RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 9/1 pp. 22-25
  • Kufara Muuhama Hwechokwadi Hwomunyika Yose

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kufara Muuhama Hwechokwadi Hwomunyika Yose
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Sumo Kuuhama
  • Ushumiri Hwakakudzwa Hwenguva Yakazara
  • Muedzo Wouhama Hwedu
  • Hama Dzakatendeka muEtiopia
  • Urudzi Hunokurirwa
  • Kufara nokuda Kwouhama Hwedu
  • Chii Chichapedza Kusagarisana Kwemarudzi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • “Kutanga Kutsvaka Umambo”
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Nyika Inogona Kubatanidzwa Here?
    Mukai!—1994
  • Kuwana Kuyanana Kwamarudzi muSouth Africa Yatambudzika
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 9/1 pp. 22-25

Kufara Muuhama Hwechokwadi Hwomunyika Yose

YAKATAURWA NAWILLIE DAVIS

Muna 1934 Kuderera Kukuru Kwezvokutengeserana kwakanga kuchibata nyika, uye United States yakanga iri mumarwadzo enhamo oupfumi. Kunze kweProspect Relief Station muCleveland, Ohio, kwakanga kune kurwisana pakati pomupurisa nomuKomonisiti chaiye. Mupurisa wacho akapfura ndokuuraya muKomonisiti nomumwe akamirawo zvake, mbuya vangu, Vinnie Williams.

VAKOMONISITI vakaedza kuchinja idzi nzufu kuva chinoitika chedzinza, sezvo mbuya vangu vakanga vari mutema uye mupurisa akanga ari muchena. Vakaparadzira mishumo yakatsikirirwa yaiva nemisoro yakadai se“Racist Cleveland Police” uye “Avenge These Killings.” Vakomonisiti vakaronga uye vakatarisira mariro ambuya vangu. Ndine mufanikiso wavatakuri vebhokisi—vose vachena uye vose mitezo yebato. Mumwe nomumwe ane chibhakera chakasimudzwa mudenga mumutoo uyo gare gare wakagamuchirwa sechiratidzo cheSimba raVatema.

Apo mbuya vangu vakafa, mwanasikana wavo akanga akanditakura muchibereko chake, uye mwedzi mina gare gare ndakaberekwa. Ndakakura ndine urema hwokutaura. Ndaisagona kutaura ndisingakakami, naizvozvo dzidzo yangu yapakuvamba yakabatanidza kurapwa kwokutaura.

Vabereki vangu vakaparadzana apo ndakanga ndine makore mashanu, uye hanzvadzi yangu neni takarerwa namai vedu. Apo ndakanga ndava namakore gumi, ndakavamba kuendesa girosa pashure pechikoro kuti ndibetsere nendyiko dzemhuri. Makore maviri gare gare ndakavamba kushanda pose pari paviri pamberi uye pashure pechikoro, ndichiva muriritiri mukuru wemhuri. Apo Mai vakapiwa mubhedha muchipatara uye vaida nhevedzano yokuvhiyiwa, ndakarega chikoro ndokutanga kushanda nguva yakazara.

Sumo Kuuhama

Muna 1944 mumwe weZvapupu zvaJehovha akasiyira mudzimai womuzukuru wangu bhuku ra“The Truth Shall Make You Free,” uye ndakabatanidzwa mufundo yeBhaibheri yakanga yatangwa naye. Gore rimwe chetero ndakavamba kupinda Chikoro choUshumiri Choubati Ushe hwaMwari muEastside Ungano. Murayiridzi wechikoro, Albert Cradock, aiva nechinetso chimwe chetecho chokutaura chandaiva nacho, asi akanga adzidza kuchidzora. Akanga ari kurudziro yakadini kwandiri!

Nharaunda yedu yakanga iri zvikurukuru yechiItalian, chiPolish, chiHungary, uye chiJudha, uye ungano yacho yakanga yakaumbwa navanhu vaibva mumapoka edzinza iwayo namamwe. Mudzimai womuzukuru wangu neni takanga tiri pakati pavaAmerica veAfrica vokutanga kusonganirana neiyi nezvisizvo ungano yavachena, asi Zvapupu zvacho hazvina kutongoratidza kufungira mano kwedzinza kwatiri. Kutaura idi, zvaiva neni nguva dzose somueni wazvo mumisha yazvo nokuda kwezvokudya.

Muna 1956, ndakatamira kurutivi rwokumaodzanyemba kweUnited States kuzobatira uko kwaiva nokushayika kukuru kwavashumiri. Apo ndakadzokera kuchamhembe rimwe zhizha nokuda kwekokorodzano yoruwa, zhinji dzehama dzomuCleveland dzakanditsvaka ndokuratidzira fariro youshamwari mumibato yangu. Itiro hanya yadzo yakandidzidzisa chidzidzo chinokosha: Nguva dzose “mumwe nomumwe ngaarege kutarira zvake, asi ngaatarire zvavamwewo.”—VaFiripi 2:4.

Ushumiri Hwakakudzwa Hwenguva Yakazara

Pashure pokubatira makore matatu mubasa rokuparidza renguva yakazara sapiyona, muna November 1959, ndakakokwa kushanda paBheteri reBrooklyn, dzimbahwe renyika reZvapupu zvaJehovha muNew York. Ndakagoverwa kuBato Rokutumira Zvinhu. Mutariri webato rangu, Klaus Jensen, uye womukamuri rimwe chetero neni, William Hannan, vose vari vaviri vachena, vakava vana baba vomudzimu kwandiri. Mumwe nomumwe akanga abatira kwaanodokusvika makore 40 paBheteri panguva yandakasvika.

Mukuvamba kwama 1960, kwakanga kune inenge mitezo 600 yemhuri yeBheteri, uye inenge 20 yakanga iri vaAmerica veAfrica. Pakasvika nguva iyeyo, United States yakanga yavamba kutambura nokurwisana kwamadzinza, uye ukama hwamadzinza hwakashatiswa. Kunyanguvezvo, Bhaibheri rinodzidzisa kuti “Mwari haazi mutsauri wavanhu,” uyewo isu hatifaniri. (Mabasa 10:34, 35) Kurukurirano dzomudzimu dzataiva nadzo patafura yeBheteri mangwanani mamwe namamwe dzakabatira kusimbisa kutsunga kwedu kugamuchira murangariro waMwari panhau dzakadaro.—Pisarema 19:7.

Ndichibatira paBheteri reBrooklyn ndakasangana naLois Ruffin, piyona aibva kuRichmond, Virginia, uye takachata muna 1964. Kutsunga kwedu kwakanga kuri kurambira muushumiri hwenguva yakazara, naizvozvo pashure pomuchato wedu takadzokera kurutivi rwokumaodzanyemba kweUnited States. Kutanga takabatira samapiyona chaiwo, uye ipapo muna 1965, ndakakokwa kupinda mubasa redunhu. Kwamakore gumi akatevera, takashanyira ungano munyika dzeKentucky, Texas, Louisiana, Alabama, Georgia, North Carolina, uye Mississippi.

Muedzo Wouhama Hwedu

Iwayo akanga ari makore okuchinja kukuru. Tisati tatamira kuMaodzanyemba, madzinza akanga aparadzaniswa. Vatema vakarambidzwa nomutemo kuenda kuzvikoro zvimwe chetezvo, kudyira patuhotera tumwe chetetwo, kurara muhotera dzimwe chetedzo, kutenga pazvitoro zvimwe chetezvo, kana kuti kunyange kunwa pamanyuko mamwe chetewo emvura navachena. Asi muna 1964 United States Congress yakatendera Civil Rights Act iyo yakarambidza rusaruro munzvimbo dzavose, kubatanidza zvokufambisa. Naizvozvo kwakanga kusisinazve hwaro hwapamutemo hwokusarura rudzi.

Naizvozvo mubvunzo wakanga uri, Hama nehanzvadzi dzedu dzaiva muungano dzavatema chete uye dzavachena chete dzaizobatana ndokuratidza rudo uye chidakadaka nokuda kwomumwe nomumwe here kana kuti dzvinyiriro yaibva munzanga uye mirangariro yakasimba yomunguva yakapfuura zvaizodziparira kudzivisa kubatana here? Yakanga iri denho kuteerera murayiro wapaMagwaro, unoti: “Kana ruri rudo pakati pavatendi, danai norudo rukuru; pakukudzana tungamiriranai.”—VaRoma 12:10.

Kwenguva refu iyo munhu upi noupi aigona kuyeuka, murangariro wakanga wakapararira, zvikurukuru kuMaodzanyemba, wakanga wave uri wokuti vatema vakanga vakaderera. Uyu murangariro wakanga wave wakarovererwa mundangariro dzavanhu norunodokuva rutivi ruri rwose rwechaunga, kubatanidza chechi. Naizvozvo kwakanga kusiri nyore kuti vamwe vachena varangarire vatema savaenzani. Zvamazvirokwazvo, iyoyo yakanga iri nguva yokuedzwa kwouhama hwedu—nokuda kwavose vari vaviri vatema navachena.

