RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 7/15 pp. 15-20
  • Shandirai Zvakaoma Ruponeso Rwemhuri Yenyu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Shandirai Zvakaoma Ruponeso Rwemhuri Yenyu
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Vabereki vechiKristu Namabasa Avo
  • Kutarisira Zvinodikanwa Zvavo Zvemirangariro
  • Kutarisira Zvinodikanwa Zvavo Zvomudzimu
  • Kuranga Mukururama
  • Mhuri Dzine MuberekiMumwe Nemhuri Dzokurera
  • Rambai Muchishandira Ruponeso Rwemhuri Yenyu!
  • Rovedzai Mwana Wenyu Kubvira Paucheche
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
  • Mhuri Dzine Mubereki Mumwe Dzinogona Kubudirira!
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
  • Vabereki Vari Voga, Zvinetso Zvakawanda
    Mukai!—2002
  • Vabereki, Dzidzisai Vana Venyu Norudo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 7/15 pp. 15-20

Shandirai Zvakaoma Ruponeso Rwemhuri Yenyu

“Varerei pakuranga nokuraira kwaShe.”—VAEFESO 6:4.

1, 2. Idenhoi dzinotarisana navabereki nhasi?

IMWE magazini yakakurumbira yakakudana kuti kumukira. Imomu makanga muri munyaya yakarondedzera chinjo dzinokatyamadza dzakaitika mumhuri mumakore achangobva kupfuura. Idzi dzakataurwa kuva “muuyo wokupararira kwechatanuro, kuroorazve, kuchatanurazve, kusava pamutemo, uye marwadzo matsva mukati memhuri dzakabatana.” Dzvinyiriro namarwadzo zvakadaro hazvishamisi, nokuti Bhaibheri rakadeya kutaura kuti vanhu vaizotarisana ne“nguva dzokutambudzika” mukati maaya “mazuva okupedzisira.”—2 Timotio 3:1-5.

2 Vabereki nhasi naizvozvo vanotarisana nedenho dzaisazivikanwa kuzvizvarwa zvakapfuura. Kunyange zvazvo vamwe vabereki pakati pedu vakarera vana vavo munzira dzoumwari “kubvira paucheche,” mhuri dzakawanda dzichangobva kuvamba ku“famba muzvokwadi.” (2 Timotio 3:15; 3 Johane 4) Vana vavo vangava vakanga vakura apo vabereki vakavamba kuvadzidzisa nzira dzaMwari. Kupfuurirazve, chiverengero chinowedzera chemhuri dzine mubereki mumwe nemhuri dzokurera dzinowanikwa pakati pedu. Ipi kana ipi iri migariro yako, zano romuapostora Pauro rinoshanda, rokuti: “Varerei pakuranga nokuraira kwaShe.”—VaEfeso 6:4.

Vabereki vechiKristu Namabasa Avo

3, 4. (a) Zvinhui zvakasakisa basa ramadzibaba kuderera? (b) Neiko madzibaba echiKristu achifanira kupfuura kuva vagoveri vezvokudya vemhuri?

3 Cherekedza kuti Pauro akataura mashoko ake ari pana VaEfeso 6:4 zvikurukuru kuna “madzibaba.” Mumwe munyori anotsanangura kuti muzvizvarwa zvakapfuura “madzibaba akanga ane mutoro wokurovedza vana vawo mutsika nomumudzimu; madzibaba akanga ane mutoro wedzidzo yavana vawo. . . . Asi Chinjo Mumabasa Okugadzira Zvinhu yakabvisa uku kuva pedyo; madzibaba akasiya mapurazi awo nezvitoro, akasiya misha yawo kuti ashande mumafekitari uye gare gare muhofisi. Vana amai vakatora akawanda amabasa ayo madzibaba aimbova nomutoro wawo. Nomutoo unowedzera, ubaba hwakava husina kujeka.”

