RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 11/1 pp. 9-15
  • Jehovha—Baba Vedu Vanonzwira Tsitsi Nenzira Younyoro

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jehovha—Baba Vedu Vanonzwira Tsitsi Nenzira Younyoro
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Miganhu Kutsitsi dzouMwari
  • Tsitsi Nokuda Kwezita Rake
  • Kuratidzirwa Kukurusa Kwetsitsi
  • Apo Jesu Akanzwa Tsitsi
  • MienzanisoInotanhamarisa Tsitsi
  • Jehovha Anotonga Netsitsi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Iva Anonzwira Tsitsi Nenzira Younyoro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • “Tsitsi Huru dzaMwari Wedu”
    Swedera Pedyo naJehovha
  • Ivai “Netsiye Nyoro”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 11/1 pp. 9-15

Jehovha—Baba Vedu Vanonzwira Tsitsi Nenzira Younyoro

“Jehovha munyoro zvikuru muchidakadaka uye anonzwira tsitsi.”—JAKOBHO 5:11, NW, mashoko omuzasi.

1. Neiko vakaderera vachikweverwa kuna Jehovha Mwari?

CHISIKO chose chikuru kwazvo zvokuti vazivi venyeredzi havagoni kunyange kuvamba kuverenga mapoka enyeredzi acho ose. Boka redu renyeredzi, Gwara Renzou, iguru kwazvo zvokuti munhu haatombogoni kuvamba kuverenga nyeredzi dzaro dzose. Dzimwe nyeredzi, kufanana neAntares, dzakakura zvikuru nakane zviuru uye dzinojeka zvikuru nakane zviuru kupfuura zuva redu. Anofanira kuva nesimba zvakadini Musiki Mukuru wenyeredzi dzose dziri muchisiko chose! Zvirokwazvo, ndiye “unobudisa hondo yazvo yakawanda; iye unozvidana zvose namazita azvo.” (Isaya 40:26) Bva, Mwari mumwe cheteyu anotyisa “munyoro[wo] zvikuru muchidakadaka uye anonzwira tsitsi.” Zivo yakadaro inozorodza sei kuvabatiri vanozvininipisa vaJehovha, zvikurukuru kuna avo vanotambura chitambudzo, chirwere, kuora mwoyo, kana kuti dzimwe nhamo!

2. Mirangariro minyoro inowanzorangarirwa sei navanhu venyika ino?

2 Vazhinji vanorangarira mirangariro minyoro, zvikuru zvakadai so“unyoro nokunzwira tsitsi” zvaKristu, soutera. (VaFiripi 2:1) Vapesvedzerwa nouzivi hwemhindu mupindu, vanokurudzira vanhu kuzviisa vamene pokutanga kunyange kana kuchireva kukuvadza mirangariro yavamwe. Vatevedzerwi vakati muvaraidzo nemitambo ndivakakasharara vasingaburitsi misodzi kana kuti kuratidza chidakadaka chinyoro. Vamwe vatongi vezvamatongerwe enyika vanoita nenzira yakafanana. Muzivi wechiStoiko Seneca, uyo akadzidzisa mambo ane utsinye Nero, akasimbisa kuti “tsitsi utera.” Cyclopædia yaM’Clintock naStrong inoti: “Pesvedzero dzechiStoiko . . . dzinopfuurira kupesvedzera ndangariro dzavanhu kunyange munguva dzazvino uno.”

3. Jehovha akazvirondedzera amene sei kuna Mosesi?

3 Mukupesana, unhu hwoMusiki worudzi rwomunhu hunofadza. Iye akazvirondedzera amene kuna Mosesi mumashoko aya: “Jehovha, Jehovha, Mwari uzere nyasha nengoni, unononoka kutsamwa, une tsitsi huru nezvokwadi, . . . unovakanganwira zvakaipa zvavo nokudarika kwavo nezvivi zvavo, asi usingapembedzi munhu une mhosva.” (Eksodho 34:6, 7) Chokwadi, Jehovha akagumisa uku kuzvirondedzera kwake amene kupfurikidza nokusimbisa ruramisiro yake. Haasati achizohesvura vanotadza noune pachirango chakafanirwa. Zvisinei, anozvirondedzera amene kutanga kwazvose saMwari ane ngoni, chaizvoizvo “akazara nengoni.”

