Bhaibheri—Chii Chiri Ukoshi Hwaro Chaihwoihwo?
“BHAIBHERI ndichakavanzika, bhuku risina kunzi rinzwisiswe,” anodaro mumwe saimba. Mumwe anotsinhira, kuti: “Ndinoziva kuti Bhaibheri ibhuku rinokosha, asi handizivi zvakawanda pamusoro paro. Rakaoma kunzwisisa.”
“VaKristu vakawanda vanoziva . . . zvishomanene pamusoro peBhaibheri,” yakadaro The Toronto Star. Mumwe mukadzi weKaturike akatsinhira, kuti: “Kuva neBhaibheri kunondiita ndinzwe zvakanaka. Rinounza rugare rwomukati.” “Bhaibheri rakafanana nekambasi inotungamirira munhu mugungwa rakaipa, rine madutu roupenyu kuenda kunzvimbo yekotsekano,” anodaro mumwe muredzi. Mumashoko eaichimbova muHindu, “Bhaibheri iShoko raMwari uye chipo kurudzi rwomunhu uye mushonga wokutambura kwomudzimu.”
Mirangariro pamusoro poukoshi hwechokwadi hweBhaibheri yakawanda uye yakasiyana-siyana. Chii, kunyanguvezvo, chiri ukoshi hwaro chaihwoihwo?
Bhaibheri ibhuku rinokosha zvikurusa nerinoparadzirwa zvikuru riripo. Mukati mamapeji aro mune mhinduro kuzvinetso zvinokangaidza zvikurusa izvo munhu akawana kana achigere kutarisana nazvo. Kushanda kwezano raro hakuenzaniswi. Mipimo yetsika iyo rinotsigira haipfuurwi. Shoko raro rine simba uye rinobetsera. Iri bhuku roukoshi husingaenzaniswi rakafanirwa nokutorwa pamasherufu edu ndokusanopiwa ngwariro nenzvero.
Tinogona kuzarura Bhaibheri nechivimbo chakazara chokuti iro rakarurama, rakavimbika, uye nderechokwadi chose. Zviitiko zvenhau zvakanyorwa mariri zvinosimbiswa nenhau yenyika. Kazhinji kazhinji, zviwanwa zvevozvoruzivo rwokuchera matongo zvinotsigira kuti Bhaibheri rakavakirwa pamaidi uye nderezvokwadi. Uchokwadi hwavanyori veBhaibheri 40 kana kupfuura hunovaratidzira savanhu vokutendeseka neperero. Tsinhirano yomukati yeBhaibheri inoratidzira kuti harina kuvambwa navanhu. Zviitiko zvakanyorwa mariri zviitiko chaizvoizvo. Vanhu avo rinotaura pamusoro pavo vanhu chaivoivo. Nzvimbo nenharaunda kwarinonongedzera kwazviri zvinhu chaizvoizvo. Kupfuurirazve, Bhaibheri rine uporofita hwakatanhamara uhwo hunozivisa nenzira isingarambwi Jehovha Mwari soMunyori weBhaibheri.—2 Petro 1:21.
Murayiridzi wedu Mukuru akava nechokwadi chokuti zivo yokuda kwake nezvinangwa yaizova inowanika kuavo vaida kuziva nezvezvakadaro. Kutaura idi, Jehovha anotiudza mumutauro wakajeka kuti kuda kwake kuti marudzi ose avanhu afunde Shoko rake ndoku“svika pazivo yakarurama yezvokwadi.” (1 Timotio 2:3, 4, NW; Zvirevo 1:5, 20-33) Ichi ndichimwe chezvinhu zvinokosha zvikurusa zvatinogona kuita noupenyu hwedu. Idenho yatinosungirwa kutarisana nayo. VaKristu vapakuvamba vakanzwisisa ikoku. Mumwe wavo akasundwa kuti: “Ndizvo zvandinonyengetera, kuti rudo rwenyu rurambe ruchingowanda pakuziva nokunzwisisa kwose; kuti muidze kuti muzive zvinhu zvakanaka ndezvipi.”—VaFiripi 1:9, 10; VaKorose 1:9, 10.
Bhaibheri ndiwo mutoo mukurusa woMusiki wokupa nawo kuda kwake nechinangwa kumhuri yavanhu, uye rinotsanangura nzira iyo isu somunhu mumwe nomumwe tinokodzera nayo muchinangwa ichocho. Mariri makanyorwa zviitiko zvomunguva yakapfuura, uye rinopa chiono chakajeka chenguva yemberi. Bhaibheri rinoratidzira dzidziso yakarurama uye rinotiruramisa pamusoro pezvatinofanira kana zvatisingafaniri kudavira. (Mabasa 17:11; 2 Timotio 3:16, 17) Rinogovera mitemo yomufambiro iyo munhu anofanira kurarama maererano nayo, uye rinotungamirira vanhu munzira yebudiriro nomufarwa. (Mateo, maganhuro 5 kusvikira ku 7) Iro rinosimbisa Umambo hwaMwari setariro bedzi yorudzi rwose rwomunhu uye rinoratidza kuti hurumende yake mutoo sei wokutsvenesa nawo zita rake nokureverera uchangamire hwake. Bhaibheri rinotsanangura nzira yatinofanira kuronda kuti tifarikanye ukama hwapedyo, hune rudo noMupi woUpenyu wedu, Jehovha.
Kupfuurirazve, Bhaibheri ndiro bhuku bedzi richakutungamirira kumubayiro mukurusa rudzi rwomunhu ruchazombogamuchira—upenyu husingaperi muparadhiso yapasi savanhu vakakwana. (VaRoma 6:23) Mwanakomana waJehovha akaberekwa ari mumwe bedzi anotiudza, kuti: “Ikoku kunoreva upenyu husingaperi, kupinza kwavo zivo yenyu, Mwari bedzi wechokwadi, uye youyo wamakatuma, Jesu Kristu.” (Johane 17:3, NW) Zvirokwazvo bhuku roukoshi hukuru hwakadaro rinofanira kutisunda kudzidza zvatinofanira kuita kuti tiwane mubayiro woupenyu husingaperi. Bhaibheri ibhuku rakanzi rinzwisiswe, seizvo nyaya inotevera icharatidza.