4 Varume vechiKristu: Musagutsikane nokungova vagoveriwo vezvokudya zvemhuri, muchisiyira rovedzo yose nokuriritirwa kwavana venyu kuvadzimai venyu. Zvirevo 24:27 yakakurudzira madzibaba enguva dzakare, kuti: “Gadzira basa rako kunze, uzvigadzirire iro pamunda; pashure ugovaka imba yako.” Nenzira yakafanana nhasi, somurume anoshanda, ungada kushanda nguva refu uye zvakaoma pakuwana chokurarama nacho. (1 Timotio 5:8) Pashure, zvisinei, tapota wana nguva yoku“vaka imba yako”—mundangariro nomumudzimu.

5. Vadzimai vechiKristu vanogona sei kushandira ruponeso rwemhuri dzavo?

5 Vadzimai vechiKristu: Imiwo munofanira kushandira zvakaoma ruponeso rwemhuri dzenyu. Zvirevo 14:1 inoti: “Mukadzi mumwe nomumwe wakachenjera unovaka imba yake.” Savakwanyina veroorano, imi nomurume wenyu munogoverana mutoro wokurovedza vana venyu. (Zvirevo 22:6; Maraki 2:14) Ikoku kungabatanidza kuranga vana venyu, kuvaita kuti vagadzirire nokuda kwemisangano yechiKristu noushumiri hwomumunda, kana kuti kunyange kuitisa fundo yemhuri apo murume wenyu anenge asingakwanisi kuita saizvozvo. Munogonawo kuita zvakawanda kudzidzisa vana venyu unyanzvi hwemhuri, tsika dzakanaka, utsanana hwomuviri, uye zvimwe zvinhu zvakawanda zvinobetsera. (Tito 2:5) Apo varume navadzimai vanoshandira pamwe chete neiyi nzira, vanogona kuita zviri nani zvinodikanwa zvavana vavo. Zvii chaizvoizvo zviri zvimwe zvezvinodikanwa izvozvo?

Kutarisira Zvinodikanwa Zvavo Zvemirangariro

6. Mabasai anoita madzimai namadzibaba mukukura kwemirangariro yavana vavo?

6 “Mureri kana achivaraidza vana vake,” vanonzwa vakakotsekana, vakachengeteka, vachidiwa. (1 VaTesaronika 2:7; Pisarema 22:9) Vanamai vashomanene vanogona kudzivisa sundo yokunyanyongwarira pavacheche vavo. Muporofita Isaya akabvunza, kuti: “Ko mukadzi ungakanganwa mwana wake waanomwisa, akasava netsitsi nomwanakomana wechizvaro chake here?” (Isaya 49:15) Vanamai nokudaro vanoita basa rinokosha mukukura kwemirangariro kwavana. Kunyanguvezvo, madzibaba anoitawo basa rinokosha muna ikoku. Mudzidzisi wemhuri Paul Lewis anoti: “Handina kutongova nomushandi wewerofeya akambonzwa mwana [akasindimara] achishuma ukama hwakanaka nababa vake. Kana mumwe mumazana.”

7, 8. (a) Ufakazii huripo hwechisungo chakasimba pakati paJehovha Mwari noMwanakomana wake? (b) Madzibaba anogona sei kuumba chisungo chine rudo navana vawo?

7 Naizvozvo kunokosha kuti madzibaba echiKristu asakurire nokungwarira chisungo chine rudo navana vawo. Somuenzaniso, rangarira Jehovha Mwari naJesu Kristu. Parubhapatidzo rwaJesu, Jehovha akazivisa, kuti: “Ndiwe Mwanakomana wangu, unodikanwa; ndinokufarira.” (Ruka 3:22) Zvakawanda kwazvo zvinotaurwa mumashoko mashomanene iwayo! Jehovha (1) akabvuma Mwanakomana wake, (2) akataura pachena kuda kwake Jesu, uye (3) akazivisa kutendera kwake Jesu. Bva, iyi yakanga isati iri nguva bedzi Jehovha akataura rudo rwake nokuda kwoMwanakomana wake. Jesu gare gare akati kuna Baba vake: “Makandida nyika isati yavambwa.” (Johane 17:24) Chaizvoizvo, kunyanguvezvo, vanakomana navanasikana vose vanoteerera havadi kubvuma, rudo, uye tendero zvinobva kumadzibaba avo here?

