Kupupurira Ku“marudzi Ose”
“Evhangeri iyi youshe ichaparidzirwa munyika dzose, chive chapupu kumarudzi ose; ipapo kuguma kuchasvika.”—MATEO 24:14.
1. Neiko mashoko aJesu akanyorwa pana Mateo 24:14 aifanira kuva chishamiso kuvateveri vake?
MASHOKO ari pamusoro apa aJesu anofanira kuva akava chishamiso chakadini kuvadzidzi vake vechiJudha! Pfungwa imene yokuenda kwavaJudha vakatsveneswa kunotaura kuVamarudzi vane “tsvina,” “vahedheni,” yakanga iri yechienzi kumuJudha, kunyange inonyangadza.a Chokwadi, muJudha akangwarira aisazofunga nezvokupinda mumusha woVamarudzi! Vadzidzi ivavo vechiJudha vakanga vachine zvakawanda kwazvo zvokudzidza pamusoro paJesu, rudo rwake, uye basa rake. Uye vakanga vachine zvakawanda zvokudzidza pamusoro pokusasarura kwaJehovha.—Mabasa 10:28, 34, 35, 45.
2. (a) Ushumiri hweZvapupu hwave hwakakura sei? (b) Zvinhui zvitatu zvikuru zvakabetsera kukufambira mberi kweZvapupu?
2 Zvapupu zvaJehovha zvakaparidza mashoko akanaka pakati pamarudzi, kubatanidza Israeri womuzuva razvino uno, uye zviri kuazivisa zvino mumarudzi akawanda kupfuura nakare kose. Muna 1994 zvapupu zvinopfuura mamiriyoni mana nehafu zviri kuparidza munyika 230. Zviri kuitisa fundo dzeBhaibheri dzapamusha dzinenge mamiriyoni mana nehafu vanhu vanofarira. Ikoku kuri kuitwa pasinei zvapo nefungira mano yakaipa yenyika yose, kazhinji kazhinji yakavakirwa pakusaziva nezvedzidziso nevavariro zveZvapupu. Sezvakataurwa nezvavaKristu vapakuvamba, naizvozvo kunogona kunzi nezvazvo: “Kana iri dzidziso iyi, tinoziva kuti inorambwa kwose kwose.” (Mabasa 28:22) Ipapo tinogona kuti kubudirira kwoushumiri hwazvo kunoparirwa nechii? Pane zvisakiso zvinenge zvitatu zvinobetsera fambiro mberi yazvo—kutevera nhungamiro dzomudzimu waJehovha, kutevedzera mitoo yaKristu inoshanda, uye kushandisa zvishandiso zvakarurama nokuda kwekurukurirano inobudirira.
Mudzimu waJehovha Namashoko Akanaka
3. Neiko tisingagoni kuganza pamusoro pezvakaitwa?
3 Zvapupu zvaJehovha zvinoganza nezvokubudirira kwazvo, sokunge kuti imhaka yamano api naapi chaiwo azvingava nawo here? Aiwa, nokuti mashoko aJesu anoshanda, anoti: “Kana maita zvose zvamarayirwa, muti: Tiri varanda pasina, takaita sezvataifanira kuita.” SavaKristu vakazvitsaurira, vakabhapatidzwa, Zvapupu zvaJehovha zvakagamuchira nokuzvidira mutoro wokubatira Mwari, pasinei zvapo nemigariro yazvo yomunhu oga. Nokuda kwavamwe, ikoko kunoreva basa renguva yakazara savafundisi kana kuti savazvipiri muhofisi dzamapazu nenzvimbo dzokutsikirira zvinyorwa zvechiKristu. Nokuda kwavamwe kudisa kwakadaro kwechiKristu kunovatungamirira kubasa rokuvaka pazvivako zvorudzidziso, kuparidza kwenguva yakazara savashumiri mapiyona, kana kuti kukuparidza kwenguva isina kuzara savaparidzi vamashoko akanaka muungano dzomunzvimbomo. Hapana navamwe vedu vanogona nenzira yakarurama kuganza pamusoro pokuita basa redu, ra“taifanira kuita.”—Ruka 17:10; 1 VaKorinte 9:16.
4. Chishoro chomunyika yose kuushumiri hwechiKristu chakakurirwa sei?
4 Kubudirira kupi nokupi kwatinako kunogona kunzi kwakaparirwa nomudzimu waJehovha, kana kuti simba rinobata basa. Kwakanaka kutaura nhasi sezvakwakanga kwakaita mumazuva omuporofita Zekaria, kuti: “Ndiro shoko raJehovha kuna Zerubhabheri, rinoti: Hazviitwi nehondo kana nesimba, asi noMweya wangu—ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.” Nokudaro, chishoro chomunyika yose kubasa rokuparidza reZvapupu chakakurirwa, kwete nenhamburiko yavanhu, asi nenhungamiro yaJehovha nedziviriro.—Zekaria 4:6.
5. Jehovha anoita basai mukuita kuti shoko roUmambo ripararire?
5 Pamusoro paavo vanogamuchira shoko roUmambo, Jesu akati: “Muvaporofita makanyorwa, muchinzi: Vachadzidziswa vose naMwari. Mumwe nomumwe wakazvinzwa kuna Baba, akadzidza, unouya kwandiri. . . . Hakuna munhu ungauya kwandiri, kana asina kuzvipiwa naBaba.” (Johane 6:45, 65) Jehovha anogona kunzwisisa mwoyo nendangariro, uye anoziva avo sezvingabvira vachagamuchira rudo rwake kunyange zvazvo vangava vachigere kumuziva. Iye anoshandisawo ngirozi dzake kutungamirira uhu ushumiri hwechienzi. Ndicho chikonzero nei muchiono Johane akaona kutora rutivi kwengirozi ndokunyora, kuti: “Ndakaona mumwe mutumwa achibhururuka pakati pedenga, ane Evhangeri isingaperi, kuti aiparidzire vanogara panyika, namarudzi ose, nendudzi dzose, nendimi dzose, navanhu vose.”—Zvakazarurwa 14:6.
Kuziva Chinodikanwa Chomudzimu
6. Chimiroi chendangariro chikuru chinodiwa kuti munhu agamuchire mashoko akanaka?
6 Chimwe chinhu mukupa kwaJehovha munhu banza rokugamuchira mashoko akanaka ndiicho chakataurwa naJesu, kuti: “Vanofara avo vanoziva chinodikanwa chavo chomudzimu, sezvo umambo hwokudenga huri hwavo.” (Mateo 5:3, NW) Munhu anozvigutsa amene kana kuti uyo asiri kutsvaka zvokwadi haasati achizoziva chinodikanwa chomudzimu. Iye anofunga bedzi mukuwirirana nenyika, nenyama. Kuzvigutsa kunova mhinganidzo. Naizvozvo, apo vakawanda vatinosangana navo sezvatinoenda paimba neimba vanoramba shoko, tinofanira kurangarira zvikonzero zvose zvakasiyana-siyana vanhu vangava nazvo nokuda kwokuita kwavo.
7. Neiko vakawanda vasingagamuchiri zvokwadi?
7 Vakawanda vanoramba kuteerera nemhaka yokuti ivo vanonamatira nechisimbwa kurudzidziso rwavakagara nhaka uye havadi kuva nekurukurirano. Vamwe vakaenda kurudzidziso runokodzera unhu hwavo—vamwe vanoda zvakavanzika, vamwe vanogamuchira kutungamirirwa nemirangariro, vamwezve vanotsvaka bandiko rechaunga pachechi yavo. Vakawanda nhasi vakasarudza muraramire unorwisana nemipimo yaMwari. Zvichida vanorarama upenyu hwoutere, chiri chikonzero chavo chokuti, “Ini handifariri.” Bva vamwe, vangataura kuti vakadzidza uye ndevesayenzi, vanoramba Bhaibheri serakapfava zvikuru.—1 VaKorinte 6:9-11; 2 VaKorinte 4:3, 4.
8. Neiko kuramba kusingafaniri kuderedza kushingaira kwedu? (Johane 15:18-20)
8 Kurambwa navoruzhinji kunofanira kuderedza kutenda nokushingaira kwedu muushumiri hunoponesa upenyu here? Tinogona kuwana nyaradzo mumashoko aPauro kuvaRoma, okuti: “Zvinodiniko kana vamwe vasina kutenda? Ko kusatenda kwavo kuchakonesa kutendeka kwaMwari here? Haisva! Mwari ngaave wazvokwadi, asi vanhu vose vave venhema; sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Kuti mururamiswe pamashoko enyu, mukunde pakutonga kwenyu.”—VaRoma 3:3, 4.
9, 10. Ufakazii huripo hwokuti chishoro chakakurirwa munyika dzakawanda?
9 Tinogona kuwana kurudziro mumienzaniso yakawanda kupota nyika yenyika dzakaratidzika kuva dzisingagamuchiri zvikuru asi, pashure penguva yakati, dzakabvumikisa kuva dzakapesana chaizvo. Jehovha nengirozi vakaziva kuti kwakanga kune vane mwoyo yakanaka vaifanira kuwanikwa—asi Zvapupu zvaJehovha zvaifanira kuva zvinopfuurira uye kutsungirira muushumiri hwazvo. Rangarira, somuenzaniso, dzimwe nyika umo chiKaturike chairatidzika kupa mhinganidzo isingakundiki makore 50 apfuura—Argentina, Brazil, Colombia, Ireland, Italy, Mexico, Portugal, uye Spain. Zvapupu zvakanga zviri zvishomanene shure muna 1943, 126 000 bedzi munyika yose, navane 72 000 vaizvozvi muUnited States. Kusaziva nefungira mano yakaipa zvainangana neZvapupu zvairatidzika sorusvingo rwezvidhinha rwaisagona kuputswa. Bva, nhasi mimwe yemiuyo inobudirira zvikurusa yokuparidza yave iri munyika idzi. Zvimwe chetezvi ndezvechokwadi nezvenyika dzakawanda dzaimbova dzechiKomonizimo. Muna 1993 kubhapatidzwa kwavane 7 402 pakokorodzano muKiev, Ukraine, kunopa ufakazi hwaikoku.
10 Zvapupu zvakashandisa mitooi kuti zvipe mashoko akanaka kuvavakidzani vazvo? Zvakashandisa nyengetedzo yokunyama kuti zviwane vatendeuki here, kuri uko vamwe vakataura? Zvakashanyira varombo bedzi navasina kudzidza here, sezvakataura vamwe?
Mitoo Inobudirira Yokupa Nayo Mashoko Akanaka
11. Jesu akagadza muenzanisoi wakaisvonaka muushumiri hwake? (Ona Johane 4:6-26.)
11 Jesu navadzidzi vake vakatanga muenzaniso uyo Zvapupu zvinotevera kusvikira kuzuva rino mubasa razvo rokuita vadzidzi. Jesu akaenda kuri kwose kwaiva navanhu, vapfumi kana kuti varombo—kumisha, kunzvimbo dzavose, kumhenderekedzo dzegungwa, kumajinga emakomo, kunyange kumasinagoge.—Mateo 5:1, 2; 8:14; Marko 1:16; Ruka 4:15.
12, 13. (a) Pauro akagovera sei muenzaniso nokuda kwavaKristu? (b) Zvapupu zvaJehovha zvakatevera sei muenzaniso waPauro?
12 Pamusoro poushumiri hwake amene, muapostora Pauro aigona kutaura zvakarurama, kuti: “Kubva pazuva rokutanga randakasvika naro paAsia; ndichibatira Ishe . . . , handina kutya kukuparidzirai zvingakubatsirai nokukudzidzisai pachena padzimba dzose.”—Mabasa 20:18-20.
13 Zvapupu zvaJehovha zvinozivikanwa munyika yose nokuda kwokutevera kwazvo muenzaniso wavaapostora, ushumiri hwapaimba neimba. Panzvimbo pokunangidzira ngwariro paushumiri hunodhura, husina maturo, uye husiri hwomunhu oga hwomuTV, Zvapupu zvinoenda kuvanhu, vapfumi navarombo, uye zvinosangana navo chiso nechiso. Zvinotsvaka kukurukura pamusoro paMwari neShoko rake.b Hazviedzi kuita vaKristu vanotendeutswa nokupiwa zvokudya, zvichishandisa kupa zvipo. Kuna avo vanodisa kurangarira, zvinoonesa kuti mhinduro bedzi yechokwadi kuzvinetso zvorudzi rwomunhu kutonga kunoitwa noUmambo hwaMwari, uhwo huchachinja migariro papasi redu nokuda kwezviri nani.—Isaya 65:17, 21-25; 2 Petro 3:13; Zvakazarurwa 21:1-4.
