RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 6/15 pp. 17-21
  • Sangano raJehovha Rinotsigira Ushumiri Hwako

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Sangano raJehovha Rinotsigira Ushumiri Hwako
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kupukunyuka Pasinei Zvapo Nechishoro Chomunyika Yose
  • Jehovha Anokomborera Kuparidza Kwokushingaira
  • Kuchinjira Kuzvinodikanwa Zvavanhu
  • Chii Chinosunda Zvapupu zvaJehovha?
  • Shingairo Yedu Yokupedzisa Uchapupu
  • Rutivi 4—Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Kupupurira Ku“marudzi Ose”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • “Endai Munoita Kuti Vanhu Vemarudzi Ose Vave Vadzidzi”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Kuparidza Pachena Napaimba Neimba
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 6/15 pp. 17-21

Sangano raJehovha Rinotsigira Ushumiri Hwako

“Ndakaona mumwe mutumwa achibhururuka pakati pedenga, ane Evhangeri isingaperi, kuti aiparidzire.”—ZVAKAZARURWA 14:6.

1. Zvapupu zvaJehovha zvakaedzwa sei, uye neiko zvakapukunyuka?

NEIKO kuchikosha kwazvo kuziva basa resangano raJehovha rokudenga mukutsigira ushumiri hwechiKristu? Eya, Zvapupu zvaJehovha zvaigona here kuve zvaita kuparidzwa kwamashoko akanaka oUmambo hwaMwari munyika yose ine utsinye pasina tsigiro yamapoka okudenga aJehovha? Zvapupu zvaita kuparidza kwakadaro mukati mezana ramakore rourudzi hwakakomba, masangano ezvamatongerwo enyika anodzvinyirira, hondo dzenyika, uye nhamo dzakasiyana-siyana. Pasina betsero yaJehovha Zvapupu zvaigona here kuve zvakapukunyuka kurovanya kworusaruro kwenyika dzakawanda, kufungira zvakaipa, uye kazhinji kazhinji chitambudzo chamasimba masimba chave chichinangidzirwa pazviri?—Pisarema 34:7.

Kupukunyuka Pasinei Zvapo Nechishoro Chomunyika Yose

2. Ifananoi iripo pakati pavaKristu vechokwadi vezana rokutanga ramakore naavo vanhasi?

2 Muzana rino ramakore rechi20, vavengi, vose vari vaviri vorudzidziso navezvamatongerwo enyika, vakamutsa mhinganidzo yose inobvira, yapamutemo uye yeimwe nzira, kuedza kudzivisa kana kuti kudzvinyirira basa raJehovha. Hama nehanzvadzi dzechiKristu dzakatambudzwa, dzakakwenengerwa, dzakanyorerwa tsinhiro dzakashata, uye dzakacherwa—vakawanda vakatourawa—kazhinji kazhinji pakuchidziro yavafundisi veBhabhironi Guru. Kunogona kutaurwa, sezvazvakanga zvakaita nokuda kwavaKristu vapakuvamba, kuti “kana iri dzidziso iyi, tinoziva kuti inorambwa kwose kwose.” Kungofanana nokurwa zvinotyisa kwakaitwa navafundisi vechiJudha vomunguva yaKristu kumisa ushumiri hwake, nokudaro vafundisi navakaramba kutenda, pamwe chete navadiwa vavo vezvamatongerwo enyika, vakaedza kuvhiringidza basa redzidzo huru rokupupura ravanhu vaJehovha.—Mabasa 28:22; Mateo 26:59, 65-67.

3. Tinogona kudzidzei muperero yaHenryka Żur?

3 Rangarira somuenzaniso chakaitika muPoland pana 1 March, 1946. Henryka Żur, mumwe musikana ari Chapupu aiva namakore 15 okukura aibva pedyo neChelm, aiperekedza chimwe Chapupu, imwe hama, kunoshanyira vanhu vanofarira mumusha uri pedyo. Vakasungwa nemitezo yeboka ramauto reKaturike rinonzi Narodowe Siły Zbrojne (National Armed Forces). Hama yacho yakarohwa zvakakomba asi yakapukunyuka. Hazvina kudaro naHenryka. Akatambudzwa zvinotyisa kwamaawa akawanda sezvo vaiedza kumumanikidza kuita chiratidzo cheKaturike chomuchinjikwa. Mumwe wavatambudzi vake akati: “Nechomukati funga chipi kana chipi chaunoda, ingoita chete chiratidzo cheKaturike chomuchinjikwa. Ukasadaro bara rakakumirira!” Perero yake yakaneta here? Aiwa. Mbwende dzorudzidziso dzakamuzvuzvurudzira musango riri pedyo ndokumupfura. Pasinei zvapo naikoko, akakunda! Vakanga vakundikana kuputsa perero yake.a—VaRoma 8:35-39.