8 Kana uri baba, sezvingabvira unogona kuita zvakawanda kuumba chisungo chine rudo navana vako kupfurikidza nokuita nguva dzose ratidziro dzakafanira dzomuviri nedzokutaura dzorudo. Sezvinobvumwa, kwakaomera vamwe varume kuratidza chidakadaka chavo, zvikurukuru kana vasina kutongogamuchira chidakadaka chapachena kuna madzibaba avo vamene. Asi kunyange kuedza kwakaoma kuti uratidzire rudo kuvana vako kunogona kuva nomuuyo une simba. Pashure pezvose, “rudo runosimbisa.” (1 VaKorinte 8:1) Kana vana vako vachinzwa vakachengeteka nemhaka yorudo rwako rwoubaba, vachada zvikuru kuva ‘vanakomana navanasikana chaivoivo’ uye kunzwa vakasununguka kuvimba newe.—Zvirevo 4:3.

Kutarisira Zvinodikanwa Zvavo Zvomudzimu

9. (a) Vabereki vechiIsraeri vaitya Mwari vakatarisira sei zvinodikanwa zvomudzimu zvemhuri dzavo? (b) VaKristu vane mabanzai okudzidzisa vana vavo nenzira isina kurongwa?

9 Vana vanewo zvinodikanwa zvomudzimu. (Mateo 5:3) Mosesi akaraira vabereki vechiIsraeri, kuti: “Zvino mashoko awa andinokuraira nhasi, anofanira kuva mumwoyo mako; unofanira kushingaira kuadzidzisa vana vako, nokuataura kana ugere mumba mako, kana uchifamba munzira, kana uchivata pasi, kana uchimuka.” (Dheuteronomio 6:6, 7) Kana uri mubereki wechiKristu, unogona kuita kwakawanda kwokurairidza kwako kusina kurongwa, sezvo muno“famba munzira.” Nguva inopedzerwa pamwe chete muri mumotokari, muchitenga, kana kuti muchifamba pamwe chete navana vako pasuo nesuo muushumiri hwechiKristu inogovera mabanza akanaka okupa murairidzo mugadziriro yakasununguka. Nguva dzezvokudya inguva yakanaka zvikuru kuti mhuri dzikurukure. “Tinoshandisa nguva yezvokudya kutaura pamusoro pezvinhu zvamuka mukati mezuva,” anotsanangura kudaro mumwe mubereki.

10. Neiko fundo yemhuri pane dzimwe nguva iri denho, uye vabereki vanofanira kuva nokutsungai?

10 Zvisinei, murairidzo wakarongwa kupfurikidza nomutoo wefundo yeBhaibheri yenguva dzose navana vako unokoshawo. Sezvinobvumwa, “upenzi hunonamatira mumwoyo” yavana. (Zvirevo 22:15) Vamwe vabereki vanotaura kuti vana vavo vanogona kudzivisa nyore nyore fundo yemhuri. Sei? Kupfurikidza nokusaterama nokufinhwa, kupfurikidza nokuparira dzongonyedzo dzinoshatirisa (dzakadai sokurwa navamwe vana), kana kuti kupfurikidza nokunyepedzera kusaziva zvokwadi huru dzeBhaibheri. Kana ikoku kukasvika kupfundo rokuva hondo yezvido, chido chomubereki chinofanira kuva chakasimba zvikurusa. Vabereki vechiKristu havafaniri kurega ndokurega vana vachidzora mhuri.—Enzanisa naVaGaratia 6:9.

11. Fundo yemhuri inogona sei kuitwa kuti ive inofarikanywa?

11 Kana vana vako vasingafarikanyi fundo yemhuri, zvichida chinjo dzakati dzinogona kuitwa. Somuenzaniso, fundo yacho inoshandiswa sepembedzo yokuhwirudzura zvikanganiso zvazvino uno zvavana vako here? Zvichida kungava kwakanakisisa kukurukura zvinetso zvakadaro pachivande. Fundo yenyu inoitwa nguva dzose here? Kana mukairega nokuda kweshoo inodikanwa yeterevhizheni kana kuti chinoitika chemitambo, sezvingabvira vana vako havasati vachizorangarira fundo yacho zvakakomba zvikuru. Uri wapachokwadi uye une mbavarira mumutoo wako wokuitisa fundo yacho here? (VaRoma 12:8) Hungu, fundo inofanira kufarikanywa. Edza kuchengeta vana vose vachibatanidzwa. Iva akananga naanovaka, uchirumbidza noushamwari vana vako nokuda kwokutora rutivi kwavo. Usangofukidza zvako mashoko, chokwadika, asi edza kusvika mwoyo.—Zvirevo 23:15.