Nenzira inofadza, pamwe chete, kwakanga kune kuita kunoshamisa kukubatana kweungano dzedu. Mazana amakore emirangariro yakadzidziswa nokungwarira youkuru hwedzinza haina kubviswa nokukurumidza. Bva apo kubatana kwakavambwa, kwakasanogamuchirwa zvikuru nehama dzedu, zhinji dzadzo dzakafara kuva dzinogona kusangana pamwe chete.

Nenzira inofadza, kunyange vaisava Zvapupu kazhinji kazhinji vakabatira pamwe nokubatanidzwa kweungano dzedu. Somuenzaniso, muLanett, Alabama, vavakidzani vaiva pedyo neHoro yoUmambo vakabvunzwa kana vairamba kuuya kwavatema kumisangano. Mumwe mukadzi akwegura wechichena akabata ruoko rwehama yechitema, achiti: “Imi uyai kuno kunharaunda yedu munamate Mwari wenyu sezvamunoda!”

Hama Dzakatendeka muEtiopia

Muna 1974 takafara kugamuchira rovedzo youfundisi yemwedzi mishanu nehafu paWatchtower Bible School of Gilead muNew York City. Takagoverwa panguva iyeyo kunyika yeAfrica yeEtiopia. Haile Selassie, mambo, akanga achangobviswa pachigaro uye aiswa muusungwa hwokuchengetedzwa mumba make. Sezvo basa redu rokuparidza rakanga rarambidzwa, takaonga kuva pedyo kwoushamwari kwouhama hwedu hwechiKristu.

Takagara ndokubatira navazhinji vaavo gare gare vakaiswa mutorongo nemhaka yokunamatira kwavo kukunamata kwezvokwadi. Dzimwe dzeshamwari dzedu dzataida dzakatourawa. Adera Teshome, akanga ari mukuru biyangu muungano yaiva mudzimbahwe reEtiopia, Addis Ababa.a Pashure pamakore matatu ari mutorongo, akaurawa. Nenzira yomuzvarirwo, mudzimai wake akasuruvariswa zvikuru. Wakanga uri mufaro wakadini makore akati gare gare kuona mufaro wake mukuru sezvaanobatira sapiyona!

Worku Abebe, imwe hama yakatendeka, akatongerwa rufu kasere.b Asi haana kutongotyisidzirwa! Apo ndakapedzisira kumuona, akandiratidza nzeve dzake idzo vatarisiri vetorongo vakanga vatswanya neshure kwepfuti. Akataura nenzira yejee kuti shure kwepfuti kwakanga kuri chisvusvuro, kudya kwamasikati, uye chirariro. Kunyange zvazvo akafa, achiri kuyeukwa nenzira yorudo nehama.

Hailu Yemiru ndeimwe hama yandinoyeuka nokudisa.c Akaratidza rudo rwomuenzaniso nokuda kwomudzimai wake. Akasungwa, asi sezvo akanga ane mimba uye aizokurumidza kusununguka, Hailu akakumbira zviremera zvetorongo kana aigona kutora nzvimbo yake mujere. Gare gare, apo aisabvumiranisa pane zvisina kufanira kutenda kwake, akaurawa.—Johane 15:12, 13; VaEfeso 5:28.

Nemhaka yomugariro wezvematongerwe enyika waiipa muEtiopia, takatamira kuKenya muna 1976. Kwamakore manomwe takabatira tiri mubasa rokufambira, tichishanyira hama munyika zhinji dzeEast Africa—kubatanidza Kenya, Etiopia, Sudan, Seychelles, Uganda, uye Tanzania. Ndakaendawo kuBurundi neRwanda panhambo dzinoverengeka sorutivi rwenhume dzaizotaura nezviremera pamusoro pokunyoreswa kwapamutemo kwebasa redu munyika idzodzo.

Wakanga uri mufaro kudzokera kuEtiopia muna January 1992 kuzopinda kokorodzano yoruwa yokutanga yakaitwa ikoko pashure pokubviswa kwechirambidzo pabasa redu. Vazhinji vavanopfuura 7 000 vaivapo havana kuzivana, sezvo hama munguva yakapfuura dzakanga dzasangana bedzi mumapoka maduku. Zuva rimwe nerimwe rekokorodzano, vazhinjisa vakanga varipo awa mbiri purogiramu isati yavamba uye vakagara kusvikira mumadekwana chaimo, vachifarikanya uhama hwedu hworudo.

Urudzi Hunokurirwa

Kwamazana amakore urudzi hwave hwakapararira muAfrica. MuBurundi neRwanda, somuenzaniso, mapoka makuru edzinza, vaHutu navaTutsi, ave achivengana kwenguva yakareba. Chibviro chaapo idzi nyika dzakawana kuzvitonga kuBelgium muna 1962, mitezo yamapoka acho maviri edzinza yakaurayana muzviuru panhambo nenhambo. Mufaro wakadini, naizvozvo, kuona mitezo yaaya mapoka edzinza iyo yakava Zvapupu zvaJehovha ichishandira pamwe chete murugare! Rudo rwechokwadi rwavanoratidza nokuda kwomumwe nomumwe rwakakurudzira vamwe vazhinji kuteerera zvokwadi dzeBhaibheri.

Nenzira yakafanana, mapoka edzinza muKenya kazhinji kazhinji akava nemisiyano yawo. Imhesano yakadini iripo muuhama hwechiKristu hwavanhu vaJehovha muKenya! Unogona kuona vanhu vamapoka edzinza akasiyana-siyana vachinamata vakabatana paHoro dzoUmambo. Wave uri mufaro wangu kuona vazhinji vaivava vachibvisa ruvengo rwavo rwedzinza ndokuratidza rudo rwechokwadi nokuda kwehama nehanzvadzi dzavo dzamamwe mapoka edzinza.

Kufara nokuda Kwouhama Hwedu

Sezvandinotarira shure kuanopfuura makore 50 esonganiro nesangano raMwari, kuonga Jehovha noMwanakomana wake, Jesu Kristu, kunozadza mwoyo wangu. Kwave kuchishamisa zvirokwazvo kucherekedza icho vakaparira pasi pano! Aiwa, migariro yave isina kukwana nguva dzose pakati pavanhu vaMwari, uyewo haisiri nhasi. Asi hakugoni kukarirwa kuti mazana amakore edzidziso dzokusarura rudzi dzinoitwa nenyika yaSatani dzinogona kubviswa nokukurumidza. Pashure pokurangarira zvose, tichiri vasina kukwana.—Pisarema 51:5.

Sezvandinoenzanisa sangano raJehovha nenyika, mwoyo wangu unopfachuka mukuonga uhama hwedu hwechokwadi, hwomunyika yose. Ndichiri kuyeuka nokudisa hama dziya dzomuCleveland, dzose dzaiva vachena, idzo dzakandirera muzvokwadi. Uye sezvandakaona hama dzedu muUnited States yokumaodzanyemba, vose vari vaviri vachena navatema, vachitsiva mirangariro yavo yefungira mano yakaipa norudo rouhama rwomwoyo wose, mwoyo wangu wakafara. Ipapo, kuenda kuAfrica uye kuona zvakananga kuti Shoko raJehovha rinogona sei kubvisa ruvengo rwedzinza kwakandiita kuti ndinzwisise zvinotova zvikuru uhama hwedu hwomunyika yose.

Zvamazvirokwazvo, Mambo Dhavhidhi wekare akataura zvakanaka apo akati: “Tarirai, kunaka kwazvo nokufadza kwazvo kana hama dzichigara pamwe chete norugare.”—Pisarema 133:1.

[Mashoko Omuzasi]

a Mifanikiso yaAdera Teshome naHailu Yemiru inooneka papeji 177 ye 1992 Yearbook of Jehovah’s Witnesses; chinoitika chaWorku Abebe chinotaurwa pamapeji 178-81.

b Mifanikiso yaAdera Teshome naHailu Yemiru inooneka papeji 177 ye 1992 Yearbook of Jehovah’s Witnesses; chinoitika chaWorku Abebe chinotaurwa pamapeji 178-81.

c Mifanikiso yaAdera Teshome naHailu Yemiru inooneka papeji 177 ye 1992 Yearbook of Jehovah’s Witnesses; chinoitika chaWorku Abebe chinotaurwa pamapeji 178-81.

[Mufananidzo uri papeji 23]

Mariro ambuya vangu

[Mufananidzo uri papeji 24]

Zvapupu zvechiTutsi nechiHutu zvinoshandira pamwe chete murugare

[Mufananidzo uri papeji 25]

Nomudzimai wangu, Lois

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe