RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 7/15 pp. 21-24
  • Unopedza Sei Misiyano?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unopedza Sei Misiyano?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Misiyano Miduku
  • Kupedza Misayano Yakomba
  • UngagonaKungokanganwira Chete Here?
  • Ratidza Rudo Paunenge Uchiedza Kuyanana Nevamwe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Ungawana Hama Yako
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • ‘Rambai Muchikanganwirana Makasununguka’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Kanganwira Nomwoyo Wako Wose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 7/15 pp. 21-24

Unopedza Sei Misiyano?

Kufamba kwokusangwarira—uye yechitatu mumutsara wenzou shanu dzevhu yakawa ichibva pasherufu yapachoto. Nzou yacho yevhu ichafanira kudzorerwa. Kukasadaro, kutsinhirana kwenzou dzacho dzose dzevhu kucharasika. Zvisinei, muitiro wacho ndowokungwarira, uye hausati uchinzwa wakakwaniriswa. Uchafanira kutsvaka zano kana kunyange kukumbira nyanzvi kuti iite basa racho.

KUTSINHIRANA pakati pehama nehanzvadzi dzomudzimu kunokosha zvikuru kwazvo kupfuura zvishongowo hazvo. Wezvamapisarema akaimba nenzira yakafanira, kuti: “Tarirai, kunaka kwazvo nokufadza kwazvo kana hama dzichigara pamwe chete norugare.” (Pisarema 133:1) Kupedza musiyano nomuKristu biyako kunogona pane dzimwe nguva kuva nhau yokungwarira. Zvisinei, vamwe havasati vachitanga kuita ikoku nenzira yakarurama. Kazhinji kazhinji “kudzorera” kunorwadza nenzira isiri madikanwa kana kuti hakuna kunaka zvikuru, kuchisiya zviratidzo zvinoratidzira zvisina kunaka.

Vamwe vaKristu vanotsvaka nenzira isiri madikanwa kubatanidza vakuru vakagadzwa munhau idzo ivo vaigona kutarisira vamene. Ikoku kungava kwakadaro nemhaka yokuti havana chokwadi nechokuita. “Dzakawanda dzehama dzedu hadzizivi nzira yokushandisa nayo zano reBhaibheri rokupedza misiyano yadzo,” yakatsinhira kudaro imwe hama ine ruzivo rwokuzviwanira mukupa zano reBhaibheri. “Kazhinji kazhinji zvikuru,” iyo yakapfuurira, “hadziteveri nzira yaJesu yokuita nayo zvinhu.” Naizvozvo, chii icho Jesu akataura zvomenemene pamusoro penzira muKristu anofanira kupedza nayo misiyano nehama yake? Neiko kuchikosha kusanorovedzana neiri zano nokuziva nzira yokurishandisa nayo?

Misiyano Miduku

“Naizvozvo kana iwe uchiuya nechipo chako paatari, ukarangarira ipapo kuti hama yako ine mhosva newe, usiye chipo chako ipapo pamberi peatari, uende, umbondoyanana nehama yako, ugozouya woisa chipo chako.”—Mateo 5:23, 24.

Apo Jesu akataura mashoko iwayo, vaJudha vaiwanzopa zvibayiro, kana kuti vaipa zvipo, paatari yetembere muJerusarema. Kana muJudha akanga akanganisira muIsraeri biyake, mutadzi aigona kupa chipiriso chinopiswa chose kana kuti chipiriso chezvivi. Muenzaniso wakarondedzerwa naJesu unouya papfundo rakakomba zvikurusa. Apo munhu wacho anenge ari paatari uye odokupa chipo chake kuna Mwari, iye anoyeuka kuti hama yake ine mhosva naye. Hungu, muIsraeri wacho aifanira kunzwisisa kuti kuyanana nehama yake kwaifanira kutangira kuita basa rakadaro rorudzidziso.

Kunyange zvazvo zvipiriso zvakadaro zvakanga zviri chinodikanwa choMutemo waMosesi, izvo mazviri zvimene zvakanga zvisina ukoshi hukurusa mumeso aMwari. Muporofita Samueri akati kuna Mambo asina kutendeka Sauro: “Ko Jehovha ungafarira zvipiriso zvinopiswa nezvibayiro, sezvaanofarira kuteerera inzwi raJehovha here? Tarira, kuteerera kunokunda zvibayiro, nokunzwa kunokunda mafuta amakondobwe.”—1 Samueri 15:22.

MuMharidzo yake yapaGomo, Jesu akadzokorora iyi nhevedzano yechinotanga ndokuratidza vadzidzi vake kuti vanofanira kupedza misiyano yavo vasati vaita zvipiriso zvavo. Nhasi, zvipiriso zvinodikanwa kuvaKristu ndezvomudzimu—“chibayiro cherumbidzo, ndiko kuti, chibereko chemiromo inoita ziviso yapachena kuzita rake.” (VaHebheru 13:15, NW) Kunyanguvezvo, nheyo yacho inoramba yakanaka. Muapostora Johane anoratidza nenzira yakafanana kuti kwaizova kusina maturo kuti mumwe munhu ati anoda Mwari kana achivenga hama yake.—1 Johane 4:20, 21.