Kuranga Mukururama

12. Neiko chirango chisingabatanidzi nguva dzose kurova?

12 Vana vanodawo chirango chakasimba. Somubereki, unofanira kuvagadzira miganhu. Zvirevo 13:24, inoti: “Unorega shamhu unovenga mwanakomana wake; asi unomuda, unomuranga zvakanaka.” Bhaibheri harirevi, zvisinei, kuti chirango chinofanira nguva dzose kupiwa neshamhu. Zvirevo 8:33 inoti: “Inzwai kuraira,” uye tinoudzwa kuti “munhu une njere unobayiwa nokutukwa kupfuura benzi nokurohwa rune zana.”—Zvirevo 17:10

13. Kuranga mwana kunofanira kuitwa sei?

13 Paimwe nhambo, kurova kungava kwakafanira. Kana kukaitwa nehasha, zvisinei, sezvingabvira kuchava kunonyanyisa nokusingashandi. Bhaibheri rinonyevera, kuti: “Madzibaba, regai kunetsa vana venyu, kuti varege kuora mwoyo.” (VaKorose 3:21) Zvamazvirokwazvo, “kumanikidza kunoita muchenjeri benzi.” (Muparidzi 7:7) Pwere yakashatiriswa inogona kunyange kupandukira mipimo yakarurama. Vabereki vanofanira nokudaro kushandisa Magwaro kuranga vana vavo mukururama munzira yakatsiga kunyanguvezvo yakadzikama. (2 Timotio 3:16) Chirango choumwari chinopiwa norudo nounyoro.—Enzanisa na 2 Timotio 2:24, 25.a

14. Vabereki vanofanira kuitei kana vachinzwa kuda kutera kuhasha?

14 Chokwadika, “tinogumburwa tose pazvinhu zvizhinji.” (Jakobho 3:2) Kunyange mubereki anowanzova ane rudo nguva dzose anogona kutera kudzvinyiriro yenguva yacho ndokutaura chimwe chinhu chisina mutsa kana kuti kuratidzira hasha. (VaKorose 3:8) Kana ikoko kukafanira kuitika, usarega zuva richivira nomwana wako muri munhamo huru kana kuti iwe umene uri mumugariro wokushatirwa. (VaEfeso 4:26, 27) Pedzai zvinhu nomwana wako, uchikumbira ruregerero kana ikoko kuchiratidzika kuva kwakafanira. (Enzanisa naMateo 5:23, 24.) Kuratidzira kuzvininipisa kwakadaro kungakwevera iwe nomwana wako pamwe chete zvikuru. Kana uchinzwa kuti haugoni kudzora kutsamwa kwako uye uchatera kuhasha, tsvaka betsero kuvakuru vakagadzwa veungano.

Mhuri Dzine MuberekiMumwe Nemhuri Dzokurera

15. Vana vari mumhuri dzine mubereki mumwe vanogona kubetserwa sei?

15 Havasati vari vana vose, kunyanguvezvo, vane tsigiro yavabereki vaviri. MuUnited States, mwana mumwe muvana ari kurerwa nomubereki mumwe. ‘Vakomana vasina baba’ vaizivikanwa munguva dzeBhaibheri, uye kuvaitira hanya kunodudzwa kwadudzwazve muMagwaro. (Eksodho 22:22) Nhasi, mhuri dzechiKristu dzine mubereki mumwe nenzira yakafanana dzinotarisana nedzvinyiriro nenhamo, asi dzinowana nyaradzo mukuziva kuti Jehovha ndi“baba venherera, nomutongi wemhosva dzechirikadzi.” (Pisarema 68:5) VaKristu vanokurudzirwa ku“fambira nherera nechirikadzi pakutambudzika kwavo.” (Jakobho 1:27) Vadaviri biyavo vanogona kuita zvakawanda kubetsera mhuri dzine mubereki mumwe.b

16. (a) Vabereki vamwe vanofanira kuitirei mhuri dzavo vamene? (b) Neiko chirango chingava chakaoma, asi neiko chichifanira kuitwa?

