Tsamba Inobva kuDominican Republic
“Handisati Ndambodiwa Zvakadai”
NIURKA akapa hurukuro yeBhaibheri kokutanga muungano yedu vhiki ino. Akanga aigadzirira achinyora neBraille zvaaizotaura, uye zvadaro akaidzidzira nomusoro. Ndaiva naye pachikuva, ndichiita somunhu aida kudzidza chokwadi cheBhaibheri. Gudzanzwi rakaita kuti anzwe zvandaitaura nomumahedhifoni aimubatsira kunzwa. Patakapedza, vateereri vaimuyemura vakaombera zvikuru zvokuti akavanzwa. Kunyemwerera kwaakaita kwakaratidza kuti aifara zvikuru uye aigutsikana. Ini ndakafarawo. Zvinofadza chaizvo kuita basa roumishinari!
Ndichiri kuyeuka pandakatanga kuona Niurka makore maviri akapfuura. Ndatyaira motokari kwehafu yeawa mumigwagwa yokumaruwa ine guruva, ndipo pandakatanga kumuona. Aiva akagara pavheranda romusha wokumaruwa wakanaka, imba yematanda nezvidhinha yaiva nedenga remarata aiva nengura. Paiva noruzha nohwema zvembudzi, tsuro, nembwa. Niurka aiva akangoti rukutu akatsikitsira, zvairatidza kusurukirwa uye kuora mwoyo. Aiita sokuti akura zvikuru kupfuura makore ake chaiwo 34.
Ndakamubhabhadzira zvinyoro-nyoro papfudzi, uye akasimudza musoro akatitarira nemaziso akanga asingachaoni kwemakore 11. Ndichishevedzera munzeve dzake, ndakamuudza zita rangu nerewandaiparidza naye. Pave paya takazoziva kuti Niurka airwara neMarfan syndrome, chirwere chaimutambudza zvikuru. Niurka anewo chirwere cheshuga chakakomba chinoda kuti agare achitariswa kuona kuti shuga yake yakadini.
Pandakamubatisa Bhaibheri, akariziva uye akataura kuti akanga anakidzwa nokuverenga Magwaro paaimboona. Zvisinei, ndaizodzidzisa sei uyu mukadzi aiva akasurukirwa, aizvininipisa, chokwadi chinozorodza cheShoko raMwari? Sezvo aiziva arufabheti, ndakatanga nokumubatisa mabhii epurasitiki. Munguva pfupi akanga ava kuaziva. Zvadaro, paaibata maoko angu ini ndichimuitira masaini, akadzidza kufananidza bhii rimwe nerimwe nebhii rakafanana naro mumutauro wemasaini wokuAmerica. Zvishoma nezvishoma, akadzidza mamwe masaini. Sezvo ini ndakanga ndichangotanga kudzidza mutauro wacho, ndaifanira kugadzirira kwemaawa akawanda chaizvo pose pataidzidza. Zvisinei, ini naNiurka taiva nechido chaizvo, saka takakurumidza kugona mutauro wemasaini.
Niurka akakwanisa kufambira mberi chaizvo paakapiwa zvaimubatsira pakunzwa nerimwe sangano rinoyamura vanotambura. Zvakamuyamura chaizvo kunyange hazvo zvakanga zvisingashamisiri. Apedza makore anopfuura gumi asingaoni uye akangonyarara, akanga asurukirwa zvikuru. Asi mudzimu waJehovha wakamutsiridza pfungwa dzake nomwoyo wake, achizvizadza nezivo, tariro, uye rudo. Nenguva isipi, achibatsirwa nomudonzvo, Niurka akanga ava kufamba-famba munharaunda yake, achiudzawo vamwe chokwadi chiri muBhaibheri.
Niurka anodzidza Bhaibheri naamainini vake nedzimwe hama dzake mbiri. Anonyatsogadzirira, obata nomusoro chidzidzo chimwe nechimwe asati adzidza navo. Vaanodzidza navo vanoverenga ndima, uye Niurka anoverenga mubvunzo mubhuku rake reBraille. Waanenge achifamba naye anoudza Niurka mhinduro dzacho nokutaurira munzeve dzake kana kuti kumusainira mumaoko.
Ungano yose inobatsira Niurka uye inomukurudzira. Dzimwe hama dzake dzechiKristu dzinoverengeka dzinomubatsira pakuenda kumisangano nokumagungano. Vamwe vanoenda naye muushumiri. Munguva pfupi yapfuura Niurka akati kwandiri: “Handisati ndambodiwa zvakadai.” Anotarisira kubhabhatidzwa pagungano redu reruwa rinotevera.
Sezvatinopinda mukanzira kanoenda kunogara Niurka, tinomuona akagara pavheranda ari muzuva akasimudza musoro wake uye achinyemwerera. Ndinomubvunza kuti ari kunyemwererei. Anoti: “Ndanga ndichifunga nezveramangwana nyika paichange yava paradhiso. Uye ndanga ndichifungidzira ndatovamo.”
[Mufananidzo uri papeji 25]
Niurka aine vamwe vomuungano yedu pamberi peImba yedu yoUmambo
[Mufananidzo uri papeji 25]
Niurka anoudzawo vamwe zvaakadzidza