Mutoro Unofamba Nokuziva Rudzidziso Rwakarurama
“Vanofara avo vanonzwa shoko raMwari uyevachirichengeta!”—RUKA 11:28, NW.
1. Vangoziva bedzi rudzidziso rwakarurama, rudzii rwavanhu runovakira upenyu hwavo parwuri?
HAKUNA kukwana kungoziva chete rudzidziso rwakarurama. Kana tiri vadi vechiri chakarurama nechechokwadi, kana tangoruwana chete, tichavakira upenyu hwedu parwuri. Rudzidziso rwechokwadi hahusati huchingovawo zvahwo uzivi hwendangariro; mararamire.—Pisarema 119:105; Isaya 2:3; enzanisa naMabasa 9:2.
2, 3. (a) Jesu akasimbisa sei ukoshi hwokuita kuda kwaMwari? (b) Mutoroi uri pamunhu ari wose anoziva rudzidziso rwakarurama?
2 Jesu Kristu akasimbisa ukoshi hwokuita icho Mwari akaratidza kuva kuda Kwake. Mukugumisa yakasvika pakuzivikanwa seMharidzo yapaGomo, Jesu akazivisa kuti havasati vari vose vaimudana saShe (nokudaro vachitaura kuva vaKristu) vaizopinda muUmambo; avo bedzi vanoita kuda kwaBaba vake vaizopinda. Vamwe, iye akati, vaizorambwa sa“vasingateereri mutemo.” Neiko vasingateereri mutemo? Nemhaka yokuti seizvo Bhaibheri rinotaura, kukundikana kuita kuda kwaMwari chivi, uye chivi chose kusateerera mutemo. (Mateo 7:21-23, NW; 1 Johane 3:4; enzanisa naVaRoma 10:2, 3.) Mumwe munhu angaziva rudzidziso rwakarurama, angarumbidza avo vanorudzidzisa, uye angataura zvakanaka nezvaavo vanorushandisa, asi iye anewo mutoro wokurushandisa muupenyu hwake amene. (Jakobho 4:17) Kana iye akagamuchira mutoro iwoyo, achawana kuti upenyu hwake huchapfumiswa, uye iye achawana mufaro usingagoni kuuya nomuimwe nzira.
3 Munyaya yapfuura, takarangarira zvitanhatu zvezviratidzo zvinozivisa zvorudzidziso rwechokwadi. Chimwe nechime chaizvozvo hachisati chichingotibetsera bedzi kuziva rudzidziso rwakarurama asiwo chinotipa somunhu oga denho namabanza. Seiko?
Unoita Sei kuShoko raMwari?
4. (a) Sezvo vatsva zvikuru vanovamba kusonganirana neZvapupu zvaJehovha, chii chavanokurumidza kucherechedza pamusoro pokushandisa Bhaibheri kweZvapupu? (b) Kusanodyiswa mumudzimu kunotapura sei vabatiri vaJehovha?
4 Sezvo Zvapupu zvaJehovha zvinofunda Bhaibheri navanhu vachangobva kufarira, vakawanda vaava vatsva zvikuru vanokurumidza kuziva kuti chiri kudzidziswa chinobva muBhaibheri. Mumhinduro kumibvunzo yavo, havasati vachinongedzerwa kuzvitendero zvechechi, kumagamuchidzanwa avanhu, kana kuti kumirangariro yavanhu vakatanhamara. Shoko raMwari amene ndicho chiremera. Apo vanoenda kuHoro yoUmambo, vanocherechedza kuti ikokowo Bhaibheri ndiro bhuku guru rinoshandiswa. Hakusati kuchitorera vatsvaki vapachokwadi vezvokwadi nguva refu kuti vazive kuti chinhu chikuru mumufaro uyo vanoona pakati peZvapupu zvaJehovha iidi rokuti zvinosanodyiswa mumudzimu zvinobva muShoko raMwari.—Isaya 65:13, 14.