4. Ndeipi iri revo inofadza yeshoko rechiHebheru rinowanzoshandurwa kuti “ngoni”?

4 Pane dzimwe nguva shoko rokuti “ngoni” rinofungwa nezvaro bedzi mumufungo usina kutsauswa, wokutonga wokurega chirango. Zvisinei, kuenzaniswa kweshanduro dzeBhaibheri kunoburitsa revo inokosha yechipauro chechiHebheru chinotorwa muchiito ra·chamʹ. Maererano nedzimwe nyanzvi, revo yamanyuko aro ndi“kuva akapfava.” “Racham,” rinotsanangura kudaro bhuku rinonzi Synonyms of the Old Testament, “rinoratidzira murangariro mukuru nomunyoro wetsitsi, wakadai sounonyandurwa nechiono choutera kana kuti kutambura muna avo vanodiwa nesu kana kuti vanoda betsero yedu.” Dzimwe rondedzero dzinofadza dzeiri vara rinodikanwa dzinogona kuwanwa muInsight on the Scriptures, Vhoriyamu 2, mapeji 375-9.

5. Ngoni dzaiva pachena sei muMutemo waMosesi?

5 Tsitsi nyoro dzaMwari dziri pachena zvakajeka muMutemo waakapa kurudzi rwaIsraeri. Vasina chokuvayamura, vakadai sechirikadzi, nherera, uye varombo, vaifanira kubatwa nenzira yokunzwira tsitsi. (Eksodho 22:22-27; Revhitiko 19:9, 10; Dheuteronomio 15:7-11) Zvose, kubatanidza varanda nemhuka, zvaifanira kubetserwa neSabata revhiki nevhiki rezororo. (Eksodho 20:10) Kupfuurirazve, Mwari akacherekedza vanhu vamwe navamwe vakabata vanhu vakaderera nenzira younyoro. Zvirevo 19:17 inoti: “Unonzwira varombo tsitsi, unoposana naJehovha; uchamuripira basa rake rakanaka.”

Miganhu Kutsitsi dzouMwari

6. Neiko Jehovha akatuma vaporofita nenhume kuvanhu vake?

6 VaIsraeri vaizivikanwa nezita raMwari uye vainamata patembere muJerusarema, yakanga iri “imba kuzita raJehovha.” (2 Makoronike 2:4, NW; 2 Mak. 6:33) Pashure penguva yakati, zvisinei, vakasvika pakushivira unzenza, kunamata zvidhori, uye kuponda, vachiunza ruzvidzo rukuru pazita raJehovha. Mutsinhirano nounhu hwake hwokunzwira tsitsi, Mwari nenzira yokushivira akaedza kugadzirisa uyu mumiriro wezvinhu wakaipa pasina kuunza ngwavaira parudzi rwose. Iye “akatuma mashoko kwavari nenhume dzake, achifumira mangwanani achituma; nokuti wakanga ane tsitsi navanhu vake uye nenzvimbo yake; asi vakaseka nhume dzaMwari, vakazvidza mashoko ake, vakadadira vaporofita vake, kusvikira Jehovha atsamwira vanhu vake, kusvikira vasichagoni kurapwa.”—2 Makoronike 36:15, 16.

7. Apo tsitsi dzaJehovha dzakasvika muganhu wadzo, chii chakaitika kuumambo hwaJudha?

7 Kunyange zvake Jehovha achinzwira tsitsi uye achinonoka kutsamwa, apo kunenge kuri madikanwa iye anoratidza kutsamwa kwakarurama. Panguva iyeyo, tsitsi dzoumwari dzakanga dzasvika muganhu wadzo. Tinorava pamusoro pemigumisiro yacho, kuti: “Saka [Jehovha] wakauyisa mambo wavaKardhea kwavari, akauraya majaya avo nomunondo paimba yavo tsvene; haana kunzwira tsitsi kunyange jaya, kana musikana, kana mutana, kana wakachena vhudzi; wakavaisa vose muruoko rwake.” (2 Makoronike 36:17) Nokudaro Jerusarema netembere yaro zvakaparadzwa, uye rudzi rwakatapwa kuenda Bhabhironi.