4. Masangano ezvamatongerwo enyika neorudzidziso akaedza sei kudzvinyirira basa rokuparidza Umambo?

4 Kwamakore anopfuura zana rimwe, vabatiri vaMwari vomuzuva razvino uno vave vachibatwa nehasha uye nenzira yokusaremekedza. Nokuti Zvapupu zvaJehovha hazvisati zviri, uye hazvishuvi kuva, rutivi rwamarudzidziso makuru aSatani, zvinorangarirwa savanyajambwa vakakodzera tsoropodzo ipi neipi yakaipa, kana kuti chishoro chakanyanyisa. Zvakadenhwa zvinotyisa namasangano ezvamatongerwo enyika. Zvapupu zvakawanda zvakaponderwa kutenda kwazvo. Kunyange dzinonzi hurumende dzinosarudzwa navanhu dzakaedza kudzivisa kuparidza mashoko akanaka. Kudzoka shure kusvika muna 1917 muCanada neUnited States, vafundisi vakanyandura pomero dzokupandukira paVadzidzi veBhaibheri, sokuzivikanwa kwaiitwa Zvapupu panguva iyoyo. Vakuru vakuru veWatch Tower Society vakapinzwa mutorongo zvisina kururama, vakazongowanikwa vasina mhaka gare gare.—Zvakazarurwa 11:7-9; 12:17.

5. Mashokoi akabatira kukurudzira vabatiri vaJehovha?

5 Satani ashandisa nzira dzose dzaanogona kuedza kumisa basa rokupupura rehama dzaKristu neshamwari dzadzo dzakavimbika. Asi, sezvinoratidzwa nezvinoitika zvakawanda kwazvo, tyisidziro, kuvhundutsira, masimba masimba omuviri, majere, misasa yavasungwa, kana kuti zvimwe kunyange rufu hazvina kunyaradza Zvapupu zvaJehovha. Uye izvi zvave zvakadaro munhau yose. Nguva nenguva, mashoko aErisha akabatira sekurudziro: “Usatya hako, nokuti vari kwatiri vanopfuura vari kwavari pakuwanda.” Chimwe chikonzero ndechokuti ngirozi dzakatendeka dzinopfuura mapoka aDhiyabhorosi!—2 Madzimambo 6:16; Mabasa 5:27-32, 41, 42.

Jehovha Anokomborera Kuparidza Kwokushingaira

6, 7. (a) Inhamburikoi dzapakutanga dzakaitwa kuparidza mashoko akanaka? (b) Ichinjoi inobetsera yakaitika kutanga muna 1943?

6 Muzana ramakore rechi20, Zvapupu zvaJehovha zvakashandisa fambiro mberi dzakawanda muruzivo rwezvokugadzira zvinhu kuti zvikudze nokukurumidzisa basa guru rokupupura mugumo usati wasvika. Shure muna 1914, Pastor Russell, purezidhendi wokutanga weWatch Tower Bible and Tract Society, akatsigira kushandiswa kwapakuvamba kwamasiraidhi namabhaisikopo, akawiriraniswa netsinhiro dzakavakirwa paBhaibheri pamarekodhi egiramufomu, mumutambo wamaawa masere unonzi “The Photo-Drama of Creation.” Wakashamisa vateereri munyika dzakawanda panguva iyoyo. Gare gare, muma1930 nama1940, Zvapupu zvakazivikanwa nokuda kwebasa razvo rokuparidza paimba neimba namagiramufomu anotakurika, zvichishandisa marekodhi ehurukuro dzeBhaibheri dzakapiwa naJ. F. Rutherford, purezidhendi wechipiri weSosaiti.

7 Muna 1943 nhano youshingi yakaitwa munhungamiro yaNathan H. Knorr, purezidhendi wechitatu weSosaiti, apo kwakasarudzwa kutanga chikoro chavashumiri muungano yose. Zvapupu zvaizorovedzwa kuparidza nokudzidzisa paimba neimba zvisingashandisi marekodhi egiramufomu. Kubva ipapo, zvimwe zvikoro zvakarongwa kurovedza vafundisi, vashumiri mapiyona enguva yakazara, vakuru veungano, uye vatariri vakavimbika vari mumapazu eWatch Tower Society. Chii chave chiri mugumisiro wacho?

8. Zvapupu zvakaratidza sei kutenda kukuru muna 1943?

8 Shure muna 1943, pakati peHondo yeNyika II, kwaiva neZvapupu 129 000 bedzi zvaishingaira munyika 54. Asi, zvaiva nokutenda nokutsunga kuti Mateo 24:14 yaizozadzikwa mugumo usati wasvika. Zvakapwiswa kuti Jehovha aizoita kuti shoko renyevero inokosha riziviswe kutanga nhevedzano yezvinoitika zvaizounza mugumo kugadziriro ino yezvinhu yakaipa isati yavamba. (Mateo 24:21; Zvakazarurwa 16:16; 19:11-16, 19-21; 20:1-3) Nhamburiko dzazvo dzakatuswa here?

9. Maidii anoratidza kuti basa rouchapupu rakabudirira?

9 Zvino kune dzinenge nyika 13 dzine Zvapupu zvinoshingaira zvinopfuura 100 000 muimwe neimwe. Dzinoverengeka dzeidzi inyika dzinodzorwa neChechi yeKaturike. Asi, tarira mamiriro ezvinhu zvacho. Brazil ine vaparidzi vamashoko akanaka 450 000, uye vanopfuura 1 200 000 vakapinda Chirangaridzo chorufu rwaKristu muna 1997. Mexico mumwe muenzaniso, neZvapupu zvinodokusvika 500 000 vanopfuura 1 600 000 pakuchengetwa kweChirangaridzo. Dzimwe nyika dzeKaturike iItaly (Zvapupu 225 000), France (zvinenge 125 000), Spain (zvinopfuura 105 000), uye Argentina (zvinopfuura 115 000). MuUnited States, umo marudzidziso ePurotesitendi, eKaturike, uye echiJudha anodzora, mune Zvapupu 975 000 uye vanopfuura 2 000 000 vakapinda Chirangaridzo. Zvirokwazvo, mapoka makuru ari kubuda muBhabhironi Guru, umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema, nedzidziso dzaro dzakavanzika uye ari kutendeukira kuzvipikirwa zvakanaka nezvechokwadi zvaMwari zve“denga idzva nenyika itsva.”—2 Petro 3:13; Isaya 2:3, 4; 65:17; Zvakazarurwa 18:4, 5; 21:1-4.

Kuchinjira Kuzvinodikanwa Zvavanhu

10. Mamiriro ezvinhu akachinja sei mune dzimwe nzvimbo?

10 Vakawanda vaavo vakatendeukira kuna Jehovha kupfurikidza naKristu Jesu vakawanwa paimba neimba. (Johane 3:16; Mabasa 20:20) Asi dzimwe nzira dzave dzichishandiswa. Nguva dzachinja, uye mamiriro ezvemari akadaro zvokuti vakadzi vakawanda zvino vanoshanda kunze kwomusha. Kazhinji kazhinji, mukati mevhiki, vanhu vashoma vanogona kuwanwa pamusha. Nokudaro, Zvapupu zvaJehovha zvakachinjira kumamiriro ezvinhu zvacho. Kufanana naJesu navadzidzi vapakuvamba, zvinoenda uko uye apo vanhu vanofanira kuwanika.—Mateo 5:1, 2; 9:35; Marko 6:34; 10:1; Mabasa 2:14; 17:16, 17.

11. Zvapupu zvaJehovha zviri kuparidza kupi nhasi, uye nomugumisiroi?

11 Nhasi, Zvapupu zviri kutanga uye zviri kuparidzira vanhu nokungwarira munzvimbo huru dzokupaka, nzvimbo dzokutenga zvinhu, mafekitari, mahofisi namabhizimisi, zvikoro, mukamba dzamapurisa, muzviteshi zvepeturu, mumahotera namaresitorendi, uye mumigwagwa. Kutaura idi, zvinoparidza uko vanhu vanogona kuwanwa. Uye apo vanhu vanenge vari pamusha, ipapo Zvapupu zvinopfuurira kuvashanyira ikoko. Uyu mutoo unochinjika nounoshanda uri kuva nomugumisiro wokugoverwa kwamabhuku eBhaibheri kwakawedzerwa. Vakaita samakwai vari kuwanwa. Fundo dzeBhaibheri itsva dziri kutangwa. Basa redzidzo gurusa munhau yavanhu riri kuitwa nokushingaira navashumiri vanozvipira vanopfuura mamiriyoni mashanu nehafu! Une ropafadzo yokuva mumwe wavo here?—2 VaKorinte 2:14-17; 3:5, 6.

Chii Chinosunda Zvapupu zvaJehovha?

12. (a) Jehovha ari kudzidzisa sei vanhu vake? (b) Kudzidzisa uku kune tapuroi?

12 Sangano rokudenga rinokodzera sei muzvose izvi? Isaya akaporofita kuti: “Vana vako vose vachadzidziswa naJehovha, rugare rwavana vako ruchava rukuru.” (Isaya 54:13) Jehovha ari kudzidzisa uhu ukama hwakabatana hwomunyika yose kupfurikidza nesangano rake rinooneka pasi pano—paHoro dzoUmambo, pamakokorodzano, uye pamagungano. Chinzwano norugare zvinovapo. Dzidziso yaJehovha yakabudisa vanhu vechienzi, vakadzidziswa kudanana uye kuda vavakidzani vavo saivo vamene, kwete kuvenga vavakidzani vavo kupi nokupi kwavangagara munyika ino inokamura neyakakamukana.—Mateo 22:36-40.

13. Tinogona sei kuva nechokwadi chokuti nhungamiro yengirozi iri kubatanidzwa mubasa rokuparidza?

13 Rudo ndirwo runosunda Zvapupu zvaJehovha kupfuurira kuparidza pasinei zvapo nokusakendenga kana kuti chitambudzo. (1 VaKorinte 13:1-8) Zvinoziva kuti basa razvo rinoponesa upenyu riri kutungamirirwa mudenga, sezvinotaura Zvakazarurwa 14:6. Ishokoi riri kuziviswa munhungamiro yengirozi? “Ityai Mwari, mumurumbidzei; nokuti nguva yake yokutonga yasvika; namatai iye, wakasika denga, nenyika, negungwa, namatsime emvura.” Kuparidzwa kwamashoko akanaka oUmambo kunorumbidza zita raJehovha. Vanhu vari kukokwa kupa mbiri kuMusiki, Mwari, kwete kuzvisikwa nemhindumupindu isina mufungo. Uye neiko basa riri rokukurumidzira kwazvo? Nokuti nguva yorutongeso yasvika—rutongeso paBhabhironi Guru namamwe mativi ose egadziriro yezvinhu inooneka yaSatani.—Zvakazarurwa 14:7; 18:8-10.

14. Ndivanaani vari kubatanidzwa muiyi nhimbe huru yokudzidzisa?

14 Hapana muKristu akazvitsaurira anosiyiwa mubasa iri rokuparidza. Vakuru vomudzimu vanotungamirira mukuparidza neungano. Mapiyona akarovedzwa akabatikana zvizere mubasa. Vaparidzi vanoshingaira veshoko roUmambo, kana vachikwanisa kuparidza maawa mashoma bedzi pamwedzi kana kuti akawanda, vari kuparadzira shoko mukona iri yose yapasi.—Mateo 28:19, 20; VaHebheru 13:7, 17.

15. Ndechipi chiri chiratidzo chetapuro yebasa rokuparidza reZvapupu zvaJehovha?

15 Nhamburiko yose iyi yakatapura nyika here? Humwe ufakazi hwakapfava hwayakava nayo kutanhamhariswa kunoitwa Zvapupu zvaJehovha kanoverengeka mupurogiramu dzeTV nomuzvikamu zvamapepanhau. Kazhinji kazhinji izvi zvinosimbisa kupfuurira nokutsunga kwedu kusvika munhu wose. Hungu, shingairo nokuvapo kwedu nguva dzose kunoparira murangariro wakadzama, kunyange kana ruzhinji rwavanhu rukaramba shoko racho nenhume dzacho!

Shingairo Yedu Yokupedzisa Uchapupu

16. Murangariroi unofanira kuratidzirwa zvino munguva yakaganhurirwa yasara?

16 Hatizivi kuti ndiimwe nguva yakawanda sei yasarira gadziriro ino yezvinhu, uyewo hatifaniri kuziva chero bedzi vavariro yedu mukubatira Jehovha yakachena. (Mateo 24:36; 1 VaKorinte 13:1-3) Asi tinoziva kuti kuti rudo, simba, uye ruramisiro zvaJehovha zviratidzirwe, mashoko akanaka anofanira “kutanga” aparidzwa. (Marko 13:10) Naizvozvo, pasinei zvapo nokuti makore mangani atingave takamirira nokudisa mugumo weiyi nyika yakaipa, isina kururama, uye yamasimba masimba, nokushingaira tinofanira kurarama mukuwirirana netsauriro yedu maererano namamiriro edu ezvinhu. Tingave takwegura kana kuti tichirwara, asi tichiri vanogona kubatira Jehovha neshingairo yataiva nayo mumazuva ouduku kana kuti ougwinyi hwedu. Zvimwe hatichagoni kupedza nguva yakawanda muushumiri sezvataichimboita, asi tinogona zvirokwazvo kuchengeta kunaka kwechibayiro chedu cherumbidzo kuna Jehovha.—VaHebheru 13:15.

17. Rondedzera chinoitika chinokurudzira chingagona kutibetsera tose.

17 Naizvozvo, tingave tiri vaduku kana kuti vakuru, ngatiratidze shingairo ndokugoverana shoko redu rakanaka renyika itsva naavo vose vatinosangana navo. Ngativei vakafanana nomusikana anonyara ane makore manomwe okukura muAustralia akaenda naamai vake kuchitoro. Akanga anzwa kuHoro yoUmambo kuti kunokosha sei kuti vose vaparidze, nokudaro akaisa mabhurocha maviri eBhaibheri mubhegi rake. Apo amai vake vakanga vakabatikana pakaunda, musikana muduku wacho akanyangarika. Apo amai vake vakamutsvaka, hoyo akanga achigovera bhurocha kune mumwe mukadzi! Amai vacho vakaenda kunokumbira ruregerero nokuda kwokutsamwisa kupi nokupi uko mwanasikana wavo angave akakonzera mukadzi wacho. Asi mukadzi wacho akanga agamuchira nomutsa bhurocha racho. Apo amai vacho vakanga vari voga zvakare nomwanasikana wavo, vakamubvunza nzira yaakanga awana nayo ushingi hwokusvika waasingazivi. “Ndakangozviti, Gadzirira, Chienda! Uye ndakaenda!”

18. Tinogona sei kuratidza mudzimu unoyemurika?

18 Tose tinoda mudzimu wakafanana nouyo womusikana wokuAustralia, zvikurukuru kuti tisvike vatisingazivi kana kuti kunyange vakuru vakuru namashoko akanaka. Tingatya kurambwa. Ngatiregei kukanganwa zvakataurwa naJesu kuti: “Musafunganya kuti muchapindura sei, kana inyiko, kana muchataurei. Nokuti Mweya Mutsvene uchakudzidzisai nenguva iyo zvamunofanira kutaura.”—Ruka 12:11, 12.

19. Unonzwa sei pamusoro poushumiri hwako?

19 Nokudaro vimba nebetsero yomudzimu waMwari sezvaunosvika vanhu namashoko akanaka nenzira yomutsa. Mamiriyoni kazhinji kazhinji anoisa chivimbo chawo muvarume navakadzi vasina kufanira varipo nhasi ndokuenda mangwana. Tinovimba naJehovha nesangano rake rokudenga—Kristu Jesu, ngirozi tsvene, uye vaKristu vakazodzwa vakamutswa—vari vapenyu nokusingaperi! Naizvozvo, yeuka kuti: “Vari kwatiri vanopfuura vari kwavari pakuwanda”!—2 Madzimambo 6:16.

[Mashoko Omuzasi]

a Nokuda kwemimwe mienzaniso, ona 1994 Yearbook of Jehovah’s Witnesses, mapeji 217-20.

Unopindura Sei?

◻ Sangano rokudenga raMwari rakaita basai mukupukunyuka kwavanhu vaJehovha?

◻ Masanganoi ezvamatongerwo enyika neorudzidziso akadenha Zvapupu zvaJehovha muzana ramakore rechi20?

◻ Zvapupu zvaJehovha zvakachinjira sei ushumiri hwazvo kuzvinodikanwa zvenguva?

◻ Chii chinokusunda kuparidza?

[Mufananidzo uri papeji 17]

Henryka Żur

[Mifananidzo iri papeji 18]

Japan

Martinique

United States

Kenya

United States

Zvapupu zvaJehovha zvinoparidza nguva ipi neipi uye kupi nokupi uko vanhu vanofanira kuwanika

[Mufananidzo uri papeji 20]

Pakuvamba zvikuru muzana rino ramakore, magiramufomu aishandiswa kuparadzira shoko roUmambo

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe