Usarega Ushoma Huchikuvadza Upenyu Hwako
USHOMA hunogona kukuvadza upenyu hwavakuru navaduku nenzira yakafanana. Anodaro munyori Judith Viorst mumagazini yeRedbook: “Ushoma hwakaita sedombo pamwoyo. . . . Ushoma hunotisiya tisina maturo uye takapera mwoyo. Ushoma hunoita kuti tinzwe somwana asina mai, segwayana rarasika, tiri vaduku kwazvo uye tarasika munyika yakakura kwazvo uye isingaitiri hanya.”—September 1991.
Kuparadzana neshamwari, mhoteredzo dzisina kurovedzeka, chatanuro, kufirwa, kana kuputsika mukurukurirano—marudzi ose ezvinhu anogona kukuita kuti uve noushoma. Kunyange apo vanenge vakapoteredzwa navamwe vanhu, vamwe vanova noushoma zvikuru.
Chii Chaunogona Kuita?
Kana ushoma hukarova, unofanira kungova zvako nyajambwa asina betsero here? Unogona kuita chinhu chipi nechipi kudzivisa ushoma kukukuvadza zvishoma nezvishoma kana kubvisa kuda kwako kurarama here? Zvamazvirokwazvo unogona. Zano rinobetsera zvikuru rinowanika. Uye zano rakanaka zvikuru rinopiwa muShoko rakafuridzirwa raMwari, Bhaibheri. Kurudziro yakadaro ingava yaunoda chaizvo kurwisa ushoma.—Mateo 11:28, 29.
Ungakuwana kuchikurudzira, somuenzaniso, kurava pamusoro paRute, mukadzi muduku uyo aigara muMiddle East makore 3 000 apfuura. Akanga ari nyajambwa mukurusa woushoma. Apo murume wake akafa, akaenda navamwene vake kuzogara mumhoteredzo dzisina kurovedzeka dzaIsraeri. (Rute 2:11) Kunyange zvazvo akanga asingakwanisi kuva nemhuri yake nedzaichimbova shamwari uye akanga ari mutorwa munyika yechienzi, hapana chiratidzo muBhaibheri chokuti akarega ushoma huchimukurira. Unogona kurava nhau yake mubhuku reBhaibheri raRute.
Kufanana naRute, unofanira kuchengeta chimiro chendangariro chakanaka. Nzira yaunofunga nayo pamusoro pezvinhu uye zviitiko inogona kusimudzira ushoma. Ann, uyo kwamakore mana akatarisira baba vake muchirwere chinonetesa, anosimbisa ikoku. Apo vakafa akava noushoma zvikuru. “Ndakanzwa sokunge ndakanga ndiri munzvimbo isina chinhu, ndisina maturo chose chose—sokunge hapana munhu aindidazve,” anodaro. “Asi ndakatarisana neidi rokuti upenyu hwangu hwakanga zvino hwachinja, uye ndakaziva kuti kuti ndirwise ushoma hwangu ndaifanira kushandisa zvakazara migariro iyo zvino ndakanga ndava nayo.” Pane dzimwe nguva haugoni kuchinja migariro yako, asi kunobvira kuti unogona kuchinja chimiro chako chendangariro kwairi.
Kuramba wakabatikana mumubato unotusa haisati iri mhinduro yose kukurwisa ushoma, kunyange zvazvo kuchibetsera. Irene, uyo akava chirikadzi pashure pemwedzi mitanhatu bedzi yomuchato, akawana kuti ikoku kwakanga kuri kwechokwadi kwaari. “Ndakaona kuti ushoma hwakarova zvikurusa apo ndakanga ndakabatikana zvishomanene,” anodaro, “naizvozvo ndakaisa ngwariro pakubatanidzwa navamwe uye kuvabetsera kugonana nezvinetso zvavo.” Kubetsera vamwe kunounza mufarwa, uye vaKristu vane ushoma vanogona kuwana zvakawanda zvokuita mubasa raShe.—Mabasa 20:35; 1 VaKorinte 15:58.
Rega Shamwari Dzibetsere
The New York Times Magazine inorondedzera vana vane ushoma savakakuvadzwa na“maronda okusava neshamwari.” (April 28, 1991) Vanhu vane ushoma vakawanda, vose vari vaviri vaduku navakuru, vanonzwa vasina shamwari. Ibetsero chaiyoiyo, naizvozvo, kuva noushamwari hwechokwadi uhwo ungano yechiKristu inoitira hanya inogovera. Shanda nesimba kukudza boka rako reshamwari mukati meungano, uye dzirege dzikubetsere munzira dzipi kana dzipi dzadzinogona. Ichocho ndicho chinhu chimwe shamwari dziripo nokuda kwacho—kupa tsigiro munguva dzenhamo.—Zvirevo 17:17; 18:24.
Ngwarira, kunyanguvezvo, kuti nemhaka yamarwadzo emirangariro yako, ungakuita chaizvoizvo kwakaomera shamwari kukubetsera. Seiko? Munyori Jeffrey Young anotsanangura, kuti: “Vamwe vanhu vane ushoma . . . vanodzinga shamwari dzinobvira, kupfurikidza nokudzora kurukurirano kana zvimwe kupfurikidza nokutaura zvinhu zvisingafadzi kana zvisina kukodzera. Munzira yakati, vanhu vane ushoma husingaperi vanokuvadza ukama hwapedyo.”—U.S.News & World Report, September 17, 1984.
Padzimwe nguva, ungaita kuti zvinhu zvive zvakaipa zvikuru kupfurikidza nokuzviparadzanisa umene navamwe vanhu. Peter, murume ane makore ake ari muma 50, akaita ikoko. Pashure pokunge mudzimai wake afa, akazviwana amene achibva muna vamwe, kunyange zvazvo mukati-kati aida betsero yavo. “Mamwe mazuva,” anodaro, “ndaisagona chaizvo kushivira songaniro yavamwe, uye pashure penguva yakati ndakazviwana ndimene ndichizviparadzanisa navanhu.” Ikoku kunogona kuva kune ngozi. Nepo nhambo dzokuva woga dzichibetsera, kuzviparadzanisa kunokuvadza. (Zvirevo 18:1) Peter akaziva ikoku. Anoti: “Ndakakurira ikoku pakupedzisira, ndakatarisana nemamiriro ezvinhu zvangu, uye, nebetsero yeshamwari dzangu, ndakakwanisa kuvakazve upenyu hwangu.”
Usafunga, kunyanguvezvo, kuti vamwe vari murudzi rwakati rwomusengwa wokubetsera. Edza kusava anorayira. Nenzira inofadza gamuchira mutsa upi noupi unoratidzwa, uye ratidzira kuuonga. Asiwo yeuka iri zano rakanaka rinopiwa pana Zvirevo 25:17: “Rutsoka rwako ngarurege kuwanza kupinda paimba yowokwako; arege kuzoneta newe, akakuvenga.” Frances, uyo akatarisana noushoma hukuru apo murume wake akafa pashure pamakore 35 omuchato, anonzwa kuti nyevero yakadaro inokosha. “Iva ano mufungo muizvo unokarira,” anodaro, “uye usarayira zvakawandisa kuvamwe. Usava pamba pomumwe munhu nguva dzose uchitsvaka betsero.”
Jehovha Anoitira Hanya
Kunyange kana shamwari dzavanhu dzikakuodza mwoyo padzimwe nguva, unogona kungova naJehovha Mwari seShamwari yako. Iva nechokwadi chokuti anokuitira hanya. Chengeta chivimbo chako maari chakasimba, uye pfuurira kutsvaka utiziro muitiro hanya yake inodzivirira. (Pisarema 27:10; 91:1, 2; Zvirevo 3:5, 6) Rute muMoabhikadzi akaita ikoku uye akakomborerwa zvikuru. Chokwadi, akatova mukare waJesu Kristu!—Rute 2:12; 4:17; Mateo 1:5, 16.
Nguva dzose nyengetera kuna Jehovha. (Pisarema 34:4; 62:7, 8) Margaret akawana munyengetero kuva manyuko esimba guru mukugonana noushoma. Akagoverana muushumiri hwenguva yakazara nomurume wake kutozosvikira apo akafa akanga achiri murume muduku. “Nguva dzose ndaikuwana kwakanaka kunyengetera zvinonzwika ndokuudza Jehovha chinhu chiri chose, kutya uye zvinetso zvangu zvose,” anodaro. “Ikoko kwakandibetsera kuisa zvinhu mumurangariro wakarurama apo ushoma hwairova. Uye kuona Jehovha achipindura minyengetero iyoyo kwakandipa chivimbo.” Anobetserwa zvikuru nokutevera zano romuapostora Petro, rinoti: “Naizvozvo zvininipisei pasi poruoko rune simba rwaMwari, kuti akukudzei nenguva yakafanira; kandirai pamusoro pake kufunganya kwenyu kwose, nokuti iye unokuchengetai.”—1 Petro 5:6, 7; Pisarema 55:22.
Ukama hwakanaka naJehovha huchakubetsera kuchengeta chimwe chinhu chinowanzoraswa navanhu vane ushoma—kuzviremekedza. Apo murume wake akafa nekenza, munyori wenhau Jeannette Kupfermann akanyora nezve“mirangariro yokuzviremekedza kwakaderera uye kusava namaturo.” Akati: “Ndiko kunzwa uku kwokusava namaturo uko kunotungamirira chirikadzi dzakawanda kwazvo kukuora mwoyo kunodokuva kwokuzviuraya.”
Yeuka kuti Jehovha anokukoshesa zvikuru. Haafungi kuti hauna maturo. (Johane 3:16) Mwari achakutsigira sezvaakatsigira vanhu vake vaIsraeri munguva dzakapfuura. Akati kwavari: “Handina kukurasha; usatya, nokuti ndinewe; usavhunduka, nokuti ndiri Mwari wako; ndichakusimbisa, zvirokwazvo, ndichakubatsira; zvirokwazvo, ndichakutsigira noruoko rwangu rworudyi rwokururama.”—Isaya 41:9, 10.
Usapa Mwari Mhaka
Kupfuura zvose, usapa Mwari mhaka nokuda kwoushoma hwako. Jehovha haana mutoro. Chinangwa chake nguva dzose chave chiri chokuti iwe, uye rudzi rwose rwomunhu, mufarikanye ushamwaridzani hwakanaka, hunogutsa. Apo Mwari akasika Adhama, akati: “Hazvina kunaka kuti munhu agare ari woga; ndichamuitira mubatsiri wakamukwanira.” (Genesi 2:18) Uye izvozvo ndizvo izvo Mwari akaita apo akasika Evha, mukadzi wokutanga. Kudai kwakanga kusiri kupanduka kwaSatani, murume nomukadzi uye mhuri dzavakaita vangadai vasina kutongotambura ushoma.
Kubvumidza kwechinguvana kwaJehovha uipi, chokwadika, kwakabvumira ushoma kukura uye kumwe kutambura kuitika. Zvisinei, rangarira nenzira yakajeka kuti ikoku ndokwechinguvana. Miedzo youshoma inoratidzika kuva yakaoma zvishomanene kutsungirira apo inorangarirwa nebetsero yeizvo Mwari achakuitira munyika yake itsva. Munguvayi achakutsigira uye achakunyaradza.—Pisarema 18:2; VaFiripi 4:6, 7.
Kuziva ikoku kunogona kukupa simba. Apo Frances (adudzwa pakuvamba) akava chirikadzi, akawana nyaradzo huru mumashoko ePisarema 4:8, zvikurukuru usiku: “Ndichavata pasi norugare, ndibatwe nehope; nokuti ndimi moga Jehovha munondigarisa pakasimba.” Fungisisa mirangariro yakadai seiyo inowanwa mubhuku raMapisarema. Rangarira nzira iyo Mwari anokutarisira nayo, sezvinotaurwa paPisarema 23:1-3.
Vane Ushoma Vanogona Sei Kubetserwa?
Nzira huru yokubetsera nayo vane ushoma ndeyokuvaratidza rudo. Nguva nenguva Bhaibheri rinokurudzira vanhu vaMwari kuratidza rudo kumumwe nomumwe, zvikurukuru munguva dzomuedzo. “Kana ruri rudo pakati pavatendi, danai norudo rukuru,” akanyora kudaro muapostora Pauro. (VaRoma 12:10) Kutaura idi, Shoko rakafuridzirwa raMwari rinoti: “Rudo harutongoperi.” (1 VaKorinte 13:8) Unogona sei kuratidza rudo kuavo vane ushoma?
Panzvimbo pokuramba kana kufuratira vanhu vane ushoma, vanhu vanoitira hanya vanogona kuratidza chidakadaka chavo chikuru kupfurikidza nokuvabetsera nenzira yokushivira panguva ipi kana ipi apo kunobvira. Vanogona kuva somurume Jobho, uyo akati: “Nokuti ndairwira varombo vaichema, nenhererawo, nowaishayiwa mubatsiri. . . . Ndaiimbisa mwoyo wechirikadzi nomufaro.” (Jobho 29:12, 13) Vakuru vakagadzwa vari muungano yechiKristu uye shamwari dzinonzwira tsitsi vanogona kuita nenzira imwe cheteyo yomutsa kupfurikidza nokugovera zvinodikanwa zvikuru zvavanhu zvokunzwisisa, ushamwari, uye nyaradzo. Vanogona kuratidza kuzviisa munzvimbo yavamwe, uye padzimwe nguva vanogona kuita chinodikanwa chokutaura zvakavanzika.—1 Petro 3:8.
Kazhinji kazhinji, ndizvo zvinhu zviduku izvo shamwari dzinoitira vanhu vane ushoma zviri zvinokosha zvikuru. Somuenzaniso, apo mutendi biyedu anorasikirwa nomudikani murufu, zvakanaka zvakawanda zvinogona kuitwa kupfurikidza nezviito zvomutsa zvoushamwari hwechokwadi. Usazvidza tumutsa, sekokero kuzvokudya, kuteerera netsitsi, kana kurukurirano inokurudzira. Zvinhu izvi zvinobudirira zvikuru mukubetsera mumwe munhu kurwisa ushoma.—VaHebheru 13:16.
Sezvingabvira tose zvedu tichatambura nhambo dzoushoma panguva nenguva. Bva, ushoma hahufaniri kuva denda. Zadza upenyu hwako nemibato ine revo, inovaka. Rega shamwari dzibetsere apo dzinogona. Iva nechivimbo muna Jehovha Mwari. Sanorangarira chipikirwa chinokurudzira chakanyorwa paPisarema 34:19: “Wakarurama una ma[ta]mbudzo mazhinji; asi Jehovha unomurwira abude paari ose.” Tendeukira kuna Jehovha nokuda kwebetsero, uye usarega ushoma huchikuvadza upenyu hwako.
[Bhokisi riri papeji 24]
NZIRA DZOKURWISA NADZO USHOMA
▪ Ramba uri pedyo naJehovha
▪ Tsvaka nyaradzo kupfurikidza nokurava Bhaibheri
▪ Chengeta chimiro chendangariro chakanaka chechiKristu
▪ Ramba wakabatikana mumubato une revo
▪ Kudza boka rako reshamwari
▪ Ita kuti kuve nyore kuti shamwari dzibetsere
▪ Usazviparadzanisa umene, asi sakurira rudo rwoushamwari
▪ Iva nechivimbo chokuti Jehovha anokuitira hanya
[Bhokisi riri papeji 24]
NZIRA YAUNGABETSERANAYO VANE USHOMA
▪ Govera nzwisiso, ushamwari, uye nyaradzo
▪ Ita chinodikanwa chokutaura zvakavanzika
▪ Pfuurira mukuita tunhu tuduku tunobetsera
[Mufananidzo uri papeji 23]
Pasinei hapo nemigariro yake yakaoma, hapana chiratidzo chokuti Rute akarega ushoma huchikuvadza upenyu hwake