Tsitsi Nokuda Kwezita Rake

8, 9. (a) Neiko Jehovha akazivisa kuti aizonzwira tsitsi zita rake? (b) Vavengi vaJehovha vakanyaradzwa sei?

8 Marudzi akapoteredza akafara pamusoro peiyi ngwavaira. Nenzira yokunyomba, iwo akati: “Ava ndivo vanhu vaJehovha, vakabuda panyika yake.” Achiziva uku kuzvidza, Jehovha akazivisa kuti: “[Ndichava netsitsi pazita, NW] rangu dzvene, . . . Zita rangu guru ndichariita dzvene, . . . marudzi achaziva kuti ndini Jehovha.”—Ezekieri 36:20-23.

9 Pashure pokunge rudzi rwake rwava rwuri muutapwa kwamakore 70, Mwari anonzwira tsitsi, Jehovha, akavasunungura ndokuvabvumira kudzokera ndokuvakazve tembere muJerusarema. Ikoku kwakanyaradza marudzi akapoteredza, ayo akatarira mukushamisika. (Ezekieri 36:35, 36) Nenzira inosuruvarisa, kunyanguvezvo, rudzi rwaIsraeri rwakawira zvakare mumiitiro yakaipa. MuJudha akatendeka, Nehemia, akabetsera kururamisa mumiriro wezvinhu. Mumunyengetero wapachena, akahwirudzura kubata kwaMwari norudzi rwacho kwokunzwira tsitsi, achiti:

10. Nehemia akasimbisa sei tsitsi dzaJehovha?

10 “Panguva yokutambudzika kwavo, pakuchema kwavo kwamuri, makavanzwa iko kudenga, netsitsi dzenyu zhinji mukavapa varwiri vakavarwira pamaoko avadzivisi vavo. Asi vakati vazorodzwa, vakaita zvakaipazve pamberi penyu; saka makavaregerazve mumaoko avavengi vavo, ivo vakavabata nesimba; kunyange zvakadaro pakudzoka kwavo, nokuchema kwavo kwamuri, makavanzwa kudenga, mukavarwira kazhinji netsitsi dzenyu; . . . Makava netsitsi navo makore mazhinji.”—Nehemia 9:26-30; onawo Isaya 63:9, 10.

11. Kupesanai kuripo pakati paJehovha navamwari vavanhu?

11 Pakupedzisira, pashure pokuramba nenzira youtsinye Mwanakomana waMwari anodiwa, rudzi rwechiJudha rwakarasikirwa nomumiriro wezvinhu warwo wakaropafadzwa nokusingaperi. Batano yaMwari yokuvimbika kwavari yakanga yagara makore anopfuura 1 500. Inomira souchapupu husingagumi kuidi rokuti Jehovha zvirokwazvo ndiMwari wengoni. Kupesana zvikuru kwakadini vanamwari vane utsinye uye vanamwari vasina mirangariro vakaitwa navanhu vanotadza!—Ona bhokisi riri papeji 8.

Kuratidzirwa Kukurusa Kwetsitsi

12. Chii chakanga chiri kuratidzirwa kukurusa kwetsitsi dzaMwari?

12 Kuratidzirwa kukurusa kwetsitsi dzaMwari kwakanga kuri kutumira kwake Mwanakomana wake anodiwa kupasi. Chokwadi, upenyu hwaJesu hwokuperera hwakaunza mufaro mukuru kuna Jehovha, huchimugovera mhinduro yakakwana kupomero dzenhema dzaDhiyabhorosi. (Zvirevo 27:11) Panguva imwe cheteyo, zvisinei, kufanira kuona Mwanakomana wake anodiwa achitambura rufu rwoutsinye norwunonyadzisa pasina panikiro kwakaparira Jehovha kurwadziwa kukuru zvikuru kupfuura uko mubereki upi noupi wounhu ati ambotsungirira. Chakanga chiri chibayiro chorudo zvikuru, chichizarura nzira yoruponeso rworudzi rwomunhu. (Johane 3:16) Seizvo Zakaria, baba vaJohane Mubhapatidzi, vakadeya kutaura, kwakakudza “tsitsi nyoro dzaMwari wedu.”—Ruka 1:77, 78, NW.

