weChechi yeEngland, kwavo kutenda kwakasarira. Ivo havacharangariri rudzidziso. Vamwe, vasemburwa nounyengeri hwavanoona mumasangano orudzidziso, vakaramba rudzidziso chose chose. Bva, mibvunzo yavo pamusoro poupenyu inopfuurira.
Chikonzero Nei VamweVane Panikiro Dzakakomba
Vanhu vakawanda zvikurusa vanoziva kuti chechi dzakawanda dzine masangano okubetsera vasina misha, okugovera zvokudya kuvanoshaiwa, uye okutsigira zvinoitika zvetsika. Asi rinodokuva zuva nezuva vanonzwawo mishumo yenhau yamasimba masimba nokudeura ropa yakasimba murudzidziso kwete bedzi pakati pavasiri vaKristu asiwo pakati paavo vanotaura kuva vaKristu. Kunofanira kutishamisa here kana ivo vachipanikira kuti mapoka anobatanidzwa mumasimba masimba akadaro ari kushandisa rudzidziso rwakarurama?
Vakawanda vakarerwa murudzidziso vaisifunga kuti dzimba dzenherera dzinotsigirwa nechechi chakanga chiri chinhu chakaisvonaka. Mumakore achangobva kupfuura aya, zvisinei, vakakatyamadzwa sezvo vaprista munzvimbo nenzvimbo vakapomerwa mhosva yokubata chibharo vana avo vakaronzeswa kuti vatarisire. Pakutanga vanhu vaifunga kuti vaprista vashomanene bedzi vakanga vane mhaka. Zvino vamwe vavo vanoshamisika kana chimwe chinhu chakaipa zvikuru nechechi imene.
Vashomenene, vakadai saEugenia, pane imwe nguva vakanga vakabatanidzwa zvikuru murudzidziso rwavo. Sepwere muArgentina, akanga ari pakati paavo vaienda kunzvimbo tsvene kunonamata Mhandara yeItatí. Kwamakore 14 iye aigara mukonivhendi somunani. Ipapo akabva kuti ave rutivi rweboka ramarudzi ose orudzidziso nezvamatongerwe enyika iro raireverera chinjo yokukurumidza, yakakwana yemiumbirwo yechaunga neyezvemari yechaunga kupfurikidza nemitoo yokumukira. Somuuyo weizvo akaona nokutambura, akarasikirwa nokutenda nechivimbo muna Mwari. Iye akanga asiri kutsvaka chaizvoizvo rudzidziso rwaaigona kudavira. Icho aida yakanga iri nzira yokuunza nayo ruramisiro kuavo vakanga vari varombo—hungu, uye shamwari yaaigona kuvimba nayo.
Vamwe vanocherechedza chiri kuitika muchechi uye vakadzivisa. Mumwe asingadaviri kuvapo kwaMwari ane mirangariro yakabudiswa muna 1991 mumagazini inonzi Sputnik akati nenzira yakajeka: “Handigoni kuona musiano upi noupi unokosha pakati pamavara engano dzechihedheni nedzechiKristu.” Somuenzaniso, iye akarondedzera kufora umo vaprista vakapfeka nguvo dzakamendwa nezvinhu zvendarama vakatakura zvishoma nezvishoma bhokisi ramabwe rine chitunha mumigwagwa yeMoscow. Wakanga uri mutumbi wo“musande wechiKristu weOrthodox” wakanga uchibviswa mumiyuziyemu kuenda kuchechi, uye kwakayeuchidza munyori nezvavaprista nezvitunha muEgipita yakare. Iye akayeukawo kuti nepo avo vaigoverana mukufora muMoscow vaidavira “Utatu hwechiKristu,” vaEgipita vakanga vanamatawo vanamwari vatatu—Osiris, Isis, uye Horus.
Munyori mumwe cheteyo akanongedzera kumurangariro wechiKristu worudo—“Mwari rudo,” uye “ida muvakidzani wako”—sousingawani wirirano muEgipita yechihedheni. Asi iye akati: “Rudo rwouhama rwakundikana kukurira munyika, kunyange murutivi rwuya rwayo runozvidana rumene kuti nyika yechiKristu.” Uye iye akatevera ikoko netsinhiro pamusoro pechibereko chakashata chinobva mukupfuurira kwechechi pakuva inobatanidzwa muzvinhu zveHurumende. Izvo akaona hazvina kumusunda kurangarira kuti chechi dzechiKristudhomu dzaipa chaakanga achitsvaka.
Mukupesana, vamwe vakawana mhinduro dzinogutsa asi kwete muchechi dzechiKristudhomu.
Iye Akadzidza Zvokwadi Pamusoro Pavakafa
Magdalena, uyo zvino ava namakore 37 okukura, anogara muBulgaria. Pashure pokunge vatezvara vake vafa muna 1991, akaora mwoyo zvikuru. Akazvibvunza azvibvunzazve amene kuti, ‘Vakafa vanoendepi? Vatezvara vangu vari kupi?’ Akaenda kuchechi, uye akanyengetera pamberi pomufananidzo mutsvene pamusha, bva haana kuwana mhinduro.
Ipapo rimwe zuva mumwe muvakidzani akaridza runhare kuti amukoke kumusha kwake. Rimwe jaya rakanga richifunda neZvapupu zvaJehovha rakanga richishanyira muvakidzani wacho. Akateerera sezvo rakataura pamusoro poUmambo hwaMwari nedonzo Rake rokuita pasi paradhiso umo vanhu vaigona kurarama nokusingaperi mumufarwa. Patafura pakanga pane bhuku raIwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano. Richirishandisa, jaya racho rakanangidzira ngwariro yake kurugwaro rweBhaibheri rwuri pana Muparidzi 9:5, urwo runoti: “Vakafa havana chavanoziva.” Madekwana iwayo akarava zvakawanda. Akadzidza kuti vakafa havana kupfuurira kuhumwe upenyu mudenga kana kuti muhero; havana chinhu chavanoziva, sokunge vakabatwa nehope zvikuru. Nomufaro akagamuchira kokero yokupinda musangano weungano yomunzvimbomo yeZvapupu zvaJehovha. Pashure pomusangano akabvuma fundo yenguva dzose yeBhaibheri. Acherechedza pamusangano wacho nzira minyengetero yakapiwa nayo kuna Jehovha, iyewo akavamba kunyengetera kuna Jehovha nokuda kwebetsero mukukurira utera hwakasimba zvikuru. Apo munyengetero wake wakapindurwa, akaziva kuti akanga awana rudzidziso rwakarurama.
Vakawana Upenyu Hune Revo
André akanga akurira mumusha wakasimba weKaturike muBelgium uye akanga abatira somubatidzi womuprista womunzvimbomo. Zvisinei, mukati menguva iyoyo, akaona zvinhu zvakasekesa kuremekedza kwake chechi yacho. Somuuyo, akanga ari muKaturike nezita bedzi.
Kwamakore 15 akanga ari mutambi wenhabvu anobhadharwa. Pane imwe nhambo apo timu yake yakatamba mutambo muItaly, vakakokwa kuzokurukura napapa. Kwakanga kusina chinhu chinovaka mumudzimu pamusoro peshanyo iyoyo, uye pfuma yenyika iyo yakapoteredza papa yakavhiringidza André. Panikiro dzake pamusoro pechechi dzakakura. Upenyu hwake amene hwomunhu oga hwakanga husingafadzi nemhaka yeroorano mbiri dzakapunzika. Mugariro wenyika wakamukangaidza. Muna 1989 akanyora mudhayari rake, kuti: ‘Chii chiri revo yezvinhu zvose zvoupenzi zviri kuitika makatikomba?’ Haana kuwana mhinduro murudzidziso rwake.
Muna 1990, apo André akanga achishanda somudzidzisi wenhabvu muIceland, Iiris, mumwe mufundisi weZvapupu zvaJehovha, akamuwana. Akagamuchira mabhuku ndokukoka mufundisi wacho kudzokera. Iye akadzokera nomurume wake, Kjell. Apo pakupedzisira vakakwanisa kugara pasi ndokutaura naAndré, kwaiva pachena kuti afarira zvikuru kunzwisisa Bhaibheri. Mudzimai wake, Ásta, akagoverana fariro yake. Pakati pezuva, iye aiva namaawa matatu pakati pamarusando ake okudzidzisa, uye vakasarudza kushandisa nguva iyoyo nokuda kwefundo yeBhaibheri. “Ndinonzwa ndazorodzwa zvikuru kupfurikidza nokufunda Bhaibheri kupfuura kupfurikidza nokungozorora chete,” iye akadaro. Zvishoma nezvishoma Bhaibheri rakapindura mibvunzo yavo. Pashoma napashoma kutenda kwavo muna Jehovha noUmambo hwake kwakakura. Zvipikirwa zvine mbiri zveBhaibheri zvenyika itsva ino rugare, nyika isina “zvinhu zvose zvoupenzi zvinoitika,” zvakava chinhu chaichoicho kwavari. Vose vari vaviri André naÁsta zvino vari kugoverana kutenda kwavo kuchangobva kuwanwa navamwe.
Magdalena, André, uye Ásta vanonzwa vane chivimbo chokuti ivo pakupedzisira vakawana rudzidziso rwakarurama. Eugeniawo pashure pokuedza kupedza zvinetso zvenyika kupfurikidza nemitoo yezvamatongerwe enyika, pakupedzisira akawana pakati peZvapupu zvaJehovha rudzidziso rwakaratidzika kwaari kuva rwakarurama. Asi chii chinosarudza chaizvoizvo kana rudzidziso rwuri rwakarurama? Tapota ona mashoko anotevera.
[Mufananidzo uri papeji 7]
Fundo yenguva dzose yeBhaibheri neZvapupu zvaJehovha iri kubetsera vanhu vanopfuura mamirioni mashanu mukutsvaka kwavo mhinduro dzinogutsa