14. (a) Vafundisi namapiyona vakawanda vakavanzarika sei hwaro hwakasimba? (b) Chii chatinodzidza muchinoitika cheZvapupu zvaJehovha muJapan?
14 Kuita kuti basa riitwe munyika dzakawanda sezvinobvira, vafundisi namapiyona vakatanga musimboti mumarudzi akawanda. Vakavanzarika hwaro, uye ipapo Zvapupu zvomunzvimbomo zvakatungamirira. Nokudaro, hakuna kuda zviverengero zvikuru zveZvapupu zvokumwe kuchengeta kuparidza kuchipfuurira nokukuchengeta kwakasanorongwa. Muenzaniso mumwe wakatanhamara ndouyo weJapan. Shure mukupera kwama 1940, zvikurukuru vafundisi veAustralia neveBritain vakaenda ikoko, vakafunda mutauro, vakachinjira kumigariro yakati ivei yechinyakare yenguva iyoyo yapashure pehondo, uye vakatanga kuparidza paimba neimba. Mukati meHondo yeNyika II, Zvapupu zvakanga zvarambidzwa ndokutambudzwa muJapan. Naizvozvo vafundisi vakasvika ndokuwana bedzi chiverengero chiduku cheZvapupu zvinoshingaira zvechiJapan. Asi nhasi zvawedzera kupfuura 187 000 mudzinopfuura ungano 3 000! Chii chakanga chiri chakavanzika chokubudirira kwavo kwapakuvamba? Mufundisi mumwe ane anopfuura makore 25 ebasa ikoko akati: “Kwakanga kuchikosha zvikurusa kudzidza kukurukurirana navanhu. Kupfurikidza nokuziva mutauro wavo, takakwanisa kuzvizivisa navo, kunzwisisa ndokuziva mararamiro avo. Taitofanira kuratidza kuti taida vaJapan. Takaedza nokuzvininipisa kuva rutivi rwenzanga yomunzvimbomo pasina, chokwadika, kubvumiranisa pane zvisina kufanira mipimo yedu yechiKristu.”
Mufambiro wechiKristu Uchapupuwo
15. Zvapupu zvakaratidzira sei mufambiro wechiKristu?
15 Zvisinei, vanhu havana kugamuchira shoko reBhaibheri bedzi. Vakaonawo kushanda kwechiKristu. Vakacherekedza rudo, tsinhirano, uye chinzwano zveZvapupu kunyange mumigariro inotambudza zvikurusa, yakadai sehondo dzavagari vemo, gakava ramadzinza, uye ruvengo rworudzi. Zvapupu zvakachengeta chimiro chakajeka chokusatora rutivi kwechiKristu murwisano dzose uye zvakazadzika mashoko aJesu, okuti: “Ndinokupai murayiro mutsva, wokuti mudane; sezvandakakudai imi, nemi mudanewo saizvozvo. Vose vachaziva naizvozvi kuti muri vadzidzi vangu, kana muno rudo pakati penyu.”—Johane 13:34, 35.
16. Ndichakaitikai chinoratidzira rudo rwechiKristu runoshanda?
16 Rudo rwomuvakidzani rwakaratidzirwa muchinoitika chomumwe murume akwegura akanyorera pepa romunzvimbomo pamusoro pa“Baba naMai Munhu Akaisvonaka.” Iye akatsanangura kuti vavakidzani vake vakanga vave vane mutsa kwaari apo mudzimai wake akanga achifa. “Sezvo akafa . . . vave vakaisvonaka,” iye akanyora kudaro. “Chifo chenguva iyeyo vakandi‘rera’ . . . , vachiita marudzi ose amabasa nokubetsera kupedza zvinetso zveakarega basa ane makore 74 okukura. Chinoita kuti zvose izvozvi zvive zvinotova zvechienzi zvikuru ndechokuti ivo vatema, ini ndiri muchena. Ivo Zvapupu zvaJehovha, ini ndiri muKaturike akarega.”
17. Inzirai yatinofanira kudzivisa?
17 Ichi chinoitika chinoratidza kuti tinogona kupa uchapupu munzira dzakawanda, kubatanidza mufambiro wedu wezuva nezuva. Kutaura idi, kutoti mufambiro wedu wakava wakafanana nowaKristu, ushumiri hwedu hwaizova hwokunyengera, husina muuyo. Hatidi kuva vakafanana naavo Jesu akarondedzera, kuti: “Zvose zvavanokuudzai, muzviite nokuzvichengeta, asi musatevera mabasa avo; nokuti vanotaura, asi havaiti.”—Mateo 22:37-39; 23:3.
Boka Romuranda Rinogovera Zvishandiso Zvakarurama
18. Mabhuku eBhaibheri anotishongedzera sei kubetsera vanhu vane mwoyo yakatendeseka?
18 Chimwe chinhu chinokosha mukuparidza mashoko akanaka kumarudzi ose kwave kuri kuwanika kwamabhuku eBhaibheri anobudiswa neWatch Tower Bible and Tract Society. Tine mabhuku, mabhurocha, maturakiti, uye magazini zvinogona kugutsa anodokuva mubvunzi ari wose wapachokwadi. Kana tikasangana nomuMuslim, muHindu, muBuddha, muTao, kana kuti muJudha, tinogona kushandisa bhuku rinonzi Mankind’s Search for God kana kuti mhatsa yamaturakiti namabhukwana kutanga kurukurirano uye sezvinobvira fundo yeBhaibheri. Kana wezvemhindumupindu akabvunza pamusoro pechisiko, tinogona kushandisa bhuku rinonzi Life—How Did It Get Here? By Evolution or by Creation? Kana munhu muduku akabvunza, kuti ‘Chii chiri donzo roupenyu?’ tinogona kumunongedzera kubhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda. Kana mumwe munhu achitapurwa zvikuru nezvinetso zvomunhu oga—kuora mwoyo, kuneta, chibharo, chatanuro—tine magazini akabata nenzira inoshanda nenhau dzakadaro. Zvirokwazvo, boka romuranda akatendeka iro Jesu akaporofita kuti raizova richigovera “zvokudya nenguva yakafanira” riri kuita basa raro.—Mateo 24:45-47.
19, 20. Basa roUmambo rakawana sei kukurumidza muAlbania?
19 Asi kusvika marudzi, kwave kuri madikanwa kubudisa aya mabhuku mundimi dzakawanda. Kwave kuchibvira sei kushandurira Bhaibheri namabhuku apaMagwaro muinopfuura mitauro 200? Kurangarirwa kupfupi kwomuenzaniso mumwe, Albania, kunoratidzira kuti boka romuranda wakatendeka nowakangwara rakakwanisa sei kusimudzira mashoko akanaka pasinei zvapo nezvitambudzo zvikuru uye pasina Pentekosta yomuzuva razvino uno kuti ipe kusvika kwapakarepo kumitauro.—Mabasa 2:1-11.
20 Makore mashomanene bedzi akapfuura, Albania yakanga ichiri kurangarirwa senyika yechiKomonisiti bedzi isingatendi zvirokwazvo kuvapo kwaMwari. Magazini yeNational Geographic yakataura muna 1980, kuti: “Albania inorambidza [rudzidziso], ichizvizivisa imene muna 1967 kuva ‘nyika yokutanga isingatendi kuvapo kwaMwari munyika.’ . . . Chizvarwa chitsva cheAlbania chinongoziva bedzi kusatenda kuvapo kwaMwari.” Zvino chiKomonizimo ichocho zvachakaderera, vaAlbania vanoziva chinodikanwa chavo chomudzimu vari kudavidza kuparidza kuri kuitwa neZvapupu zvaJehovha. Boka duku rokushandura rakaumbwa neZvapupu zviduku zvine zivo yechiTariyana nechiNgezi rakaumbwa muTiranë muna 1992. Hama dzakakwaniriswa dzaishanya dzichibva kune dzimwe nyika dzakavadzidzisa kushandisa makomupiyuta elaptop kupinza mashoko muchiAlbania. Vakatanga kushandura muturakiti namagazini eNharireyomurindi. Sezvavanowana ruzivo rwokuzviwanira, vanoshanda pakushandura zvimwe zvinyorwa zvinokosha zveBhaibheri. Pari zvino mune Zvapupu zvinoshingaira 200 munyika iyoyo duku (vagari vemo 3 262 000), uye 1 984 vakapinda Chirangaridzo muna 1994.
Tose Zvedu Tine Mutoro
21. Tiri kurarama murudzii rwenhambo?
21 Zvinoitika zvenyika zviri kusvika mugumo. Newedzero muutsotsi namasimba masimba, kuuraya nokubata chibharo muhondo dzomunzvimbomo, kutekeshera kwetsika dzakaderera nezvibereko zvayo zvezvirwere zvinopfuudzwa muvatano, kuzvidzwa kwechiremera chapamutemo, nyika inoratidzika kuva iri kuva yakanyongana, isingadzoreki. Tiri munhambo inowirirana nenguva dzapamberi paMafashamo dzinorondedzerwa muna Genesi, kuti: “Jehovha wakaona kuti kuipa kwavanhu kwakanga kuri kukuru panyika, nendangariro dzokufunga kwemwoyo yavo dzakanga dzakaipa bedzi nguva dzose. Jehovha akazvidemba pamusoro pokuita kwake vanhu panyika, akava neshungu pamwoyo pake.”—Genesi 6:5, 6; Mateo 24:37-39.
22. Zvapupu zvaJehovha zvose zvine mutoroi wechiKristu?
22 Kungofanana nomuzuva raNoa, Jehovha achaita chiito. Asi mururamisiro yake norudo, anoda kuti mashoko akanaka neshoko renyevero zvitange kuparidzwa kumarudzi ose. (Marko 13:10) Muna ikoku Zvapupu zvaJehovha zvine mutoro—wokuwana avo vakafanirwa norugare rwaMwari uye kuvadzidzisa nzira dzake dzorugare. Nokukurumidza, munguva yaMwari yakafanira, basa rokuparidza richapedzwa nenzira inobudirira. “Ipapo kuguma kuchasvika.”—Mateo 10:12, 13; 24:14; 28:19, 20.
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwamamwe mashoko pamusoro paVamarudzi, ona musoro unoti “Nations” muInsight on the Scriptures, Vhoriyamu II, mapeji 472-4, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
b Nokuda kwezvikarakadzo zvinoshanda pamusoro poushumiri hwechiKristu, ona Nharireyomurindi yaFebruary 1, 1985, peji 13, “Nzira yokuva Nayo Vashumiri Vanobudirira,” uye peji 19, “Hushumiri Hunobudirira Hunotungamirira Kuvadzidzi Vakawanda.”
Unoyeuka Here?
◻ Zvapupu zvomuzuva razvino uno zvakava nebudiriroi muushumiri hwazvo?
◻ Neiko vakawanda vachiramba shoko rechiKristu?
◻ Mutooi wavaapostora wokuparidza unoshandisa Zvapupu?
◻ Zvishandisoi zvatinazvo zvoushumiri hunobudirira?
◻ Tose zvedu tinofanira kuitei mutsinhirano naMarko 13:10?
[Bhokisi riri papeji 19]
NYIKA ZVAPUPU ZVAISHI- MUNA 1993
NGAIRA MUNA 1943
Argentina 374 102 043
Brazil 430 366 297
Chile 72 44 668
Colombia ?? 60 854
France Hondo II—hapana chinyorwa 122 254
Ireland 150? 4 224
Italy Hondo II—hapana chinyorwa 201 440
Mexico 1 565 380 201
Peru Hapana chinyorwa 45 363
Philippines Hondo II—hapana chinyorwa 116 576
Poland Hondo II—hapana chinyorwa 113 551
Portugal Hapana chinyorwa 41 842
Spain Hapana chinyorwa 97 595
Uruguay 22 9 144
Venezuela Hapana chinyorwa 64 081
[Mufananidzo uri papeji 17]
Zvapupu zvaJehovha zviri kuwedzera munyika dzechiKaturike dzakawanda, dzakadai seSpain
[Mifananidzo iri papeji 18]
Zvapupu zvaJehovha zvinoshingaira mumarudzi kupote nyika yose