Ndave Ndakatendeka Kuna Mwari Kwemakore Anopfuura 70
Yakataurwa naJosephine Elias
Murume wangu akazevezera nepasimbi dzejeri kuti, “Usanetseka. Kunyange vakandiuraya kana kuti vakandisunungura, ndicharamba ndakatendeka kuna Jehovha.” Iniwo ndakanga ndakatsunga kuramba ndakatendeka. Nanhasi ndichakatsunga kudaro.
NDAKABEREKWA muna 1916 muSukabumi, guta diki riri muWest Java nharaunda yakakwirira, iri muIndonesia. Vabereki vangu vakabva kuChina. Vakanga vakapfuma chaizvo uye vaiva neimba hombe nevashandi. Ndaiva nehanzvadzi shanu, vakuru vatatu uye vaduku vaviri. Ndini ndega ndaiva musikana, uye ndaiita somukomana. Ndaikwira pamatenga edzimba uye ndainakidzwa nemitambo. Asi, pane nyaya yainyanya kundinetsa.
Ndaitya chaizvo kuzopiswa mumoto. Vadzidzisi vangu kuchikoro vaiti vasikana vane misikanzwa vaizonorangwa vachipiswa mumoto. Zvandaiva nemisikanzwa, ndakafunga kuti ndaizonopiswa. Pava paye, ndiri kuchikoro chesekondari muJakarta (guta rainzi Batavia panguva iyoyo), ndakarwara. Chiremba akafunga kuti ndaizofa, saka mukadzi ane imba yataigara akaedza kundinyaradza nokutaura kuti nenguva isipi ndaizova kudenga. Zvisinei, ndaitya kuti ndaizoenda mugomba remoto.
Amai vangu, Kang Nio, nehanzvadzi yangu Dodo, vakakurumidza kuuya kuJakarta kuzonditora. Tichienda kumba, Dodo akabvunza kuti, “Unoziva here kuti Bhaibheri haridzidzisi kuti vanhu vachanopiswa mumoto?”
Ndakabvunza kuti, “Unozviziva sei?” Amai vakaverenga magwaro muBhaibheri anoratidza kuti vakafa havana chavanoziva uye kuti vakamirira kuzomutswa. (Muparidzi 9:5, 10; Johani 5:28, 29) Vakatsanangura kuti, “Takadzidziswa zvinhu izvi neZvapupu zvaJehovha.” Vakanditambidza kabhuku kaiva nemusoro unoti Where Are the Dead? ndikabva ndatanga kukaverenga.a Tisati tasvika kumba, ndakati, “Ichi ndicho chokwadi!”
Kuudza Vamwe Zvandinotenda
Panguva iyoyo vemumhuri yangu vakanga vatamira kuBandung, guta guru riri muWest Java. Ikoko zvishoma nezvishoma ndakatanga kunzwa zviri nani. Muna March 1937, takashanyirwa naClem Deschamp, chimwe Chapupu chokuAustralia chaishumira chiri muJakarta. Munguva yaakatishanyira, ini, amai vangu, hanzvadzi dzangu, vakuru kwandiri, Felix, Dodo, naPeng, takabhabhatidzwa tichiratidza kuzvitsaurira kuna Mwari. Pave paya, dzimwe hanzvadzi dzangu duku, Hartanto, Jusak nababa vangu, Tan Gim Hok, vakavawo Zvapupu.b
Tabhabhatidzwa, takabatana naClem kuita mushandirapamwe wokuparidza waikosha wemazuva mapfumbamwe. Akatiratidza mashandisirwo aiitwa kadhi rokupupurira pakuparidza. Raiva nemashoko omuBhaibheri aiva nyore kunzwisisa mumitauro mitatu. Takaparidzirawo hama neshamwari zvisina kurongwa. Pasina nguva, boka redu duku raiva muBandung rakava ungano yechipiri muIndonesia.