Nenzira inofadza, munhu anoyeuka kuti hama yake ine mhosva naye anofanira kuita nhano yokutanga. Kuzvininipisa uko iye nokudaro anoratidzira zvimwe kuchabereka miuyo yakanaka. Sezvingabvira, munhu akatadzirwa haasati achizoramba kubatira pamwe nomumwe munhu anouya kwaari achibvuma zvikanganiso zvake amene. Mutemo waMosesi wairayira kuti chinhu chipi nechipi chaitorwa nenzira isina kururama chaifanira kudzorerwa chose chose uye chikamu chechishanu chokuwedzera chaifanira kuwedzerwa kwachiri. (Revhitiko 6:5) Kudzorera ukama hune rugare, hune tsinhirano nenzira yakafanana kuchaitwa kuti kuve kuri nyore zvikuru kana mutadzi achiratidza chishuvo chake chokupfuura chinodikanwa, mupfungwa hurusa yeshoko racho, kuti agadzire kuvadziko ipi neipi iyo angave akaparira.

Zvisinei, kuedza kudzorera ukama hune rugare hakubudiriri nguva dzose. Bhuku raZvirevo rinotiyeuchidza kuti kwakaoma kupedza misiyano nomumwe munhu anokuwana kwakaoma kubvuma. Zvirevo 18:19 inoti: “Hama yatadzirwa inopfuura guta rakasimba; kukakavara kwakafanana nezvipfigiso zveimba yamambo.” Imwe shanduro inorava, kuti: “Hama yatadzirwa yakaoma zvikuru kuwanwa kupfuura guta rakasimba; uye kakavadzano dzavo dzakafanana nezvipfigiso zveimba yamambo.” (The Englishman’s Bible) Pakupedzisira, zvisinei, nhamburiko dzapachokwadi nedzokuzvininipisa sezvingabvira dzichabudirira muchinoitika chavatendi biyavo vanoshuva kufadza Mwari. Asi uko chivi chakakomba chinofungidzirwa, zano raJesu rakanyorwa muna Mateo ganhuro 18 rinofanira kushandiswa.

Kupedza Misayano Yakomba

“Kana hama yako yakutadzira, enda umuudze mhosva yake, iwe naiye muri moga; kana akakunzwa, wadzora hama yako. Asi kana asinganzwi, tora mumwe kana vaviri newe, kuti mashoko ose asimbiswe nemiromo yezvapupu zviviri kana zvitatu. Kana asingavanzwi, uudze ungano; kana asinganzwiwo ungano, ngaave kwauri somuhedheni nomuFarise.”—Mateo 18:15-17.

Zvakadiniko kudai muJudha (kana kuti gare gare, muKristu) akanangana nezvinetso zvakakomba nomunamati biyake waJehovha? Uyo akafunga kuti akanga atadzirwa akanga achifanira kuita nhano yokutanga. Akanga achifanira kukurukura zvinhu nomutadzi vari voga. Kupfurikidza nokusaedza kuwana tsigiro yorutivi rwake rwomugariro wacho, iye zvirokwazvo sezvingabvira zvikuru aizowana hama yake, zvikurukuru kana pakanga pave pachingova bedzi nokusanzwisisa kwaigona kupedzwa nokukurumidza. Chinhu chiri chose chaizopedzwa zviri nyore zvikuru kudai avo vaibatanidzwa zvakananga vaiva bedzi vaiziva pamusoro penhau yacho.

Zvisinei, nhano yokutanga ingasakwana. Kubata nomugariro wacho, Jesu akati: “Tora mumwe kana vaviri . . .” Ivava vaigona kusanova zvikuru zvapupu zvaivapo. Zvichida vakanga vanzwa mumwe wavanhu vacho achichera mumwe, kana kuti zvimwe avo vanotorwa vakanga vave vari Zvapupu kuchibvumirano chakanyorwa icho mativi maviri zvino asingabvumirani pamusoro pacho. Pano rumwe rutivi, avo vaitorwa vaigona kuva zvapupu apo zvinhu zvipi nezvipi, zvakadai sezvipupuriro zvakanyorwa kana kuti zvakataurwa, zvinokudziridzwa kusimbisa chikonzero chechinetso chacho. Pano zvakare, chiverengero chidukusa bedzi chinobvira—“mumwe kana vaviri”—vanofanira kuziva pamusoro penhau yacho. Ikoku kwaizodzivisa zvinhu pakuva zvakaipa zvikuru kana nhau yacho yaingova kusanzwisisa.

Ivavariroi idzo munhu akatadzirwa anofanira kuva nadzo? Anofanira here kuedza kudukupisa muKristu biyake ndokuda kuti azvideredze? Nemhaka yezano raJesu, vaKristu havafaniri kukurumidza kushurikidza hama dzavo. Kana mudariki akaziva chikanganiso chake, akakumbira ruregerero, uye akaedza kururamisa zvinhu, mutadzirwi achava a‘wana hama yake.’—Mateo 18:15.

Kana nhau yacho yaisagona kupedzwa, yaifanira kuendeswa kuungano. Pakutanga, ikoku kwakareva vakuru vavaJudha asi gare gare, vakuru veungano yechiKristu. Mutadzi asingapfidzi angafanira kudzingwa muungano. Ikoko ndiko kunorehwa nokumurangarira “somuhedheni nomuFarise,” vanhu avo vaJudha vaisasonganirana navo. Iyi nhano yakakomba yaisagona kuitwa nomuKristu upi noupi ari oga. Vakuru vakagadzwa, avo vanomirira ungano, ndivo bedzi vanobvumirwa kuita chiito chakadaro.—Enzanisa na 1 VaKorinte 5:13.

Kubvira kwokudzingwa kwomutadzi asingapfidzi kunoratidza kuti Mateo 18:15-17 haina chokuita nemisiyano miduku. Jesu akanga achinongedzera kumhaka dzakakomba, bva dzorudzi rungapedzwa bedzi pakati pavaviri chete vanobatanidzwa. Somuenzaniso, mhaka yacho ingava kuchera, kuchitapura zvakakomba mukurumbira wanyajambwa. Kana kuti ingava nechokuita nenhau dzemari, nokuti ndima dzinotevera dzine muenzanisiro waJesu womuranda asina ngoni akanga akanganwirwa mungava mukuru. (Mateo 18:23-35) Chikwereti chisina kubhadharwa munguva yakagoverwa chingava chinetso chiduku chete chingagona kupedzwa nyore nyore pakati pavanhu vaviri. Asi chingagona kuva chivi chakakomba, ndiko kuti, kuba, kana mukwereti akaramba nechisimbwa kubhadhara chaaiva nengava nacho.

Zvimwe zvivi hazvigoni kupedzwa hazvo pakati pavaKristu vaviri. MuMutemo waMosesi, zvivi zvakakomba zvaifanira kushumwa. (Revhitiko 5:1; Zvirevo 29:24) Nenzira yakafanana, zvivi zvakakomba zvinobatanidza rucheno rweungano zvinofanira kushumwa kuvakuru vechiKristu.

Zvisinei, zvinoitika zvakawanda zvikurusa zvegakava pakati pavaKristu hazvipindi muuyu muitiro.

UngagonaKungokanganwira Chete Here?

Pashure chaipo pokunge Jesu atsanangura nzira yokupedza nayo misiyano yakakomba, akadzidzisa chimwe chidzidzo chinokosha. Tinorava, kuti: “Zvino Petro akauya akati kwaari: Ishe, hama yangu ichanditadzira kanganiko, ndikaikanganwira? Kusvikira kanomwe here? Jesu akati kwaari: Handiti kwauri, kusvikira kanomwe; asi kusvikira makumi manomwe anoverengwa kanomwe.” (Mateo 18:21, 22) Pane imwe nhambo Jesu akaudza vadzidzi vake kukanganwira “kanomwe nezuva rimwe.” (Ruka 17:3, 4) Nenzira yakajeka, ipapoka, vateveri vaKristu vanorairwa kupedza misiyano kupfurikidza nokukanganwirana norusununguko.

Iyi inharaunda inoda nhamburiko yakati. “Dzimwe hama hadzizivi hadzo kukanganwira,” akadaro munhu anokorwa mashoko pakutanga. Iye akawedzera, kuti: “Dzinoratidzika kuva dzinoshamiswa apo mumwe anotsanangura kuti dzinogona kusarudza kukanganwira, zvikuru kuti dzigochengeta rugare muungano yechiKristu.”

Muapostora Pauro akanyora, kuti: “Muitirane mwoyo murefu, muchikanganwirana, kana munhu ane mhosva nomumwe; Ishe sezvaakakukanganwirai, muite saizvozvo nemiwo.” (VaKorose 3:13) Tisati taenda kuhama ingave yakatitadzira, naizvozvo, kungava kwakanaka kufungisisa mibvunzo inotevera: Mhaka yacho yakafanira kutaurwa kwaari pamusoro payo here? Hakundibviriri chaizvoizvo here kukanganwira misiyano yakare mumudzimu wechokwadi wechiKristu? Kudai ndaiva munzvimbo yake, ndaisazoda here kukanganwirwa? Uye kana ndikasarudza kusakanganwira, ndinogona kukarira Mwari kupindura minyengetero yangu ndokundikanganwira here? (Mateo 6:12, 14, 15) Mibvunzo yakadaro ingasanotibetsera kuva vanokanganwira.

SavaKristu, mumwe wemitoro yedu inokosha kuchengeta rugare muungano yavanhu vaJehovha. Naizvozvo, ngatishandisei zano raJesu. Ikoku kuchatibetsera kukanganwira norusununguko. Mudzimu wokukanganwira wakadaro uchaparira rudo rwouhama urwo rwuri chiratidzo chinozivisa chavadzidzi vaJesu.—Johane 13:34, 35.

[Mufananidzo uri papeji 23]

VaKristu vanogona kupedza misiyano yavo kupfurikidza nokutevera zano raJesu

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe