Vakafa Vari Kupi?
“PASI musika; denga musha wedu,” vanodaro vaYoruba veWest Africa. Iyi pfungwa inodzokororwa mumarudzidziso akawanda. Inopa murangariro wokuti pasi rakafanana nomusika watinoshanyira kwenguva pfupi uye ipapo toenda. Maererano neichi chitendero, parufu tinoenda kudenga, musha wedu wechokwadi.
Bhaibheri rinodzidzisa kuti vamwe vanoenda kudenga. Jesu Kristu akaudza vaapostora vake vakatendeka, kuti: “Mumba maBaba vangu mune nzvimbo zhinji dzokugara; . . . ndinoenda kundokugadzirirai pokugara. Kana ndaenda kundokugadzirirai pokugara, ndinozouyazve, ndikugamuchirei kwandiri; kuti apo pandiri, nemi mugovapowo.”—Johane 14:2, 3.
Mashoko aJesu haarevi kuti vanhu vose vakanaka vanoenda kudenga kana kuti denga ndiwo musha worudzi rwomunhu. Vamwe vanoendeswa kudenga maererano nokutonga papasi. Jehovha Mwari aiziva kuti hurumende dzavanhu hadzisati dzaizongotarisira nenzira inobudirira zvinhu pasi pano. Naizvozvo, akaronga hurumende yokudenga, kana kuti Umambo, uhwo pakupedzisira hwaizodzora pasi ndokurishandura kuva Paradhiso iyo akaronga pakutanga kuti rive. (Mateo 6:9, 10) Jesu aizova Mambo woUmambo hwaMwari. (Dhanieri 7:13, 14) Vamwe vaizosarudzwa vachibva pakati porudzi rwomunhu kuzotonga naye. Bhaibheri rakadeya kutaura kuti avo vanoendeswa kudenga vaizova “umambo navaprista kuna Mwari wedu” uye vaizo“tonga samadzimambo pamusoro papasi.”—Zvakazarurwa 5:10, NW.
Ndivanaani Vanoenda Kudenga?
Kurangarira basa guru iro ava vatongi vokudenga vaizova naro, hakushamisi kuti vaizofanira kusvitsa zvinodikanwa zvakakomba. Avo vanoenda kudenga vanofanira kuva nezivo yakarurama yaJehovha uye vanofanira kumuteerera. (Johane 17:3; VaRoma 6:17, 18) Ivo vanodikanirwa kutenda chibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu. (Johane 3:16) Bva, zvakawanda zvinobatanidzwa. Ivo vanofanira kudanwa ndokusarudzwa naMwari kupfurikidza noMwanakomana wake. (2 Timotio 1:9, 10; 1 Petro 2:9) Kupfuurirazve, ivo vanofanira kuva vaKristu vakabhapatidzwa vano“berekwa zvakare,” vanoberekwa nomudzimu waMwari mutsvene. (Johane 1:12, 13; 3:3-6, NW) Vanofanirawo kuchengeta perero kuna Mwari kutozosvikira parufu.—2 Timotio 2:11-13; Zvakazarurwa 2:10.
Mamiriyoni asingaverengeki avanhu akararama ndokufa haana kusvitsa izvi zvinodikanwa. Vakawanda vakava nomukana muduku wokudzidza pamusoro paMwari wechokwadi. Vamwe havana kutongorava Bhaibheri uye vanoziva zvishomanene kana kuti kusaziva chinhu pamusoro paJesu Kristu. Kunyange pakati pavaKristu vechokwadi pasi pano nhasi, vashomanene vakasarudzwa naMwari nokuda kwoupenyu hwokudenga.
Somugumisiro, nhamba yaavo vanoenda kudenga yaizova duku zvikuru. Jesu akanongedzera kuvakadaro se“boka duku.” (Ruka 12:32, NW) Gare gare, kwakaziviswa kumuapostora Johane kuti avo “vakadzikinurwa vachibva panyika” kuti vatonge naKristu mudenga vaizosvika 144 000 bedzi. (Zvakazarurwa 14:1, 3; 20:6) Apo vanoenzaniswa namabhiriyoni avanhu akararama pasi pano, iyoyo inhamba duku zvirokwazvo.
Avo Vasingaendi Kudenga
Chii chinoitika kuavo vasingaendi kudenga? Vari kutambura munzvimbo yakati yokutambudzwa kusingagumi here, sezvinodzidzisa mamwe marudzidziso? Chokwadika kwete, nokuti Jehovha ndiMwari worudo. Vabereki vane rudo havakandiri vana vavo mumwoto, uye Jehovha haatambudzi vanhu nenzira yakadaro.—1 Johane 4:8.
Kariro yavoruzhinji zvikuru vaavo vakafa rumuko kuparadhiso yapasi. Bhaibheri rinotaura kuti Jehovha akasika pasi kuti “rigarwe.” (Isaya 45:18) Wezvamapisarema akazivisa, kuti: “Kudenga denga ndiko kudenga denga kwaJehovha; asi pasi wakapa vanakomana vavanhu.” (Pisarema 115:16) Ndiro pasi, kwete denga, iro richava musha wechigarire worudzi rwomunhu.
Jesu akadeya kutaura, kuti: “Nguva inouya, nayo vose vari mumabwiro vachanzwa inzwi rake [iro raJesu, “Mwanakomana womunhu”], vachabuda.” (Johane 5:27-29) Muapostora wechiKristu Pauro akasimbisa, kuti: “Ndine tariro kuna Mwari, . . . kuti kuchavapo kumuka kwavakafa kwavakarurama navasakarurama.” (Mabasa 24:15) Ari padanda rokutambudzira, Jesu akapikira mutadzi anopfidza upenyu kupfurikidza norumuko achipinda muparadhiso yapasi.—Ruka 23:43.
Ndoupi, ipapoka, uri mugariro wazvino wavakafa avo vachamutsirwa kuupenyu pasi pano? Chiitiko muushumiri hwaJesu chinobetsera kupindura uyu mubvunzo. Shamwari yake Razaro yakanga yafa. Jesu asati aenda kundoimutsa, Iye akaudza vadzidzi Vake, kuti: “Razaro, hama yedu, wavata; asi ndinoenda, kuti ndimumutse pahope.” (Johane 11:11) Nokudaro Jesu akaenzanisa rufu nokurara, kurara kukuru kusina zviroto.
Kurara Murufu
Mamwe magwaro anotsinhirana nouyu mufungo wokurara murufu. Haadzidzisi kuti vanhu vane mweya usingafi uyo unopfuura uchienda kunzvimbo yemidzimu parufu. Panzvimbo pezvo, Bhaibheri rinoti: “Vakafa havana chavanoziva . . . Rudo rwavo, nokuvenga kwavo, negodo ravo, zvose zvanguva zvapera hazvo . . . Hakuna basa, kana zano, kana zivo, kana uchenjeri paSheori [guva] kwaunoenda.” (Muparidzi 9:5, 6, 10) Uyezve, wezvamapisarema akazivisa kuti munhu ano“dzokera pasi pake; nezuva iro mano ake anopera.”—Pisarema 146:4.
Aya magwaro anojekesa kuti avo vakarara murufu havagoni kutiona kana kuti kutinzwa. Ivo havakwanisi kuunza chikomborero kana kuti zvimwe ngwavaira. Ivo havasi mudenga, uyewo havagari munzanga yavakare. Havana upenyu, havapo.
Munguva yakafanira yaMwari, avo zvino vakarara murufu uye avo vari muyeuko yake vachamutsirwa kuupenyu muparadhiso yapasi. Richava pasi rakabviswa shatiso, nhamo, uye zvinetso izvo rudzi rwomunhu zvino runotambura. Iyoyo ichava nguva inofadza zvakadini! MuParadhiso iyoyo ivo vachava nekariro yokurarama nokusingaperi, nokuti Pisarema 37:29 rinovimbisa, kuti: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagaramo nokusingaperi.”
[Bhokisi riri papeji 6, 7]
NDAKAREGA KUNAMATA VAKAFA
“Apo ndakanga ndiri mukomana, ndaibatsira baba vangu mukati mezvibayiro zvavo zvenguva dzose kuna baba vavo vakafa. Pane imwe nhambo apo baba vangu vakanaya muchirwere chakaipa, svikiro rakavaudza kuti mukuonga kunaya kwavo vanofanira kupa chibayiro chembudzi, madhumbe, makola nut, uye ngandini kuna baba vavo vakafa. Baba vangu vakapiwawo zano rokufadza vakare vavo vakafa kuti vadzivise chimwe chirwere nengwavaira.
“Amai vangu vakatenga zvaidikanwa nokuda kwechibayiro chacho, icho chaifanira kuitirwa paguva rasekuru vangu. Guva racho rakanga riri parutivi chaipo peimba yedu, mutsinhirano netsika yomunzvimbomo.
“Shamwari, hama dzokunyama, uye vavakidzani vakakokwa kuzocherekedza chibayiro chacho. Baba vangu, vakapfeka zvakanaka kuti vakodzere nhambo yacho, vakagara pachigaro vakatarira nzvimbo umo madehenya anoverengeka embudzi dzakanga dzashandiswa nokuda kwezvibayiro zvekare akanga akarongwa. Basa rangu rakanga riri rokudurura waini ichibva mubhotoro ichipinda mutambura duku, iro ndakagamuchidza baba vangu. Ivowo, vakaidururira pasi muchibayiro. Baba vangu vakadana zita rababa vavo katatu ndokunyengetera kwavari nokuda kwokusunungurwa mungwavaira yomunguva yemberi.
“Makola nut akapiwa, uye gondohwe rakaurawa, kubikwa, uye kudyiwa navose vaivapo. Ndakagoverana mukudya ndokutambira kuimba nokuridzwa kwengoma. Baba vangu vakatamba zvakaisvonaka uye nesimba, kunyange zvazvo zvaioneka kuti vakanga vakwegura. Panhambo nenhambo vainyengetera kuti vakare vavo vakomborere vose vaivapo, apo vanhu, kubatanidza ini, takapindura kuti Ise, kureva kuti ‘Ngakuve kwakadaro.’ Ndakatarira baba vangu nefariro huru neyemuro ndokushuva zuva apo ndaizova akakura zvakakwana kuita zvibayiro kuvakare vakafa.
“Pasinei zvapo nezvibayiro zvakawanda zvaipiwa, rugare rwaingonzvenga mhuri yacho. Nepo kwaiva navanakomana vapenyu vatatu vaamai vangu, hapana nomumwe wavanasikana vatatu vakaberekwa navo vakararama kwenguva refu zvikuru; vose vakafa vari vana. Apo amai vangu vakava napamuviri zvakare, baba vangu vakaita zvibayiro zvakaisvonaka kuti mwana wacho aberekwe zvakanaka.
“Amai vakabereka mumwe mwanasikana. Makore maviri gare gare mwana wacho akarwara ndokufa. Baba vangu vakabvunza svikiro, iro rakataura kuti muvengi akaparira rufu rwacho. Svikiro rakataura kuti kuti ‘mweya’ womwana wacho udzorere, chidimbu chehuni chinopfuta mwoto, bhotoro rengandini, uye imbwa duku zvaidikanwa nokuda kwechibayiro chacho. Huni inopfuta mwoto yaifanira kuiswa paguva, ngandini yaifanira kusaswa paguva, uye imbwa duku yaifanira kuvigwa iri mhenyu pedyo neguva racho. Ikoku kwakafungidzirwa kuti kunomutsa mweya womusikana akafa kuti atsive rufu rwake.
“Ndakatakura bhotoro rengandini nechidimbu chehuni chinopfuta mwoto ndichienda kuguva racho, uye baba vangu vakatakura kutu, iyo vakaviga maererano nemirayidzo yesvikiro. Tose zvedu takadavira kuti mukati mamazuva manomwe mweya womusikana akafa waizoparadza munhu akaparira rufu rwake rusina kukodzera nguva. Mwedzi miviri yakapfuura, uye hapana rufu rwakashumwa munharaunda yacho. Ndakaodzwa mwoyo.
“Ndakanga ndine makore 18 okukura panguva yacho. Nokukurumidza pashure paikoko ndakasangana neZvapupu zvaJehovha, izvo zvakandiratidza muMagwaro kuti vakafa havagoni kuita zvakanaka kana kuti zvakaipa kuvapenyu. Sezvo zivo yeShoko raMwari yakakura mumwoyo mangu, ndakaudza baba vangu kuti handisati ndaizogonazve kuvaperekedza kundoita zvibayiro kuvakafa. Pakutanga vakanditsamwira nokuda kwokuvasiya, sokutaura kwavakaita. Asi apo vakacherekedza kuti ndakanga ndisingadi kuramba kutenda kwangu kwakanga kuchangobva kuwanwa, havana kushora kunamata kwangu Jehovha.
“Pana April 18, 1948, ndakaratidzira tsauriro yangu kupfurikidza norubhapatidzo rwomumvura. Chibviro chenguva iyeyo, ndakapfuurira kubatira Jehovha nokufara kukuru negutsikano, ndichibetsera vamwe kusununguka mukunamatwa kwavakare vakafa, avo vasingagoni kutibetsera kana kuti kutikuvadza.”—Yakapiwa naJ. B. Omiegbe, Benin City, Nigeria.
[Mufananidzo uri papeji 7]
Kuchava nomufaro mukuru apo vakafa vanomutswa muparadhiso yapasi