Pava paya gore iroro, takatamira kuJakarta kuti tinoparidzira vanhu 80 000 vokuChina vaigarako. Ini, amai, naFelix, takatora basa renguva yakazara semapiyona. Ndaiparidzirawo muBandung, Surabaya nedzimwewo nzvimbo. Nguva zhinji ndaiparidza ndiri ndoga. Ndaiva wechiduku, ndakagwinya, uye ndaifara kuti ndaishumira Mwari. Zvisinei, hondo yakanga yava pedyo uye kutenda kwangu kwaizoedzwa nokukurumidza.
Takasangana Nemiedzo Munguva Yehondo
Muna December 1941, Asia yakangoerekana yapinda muHondo Yenyika II. Mauto eUmambo hweJapan akatanga kudzora Indonesia zvakasimba. Mabhuku edu anotsanangura Bhaibheri akarambidzwa, uye takanga tisisakwanisi kuparidza takasununguka. Ndaitakura bhodhi remutambo wechesi pandaishanyira vanhu vaifarira kudzidza Bhaibheri kudzimba dzavo, ndichiitira kuti vamwe vafunge kuti ndaingotambawo zvangu chesi.
Muna 1943, ndakaroorwa naAndré Tan, piyona akashinga aiva nenzwi gobvu raiita kuti vanhu vateerere. Pachivande, ini naye taiendesera Zvapupu zvomuJava yose mabhuku anotsanangura Bhaibheri. Kudai taizobatwa taizotambudzwa uye taizourayiwa. Kakawanda takapona nepaburi retsono.
Pane imwe nguva, ini naAndré pataikwira chitima muSukabumi takasangana nemapurisa emauto eJapan aityiwa chaizvo, ainzi Kempeitai. Ndaiva nemabhuku aiva arambidzwa ari nechepasi pasi mubhegi rangu. Mumwe mupurisa akabvunza zvenharo chaizvo kuti, “Mubhegi umu munei?”
André akapindura kuti, “Mbatya.”
Akabvunzazve kuti, “Ko chii chiri pasi pembatya?”
André akati, “Dzimwe mbatya.”
Akabva abvunzazve kuti, “Asi chii chiri pasi pasi mubhegi umu?” Zvino ndakanga ndabatira ura mumaoko, uye ndakanyengetera kuna Jehovha nechomumwoyo. André akapindura kuti, “Zviri nani kuti mutarise moga.”
Mutevedzeri wemupurisa wacho akapinza ruoko rwake pasi pasi mubhegi racho. Akangoerekana azhamba nokurwadziwa ndokubudisa ruoko mubhegi. Akanga abayiwa nepini. Mupurisa wacho ava kunyara nazvo, akakurumidza kutiudza kuti tivhare bhegi uye tipinde muchitima.
Pane rumwe rwendo rwokuenda kuSukabumi, mapurisa eKempeitai akaziva kuti ndaiva Chapupu uye akanditi ndiende navo kumuzinda wavo womunzvimbo imomo. André nehanzvadzi yangu Felix vakaendawo neni. Tava ikoko, André ndiye akatanga kubvunzurudzwa. Akanayiwa nemibvunzo yakaoma. “Zvapupu zvaJehovha ndivanaani? Unopikisa hurumende yeJapan here? Uri musori here?”
André akapindura kuti, “Tiri vashumiri vaMwari Wemasimbaose uye hapana chatatadza.” Mukuru mukuru wemapurisa wacho akatora zibakatwa pamadziro akarisimudza mudenga.
Akagumbuka akati, “Ko ndikakuuraya izvozvi?” André akaisa musoro wake padhesiki ndokunyengetera chinyararire. Vamboti nyararei kwekanguva, mapurisa acho akaputika nokuseka. Mukuru mukuru wacho akati, “Wakashinga!” Akabva ati André abude, uye akadaidza ini naFelix. Zvatakataura pazvakaratidza kuti zvaienderana nezvakanga zvataurwa naAndré, mupurisa wacho akadaidzira kuti: “Hamusi vasori. Ibvai pano!”
Tose tiri vatatu takaenda kumba tichirumbidza Jehovha tichifara. Hatina kuziva kuti paiva nemiedzo yakawanda mikukutu yataizokurumidza kusangana nayo.
Mimwe Miedzo Yokutenda Yatakasangana Nayo
Mwedzi yakati kuti yakatevera, André akatengeswa nedzimwe “hama dzenhema” uye akasungwa nemapurisa eKempeitai. (2 VaKorinde 11:26) Ndakamushanyira paaiva mujeri. Aiva akaonda uye asina simba. Airarama nokudya zvainge zvaraswa zvaaitsvakiridza mumugero waiva muchitokisi make. Vakamusunga vakanga vatadza kuita kuti arege kutenda kwake. Sezvambotaurwa patangira nyaya ino, akazevezera nepasimbi dzejeri kuti: “Usanetseka. Kunyange vakandiuraya kana kuti vakandisunungura, ndicharamba ndakatendeka kuna Jehovha. Vangandibudisa muno ndava chitunha asi kwete somutengesi.”
Papera mwedzi mitanhatu ari mujeri, André akanomiswa pamberi peDare Repamusoro romuJakarta. Vemumhuri yedu neshamwari vakanga vakazara maaitongerwa. Zvinhu zvakanga zvisina kumira zvakanaka.
Mutongi wacho akabvunza zvenharo chaizvo, kuti, “Nei usingapindi mumauto eJapan?”
André akapindura kuti, “Ndiri musoja weUmambo hwaMwari uye musoja haagoni kushanda mumauto maviri panguva imwe chete.”
Mutongi wacho akabvunza kuti, “Ungaudza vamwe kuti vasapinda muchiuto here?”
André akati, “Kwete, zviri kwavari kuti vazvisarudzire.”
André akaenderera mberi achizvidzivirira, achitaura zvakawanda zvinobva muBhaibheri. Mutongi wacho uyo aiva akaperera muchitendero chechiMuslim, akakangwa mate mukanwa. Mutongi wacho akati “Zvatinotenda zvingasiyana, asi handingamanikidzi munhu kuita zvinopesana nehana yake. Wasunungurwa.”
Hama neshamwari dzaiva mudare racho dzakanzwa kunyevenuka uye ini ndakafara chaizvo. André akauya pandaiva ndokundibata ruoko. Hama neshamwari dzakatiunganira, dzichitikorokotedza dzichifara.
Kuparidza Rusununguko Rwechokwadi
Pakapera Hondo Yenyika II, kwemakore mana, Indonesia yakarwa hondo yechimurenga neNetherlands yaiidzvinyirira. Zviuru zvevanhu zvakaurayiwa, uye vagari vomumisha yose vakatiza misha yavo. Vaya vakanga vakazvipira kunyika yavo vakaedza kuita kuti tidaidzire sirogani yavo yehondo yokuti “Merdeka,” zvinoreva kuti “Rusununguko.” Asi takavaudza kuti panyaya dzematongerwo enyika taisava nekwataitsigira.
Pasinei nechisimba chaiitwa, takatanga zvakare kuparidza paimba neimba. Taishandisa makadhi edu okupupurira ekare uye mabhuku atainge tachengeta hondo isati yatanga. Muna May 1948, chisimba chacho pachakati dzikirei, ini naAndré takatangazve kupayona, uye tisu chete taiva mapiyona muIndonesia. Papera makore matatu, takafara chaizvo kugamuchira muJakarta Zvapupu 14, zvose zvakanga zvapedza kudzidza paChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi chaiva kuchamhembe kweNew York, muUnited States. Kutidzidzisa kwavakaita kwakaita kuti tigadzirire kuzoita mamwe mabasa.
Muna June 1952, ini naAndré takabvuma kunoshanda semapiyona chaiwo muSemarang, iri nechepakati peJava. Gore rakatevera, takazonopindawo kirasi yechi22 yeGiriyedhi. Tapedza chikoro, takadzokera kuIndonesia uye takanzi tinoshanda kuKupang, muTimor. Takazoendeswawo kuSouth Sulawesi neNorth Sulawesi. Ikoko kutenda kwedu kwakaedzwazve.
Kurambidzwazve Kwebasa Redu
Muna 1965, vamwe pavakaedza kutora chigaro nechisimba, vanhu vane mazana ezviuru vakafa. Vamwe vafundisi vechiKristudhomu vakatsigira kurwisana uku uye vaiti Zvapupu zvaJehovha zvaiva vaKomonisiti. Sezvineiwo, hurumende haina kungozvibvuma. Asi vafundisi havana kukanda mapfumo pasi pakuchera Zvapupu zvaJehovha. Pana December 25, 1976, basa reZvapupu zvaJehovha rakazorambidzwa.
Izvi zvichangobva kuitika, gweta reruwa romuManado rakashevedza André kuhofisi yaro. Rakabvunza kuti, “Unoziva here kuti basa reZvapupu zvaJehovha rakarambidzwa?”
André akapindura kuti “Ehe.”
Gweta racho rakabvunza kuti, “Iye zvino wagadzirira kuchinja chitendero chako here?”
André akarerekera mberi ndokurova chaizvo chipfuva chake. Nenzwi guru, akati, “Mungadzura mwoyo wangu, asi hamungaiti kuti ndichinje chitendero changu.”
Gweta racho rakangaidzika, rakabvunza kuti, “Ndonyora kuti chii zvino pamapepa angu?”
André akati, “Nyorai kuti ndichiri Chapupu chaJehovha uye hapana zvakaipa zvandakaita.”
Gweta racho rakati, “Ndinofanira kukutorerai mabhuku enyu.”
Manheru iwayo, Zvapupu zvechiduku zvakabvisa mabhuku mumba medu, zvikangosiya mabhokisi akanga asina chinhu. Takaramba tichiparidza, tichingoshandisa Bhaibheri. Gweta racho harina kuzombotinetsa.
Ndave Ndine Upenyu Hwakanaka Chaizvo!
Ini naAndré takazopayona muSurabaya, pachitsuwa cheJava, uye kuBangka, chitsuwa chiri pedyo neSumatra nechokumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva. Asi muna 1982, utano husina kutsarukana hwaAndré hwakaita kuti tidzokere kuJakarta. Tiri muno muJakarta, muna 2000, André akazoshaya ava nemakore 85, uye angori piyona anoshingaira. Gore rimwe chete ashaya, basa redu rakabvumirwazve.
Ndave ndine upenyu hwakazonaka! Iye zvino ndine makore 93, uye ndave ndichishumira sapiyona kwemakore anopfuura 70. Muna 1937, pandakabhabhatidzwa, muIndonesia maingova neZvapupu zvaJehovha 25 chete. Iye zvino mune Zvapupu zvinoda kusvika 22 000. Ndinofara chaizvo kuti ndakabatsirawo pakuwedzera ikoko! Asi rwendo rwangu rwoupenyu ruchangobva kutanga. Ndinoda kushumira Mwari ndakatendeka, nokusingaperi.
[Mashoko Omuzasi]
a Kakabudiswa neZvapupu zvaJehovha, asi iye zvino hakachadhindwi.
b Mhuri yacho yose yakaramba yakatendeka kuna Jehovha. Josephine naJusak, ndivo vasara chete vomumhuri iyi. Vachiri kushumira Jehovha vachishingaira vari muJakarta.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 23]
“Ndiri musoja weUmambo hwaMwari uye musoja haagoni kushanda mumauto maviri panguva imwe chete”
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 24]
“Mungadzura mwoyo wangu, asi hamungaiti kuti ndichinje chitendero changu”
[Mepu iri papeji 25]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Nzvimbo dzatakagara uye dzatakaparidza
INDONESIA
Sulawesi
Manado
Sumatra
Bangka
Java
JAKARTA
Sukabumi
Bandung
Semarang
Surabaya
Timor
Kupang
[Mufananidzo uri papeji 25]
NaAndré kuma1970
[Mifananidzo iri papeji 25]
Pandaiva nemakore 15, kabhuku kainzi “Where Are the Dead?” kakaita kuti ndibvume chokwadi cheBhaibheri