5. (a) Idenhoi inopiwa kuavo vanocherechedza Zvapupu zvaJehovha? (b) Vanogona sei kugoverana mumufaro weZvapupu?
5 Kana iwe ukaziva ikoku, unoita sei kwakuri? Kana ukawana mufungo waro, haugoni nenzira yakarurama kungova mucherechedzi asina chaanoita, uyewo haufaniri kuda kudaro. Bhaibheri rinoratidza kuti avo vari “vanzwi bedzi” asi vasiri “vaiti veshoko” vari ‘kuzvinyengera vamene nokurangarira kwenhema.’ (Jakobho 1:22) Vanozvinyengera vamene nemhaka yokuti vanokundikana kuziva kuti pasinei zvapo nechavangataura, kukundikana kwavo kuteerera Mwari kunoratidza kuti havamudi chaizvoizvo. Kutaurwa kwokutenda kusingatsigirwi namabasa kutenda kwakafa. (Jakobho 2:18-26; 1 Johane 5:3) Mukupesana, munhu anosundwa nokuda Jehovha kuva “muiti webasa” achava ano“fara mukuriita kwake.” Hungu, seizvo Jesu Kristu akatsanangura, “vanofara avo vanonzwa shoko raMwari uye vachirichengeta!”—Jakobho 1:25; Ruka 11:28, NW; Johane 13:17.
6. Kana tichionga zvirokwazvo Shoko raMwari, mabanzai atichaedza somunhu oga kushandisa?
6 Mufaro iwoyo uchakura sezvaunokura muzivo yokuda kwaMwari ndokushandisa zvimwe zvinhu zvaunodzidza. Inhamburiko huru sei yauchashandisa kufunda Shoko raMwari? Makumi ezviuru avanhu vamwe navamwe akanga asingagoni kurava kana kuti kunyora akashanda zvakaoma kuti adzidze kurava, achiita ikoku nomutoo wakananga kuti agogona kurava Magwaro ndokuadzidzisa kuvamwe vanhu. Vamwe vanofumomuka mangwanani ari ose kuti vagogona kupedza nguva yakati zuva rimwe nerimwe vachirava Bhaibheri nebetsero dzefundo yeBhaibheri, dzakadai seNharireyomurindi. Sezvo iwe somunhu oga unorava Bhaibheri nenhevedzano kana kuti kutarira magwaro akarongwa mumamwe mashoko efundo, sanocherechedza mitemo yaJehovha nemirairo, uye tsvaka kunzwisisa nheyo dzakawanda dziri imomo dzenhungamiro yedu. Fungisisa icho chikamu chimwe nechimwe chinozivisa pamusoro paMwari, donzo rake, uye kubata kwake norudzi rwomunhu. Bvumira nguva yokuti ikoku kuumbe mwoyo wako. Rangarira kana pane nzira umo unogona kushandisa zano reBhaibheri zvizere zvikuru muupenyu hwako umene.—Pisarema 1:1, 2; 19:7-11; 1 VaTesaronika 4:1.
Kuzvipira Kwako kuna Jehovha Kwakakwana Here?
7. (a) Dzidziso yoUtatu yakapesvedzera sei nhamburiko dzavanhu dzokunamata Mwari? (b) Chii chingaitika apo mumwe munhu anodzidza zvokwadi pamusoro paJehovha?