13. Jesu akaratidzira  unhu hwaBaba vake   munzirai inokosha?

13 Kutumirwa kwoMwanakomana waMwari kupasi kwakapawo rudzi rwomunhu chiono chakajeka zvikuru chounhu hwaJehovha. Zvakadaro sei? Mukuti Jesu akaratidzira zvakakwana unhu hwaBaba vake, zvikurukuru munzira yokunzwira tsitsi nenzira younyoro akabata nayo vakaderera! (Johane 1:14; 14:9) Muna ikoku, vanyori vatatu veEvhangeri Mateo, Marko, uye Ruka vanoshandisa chiito chechiGiriki, splag·khniʹzo·mai, chinobva mushoko rechiGiriki re“ura.” “Kubva mumanyuko aro amene,” inotsanangura kudaro nyanzvi yeBhaibheri William Barclay, “kunogona kuonwa kuti rinorondedzera kwete ngoniwo zvadzo kana kuti tsitsi, asi murangariro unosunda munhu kusvikira pasi pamene pokuva munhu kwake. Ndiro shoko rakasimba zvikurusa muchiGiriki rokunzwira tsitsi.” Rinoshandurwa zvakasiyana-siyana so“kunzwa tsitsi” kana kuti “kusundwa netsitsi.”—Marko 6:34; 8:2, NW.

Apo Jesu Akanzwa Tsitsi

14, 15. Muguta reGarirea, Jesu anosundwa sei netsitsi, uye ikoku kunoratidzirei?

14 Chiono chacho iguta reGarirea. Murume “ana maperembudzi muviri wose” anosvika Jesu pasina nyevero yomuitiro. (Ruka 5:12) Jesu anomutsiura nenzira yakaipa here nokuda kwokusadanidzira, kuti “Ndakaipa, ndakaipa!” sezvaidiwa nomutemo waMwari? (Revhitiko 13:45) Aiwa. Panzvimbo pezvo, Jesu anoteerera kuteterera kwokupererwa nezano kwomurume wacho: “Kana muchida, munogona kundinatsa.” “Amunzwira ngoni,” Jesu anosveerera uye anobata ana maperembudzi, achiti: “Ndinoda, chinatswa.” Utano hwomurume wacho hunodzorerwa pakare pakarepo. Jesu nokudaro anoratidzira kwete bedzi masimba ake anoshamisa akapiwa naMwari, asiwo kunzwira tsitsi kwounyoro uko kunomusunda kushandisa masimba akadaro.—Marko 1:40-42.

15 Jesu anofanira kusvikwa asati aratidza kunzwira tsitsi here? Aiwa. Pane imwe nhambo yapashure, anosangana nomudungwe wamariro uchibuda muguta reNaini. Pasina kupokana, Jesu akapupurira mariro mazhinji kare, asi aya anonzwisa urombo zvikuru. Nyakufa ndiye mwanakomana bedzi weimwe chirikadzi. “Amunzwira tsitsi,” Jesu anoisvika ndokuti: “Usachema.” Ipapo anoita chishamiso chakatanhamara chokumutsira mwanakomana wayo kuupenyu.—Ruka 7:11-15.

16. Neiko Jesu achinzwira tsitsi boka guru riri kumutevera?

16 Chidzidzo chinoshamisa chinodzidzwa muzviitiko zviri pamusoro apa ndechokuti apo Jesu ano“nzwira ngoni,” anoita chimwe chinhu chakanaka kubetsera. Paimwe nhambo gare gare, Jesu anonzvera mapoka makuru ayo anoramba achimutevera. Mateo anoshuma kuti “akavanzwira tsitsi, nokuti vakanga vaneta, varashwa, samakwai asina mufudzi.” (Mateo 9:36) VaFarise vanoita zvishomanene kugutsa nzara yomudzimu yavanhuwo zvavo. Panzvimbo pezvo, vanoremedza vanhu vanozvininipisa nemirau mizhinji isiri madikanwa. (Mateo 12:1, 2; 15:1-9; 23:4, 23) Murangariro wavo wavanhuwo zvavo wakaziviswa apo vakati nezvaavo vakateerera Jesu: “Asi vanhu ava vazhinji, vasingazivi murayiro, vakatukwa.”—Johane 7:49.

17. Tsitsi dzaJesu nokuda kwamapoka dzinomusunda sei, uye inhungamiroi yakafara yaakagovera ipapo?

17 Mukupesana, Jesu anosundwa zvikuru nomumiriro wezvinhu womudzimu wakaipa wamapoka. Asi pane vanhu vazhinji zvikuru vanofarira kuti iye avape tarisiro yomunhu oga. Naizvozvo anoudza vaapostora vake kuti vanyengeterere vashandi vazhinji. (Mateo 9:35-38) Mutsinhirano neminyengetero yakadaro, Jesu anotuma vaapostora vake neshoko, rokuti: “Ushe hwokudenga hwaswedera.” Mirayiridzo yakapiwa panhambo iyeyo yakabatira senhungamiro inokosha nokuda kwavaKristu kusvikira nanhasi. Pasina kupokana, mirangariro yaJesu yetsitsi inomusunda kugutsa nzara yomudzimu yorudzi rwomunhu.—Mateo 10:5-7.

18. Jesu anoita sei apo mapoka anovhozhokera kuva kwake oga, uye chidzidzoi chatinodzidza muna ikoku?

18 Pane imwe nhambo, Jesu zvakare anoitira hanya nokuda kwezvinodikanwa zvomudzimu zvamapoka. Nguva ino iye navaapostora vake vaneta pashure peshanyo yokubatikana yokuparidza, uye vanotsvaka nzvimbo yokuzorora. Asi vanhu vanovawana nokukurumidza. Panzvimbo pokushatiriswa kwaJesu nouku kuvhozhokera kuva kwavo voga, Marko anonyora kuti “akavanzwira tsitsi.” Uye chii chakanga chiri chikonzero chokunzwira tsitsi kukuru kwaJesu? “Vakanga vakafanana namakwai asina mufudzi.” Zvakare, Jesu anoita chiito pakunzwira tsitsi kwake uye anotanga kudzidzisa mapoka “zvoushe hwaMwari.” Hungu, akasundwa zvikuru kwazvo nenzara yavo yomudzimu zvokuti akarega kuzorora kwaidikanwa kuti avadzidzise.—Marko 6:34; Ruka 9:11.

19. Kuitira hanya kwaJesu mapoka kwakatambanuka sei kutopfuura zvinodikanwa zvavo zvomudzimu?

19 Nepo aiitira hanya zvikuru pamusoro pezvinodikanwa zvomudzimu zvavanhu, Jesu haana kutongofuratira zvinodikanwa zvavo zvikuru zvokunyama. Panhambo imwe cheteyo, iyewo “akaporesa vakanga vachida kuporeswa.” (Ruka 9:11) Pane imwe nhambo yapashure, mapoka akanga ave ainaye kwenguva refu, uye akanga ari kure nokumusha. Achiziva chinodikanwa chavo chokunyama, Jesu akati kuvadzidzi vake: “Ndine tsitsi navanhu vazhinji ava, nokuti atova mazuva matatu avakagara neni vasina zvavangadya; handidi kuvaendisa vane nzara, zvimwe vangaziya panzira.” (Mateo 15:32) Jesu zvino anoita chimwe chinhu kudzivisa kutambura kunobvira. Iye nenzira inoshamisa anogovera zviuru zvavarume, vakadzi, uye vana zvokudya zvinogadzirwa nezvingwa zvinomwe uye hove duku shomanene.

20. Chii chatinodzidza muchiitiko chakapedzisira kunyorwa chokusundwa kwaJesu netsitsi?

20 Chiitiko chokupedzisira chakanyorwa chokusungwa kwaJesu netsitsi chiri parwendo rwake rwokugumisira kuJerusarema. Mapoka makuru ari kufamba naye kunochengeta Paseka. Panzira pedyo neJeriko, mapofu maviri anopemha anoramba achidanidzira, kuti: “Ishe . . . tinzwirei ngoni!” Mapoka anoedza kuvanyaradza, asi Jesu unovadana ndokubvunza chavanoda kuti aite. “Ishe, kuti meso edu asvinudzwe,” anoteterera. Noku“nzwira tsitsi,” anobata maziso avo, uye vanoona. (Mateo 20:29-34) Chidzidzo chinokosha zvakadini chatinodzidza muna ikoku! Jesu odokupinda muvhiki yokupedzisira youshumiri hwake hwapasi. Ane basa zhinji rokuti apedze asati atambura rufu rwoutsinye pasimba ravamiriri vaSatani. Bva, haabvumiri dzvinyiriro yeiyi nguva inokosha kutsvikinyidzira kunze kunzwira kwake tsitsi unyoro zvinodikanwa zvinokosha zvishomanene zvavanhu.

MienzanisoInotanhamarisa Tsitsi

21. Chii chinoratidzirwa nokudzima kwatenzi chikwereti chikuru chomuranda wake?

21 Chiito chechiGiriki splag·khniʹzo·mai, chakashandiswa munhoroondo idzi dzoupenyu hwaJesu, chinoshandiswawo mumitatu yemienzaniso yaJesu. Mune imwe nhau muranda anokumbira nguva kuti abhadhare chikwereti chikuru. Tenzi wake, a“munzwira tsitsi,” anodzima chikwereti chacho. Ikoku kunoratidzira kuti Jehovha Mwari akaratidza tsitsi huru mukudzima chikwereti chikuru chechivi nokuda kwomuKristu mumwe nomumwe anoshandisa kutenda muchibayiro chorudzikinuro chaJesu.—Mateo 18:27; 20:28.

22. Mufananidzo womwanakomana anopambadza unoratidzirei?

22 Ipapo kune nhau yomwanakomana anopambadza. Yeuka chinoitika apo mwanakomana akasindimara anodzokera kumusha. “Wakati achiri kure, baba vake vakamuona, vakamunzwira tsitsi, vakamhanya, ndokumufungatira, nokumusveta.” (Ruka 15:20) Ikoku kunoratidza kuti apo muKristu uyo akava akasindimara anoratidza rupfidzo rwapachokwadi, Jehovha achamunzwira tsitsi uye anogamuchira nounyoro munhu iyeyo. Nokudaro, neiyi mienzaniso miviri, Jesu anoratidza kuti Baba vedu, Jehovha, “munyoro zvikuru muchidakadaka uye anonzwira tsitsi.”—Jakobho 5:11, NW mashoko omuzasi.

23. Chidzidzoi chatinodzidza mumuenzaniso waJesu womuSamaria ane mutsa?

23 Kushandiswa kwokuenzanisira kwechitatu kwasplag·khniʹzo·mai kune chokuita nomuSamaria anonzwira tsitsi uyo aka“nzwira tsitsi” mumiriro wezvinhu wakaipa womuJudha uyo akanga apambwa akasiyiwa odokufa. (Ruka 10:33) Achiita chiito pauku kunzwa, muSamaria akaita zvose zvaaigona kubetsera muenzi. Ikoku kunoratidzira kuti Jehovha naJesu vanokarira vaKristu vechokwadi kutevera muenzaniso wavo mukuratidzira unyoro netsitsi. Dzimwe dzenzira dzatinogona kuita nadzo ikoku dzichakurukurwa munyaya inotevera.

Mibvunzo Mukuhwirudzura

◻ Kuva ane ngoni kunorevei?

◻ Jehovha akaratidza sei tsitsi nokuda kwezita rake?

◻ Chii chiri kuratidzirwa kukurusa kwetsitsi?

◻ Jesu anoratidzira unhu hwaBaba vake munzirai yakatanhamara?

◻ Chii chatinodzidza muzviito zvokunzwira tsitsi zvaJesu uye mumienzaniso yake?

[Bhokisi riri papeji 12, 13]

KUTAURA KWAKAJEKA KWO“KUTARISIRA KWORUDO KWOUNYORO”

“MAIWE! ura hwangu, ura hwangu!” akachema kudaro muporofita Jeremia. Akanga achinyunyuta nezvechirwere chamatumbu nemhaka yechimwe chinhu chakaipa chaakanga adya here? Aiwa. Jeremia akanga achishandisa shoko rechiHebheru rokufananidzira kurondedzera itiro hanya yake huru pamusoro pengwavaira yaiuya paumambo hwaJudha.—Jeremia 4:19.

Sezvo Jehovha Mwari ane tsitsi huru, shoko rechiHebheru re“ura,” kana kuti “matumbu” (me·ʽimʹ), rinoshandiswawo kurondedzera mirangariro yake minyoro. Somuenzaniso, makumi amakore mazuva aJeremia asati asvika, umambo hwendudzi dzine gumi hwaIsraeri hwakatapwa namambo weAsiria. Jehovha akabvumidza ikoku sechirango nokuda kwokusatendeka kwavo. Asi Mwari akavakanganwa vari muutapwa here? Aiwa. Akanga achakabatanidzwa navo zvikuru sorutivi rwavanhu vake vesungano. Achinongedzera kwavari nezita rendudzi yakatanhamara Efraimi, Jehovha akabvunza, kuti: “Ko Efraimi ndiye mwanakomana wangu unodikanwa here? Ndiye mwana unondifadza here? Nokuti nguva dzose kana ndichimutuka, ndinoramba ndichimurangarira kwazvo; naizvozvo [ura hwangu, NW] unomuchemera; zvirokwazvo, ndichamunzwira nyasha—ndizvo zvinotaura Jehovha.”—Jeremia 31:20.

Kupfurikidza nokuti “[ura hwangu, NW] unomuchemera;” Jehovha akashandisa kutaura kwokufananidzira kurondedzera tsitsi dzake huru dzechidakadaka nokuda kwavanhu vake vakatapwa. Mubhuku yaro yetsinhiro pandima iyoyi, nyanzvi yeBhaibheri yezana ramakore rechi 19 E. Henderson yakanyora, kuti: “Hapana chinogona kukunda kuratidzirwa kunosiririsa kwokunzwa kwounyoro kwomubereki kune mupambadzi anodzoka, kuri kupiwa pano naJehovha. . . . Kunyange akanga ataura kudaro mukurwisana [navaEfraimi vanonamata zvidhori] ndokuvaranga . . . , haana kutongovakanganwa, asi, mukupesana, akafara mukukarira kupona kwavo kwokupedzisira.”

Shoko rechiGiriki re“matumbu,” kana kuti “ura,” rinoshandiswa nenzira yakafanana muMagwaro echiKristu echiGiriki. Apo rinenge risina kushandiswa chaizvoizvo, sapana Mabasa 1:18, rinonongedzera kumirangariro minyoro yechidakadaka kana kuti tsitsi. (Firemoni 12) Shoko racho pane dzimwe nguva rinobatanidzwa neshoko rechiGiriki rinoreva “kunaka” kana kuti “zvakanaka.” Muapostora Pauro naPetro vanoshandisa kutaura kwakabatanidzwa pakukurudzira vaKristu kuti va“nzwirane tsitsi,” chaizvoizvo “vanonzwira tsitsi.” (VaEfeso 4:32; 1 Petro 3:8) Shoko rechiGiriki re“matumbu” rinogonawo kubatanidzwa neshoko rechiGiriki pol·yʹ. Mubatanidzwa wacho unoreva chaizvoizvo “kuva namatumbu mazhinji.” Uku kutaura kwechienzi zvikuru kwechiGiriki kunoshandiswa kamwe bedzi muBhaibheri, uye kunonongedzera kuna Jehovha Mwari. New World Translation inopa iyi shanduro: “Jehovha munyoro zvikuru muchidakadaka.”—Jakobho 5:11, NW.

Tinofanira kuva vanoonga sei kuti munhu ane simba zvikurusa muchisiko chose, Jehovha Mwari, akasiyana kwazvo navamwari vane utsinye vakaitwa navanhu vasinganzwiri tsitsi! Mukutevedzerwa kwaMwari wavo ano“nzwira tsitsi nenzira younyoro,” vaKristu vechokwadi vanosundwa kuita nenzira yakafanana mukubata kwavo nomumwe nomumwe.—VaEfeso 5:1.

[Mufananidzo uri papeji 10]

Apo tsitsi dzoumwari dzakasvika muganhu wadzo, Jehovha akabvumira vaBhabhironi kukunda vanhu vake vakasindimara

[Mufananidzo uri papeji 11]

Kuona Mwanakomana wake anodiwa achifa kunofanira kuva kwakaparira Jehovha Mwari kurwadzwa kukurusa uko munhu upi noupi ati ambofanira kutambura

[Mufananidzo uri papeji 15]

Jesu akaratidzira zvakakwana unhu hwaBaba vake hwokunzwiratsitsi

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe