Kurwisa Kubata Kwechivi Panyama Yakawa
“Nokuti kufunga kwenyama ndirwo rufu; asi kufunga kwomweya ndihwo upenyu norugare.”—VAROMA 8:6.
1. Vanhu vakasikirwa donzoi?
“MWARI akasika munhu nomufananidzo wake, akamusika nomufananidzo waMwari; akavasika murume nomukadzi.” (Genesi 1:27) Mufananidzo iratidzirwo yechinhu kana kuti manyuko. Nokudaro, vanhu vakasikwa kuti vave ratidzirwo yembiri yaMwari. Kupfurikidza nokuratidzira mavara oumwari—akadai sorudo, runako, ruramisiro, uye umudzimu—mukuedza kwavo kwose, vanounza rumbidzo norukudzo kuMusiki, pamwe chete nomufaro negutsikano kwavari vamene.—1 VaKorinte 11:7; 1 Petro 2:12.
2. Vaviri vokutanga vohunhu vakapotsa sei chiratidzo?
2 Vaviri vokutanga vohunhu, vakasikwa vakakwana, vakanga vakasanoshongedzerwa iri basa. Kufanana nezvionioni zvinopenya zvikuru, vaikwanisa kuratidzira mbiri yaMwari norujeko nokutendeka. Zvisinei, vakabvumira kupenya kukuru ikoko kuva kunoshatiswa apo vakasarudza noune kusateerera Musiki wavo naMwari. (Genesi 3:6) Pashure paikoko, vakanga vasichagoni kuratidzira mbiri yaMwari zvakakwana. Vakakundikana kusvika mbiri yaMwari, vachipotsa donzo rokuva kwavo vakasikwa mumufananidzo waMwari. Namamwe mashoko, vakatadza.a
3. Chii chiri mugariro wechokwadi wechivi?
3 Ikoku kunotibetsera kunzwisisa chimiro chechokwadi chechivi, icho chinoshatisa kuratidzira kwomunhu kufanana naMwari nembiri. Chivi chinoita kuti munhu ave asiri mutsvene, ndiko kuti, asina kuchena uye akashatiswa mupfungwa yomudzimu neyetsika. Rudzi rwose rwomunhu, zvarwuri vazukuru vaAdhama naEvha, vanoberekerwa mumugariro iwoyo wakashatiswa nousina kuchena, vachikundikana kusvika kariro yaMwari yavo savana vake. Uye muuyo wacho? Bhaibheri rinotsanangura, kuti: “Saka, zvivi sezvazvakapinda munyika nomunhu mumwe, norufu rukapinda nezvivi; saizvozvo rufu rwakasvika kuvanhu vose, nokuti vose vakatadza.”—VaRoma 5:12; enzanisa naIsaya 64:6.
Kubata Kwechivi Panyama Yakawa
4-6. (a) Vanhu vakawanda zvikurusa vanorangarira sei chivi nhasi? (b) Chii chiri muuyo wemirangariro yazvino uno yechivi?
4 Vanhu vakawanda zvikurusa nhasi havafungi nezvavo vamene savasina kuchena, vakashatiswa, kana kuti vanotadza. Kutaura idi, chivi, seshoko, rakadokunyangarika mumashoko avanhu vakawanda zvikurusa. Ivo zvichida vachataura pamusoro pemhosho, ufuza, uye zvikanganiso. Asi vanotaura pamusoro pechivi? Nyangwe! Kunyange kuna avo vachiri kutaura kuti vanodavira Mwari, “dzidziso dzake dzakabatanidza zvitendero zvetsika panzvimbo pebumbiro remitemo retsika, ‘zvikarakadzo gumi’ panzvimbo pemirairo gumi,” anodaro Alan Wolfe, purofesa wamagariro avanhu.
5 Chii chiri muuyo weiyi nzira yokufunga? Kurambwa, kana kuti kunenge kufuratirwa, kwouchokwadi kwechivi. Ikoku kwakabereka chizvarwa chavanhu vane pfungwa yakamonyaniswa zvikuru yechakarurama nechakaipa, vanonzwa vakasununguka kugadza mipimo yavo vamene yomufambiro ndokunzwa vasina mutoro kune munhu nokuda kwechipi kana chipi chavanosarudza kuita. Kuvanhu vakadaro, kunzwa zvakanaka ndiwo mupimo woga mukusarudza kana nzira yechiito yakafanira kana kuti isati.—Zvirevo 30:12, 13; enzanisa naDheuteronomio 32:5, 20.
6 Somuenzaniso, pashoo yokutaura muterevhizheni, vanhu vaduku vakakokwa kuti vataure mirangariro yavo yezvinonzi zvivi zvinomwe zvinouraya.b “Rudado hachisi chivi,” akazivisa kudaro mumwe mutori rutivi. “Unofanira kunzwa zvakanaka pamusoro pako umene.” Pamusoro pousimbe, mumwe akati: “Kwakanaka kuva wakadaro pane dzimwe nguva. . . . Pane dzimwe nguva kwakanaka kuzorora ndokuzvipa umene nguva yomunhu oga.” Kunyange murondedzeri akagovera iyi tsinhiro pfupi: ‘Zvivi zvinomwe zvinouraya hazvisi zviito zvakaipa asi, panzvimbo pezvo, mirangariro yose yomunhu inogona kutambudza nokufarikanywa zvikuru.’ Hungu, kwakaenda pamwe chete nechivi kunzwa kwokuva nemhaka, nokuti, pashure pokurangarira zvose, kuva nemhaka ndiwo musiyano chaiwo wokunzwa zvakanaka.—VaEfeso 4:17-19.
7. Mukuwirirana neBhaibheri, vanhu vanotapurwa sei nechivi?
7 Mukusiyana kukuru naikoku kwose, Bhaibheri rinotaura zvakajeka, kuti: “Vose vakatadza, vakasasvika pakubwinya kwaMwari.” (VaRoma 3:23) Kunyange muapostora Pauro akabvuma, kuti: “Ndinoziva kuti mukati mangu, imo munyama yangu, hamugari chinhu chakanaka; nokuti kuda kuripo kwandiri, asi kuita zvakanaka hakupo. Nokuti zvakanaka, zvandinoda, handizviiti; asi zvakaipa, zvandisingadi, ndizvo zvandinoita.” (VaRoma 7:18, 19) Pauro pano akanga asiri kuzvinzwira tsitsi. Panzvimbo pezvo, nemhaka yokuti aiziva zvizere kuti rudzi rwomunhu rwakakundikana zvikuru sei kusvika pambiri yaMwari, akanzwa zvikuru kwazvo kubata kwechivi panyama yakawa. “Ndiri munhu uri pakutambudzika!” akazivisa kudaro, “Ndianiko uchandisunungura pamuviri worufu urwu?”—VaRoma 7:24.
8. Mibvunzoi yatinofanira kuzvibvunza timene? Nemhaka yei?
8 Chii chiri murangariro wako wenhau iyi? Ungabvuma kuti somuzukuru waAdhama, iwe, kufanana nomunhu ari wose zvake, hauna kukwana. Asi zivo iyoyo inotapura sei kufunga kwako namararamire ako? Unoigamuchira seidi roupenyu ndokungopfuurira zvako kuita chinouya nomuzvarirwo? Kana kuti unoshandisa nhamburiko yenguva dzose kuti urwise kubata kwechivi panyama yakawa, uchivavarira kuratidzira zvakajeka sezvinobvira mbiri yaMwari mune zvose zvaunoita here? Ikoku kunofanira kuva kweitiro hanya yakakomba kuno mumwe nomumwe wedu nemhaka yeizvo Pauro akataura: “Nokuti vari venyama vanofunga zvenyama: asi vari vomweya, vanofunga zvomweya. Nokuti kufunga kwenyama ndirwo rufu; asi kufunga kwomweya ndihwo upenyu norugare.”—VaRoma 8:5, 6.
Kufunga Kwenyama
9. Neiko kwakadaro kuti “kufunga kwenyama ndirwo rufu”?
9 Pauro akarevei apo akataura kuti “kufunga kwenyama ndirwo rufu”? Shoko rokuti “nyama” rinoshandiswa kazhinji kazhinji muBhaibheri kuratidzira munhu mumugariro wake wokusakwana, ‘akanambirwa muchivi’ somuzukuru waAdhama anopandukira. (Pisarema 51:5; Jobho 14:4) Nokudaro, Pauro akanga achiraira vaKristu kusaisa ndangariro dzavo pamirangariro yokutadza, sundo, uye zvishuvo zvenyama isina kukwana, yakawa. Uye zvokona nei? Kune imwe nzvimbo Pauro akatiudza ari mabasa enyama uye ipapo akawedzera nyevero, yokuti: “Vanoita zvakadai havangadyi nhaka youshe hwaMwari.”—VaGaratia 5:19-21.
10. Chii chinorehwa nokuti “kufunga”?
10 Asi hapana musiyano mukuru pakati pokufunga chimwe chinhu nokuchiita here? Chokwadi, kufunga pamusoro pechimwe chinhu hakutungamiriri nguva dzose kukuchiita. Zvisinei, kufunga kunopfuura kungova nomufungo wechinguvana. Shoko rakashandiswa naPauro ndiphroʹne·ma muchiGiriki, uye rinoratidzira “nzira yokufunga, ndangariro(-yakaiswa), . . . donzo, chishuvo, vavariro.” Naizvozvo, “kufunga kwenyama” kunoreva kudzorwa, kupesvedzerwa, kutongwa, uye kusundwa nezvishuvo zvenyama yakawa.—1 Johane 2:16.
11. Kaini akanga achifunga zvenyama sei, uye chii chakanga chiri muuyo?
11 Pfundo racho rinosanoenzanisirwa nenzira iyo Kaini akatevera. Apo godo nehasha zvakamuka mumwoyo maKaini, Jehovha Mwari akamunyevera, kuti: “Watsamwireiko? Chiso chako chakawunyana nei? Kana ukaita zvakanaka, haungafari here pachiso chako? Kana usingaiti zvakanaka, zvivi zvinokuvandira pamukova; zvichakutsvaka, asi iwe unofanira kuzvikunda.” (Genesi 4:6, 7) Pakanga pane chisarudzo pamberi paKaini. Aizo“ita zvakanaka,” ndiko kuti, kuisa ndangariro yake, donzo, uye chishuvo pane chimwe chinhu chakanaka here? Kana kuti aizopfuurira kufunga zvenyama ndokunangidzira ngwariro yake pamirangariro yakaipa yakanga yakavanda mumwoyo make here? Seizvo Jehovha akatsanangura, chivi chakanga chichimu“vandira pamukova,” chichimirira kusvetukira ndokuparadza Kaini kana aizochibvumira. Panzvimbo pokurwisa no‘kukunda’ chishuvo chenyama yake, Kaini akachibvumira kumudzora—kumugumo une ngwavaira.
12. Chii chatinofanira kuita kuti tirege kuenda “nenzira yaKaini”?
12 Zvakadiniko nesu nhasi? Zvamazvirokwazvo hatidi kuenda “nenzira yaKaini,” seizvo Judhasi akachema pamusoro pavakati vaiva pakati pavaKristu vomuzana ramakore rokutanga. (Judhasi 11) Hatitongofaniri kururamisa ndokufunga kuti kuzvigutsa kushomanene kana kuti rusununguko runotorwa pano kana kuti apo harukuvadzi. Mukupesana, tinofanira kusvinurira kuti tizive pesvedzero ipi neipi isiri youmwari neinoshatsa iyo ingave yakapinda mumwoyo wedu nendangariro ndokuibvisa nokukurumidza isati yasimba. Kurwisa kubata kwechivi panyama yakawa kunotangira mukati.—Marko 7:21.
13. Munhu anogona sei ku“idzwa kana achikwehwa nokuchiva kwake achinyengerwa”?
13 Somuenzaniso, ungaona chiono chinokatyamadza kana kuti chinotyisa kana kuti mufananidzo unokarakadzira zvikuru kana kuti unonyandura. Unogona kuva mufanikiso uri mubhuku kana kuti magazini, chiono mubhaisikopo kana kuti muterevhizheni, shambadziro pabhodhi rezviziviso, kana kuti kunyange mumugariro chaiwoiwo. Ikoko makuri kumene hakufaniri kutyisa, sezvo kuchigona—uye kunodaro—kuitika. Zvisinei, uyu mufananidzo kana kuti chiono, kunyange zvazvo chingave chatora masekondi mashomanene chete, chingagara mundangariro ndokuonekazve panguva nenguva. Chii chaunoita apo ikoko kunoitika? Unokurumidza kuita chiito kuti urwise mufungo iwoyo here ndokuuburitsa mundangariro mako? Kana kuti unoubvumira kugara mundangariro mako, zvichida kudzokorora chinoitika chacho nguva imwe neimwe mufungo iwoyo unouya here? Kuita zvapashure kuvamba nhevedzano yezvinoitika zvakarondedzerwa naJakobho, kuti: “Munhu mumwe nomumwe unoidzwa kana achikwehwa nokuchiva kwake achinyengerwa. Zvino kuchiva, kana kwarema, kunozvara zvivi; nezvivi, kana zvakura, zvinobereka rufu.” Ndokusaka Pauro akati: “Kufunga kwenyama ndirwo rufu.”—Jakobho 1:14, 15; VaRoma 8:6.
14. Tinonangana nechii zuva nezuva, uye tinofanira kuita sei?
14 Sezvatinorarama munyika umo utere hwevatano, masimba masimba, uye kudisa zvenyika zvinorumbidzwa—zvichiratidzwa pachena uye zvakasununguka mumabhuku, magazini, mabhaisikopo, purogiramu dzeterevhizheni, uye nziyo dzakakurumbira—tiri kurovanywa chaizvoizvo nemifungo nepfungwa zvakaipa zuva riri rose. Chii chiri kuita kwako? Unonzwa uchifadzwa nokuvaraidzwa neizvi zvose here? Kana kuti unonzwa sezvakaita Roti akarurama, “wakanga afa neshungu nokuda kwomufambiro woutere wavakashata . . . wakarwadzisa mweya wake wakarurama zuva rimwe nerimwe namabasa avo akanga asino kururama”? (2 Petro 2:7, 8) Kuti tibudirire mukurwisa kubata kwechivi panyama yakawa, tinofanira kuva vakatsunga kuita seizvo wezvamapisarema akaita: “Handingavavariri chinhu chakaipa; Ndinovenga zvinoitwa navanotsauka; Hazvingandinamatiri.”—Pisarema 101:3.
Kufunga Kwomudzimu
15. Ibetseroi yatinayo yokurwisa kubata kwechivi patiri?
15 Chimwe chinhu chinogona kutibetsera kurwisa kubata kwechivi panyama yakawa ndiicho Pauro akapfuurira kutaura: “Kufunga kwo[mudzimu, NW] ndihwo upenyu norugare.” (VaRoma 8:6) Nokudaro, panzvimbo pokudzorwa nenyama, tinofanira kurega ndangariro yedu ichipinda mupesvedzero yomudzimu ndokukura nezvinhu zvomudzimu. Izvozvo zvii? Pana VaFiripi 4:8, Pauro anoita ndaza yazvo: “Pakupedzisira, hama dzangu, zvose zvazvokwadi, zvose zvinokudzwa, zvose zvakarurama, zvose zvakachena, zvose zvinodikanwa, zvose zvinorumbidzwa, kana kunaka kupi nokupi, kana chingarumbidzwa chipi nechipi, fungisisai izvozvo.” Ngatisanonzverai ndokuwana nzwisiso iri nani yezvatinofanira kupfuurira kurangarira.
16. Mavarai ayo Pauro akatikurudzira kuti “fungisisai,” uye rimwe nerimwe rinobatanidzei?
16 Kutanga kwazvose, Pauro akaronga mavara etsika masere. Isu, chokwadika, tinoziva kuti vaKristu havaganhurirwi kukufunga bedzi pamusoro pezvinhu zvapaMagwaro kana kuti zvedzidziso panguva dzose. Pane nhau dzakawanda kana kuti misoro zvatinogona kuisa ndangariro dzedu pazviri. Asi chinhu chinokosha ndechokuti zvinofanira kukodzera mavara etsika akadudzwa naPauro. Chimwe nechimwe chezvikamu zve“zvinhu” zvakadudzwa naPauro chinofanirwa nengwariro yedu. Ngatizvirangarirei munhevedzano.
◻ “Zvazvokwadi” zvinobatanidza kunopfuura kungova chokwadi kana kuti nhema. Zvinoreva kuva wapachokwadi, akarurama, uye akavimbika, chimwe chinhu chiri chaichoicho, kwete kungopa chete chitarisiko chokuva chakadaro.—1 Timotio 6:20.
◻ “Zvinokudzwa” zvinonongedzera kuzvinhu zvine chiremera uye zvinoremekedzwa. Zvinonyandura pfungwa yoruremekedzo, chimwe chinhu chakakwirira, chakanaka, uye chinokudzwa panzvimbo pechakaipa nechinozvidzwa.
◻ “Zvakarurama” zvinoreva kusvitsa mupimo waMwari, kwete womunhu. Vanhu venyika vanozadza ndangariro dzavo namazano asina kururama, asi tinofanira kufunga nokufarira zvinhu zvakarurama mukuona kwaMwari.—Enzanisa nePisarema 26:4; Amos 8:4-6.
◻ “Zvakachena” zvinoreva zvakanaka uye zvitsvene kwete bedzi mumufambiro (wevatano kana kuti mumwe) asiwo mumufungo nevavariro. “Kuchenjera, kunobva kumusoro, zvikuru kwakachena,” anodaro Jakobho. Jesu uyo “akachena,” ndiye Muenzaniso wakakwana wokuti isu tirangarire.—Jakobho 3:17; 1 Johane 3:3.
◻ “Zvinodikanwa” ndicho icho chinonyandura uye chinokurudzira rudo muvamwe. Tinofanira kuti ti“rangarirane, timutsane mwoyo kuti tive norudo namabasa akanaka,” panzvimbo pokuisa ndangariro dzedu pazvinhu zvinonyandura ruvengo, kukasharara, uye kukakavara.—VaHebheru 10:24.
◻ “Zvinorumbidzwa” zvinoreva kwete chete kuva “chakakurumbira” kana kuti “zvinoshumwa zvakanaka” asiwo, mupfungwa yokushingaira, kuva zvinovaka nokurumbidza. Tinoisa ndangariro dzedu pazvinhu zvakanaka nezvinovaka panzvimbo pezvinozvidzisa nezvakashata.—VaEfeso 4:29.
◻ “Kunaka” zvikurukuru kunoreva “runako” kana kuti “kuisvonaka kwetsika,” asi kunogona kureva kuisvonaka kworudzi rupi norupi. Nokudaro, tinogona kunzwisisa mavara anokosha, runako, uye zvinoitwa navamwe mukuwirirana nemipimo yaMwari.
◻ Zvinhu “zvinodikanwa” zvakadaro zvirokwazvo kana rumbidzo yacho ichibva kuna Mwari kana kuti chiremera chinozivikanwa naye nenzira yakafanira.—1 VaKorinte 4:5; 1 Petro 2:14.
Chipikirwa Choupenyu Norugare
17. Zvikomboreroi zvinobva muku“funga kwomudzimu”?
17 Apo tinotevera zano raPauro ndoku“pfuurira kufungisisa zvinhu izvozvi,” tichabudirira mu“kufunga kwomudzimu.” Muuyo wacho hachisati chichingova bedzi chikomborero choupenyu, ndiko kuti, upenyu husingaperi munyika itsva yakapikirwa, asiwo rugare. (VaRoma 8:6, NW) Neiko? Nemhaka yokuti ndangariro dzedu dzakadzivirirwa papesvedzero yakaipa yezvinhu zvenyama, uye hatisati tichatapurwazve zvikuru kwazvo nerwisano inorwadza iri pakati penyama nomudzimu sezvakarondedzerwa naPauro. Kupfurikidza nokudzivisa pesvedzero yenyama, tinowanawo rugare naMwari “nokuti kufunga kwenyama kunovengana naMwari.”—VaRoma 7:21-24; 8:7.
18. Ihondoi iyo Satani ari kurwa, uye tinogona sei kuva vanokurira?
18 Satani navamiriri vake vari kuita chinhu chiri chose chavanogona kuti vashatise kuratidzira kwedu mbiri yaMwari. Vanoedza kudzora ndangariro dzedu kupfurikidza nokudzirovanya nezvishuvo zvenyama, vachiziva kuti ikoku pakupedzisira kuchatungamirira kukuvengana naMwari nokurufu. Asi tinogona kubuda takurira mune iyi hondo. Kufanana naPauro, isuwo tinogona kuzivisa, kuti: “Mwari ngaaongwe, naJesu Kristu, Ishe wedu” nokuda kwokutigovera mutoo wokurwisa nawo kubata kwechivi panyama yakawa.—VaRoma 7:25.
[Mashoko Omuzasi]
a Bhaibheri kazhinji kazhinji rinoshandisa chiito chechiHebheru cha·taʼʹ nechiito chechiGiriki ha·mar·taʹno kureva “chivi.” Ose ari maviri aaya mashoko anoreva “potsa,” mupfungwa yokupotsa kana kuti kusasvika nharidzano, chiratidzo, kana kuti chipfuro.
b Mumagamuchidzanwa, zvivi zvinomwe zvinouraya rudado, kuchochora, ruchiva, shanje, sadza ndiuraye, hasha, uye usimbe.
Unogona Kutsanangura Here?
◻ Chivi chii, uye chinogona sei kutanga kubata panyama yakawa?
◻ Tinogona sei kurwisa “kufunga kwenyama”?
◻ Chii chatinogona kuita kusimudzira “kufunga kwomudzimu”?
◻ Ku“funga kwomudzimu” kunounza sei upenyu norugare?
[Mufananidzo uri papeji 15]
Kaini akabvumira mirangariro yenyama kumudzora kuruparadziko rwake amene
[Mifananidzo iri papeji 16]
Kufunga kwomudzimu kunoreva upenyu norugare