16 Kana uri mubereki mumwe, chii chaunogona kuita iwe umene kubetsera mhuri yako? Unofanira kuva anoshingaira pamusoro pefundo yeBhaibheri yemhuri, kupinda musangano, uye ushumiri hwomumunda. Chirango, kunyanguvezvo, chingava denho yakaoma zvikuru. Zvichida uchiri kutambudzika pamusoro pokurasikirwa nomukwanyina anodiwa murufu. Kana kuti ungava uchirwisana nemirangariro yokunzwa kwokuva nemhaka kana kuti hasha pamusoro pokuputsika kweroorano. Kana pane kugoveranwa kwokuchengeta vana, ungatotyira kuti mwana wako angasarudza kuva nomukwanyina wako wawakaparadzana kana kuti kuchatanurana naye. Migariro yakadaro ingakuita kuti kuve kwakaoma mumirangariro kupa chirango chakadzikama. Zvisinei, Bhaibheri rinotiudza kuti “mwana wangoregwa hake unonyadzisa mai vake.” (Zvirevo 29:15) Naizvozvo usatera kudzvinyiriro yokuva nemhaka, yokuzvidemba, kana kuti yemirangariro inoitwa neaichimbova mukwanyina weroorano. Gadza mipimo ine mufungo neinotsinhirana. Usabvumiranisa nheyo dzeBhaibheri pane zvisina kufanira.—Zvirevo 13:24.

17. Mabasa emitezo yemhuri anogona sei kuva asina kujeka mumhuri ine mubereki mumwe, uye chii chinogona kuitwa kudzivisa ikoku?

17 Zvinetso zvinogona kumuka, kunyanguvezvo, kana amai mumwe vakabata mwanakomana wavo somukwanyina anotsiva—murume wemba—kana kuti mwanasikana wavo somunhu anovimbwa, vachimuremedza nezvinetso zvakavanzika. Kuita saizvozvo hakuna kukodzera uye kunovhiringidza kumwana. Apo mabasa omubereki nomwana anova asina kujeka, chirango chinogona kuputsika. Ngakuzivikanwe kuti iwe uri mubereki. Kana uri amai vanoda zano rakavakirwa paBhaibheri, ritsvake kuvakuru kana kuti zvichida kuhanzvadzi yakura zvikuru mumudzimu.—Enzanisa naTito 2:3-5.

18, 19. (a) Idenhoi dzinotarisana nemhuri dzokurera? (b) Vabereki navana vari mumhuri yokurera vanogona sei kuratidza uchenjeri nenzwisiso?

18 Mhuri dzokurera nenzira yakafanana dzinotarisana nedenho. Kazhinji kazhinji, vabereki vokurera vanowana kuti “rudo rwapakarepo” rushoma. Somuenzaniso, vana vokurera vangatapurika zvikuru kuchinoratidzika kuva chizivano chipi nechipi kuvana vokubereka. (Enzanisa naGenesi 37:3, 4.) Kutaura idi, vana vokurera vangava vachirwisana nenhamo yomubereki akaenda ndokutya kuti kuda mubereki wokurera nenzira yakati kungava kusavimbika kuna baba kana kuti amai vavo vokubereka. Kuedza kupa chirango chinodikanwa kungagamuchirwa nechiyeuchidzo chinotyisa chokuti, ‘Hausati uri mubereki wangu chaiyeiye!’

19 Zvirevo 24:3 inoti: “Imba inovakwa nouchenjeri; inosimbiswa nenjere.” Hungu, kunoda uchenjeri nenzwisiso zvavose kuti mhuri yokurera ibudirire. Pashure penguva yakati, vana vanofanira kugamuchira idi rinorwadza kazhinji kazhinji rokuti zvinhu zvachinja. Vabereki vokurera nenzira yakafanana vangafanira kudzidza kuva vanoshivirira navanonzwira tsitsi, kwete kutsamwiswa nokukurumidza apo vanotarisana nokunoratidzika kuva kurambwa. (Zvirevo 19:11; Muparidzi 7:9) Usati watora basa romurangi, shandira kutanga ushamwari nomwana wokurera. Kutozosvikira chisungo chakadaro chatangwa, vamwe vangakurangarira kuva kuri nani kubvumira mubereki wokubereka kuita chirango. Apo funganyo dzinomuka, nhamburiko dzinofanira kuitwa dzokukurukura. “Uchenjeri huri kuna vanotenda kurairirwa,” inodaro Zvirevo 13:10.c

Rambai Muchishandira Ruponeso Rwemhuri Yenyu!

20. Misoro yemhuri yechiKristu inofanira kupfuurira kuitei?

20 Mhuri dzakasimba dzechiKristu hadzisi tsaona. Imi misoro yemhuri munofanira kupfuurira kushandira zvakaoma ruponeso rwemhuri dzenyu. Svinurirai, muchicherechedza miitiro isina kunaka kana kuti mirangariro yenyika. Gadzai muenzaniso wakanaka mukutaura, mufambiro, rudo, kutenda, uye rucheno. (1 Timotio 4:12) Ratidzirai chibereko chomudzimu waMwari. (VaGaratia 5:22, 23) Shiviriro, kurangarira, kukanganwira, uye unyoro zvichasimbisa nhamburiko dzenyu dzokudzidzisa vana venyu nzira dzaMwari—VaKorose 3:12-14.

21. Mugariro woushamwari, unofadza unogona sei kuchengetwa mumusha womunhu?

21 Nebetsero yaMwari, edzai kuchengeta mudzimu wokufara, woushamwari mukati momusha wenyu. Pedzai nguva pamwe chete semhuri, muchiedza kudya zvinenge zvokudya zvimwe pamwe chete zuva rimwe nerimwe. Misangano yechiKristu, basa romumunda, uye fundo yemhuri zvinokosha. Bva, panewo “nguva yokuseka; . . . nenguva yokupembera.” (Muparidzi 3:1, 4) Hungu, rongai nhambo dzenhandaro inovaka. Shanyo kumiyiziyemu, kunochengeterwa mhuka, uye nzvimbo dzakafanana dzinofarikanywa nemhuri yose. Kana kuti mungadzima TV ndokupedza nguva muchiimba, muchiteerera nziyo, muchitamba mitambo, uye muchitaura. Ikoku kunogona kubetsera mhuri kuswedera pamwe chete zvikuru.

22. Neiko uchifanira kushandira zvakaoma ruponeso rwemhuri yako?

22 Imi mose vabereki vechiKristu pfuurirai kushandira kufadza Jehovha zvizere “muchibereka zvibereko pamabasa ose akanaka, muchikura pakuziva Mwari kwazvo.” (VaKorose 1:10) Vakirai mhuri yenyu pahwaro hwakasimba hwokuteerera Shoko raMwari. (Mateo 7:24-27) Uye ivai nechokwadi chokuti nhamburiko dzenyu dzokurera vana venyu “pakuranga nokuraira kwaShe” dzichava netendero yake.—VaEfeso 6:4.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona nyaya inoti “Murangariro weBhaibheri: ‘Shamhu Yechirango’—Ndeyechinyakare Here” muMukai! yaSeptember 8, 1992.

b Ona Nharireyomurindi yaMarch 15, 1981 mapeji 15-26.

c Ona Nharireyomurindi yaApril 15, 1984, mapeji 21-5.

Waizopindura Sei?

◻ Murume nomukadzi vanogona sei kubatira pamwe mukuvaka mhuri yavo?

◻ Ndezvipi zviri zvimwe zvinodikanwa zvemirangariro zvavana, uye izvozvi zvinogona kuitwa sei?

◻ Misoro yemhuri inogona sei kudzidzisa vana vayo pose pari paviri nenzira yakarongwa uye nenzira isina kurongwa?

◻ Vabereki vanogona sei kuranga mukururama?

◻ Chii chinogona kuitwa nokuda kwokubetsera mhuri dzine mubereki mumwe nemhuri dzokurera?

[Mufananidzo uri papeji 16]

Rudo netendero zvababa zvinokosha kukukura kwemirangariro yomwana

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe