Sayenzi, Rudzidziso, uye Kutsvaka Zvokwadi
“Idi rokuti marudzidziso akawanda enhema apararira . . . rakava nepesvedzero pandiri.”—Charles Darwin
MUKATI mokuvamba kwezana ramakore rechi 19, sayenzi norudzidziso zvakafarikanya ukama hunotsinhirana. “Kunyange mumanyoro esayenzi,” rinodaro bhuku rinonzi Darwin: Before and After, “vanyori havana kunzwa zenguriro mukutaura nezvaMwari nomutoo uyo sezviri pachena wakanga uri womuzvarirwo nowapachokwadi.”
Origin of Species raDarwin rakabetsera kuchinja ikoko. Sayenzi nemhindumupindu zvakasvika pakuumba batira pamwe iyo yakasiya rudzidziso—uye Mwari—zvisiri munhau yacho. “Mumutoo wemhindumupindu womufungo,” anodaro Sir Julian Huxley, “hamuchisina kudikanwa kana kuti zvimwe nzvimbo yomusiki woumwari.”
Nhasi rondedzero yemhindumupindu inotaurwa kuva hwaro hunokosha hwesayenzi. Chikonzero chikuru choukama hwacho chinoziviswa nenyanzvi yephysics Fred Hoyle: “Vasayendisiti vanotenderwa vanoitira hanya zvikuru kudzivisa kudzokera kukunyanyisa kworudzidziso kwomunguva yakapfuura kupfuura mukutarira mberi kuzvokwadi.” Rudzii rwokunyanyisa rwakaita rudzidziso kuti rwuve rwakaipa kwazvo kusayenzi?
Rudzidziso RunopaChisiko Zita Rakashata
Mukuedza kunofungidzirwa kwokutsigira Bhaibheri, “vanodavira chisiko”—zvikurukuru vakabatanidzwa navaPurotesitendi vanodavira zvinotaura Bhaibheri—vakataura kuti pasi nechisiko chose zvagara makore asingasviki 10 000. Uyu murangariro wokunyanyisa wakanyombwa navezvoruzivo rwamabwe, vezveruzivo rwemitumbi yomudenga, uye nyanzvi dzephysics, nokuti unopokanidza kuwana kwavo.
Asi Bhaibheri rinotii chaizvoizvo? “Pakutanga Mwari wakasika denga nenyika.” (Genesi 1:1) Nguva yakabatanidzwa haidudzwi. “Zuva rokutanga” rokusika harimbodudzwa kutozosvikira pana Genesi 1:3-5. “Matenga nenyika” zvaitovapo apo iri “zuva” rokutanga rakavamba. Naizvozvo, matenga napasi zvingagona kuva zvagara mabhiriyoni amakore here, sezvinotaura vasayendisiti? Zvingasanova zvadaro zvikuru. Bhaibheri harimbodudza nguva yakafukidzwa.
Kumwe kunyanyisa kworudzidziso inzira iyo vamwe vanodudzira nayo ‘mazuva’ matanhatu okusika. Vanodavira zvinotaura Bhaibheri vanotaura kuti aya mazuva chaiwoiwo, vachiganhurira kusikwa kwapasi kunhambo yamaawa 144. Ikoku kunonyandura panikiro muvasayendisiti, nokuti vanorangarira kuti uku kutaura kunorwisana necherechedzo dzakajeka dzesayenzi.
Zvisinei, idudziro yavanodavira zvinotaura Bhaibheri yeBhaibheri—kwete Bhaibheri rimene—iyo isingabvumirani nesayenzi. Bhaibheri haritauri kuti “zuva” rimwe nerimwe rokusika rakanga rakareba maawa 24; zvamazvirokwazvo, rinobatanidza aya ‘mazuva’ ose mu“zuva [rakareba zvikuru] irero Jehovha Mwari raakasika naro nyika nedenga,” kuratidza kuti haasi ‘mazuva’ ose eBhaibheri aiva namaawa 24 chete. (Genesi 2:4) Mamwe aigona kuva ane zviuru zvakawanda zvamakore muurefu.
Nokudaro, pfungwa yokusika yakapiwa zita rakashata navanodavira muchisiko navanodavira zvinotaura Bhaibheri. Dzidziso dzavo pazera rechisiko chose nourefu hwa‘mazuva’ okusika hazvitsinhirani nesayenzi ine mufungo kana kuti zvimwe neBhaibheri. Zvisinei, kunewo kumwe kunyanyisa kwakaita kuti rudzidziso ruve rwakaipa kuvasayendisiti.
Kushandiswa Zvisakafanira Kwesimba
Munhau yose, rudzidziso rwave rune mutoro wokusaruramisira wakawanda. Mukati meMiddle Ages, somuenzaniso, dzidziso yokusika yakamonyaniswa kuti iruramise kutsigira kwechechi udzvinyiriri hweEurope. Revo yakanga iri yokuti vanhu vakaiswa mugariro wavo, vapfumi kana kuti varombo, nomurayiro woumwari. The Intelligent Universe rinotsanangura, kuti: “Vanakomana vaduku vavapfumi vakaudzwa kuti wakanga uri ‘muitiro waMwari’ kuti vagamuchire nhaka yemhuri shomanene kana kuti kusagamuchira, uye munhu anoshanda aikurudzirwa nguva dzose kuramba achigutswa no‘mugariro wakanga wafadza Mwari kumudana kwauri.’”
Hakushamisi kuti vakawanda vanotya kudzokera ku“kunyanyisa kworudzidziso kwomunguva yakapfuura”! Panzvimbo pokuita chinodikanwa chomudzimu chomunhu, rudzidziso kazhinji kazhinji rwakachishandisa zvisakafanira. (Ezekieri 34:2) Chikamu chomupepeti wenhau mumagazini yeIndia Today chinotsinhira, kuti: “Norudzi rwechinyorwa charwakaita mumazera ose, chishamiso kuti rudzidziso rwakachengeta kutendeseka kupi nokupi. . . . Muzita roMusiki Mukurusa, . . . vanhu vakapfuuridzira utsinye hwakaipa zvikurusa mukurwisana nezvisikwa biyavo.”
Chinyorwa chinokatyamadza chorudzidziso rwenhema chakanga chisina pesvedzero shomanene pakufunga kwaDarwin. “Pashoma napashoma ndakasvika pakusatenda chiKristu sechizaruro choumwari,” iye akanyora kudaro. “Idi rokuti marudzidziso enhema akawanda akapararira pazvikamu zvikuru zvapasi kufanana nomwoto rakava pesvedzero pandiri.”
Rukundo Rworudzidziso Rwechokwadi
Unyengeri hworudzidziso hahusi hutsva kunyika ino. Jesu akati kuvatungamiriri vorudzidziso vaida simba vezuva rake: “Munoratidzika kuva vanhu vakanaka kunze—asi mukati mune unyengeri hwakawanda nouipi.”—Mateo 23:28, Phillips.
ChiKristu chechokwadi, zvisinei, “[hachi]sati [chi]ri rutivi rwenyika.” (Johane 17:16, NW) Vateveri vacho havatori rutivi murudzidziso rwakashata namatongerwe enyika; uyewo havatsauswi nouzivi hunoramba kuvapo kwoMusiki. “Uchenjeri hwenyika ino upenzi kuna Mwari,” akanyora kudaro muapostora Pauro.—1 VaKorinte 3:19.
Bva, ikoku hakurevi kuti vaKristu chaivoivo havazivi mune zvesayenzi. Mukupesana, vateveri vorudzidziso rwechokwadi vanofadzwa nesayenzi. “Tarirai kumusoro nameso enyu, muone,” muporofita wakare Isaya akaudzwa kudaro. “Kuti ndiani akasika izvozvi?” (Isaya 40:26) Nenzira yakafanana, kuti anzwisise Musiki zviri nani, Jobho akakumbirwa kunzvera zvinoshamisa zvechisiko nechisiko chose.—Jobho, maganhuro 38-41.
Hungu, avo vanodavira Musiki vanorangarira chisiko norutyo rwokuremekedza. (Pisarema 139:14) Kupfuurirazve, vanovimba neicho Musiki, Jehovha Mwari, anotaura pamusoro petariro inoshamisa yenguva yemberi. (Zvakazarurwa 21:1-4) Kupfurikidza nefundo yeBhaibheri, mamiriyoni ari kudzidza kuti mavambo omunhu kana kuti nguva yake yemberi haitsamiri patsaonawo zvayo. Jehovha aiva nechinangwa mukuita munhu, uye chinangwa ichocho chichaitwa—kukukomborerwa kwavanhu vose vanoteerera. Tinokukumbira kuongorora nhau yacho iwe umene.
[Bhokisi riri papeji 6]
HAVAZIVI UFAKAZI HERE?
“KUNYANGE Zvapupu zvaJehovha zvakadzidza zvakawanda zvikuru zvezvinhu zvipenyu,” rakanyora kudaro gweta Norman Macbeth mubhuku rake ra 1971 Darwin Retried—An Appeal to Reason. Pakurava nyaya yeMukai! pamusoro penhau yemhindumupindu, Macbeth anoti: “Ndakashamiswa nokuwana kuti yaiva netsoropodzo yokunzwisisa yechiDarwin.” Achicherechedza nzvero huru nokunokora mashoko kwouchenjeri kuzviremera pamusoro penhau yacho, munyori akagumisa, kuti: “Hakusati kuchakarurama kuti Simpson ati: ‘. . . avo vasingaidaviri [mhindumupindu], anodokuva munhu ari wose, sezvinooneka havazivi ufakazi hwesayenzi.’”
[Mufananidzo uri papeji 7]
Nguva yemberi yorudzi rwomunhu haina kusiyiwa kutsaonawo zvayo