Kuratidza Rudo rwechiKristu Kuvakweguru
SAMUEL JOHNSON, munyori wezana ramakore rechi 18, akataura ngano yerimwe jaya iro, pakushanyira shamwari, rakakanganwa uko rakanga raisa ngowani yaro. Ikoku hakuna kuparira tsinhiro. “Asi kana kusapa ngwariro kumwe cheteko kukawanwa mumukweguru,” Johnson akapfuurira, “vanhu vachakwidza mapfudzi avo ndokuti, ‘Yeuko yake iri kupera.’”
Nhau yaJohnson inoratidzira kuti vakweguru, zvichida kufanana namamwe mapoka avashoma, vanoenzaniswa zvisakarurama. Nepo kutarisira zvinodikanwa zvavakwegura kuri denho, betsero dzinouya kumativi ose anobatanidzwa. Ndedzipi dziri denho uye tuso dzacho, uye neiko iyi nhau ichitapura vanhu vakawanda zvikuru?
Mukuwirirana nenhamba, vatanhatu muzana vechiverengero chavagari venyika vane makore 65 okukura kana kuti anopfuura, uye munyika dzakabudirira chiverengero chacho muzana chikuru nakaviri. MuNzanga yeEurope, iyo yakaratidzira 1993 seGore reEurope Ravanhu Vakwegura uye Kubatana Pakati Pezvizvarwa,” munhu mumwe muvatatu anopfuura makore 50. Imomo, somunyika dzakawanda zvikuru dzine mabasa okugadzira zvinhu, mwero yokubereka inoderera uye nduramo iri kuwedzera zviri kuita kuparadzirwa kwechiverengero chavagari vemo chive navakwegura vakawanda. Kutarisira avo vakwegura mumigariro yakadaro nenzira yakajeka mutoro mukuru. Zvinhu zvaiva zvakasiyana sei muMabvazuva ekare!
“Vachengeti Vezivo”
Handwörterbuch des Biblischen Altertums für gebildete Bibelleser (Handbook of Biblical Antiquity for Educated Readers of the Bible) rinoonesa kuti muMabvazuva akare “vakweguru vairangarirwa savachengeti vemipimo yamagamuchidzanwa youchenjeri uye zivo huru zvikuru, chiri chikonzero nei vaduku vairairwa kutsvaka songaniro yavo uye kudzidza kwavari.” Smith’s Bible Dictionary rinotsanangura, kuti: “Muupenyu hwomunhu oga [vakwegura] vairangarirwa savachengeti vezivo . . . [Vaduku] vaivabvumira kupa mufungo wavo pakutanga.”
Kuremekedza vakwegura kwakaratidzirwa muMutemo waMosesi pana Revhitiko 19:32: “Unofanira kusimukira wachena vhudzi, nokukudza mutana.” Naizvozvo vakwegura vaiva nenzvimbo yeropafadzo mukati mechaunga uye vairangarirwa savanokosha. Iyi sezvinoeneka ndiyo nzira iyo Rute muMoabhi akarangarira nayo vamwene vake vechiIsraeri, Naome.
Rute akasarudza zvakasimba kuperekedza Naome kubva kuMoabhi kuenda kuIsraeri, pashure paikoko achiteerera nenzira yokungwarira zano raNaome. Apo bedzi vakanga vava muBhetrehema, akanga ari Naome akacherekedza kuti ruoko rwaJehovha rwakanga ruchitungamirira zvinhu uye uyo ipapo akararira Rute nzira yokuzvibata nayo. (Rute 2:20; 3:3, 4, 18) Upenyu hwaRute hwakaumbwa nomutoo woubati ushe hwamwari sezvaakadzidza kubva kuna Naome ane ruzivo rwokuzviwanira. Vamwene vake vakabvumikisa kuva muchengeti wezivo.
Nomutoo wakafanana, vakadzi vaduku vechiKristu nhasi vanogona kubetserwa nokusonganirana navakadzi vakuru vari muungano. Zvichida hanzvadzi iri kurangarira roorano kana kuti iri kurwisana nechinetso chomunhu oga chakaoma. Kwaizova kuchenjera sei kutsvaka zano uye tsigiro zvehanzvadzi yakwegura yakakura mumudzimu ine ruzivo rwokuzviwanira munhau yacho!
Kupfuurirazve, mutumbi wavakuru unogona kubetserwa nokuzviyamura umene neruzivo rwokuzviwanira rwavakwegura vari pakati pavo. Tinogona kudzidza mukukundikana kwaRoti kuita ikoku. Kakavadzano yaibatanidza vafudzi vezvipfuwo vaAbrahama naRoti yakarayira chisarudzo chaizotapura munhu ari wose. Roti akaita chisarudzo chokusachenjera. Kwaizodai kwakava kuri nani zvikuru sei kuve akakumbira zano raAbrahama pakutanga! Roti angadai akagamuchira nhungamiro yakakwana uye angagona kuva akadzivisira mhuri yake nhamo yakabva muchisarudzo chake chokukurumidza. (Genesi 13:7-13; 14:12; 19:4, 5, 9, 26, 29) Unoteerera nenzira yokungwarira kuizvo vakuru vakakura mumudzimu vanotaura usati wasvika chisarudzo chako umene panhau yakati here?
Vakwegura vasingaverengeki vane shingairo isingaperi nokuda kwebasa raJehovha, sezvakaita Simeoni naAna muzana ramakore rokutanga. (Ruka 2:25, 36, 37) Chiratidzo choruremekedzo uye ratidzirwo yechimiro chendangariro chokuitira hanya vakweguru vakadaro kuvabatanidza mumibato yeungano kakawanda zvikuru sezvinobvumira simba ravo, kunyange mukukwegura zvikuru. Zvichida pwere inoda betsero mukugadzirira mugove nokuda kweChikoro choUshumiri choUbati Ushe hwaMwari. Mukuru akangwara angagumisa kuti murayiridzi akakodzera angava mutezo wakwegura weungano, munhu ane uchenjeri hwakakwana, ane unhu hwakanaka, uye ane nguva inowanika.
Zvisinei, kutarisira zvinodikanwa chaizvo zvavakwegura kunobatanidza zvakawanda. Vakawanda vanonetswa noushoma, kutya utsotsi, uye zvinetso zvemari. Kupfuurirazve, kana bedzi vakwegura vangova vasina simba, zvinetso izvi zvinoomeswa noutano hwakashata uye kuodzwa mwoyo nesimba ravo vamene riri kupera. Ipapo vanoda ngwariro yakawanda zvikuru. Vanhu vamwe navamwe uye ungano yose zvayo vanofanira kuita sei?
“Shandisa Kuzvipira KwoUmwari”
Mukati mezana rokutanga ramakore, Pauro akanyora achifuridzirwa pana 1 Timotio 5:4, 16, kuti: “Kana chirikadzi ina vana kana vazukuru, ngavatange ivo [kushandisa kuzvipira kwoumwari, NW] paimba yavo, vadzosere zvakafanira kuvabereki vavo, nokuti ndizvo zvinofadza Mwari. Kana mukadzi mutendi ane chirikadzi, ngaadzibatsire, kereke irege kuremedzwa, kuti igobatsira chirikadzi chaidzo.” Kutarisira vakwegura yakanga iri nhau yemhuri. Kana mutezo wakura weungano waida betsero pashure pokushandisa chinhu chiri chose mukati memhuri yawo, mutoro waiva paungano. Nheyo idzi hadzina kuchinja.
Chii chakabetsera vaKristu kuratidza rudo rwechiKristu kuna vakwegura kupfurikidza nokushandisa kuzvipira kwoumwari mumhuri yavo vamene? Cherekedza tsinhiro dzinotevera dzakaitwa nechiverengero chakati cheZvapupu zvine ruzivo rwokuzviwanira mukutarisira avo vakwegura.
Ngwariro Yenguva Dzose Kuzvinodikanwa Zvomudzimu
“Kurangarira rugwaro rwezuva nezuva pamwe chete yakanga iri yamuro inokosha,” anoyeuka kudaro Felix, uyo akabetsera mudzimai wake kutarisira vabereki vake. “Zvinoitika uye zvishuvo zvomunhu oga zvakanga zvakabatanidzwa nenheyo dzaJehovha.” Zvamazvirokwazvo, mukunangana nedenho yokutarisira hama dzokunyama dzakwegura, chinhu chikuru kupa ngwariro yakafanira kuvandudziko yavo yomudzimu. Ikoku kuno mufungo nemhaka yamashoko aJesu ari pana Mateo 5:3, (NW): “Vanofara avo vanoziva chinodikanwa chavo chomudzimu.” Rugwaro rwezuva nezuva runogona kuwedzerwa negadziriro yokurava Bhaibheri, nekurukurirano yezvinyorwa zvakavakirwa paBhaibheri, uye nomunyengetero. “Kunoratidzika kuti vakweguru vanoda mwero wakati wokuva wenguva dzose,” anotsinhira kudaro Peter.
Hungu, kuva wenguva dzose kunokosha muzvinhu zvomudzimu. Kwete bedzi muzvinhu zvomudzimu asiwo muupenyu hwezuva riri rose vakuru vanoonga kuva wenguva dzose. Kunyange avo vasina simba zvishomanene vanogona kukurudzirwa noushamwari ku“muka ndokupfeka zvakafanira zuva rimwe nerimwe,” anotsinhira kudaro Ursula. Chokwadika, tinoda kudzivisa murangariro wokurayira vakwegura. Doris anobvuma kuti nhamburiko dzake dzaiva nevavariro yakanaka kazhinji kazhinji dzairasika nomutoo unosuruvarisa. “Ndakaita marudzi ose emhosho. Rimwe zuva ndakakumbira baba vangu kuchinja hembe yavo zuva nezuva. Mai vangu ipapo vakandiyeuchidza, kuti: ‘Achiri murume wangu!’”
Vakweguru vakambova vaduku, asi kuti vaduku vazviise vamene mumugariro wavakwegura mutoro wakaoma. Bva, ikoko ndichinokosha kukunzwisisa zvinodikanwa zvavo chaizvo. Ukweguru hunounza kangaidziko. Gerhard anotsanangura, kuti: “Tezvara vangu vaizvigumbukira vamene nemhaka yokuti vakanga vasingachagoni kuita chinhu chiri chose chavaisimboita. Kurwisana nomugariro wacho kwairwadza zvikuru. Unhu hwake hwakachinja.”
Mumigariro inochinja, hakusiri kwechienzi kuti munhu akwegura aratidzire kunzwa kwake kwokukangaidzika kupfurikidza nokutsoropodza vamwe, zvikurukuru avo vari kumutarisira. Chikonzero chacho chiri nyore. Ngwariro yavo yorudo inomuyeuchidza nezvesimba rake amene riri kuderera. Unofanira kuita sei kuiyi tsoropodzo kana kuti chinyunyuto zvisakarurama?
Yeuka, kunzwa kwakashata kwakadaro hakuratidziri murangariro waJehovha wenhamburiko dzako. Pfuurira kuita zvakanaka, uye chengeta hana yakachena, kunyange kana ukawana tsinhiro dzisakarurama panhambo nenhambo. (Enzanisa na 1 Petro 2:19.) Ungano yomunzvimbomo inogona kupa tsigiro huru.
Icho Ungano Inogona Kuita
Ungano dzakawanda dzine chikonzero chokuonga zvikuru nhamburiko dzomunguva yakapfuura dzehama nehanzvadzi dzedu dzakwegura dzinodiwa. Vakanga vari ivo zvichida vakavanzarika hwaro hweungano, vachiivaka kubva pavaparidzi vashomanene chete makumi amakore apfuura. Ungano ingadai iri kupi pasina mubato wavo wokushingaira womunguva yakapfuura uye, zvichida, tsigiro yemari yazvino?
Apo tarisiro yakawedzerwa inova inokosha muchinoitika chomuparidzi akwegura, hama dzokunyama hadzifaniri kutakura dzoga mutoro wacho. Vamwe vanogona kubatsira kupfurikidza nokumuitira kana kuti kumuwanira chimwe chinhu, kubika, kuchenesa, kufamba neakwegura, kumutakura nechokufambisa kuenda kumisangano yechiKristu, kana kuti kutaura naye bedzi paHoro yoUmambo. Vose vanogona kukumbanira, kunyange zvazvo kusanoita uye kuva wenguva dzose zvichiwanwa zvakanakisisa apo nhamburiko dzinotsinhiraniswa.
Tsinhiraniso ndichimwe chinhu vakuru vanogona kuyeuka pakuronga shanyo dzokufudza. Dzimwe ungano ndedzomuenzaniso muna ikoku, vakuru vachiva nechokwadi chokuti shanyo dzokufudza dzenguva dzose dzinoitwa kuvakwegura uye vasina simba, kunyange avo vari kusanotarisirwa nemhuri dzavo. Zvisinei, kunoratidzika kuti dzimwe ungano dzinofanira kuziva zvikuru musengwa wadzo kuvakweguru.
Imwe hama yakatendeka, yasanopfuura makore 80, yakatarisirwa nomwanasikana wayo uye mukuwasha wayo, avo vakabva paBheteri kuti vaite saizvozvo. Bva, shanyo dzemimwe mitezo yeungano dzakanga dzichingokosha kwairi. “Apo ndaisishanyira vanorwara,” hama yacho yakachema kudaro, “ndainyengetera navo. Asi hapana munhu ati ambonyengetera neni.” Ngwariro yorudo yehama dzokunyama haisununguri vakuru mumusengwa woku‘fudza boka ramwari riri mutarisirwo yavo.’ (1 Petro 5:2) Kupfuurirazve, avo vanotarisira vakweguru vanoda kuvakwa uye kukurudzirwa kupfuurira nebasa ravo rakaisvonaka.
“Vakwegura uye Vagutsikana”
Alexander von Humboldt, musayendisiti weGermany wezana ramakore rechi 19, akanga akwegura zvikuru apo mumwe mukadzi muduku akamubvunza kana aisawana kukwegura kuchiva kunoti netesei. “Wakarurama chaizvo,” akapindura kudaro murume akadzidza. “Asi ndiyo nzira bedzi yokurarama kwenguva refu.” Nenzira yakafanana, hama nehanzvadzi dzakawanda nhasi dzakagadza muenzaniso wakaisvonaka wokugamuchira nhamo dzoukweguru nokuda kworukudzo rwokurarama upenyu hurefu. Vanoratidzira chimiro chendangariro chakaratidzwa naAbrahama, Isaka, Dhavhidhi, uye Jobho, avo vakanga “[v]akwegura uye [va]gutsikana.”—Genesi 25:8, NW; Gen 25 35:29; 1 Makoronike 23:1; Jobho 42:17.
Ukweguru hunounza denho yokugamuchira betsero nenzira younyoro uye yokuratidzira kuonga zvapachokwadi. Uchenjeri hunoda kuti mumwe nomumwe azive miganhu yesimba rake. Zvisinei, ikoko hakushurikidziri munhu ari kukwegura kukusaita basa. Maria asanopfuura makore 90 okukura ezera, asi achiri kungopinda misangano yeungano uye anopa tsinhiro ipapo. Anokuita sei? “Handichagonizve kurava, asi ndinoteerera Nharireyomurindi iri mukaseti. Ndinokanganwa zvikuru, asi ndinowanzokwanisa kupa tsinhiro.” Kufanana naMaria, kuramba wakabatikana nezvinhu zvinovaka kunobetsera mumwe munhu kuramba achishingaira uye kuchengeta unhu hwechiKristu.
MuUmambo hwaMwari, ukweguru hahuchazovipozve. Panguva iyoyo avo vakakwegura vari mutsika ino uye zvichida vakatofa vachava neyeuko dzinofadza dzetarisiro uye ngwariro zvakaratidzwa kwavari. Sezvo vakweguru vakadaro vanowanazve upenyu nesimba, zvirokwazvo vachanzwa vachida Jehovha zvikuru uye vachaonga zvikuru avo vakanamatirana navo mumiedzo yavo mutsika ino yekare.—Enzanisa naRuka 22:28.
Zvakadiniko naavo vanotarisira vakwegura zvino? Nokukurumidza zvikuru, apo Umambo hunodzora zvakazara pasi, vachatarira shure nomufaro uye norusununguko kuti havana kuisa parutivi musengwa wavo asi vakashandisa kuzvipira kwoumwari nokuratidza rudo rwechiKristu kuvakweguru.—1 Timotio 5:4.
[Bhokisi riri papeji 30]
Vakweguru Vachaonga Shanyo Dzako
Zvakanaka zvakawanda zvinogona kuitwa kupfurikidza nokuronga shanyo, zvichida yamaminiti 15, pamunhu akwegura pashure pomubato wokuparidza. Asi kwakanakisisa kusaita kuti idzi shanyo dzive dzamasanga, seizvo chinoitika chinotevera chinoratidza.
Brigitte naHannelore vakanga vachiparidzira pamwe chete, vachikurukura nomurume akwegura aiva pasuo rake. Hanzvadzi dzacho dzakataura kwaari kwamaniti mashanu vasati vaziva kuti iyewo akanga ari Chapupu chaJehovha, mutezo weungano imwe cheteyo. Kunokwenudza sei! Asi chinoitika chacho chakaguma nomuuyo wakanaka. Hannelore akaita gadziriro dzapakarepo dzokushanyira hama yacho uye kuibetsera mukupinda misangano yeungano.
Unoziva zita nekero zvomumwe nomumwe wavaparidzi vakwegura vanogara mundima iyo unoparidzira here? Ungagona kuronga kuita shanyo pfupi here? Sezvinobvira kwaizoongwa zvikuru kwazvo.