7 Kumamirioni avanhu, yave iri zorodzo kuziva kuti Mwari wechokwadi haasati ari Utatu. Tsananguro yokuti “ndichakavanzika” haina kutongovagutsa. Vaigona sei kuswedera pedyo naMwari akanga asinganzwisisiki? Somuuyo wedzidziso iyoyo, ivo vakafuratira Baba (ane zita ravasina kutongonzwa muchechi) nokunamata Jesu saMwari kana kuti kunangidzira kunamata kwavo kuna Maria (uyo vakadzidziswa kuti akanga ari “Mai vaMwari”). Asi mwoyo yavo yakagamuchira nomufaro apo mumwe weZvapupu zvaJehovha akazarura Bhaibheri ndokuvaratidza zita romunhu oga raMwari, Jehovha. (Pisarema 83:18) Mumwe mukadzi weVenezuela akafadzwa kwazvo pakuratidzwa zita roumwari zvokuti iye akambundira chaizvoizvo Chapupu chiduku chakagoverana zvokwadi iyoyo inokosha naye uye akabvuma kuva nefundo yeBhaibheri yapamusha. Apo vanhu vakadaro vanoziva kuti Jesu akataura nezvaBaba vake sa“Mwari wangu naMwari wenyu” uye kuti Jesu akadana Baba vake sa“Mwari bedzi wechokwadi,” vanoziva kuti icho Bhaibheri rinodzidzisa pamusoro paMwari hachisati chiri chisinganzwisisiki. (Johane 17:3; 20:17) Sezvo vanosvika pakuziva mavara aJehovha, vanonzwa vakweverwa kwaari, vanovamba kunyengetera kwaari, uye vanoda kumufadza. Chii chiri muuyo wacho?
8. (a) Nemhaka yokuda kwawo Jehovha nechishuvo chavo chokumufadza, mamirioni avanhu akaitei? (b) Neiko rubhapatidzo rwechiKristu ruchikosha zvikuru?
8 Mukati mamakore gumi apfuura, vanhu 2 528 524 panyika nhanhatu napazvitsuwa zvakawanda vakatsaurira upenyu hwavo kuna Jehovha uye ipapo vakaratidzira iyi tsauriro norubhapatidzo rwomumvura. Iwe waiva mumwe wavo here, kana kuti zvino uri kugadzirira kubhapatidzwa here? Rubhapatidzo inhano inokosha muupenyu hwomuKristu ari wose wechokwadi. Jesu akatuma vateveri vake kundoita vadzidzi vavanhu vamarudzi ose nokuvabhapatidza. (Mateo 28:19, 20) Kunokoshawo kuti Jehovha amene akataura ari mumatenga nokukurumidza pashure porubhapatidzo rwaJesu amene, achiti: “Ndiwe Mwanakomana wangu, unodikanwa; ndinokufarira.”—Ruka 3:21, 22.
9. Kuti tichengete ukama hunotenderwa naJehovha, chii chinodikanwa kwatiri?
9 Ukama hunotenderwa naJehovha ndichimwe chinhu chinofanira kukosheswa. Kana iwe wakapinda muukama hwakadaro kupfurikidza netsauriro norubhapatidzo, dzivisa chinhu chipi nechipi chingahukuvadza. Usabvumira funganyo dzoupenyu nokuitira hanya zvinhu zvokunyama kuhusaidzira munzvimbo yechipiri. (1 Timotio 6:8-12) Rarama zvirokwazvo mutsinhirano nezano raZvirevo 3:6, rinoti: “Umutende [Jehovha] panzira dzako dzose, agoruramisa makwara ako ose.”
Rudo rwaKristuRunokutapura Zvikuru Sei?
10. Nei kunamata kwedu Jehovha kusati kuchitisakisa kufuratira Jesu?
10 Kunzwisiswa kwakafanira kwaJehovha saMwari bedzi wechokwadi, chokwadika, hakusati kuchiparira mumwe munhu kufuratira Jesu Kristu. Mukupesana, Zvakazarurwa 19:10 (NW), inoti: “Kupupurira Jesu ndiko kunokuchidzira kuporofita.” Kuvambira pana Genesi kusvikira kuna Zvakazarurwa, uporofita hwakafuridzirwa hunogovera udzame pamusoro pebasa raJesu Kristu mudonzo raJehovha. Sezvo munhu anova akarovedzana noudzame ihwohwo, chiono chinofadza chinooneka icho chisina zvakaipa nemirangariro isakarurama zvakabva mudzidziso dzenhema dzechiKristudhomu.
11. Kudzidza icho Bhaibheri rinodzidzisa chaizvoizvo pamusoro poMwanakomana waMwari kwakatapura sei mumwe mukadzi muPoland?
11 Kunzwisisa zvokwadi pamusoro poMwanakomana waMwari kunogona kuva netapuro huru pamunhu. Ndozvakwakanga kwakaita naDanuta, mumwe mukadzi muPoland. Iye akanga ave achionana neZvapupu zvaJehovha kwamakore masere, akafarikanya zvazvakadzidzisa, asi akanga asiri kuita kuti kunamata kwechokwadi kuve mararamire ake. Ipapo akagamuchira kopi yebhuku raMunhu Mukurusa Ati Amborarama, iro rinopa upenyu hwaKristu nomutoo uri nyore kunzwisisa.a Madekwana chaiwo, iye akazarura bhuku racho, achida kurava ganhuro rimwe chete. Haana kuriisa pasi kutozosvikira mambakwedza, zvisinei, apo akanga apedza bhuku racho. Akabudisa misodzi. “Jehovha, ndikanganwirei,” akateterera kudaro. Somuuyo weizvo akanga arava, akaona zvakajeka zvikuru kupfuura nakare kose rudo rwakaratidzwa naJehovha noMwanakomana wake. Iye akaziva kuti kwamakore masere akanga ave achibva nenzira yokusaonga kubetsero iyo Mwari akanga ave achitambanudzira kwaari nenzira yokushivirira. Muna 1993 iye akabhapatidzwa muchiratidzo chetsauriro yake kuna Jehovha pahwaro hwokutenda muna Jesu Kristu.
12. Zivo yakarurama yaJesu Kristu inotapura sei upenyu hwedu?
12 “Zivo yakarurama yaShe wedu Jesu Kristu” yakabatanidzwa nokuva muKristu anoshingaira neanobudirira. (2 Petro 1:8, NW) Uchava norutivi kusvikira patambanukoi mumubato wakadaro, uchigoverana shoko roUmambo navamwe? Chitsama icho vanhu vamwe navamwe vanokwanisa kuita chinotapurwa nemigariro yakawanda. (Mateo 13:18-23) Hatigoni kuchinja mimwe migariro; mimwe tinogona. Chii chichatisunda kuziva ndokuita chinjo dzinogona kuitwa? Muapostora Pauro akanyora, kuti: “Rudo rwaKristu runotimanikidza”; namamwe mashoko, rudo urwo akaratidza mukuvanzarika upenyu hwake nokuda kwedu rwakatanhamara kwazvo zvokuti sezvo kurunzwisisa kwedu kunokura, mwoyo yedu timene ichasundwa zvikuru. Somuuyo, tinoziva kuti kwaizova kusina kukodzera zvikurusa kuti tirambe tichironda nharidzano dzine udyire nokurarama zvikurukuru kuti tizvigutse timene. Panzvimbo pezvo, tinogadziridza zvinhu zvedu kuti tipe nzvimbo yokutanga kubasa iro Kristu akadzidzisa vadzidzi vake kuita.—2 VaKorinte 5:14, 15.
Kuparadzana Nenyika—Kusvikira Kutambanukoi?
13. Neiko tisingafaniri kuda rutivi rworudzidziso rwakazviita rumene rutivi rwenyika?
13 Hakuna kuoma kuona chinyorwa chakaitwa nechiKristudhomu namamwe marudzidziso nemhaka yokuti anoda kuva rutivi rwenyika. Mari yechechi yakashandiswa kuwanira mari mubato wokupandukira. Vaprista vakava varwi vechigandanga. Zuva nezuva, mapepanhau anosimbisa mishumo pamusoro pamapoka orudzidziso mumativi akasiyana-siyana apasi ari kurwisana. Maoko awo ari kudonha ropa. (Isaya 1:15) Uye munyika yose vafundisi vanopfuurira kuedza kushandisa mugariro wezvamatongerwe enyika. Vanamati vechokwadi havana rutivi muna ikoku.—Jakobho 4:1-4.
14. (a) Chii icho isu somunhu oga tinofanira kudzivisa kana tichizoramba takaparadzana nenyika? (b) Chii chinogona kutibetsera kudzivisa kusungwa nezvimiro zvendangariro nemiitiro zvenyika?
14 Asi kuparadzana nenyika kunobatanidza zvakawanda zvinopfuura izvozvo. Nyika inoratidzirwa norudo rwemari neicho mari inogona kutenga, chishuvo choutanhamari hwomunhu oga, uye kurondwa kwenguva dzose kwomufaro, pamwe chete nezvinhu zvakadai sokushaikwa kwokuitira vamwe hanya kwapachokwadi, kureva nhema uye kutuka, kupandukira chiremera, uye kukundikana kushandisa kuzvidzora. (2 Timotio 3:2-5; 1 Johane 2:15, 16) Nemhaka yokusakwana kwedu timene, padzimwe nguva nenzira yakati tingaratidzira akati kuti amavara iwayo. Chii chinogona kutibetsera muhondo yedu yokudzivisa misungo yakadaro? Tinofanira kuzviyeuchidza timene kuti ndiani anokutsigira. “Nyika yose iri musimba rowakaipa.” (1 Johane 5:19, NW) Hazvinei hazvo nokuti nzira yakati ingava inonyengera sei, hazvinei hazvo nokuti ndivamwe vanhu vangani vanorarama nenzira iyoyo, apo tinoona muvengi mukuru waJehovha, Satani Dhiabhorosi, ari seri kwayo, tinoziva kuti yakaipa sei chaizvoizvo.—Pisarema 97:10.
Rudo Rwako Runosvika Kure Sei?
15. Rudo rusina udyire urwo wakacherekedza rwakakubetsera sei kuziva rudzidziso rwakarurama?
15 Apo wakavamba kusonganirana neZvapupu zvaJehovha, rudo runoratidzirwa pakati pazvo pasina panikiro rwakakufadza nemhaka yomusiyano warwo nomudzimu wenyika. Simbiso parudo rusina udyire inoparadzanisa kunamatwa kwakachena kwaJehovha nezvimwe zvimiro zvose zvokunamata. Kungava kuti ikoku ndiko kwakakupwisa kuti Zvapupu zvaJehovha zvamazvirokwazvo zviri kushandisa rudzidziso rwakarurama. Jesu Kristu amene akati: “Vose vachaziva naizvozvi kuti muri vadzidzi vangu, kana muno rudo pakati penyu.”—Johane 13:35.
16. Mabanzai angavapo okuti isu somunhu mumwe nomumwe tikure murudo rwedu?
16 Vara iroro rinokuzivisawo here somumwe wavadzidzi vaKristu? Pane nzira umo unogona kukura mukuratidza kwako rudo here? Pasina panikiro tose zvedu tinogona. Kune zvakawanda kwarwuri kupfuura ushamwari kuvamwe paHoro yoUmambo. Uye kana tikatambanudzira rudo bedzi kuavo vanotida, taizova vakasiyana sei nenyika? “Zvikuru kune zvose danai norudo rukuru,” Bhaibheri rinokurudzira kudaro. (1 Petro 4:8) Ndikuna ani kwatingaratidzira rudo rukuru zvikuru? Ihama kana kuti hanzvadzi yechiKristu ine mugariro wakare wakasiyana nowedu uye ine nzira yokuita nayo zvinhu zvakati inotishatirisa here? Ndimumwe munhu uyo, somuuyo wechirwere kana kuti ukweguru, ave asingakwanisi kupinda misangano nguva dzose here? Mukwanyina wedu weroorano here? Kana kuti, zvichida, vabereki vedu vakwegura here? Vamwe vakanga vachiita zvakanaka mukuratidzira zvibereko zvomudzimu, kubatanidza rudo, vakanzwa sokunge vakanga vachidzidza zvinhu izvozvi zvakare apo vakanangana nemigariro yakaoma zvikuru inogona kumuka mukupa tarisiro inodokuva yakazara kumutezo wemhuri wakanga wava wakaremara zvakakomba. Kunyange apo tinenge tatarisana nemigariro iyoyi, chokwadika, rudo rwedu runofanirawo kupfuura mhuri yedu timene.
Kupupurira Umambo—Kunokosha Sei Kwauri?
17. Kana takabetserwa somunhu oga neshanyo dzeZvapupu zvaJehovha, chii chatinofanira kunzwa tichisundwa kuita?
17 Nzira inokosha umo tinoratidzira namo kuda vanhu biyedu iri kupfurikidza nokupupurira kwavari pamusoro poUmambo hwaMwari. Boka rimwe bedzi ravanhu riri kuita iri basa iro Jesu akadeya kutaura. (Marko 13:10) Izvozvi Zvapupu zvaJehovha. Takabetserwa somunhu oga naro. Zvino iropafadzo yedu kubetsera vamwe. Kana tichigoverana murangariro waMwari wenhau yacho, iri basa richava rakatanhamara muupenyu hwedu.
18. Kurava kwedu bhuku raJehovah’s Witnesses—Proclaimers of God’s Kingdom kungapesvedzera sei goverano yedu timene mukupupurira Umambo?
18 Nhauro inofadza yokuti shoko roUmambo rakaendeswa sei kumativi ari kuresa apasi mukati maaya mazuva okupedzisira inotaurwa mubhuku raJehovah’s Witnesses—Proclaimers of God’s Kingdom. Kana uchiziva chiNgezi, usakundikana kurirava. Uye sezvo unodaro, sanocherechedza nzira dzose umo vanhu vamwe navamwe vakagoverana mukupa uchapupu pamusoro poUmambo. Kune vamwe here vane muenzaniso waunogona kutevedzera? Kune mabanza akawanda akazarukira tose zvedu. Kuda kwedu Jehovha ngakutisunde kuashandisa zvakanaka.
19. Tinobetserwa sei apo tinogamuchira mutoro unofamba nokuziva rudzidziso rwakarurama?
19 Apo tinodarozvo kuzvishandisa timene kukuitwa kwokuda kwaJehovha, tinowana mhinduro kumubvunzo unoti, Chii chiri revo youpenyu? (Zvakazarurwa 4:11) Hatisati tichiri kutsvangadzira, takasiiwa tine murangariro wokusava namaturo. Hakuna basa raunogona kuzvipa umene kwariri richaunza gutsikano huru zvikuru kupfuura zvichaita kuzvishandisa umene nomwoyo wose kubasa raJehovha Mwari. Uye inguva yemberi yakaisvonaka zvakadini yarinopa! Kusaguma kwoupenyu hunogutsa munyika itsva yake, umo tichakwanisa kushandisa mano edu zvakazara mutsinhirano nedonzo rorudo iro Mwari akasikira rudzi rwomunhu.
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
Waizopindura Sei?
◻ Neiko kuchikosha kuti rudzidziso rugamuchire Bhaibheri seShoko raMwari uye kukudza Jehovha saMwari wechokwadi?
◻ Chii chinodzidzisa rudzidziso rwechokwadi pamusoro pebasa raJesu soMudzikinuri?
◻ Neiko vaKristu vachifanira kuramba vakaparadzana nenyika ndokushandisa rudo rusina udyire?
◻ Rutivii rune kupupurira Umambo murudzidziso rwakarurama?
[Mifananidzo iri papeji 16]
Rubhapatidzo inhano inokosha mukugamuchira mitoro yokunamata kwechokwadi. Mwedzi mumwe nomumwe, vane 25 000 munyika yose vanoita nhano iyoyo
Russia
Senegal
Papua New Guinea
United States of America
[Mifananidzo iri papeji 17]
Kugoverana zvokwadi yeBhaibheri navamwe rutivi rwokunamata kwechokwadi
United States of America
Brazil
United States of America
Hong Kong