Jehovha Anogona Kukuita Kuti Uve Ane Simba
“Vanoziya unovapa simba; unoshaiwa simba unomuwedzerasimba rake.”—ISAYA 40:29.
1, 2. Chii chiri humwe ufakazi hwesimba guru raJehovha?
JEHOVHA ndiMwari “une simba guru.” Tinogona kuona chibvumikiso che“simba ra[Mwari] risingaperi nouMwari hwake” mukuisvonaka kwechisiko chake chinooneka. Avo vanoramba kubvuma ufakazi hwakadaro hwoUsiki hwake havapembedzwi.—Pisarema 147:5; VaRoma 1:19, 20.
2 Simba raJehovha rinova pachena nenzira inowedzera sezvo vasayendisiti vanonzvera zvikuru chisiko chose, namapoka acho enyeredzi asingaverengeki akareba zvikurusa. Pausiku hune rima asi hwakajeka, tarisa mumatenga ndokuona kana usati uchinzwa sezvakaita wezvamapisarema, akati: “Kana ndichicherekedza denga renyu rose, iro basa reminwe yenyu, mwedzi nenyeredzi zvamakarongedza; munhu chinyiko, zvamunomufunga? Nomwanakomana womunhu zvamunomushanyira?” (Pisarema 8:3, 4) Uye Jehovha akasanotarisira sei munhu, isu! Akagovera murume nomukadzi vokutanga musha wakaisvonaka wapasi. Kunyange ivhu raro rakanga rine simba—kuti rimere miti, richibereka zvokudya zvinovaka muviri, zvisina kusvibiswa. Munhu nemhuka zvinowana simba romuviri mune uku kuratidzirwa kwesimba raMwari.—Genesi 1:12; 4:12; 1 Samueri 28:22.
3. Kunze kwezvinhu zvinooneka zvechisiko chose, chiizve chinoratidzira simba raMwari?
3 Kunze kwokufadza kwamatenga nokufadza kwoupenyu hwemiti nemhuka hwapasi, zvinoratidzira kwatiri simba raMwari. Muapostora Pauro akanyora, kuti: “Nokuti kubvira pakusikwa kwenyika, izvo zvake zvisingaonekwi, iro simba rake risingaperi nouMwari hwake, zvinoonekwa kwazvo, zvichizikanwa pazvinhu zvakaitwa.” (VaRoma 1:20) Asi pane humwe ufakazi hwesimba rake hunofanirwa nengwariro yedu nenzwisiso. ‘Chii,’ ungashamisika, ‘chinoratidzira simba raMwari zvikuru kwazvo kupfuura chisiko chose?’ Mhinduro ndiJesu Kristu. Kutaura idi, mufuridzirwo muapostora Pauro anotaura kuti Kristu akaroverwa ndiye “simba raMwari, nouchenjeri hwaMwari.” (1 VaKorinte 1:24) ‘Neiko kwakadaro?’ ungabvunza kudaro, ‘Uye zvine chokuitai noupenyu hwangu iye zvino?’
Simba Kupfurikidza Nomwanakomana Wake
4. Simba raMwari rakaratidzwa sei pamusoro poMwanakomana wake?
4 Simba raMwari rakatanga kuratidzirwa paakasika Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, akaitwa mumufananidzo wake. Uyu Mwanakomana womudzimu akabatira Jehovha se“mhizha” kupfurikidza nokushandisa simba guru raMwari mukusika zvimwe zvinhu zvose. (Zvirevo 8:22, 30) Pauro akanyorera hama dzake dzechiKristu muKorose, kuti: “Maari zvinhu zvose zvakasikwa, zviri kudenga napanyika, zvinoonekwa nezvisingaonekwi, . . . zvinhu zvose zvakasikwa naye, zviripo nokuda kwake.”—VaKorose 1:15, 16.
5-7. (a) Munguva yakapfuura, vanhu vaibatanidzwa sei muratidzirwo dzesimba raMwari? (b) Chikonzeroi chiripo chokudavira kuti simba raMwari rinogona kuratidzirwa muchinoitika chavaKristu nhasi?
5 Tiri rutivi rwe‘zvinhu zvakasikwa pamusoro pepasi.’ Naizvozvo simba raMwari raigona kutambanudzirwa kunesu vanhu here? Eya, mukubata kwose kwaMwari navanhu vasina kukwana, Jehovha nguva nenguva akapa simba romuraudzo kuvabatiri vake kuitira kuti ivo vaite zvinangwa zvake. Mosesi aiziva kuti, kazhinji kazhinji, vanhu vasina kukwana vanorarama makore 70 kana kuti 80. (Pisarema 90:10) Zvakadiniko nezvaMosesi amene? Akararama kusvika makore 120 ezera, bva “meso ake akanga achigere kuonera madzerere, nesimba rake rakanga richigere kudedera.” (Dheuteronomio 34:7) Nepo ikoko kusati kuchireva kuti Mwari anogonesa mumwe nomumwe wavabatiri vake kurarama zvakareba kudaro kana kuti kuramba ane simba rakadaro, kunobvumikisa kuti Jehovha anogona kupa vanhu simba.
6 Chinoratidzazve mano aMwari okupa simba varume navakadzi ndichaakaita nomudzimai waAbrahama. “Sara wakapiwa simba rokutora mimba, kunyange akanga achembera, nokuti wakati iye wakamupikira wakatendeka.” Kana kuti rangarira kuti Mwari akapa sei simba vatongi navamwe muna Israeri: “Gidheoni, naBharaki, naSamsoni, naJefta, naDhavhidhi, naSamueri, navaporofita; avo . . . vakasimbiswa pautera.”—VaHebheru 11:11, 32-34.
7 Simba rakadaro rinogona kuva rinoshanda muchinoitika cheduwo. Haiwa, zvino tingasakarira mwana kupfurikidza nechishamiso, kana kuti hatingaratidzi simba seraSamsoni. Asi tinogona kuva vane simba, sezvakadudza Pauro kuvanhuwo zvavo muKorose. Hungu, Pauro akanyorera varume, vakadzi, uye vana, vakadai sevatinowana muungano nhasi, uye akataura kuti vakanga va“chisimbiswa nesimba rose.”—VaKorose 1:11.
8, 9. Muzana rokutanga ramakore, simba raJehovha rakaitwa sei kuti rive pachena pamusoro pavanhu vakaita sesu?
8 Mukati moushumiri hwaJesu hwapasi, Jehovha akakujekesa kuti simba rake rakanga richishanda kupfurikidza noMwanakomana wake. Somuenzaniso, panguva apo vazhinji-zhinji vakadirana kuna Jesu muKapernaume, “simba raShe rokuporesa rakanga rinaye.”—Ruka 5:17.
9 Pashure porumuko rwake, Jesu akavimbisa vateveri vake kuti vaizo‘gamuchira simba apo mudzimu mutsvene waizosvika pavari.’ (Mabasa 1:8) Kwaiva kwechokwadi sei! Wezvenhau anoshuma pamusoro pezvakaitika mazuva mashomanene pashure pePentekosta muna 33 N.V., kuti: “Vaapostora vaipupurira kumuka kwaJesu nesimba guru.” (Mabasa 4:33) Pauro amene akanga ari mumwe akaitwa kuti ave nesimba nokuda kwebasa iro Mwari akamutuma kuti aite. Pashure pokutendeutswa kwake nokuwana kuonazve, iye “wakaramba achisimbiswa, akakunda vaJudha vakanga vagere Dhamasko, achiratidza kuti Jesu ndiye Kristu.”—Mabasa 9:22.
10. Simba rakabva kuna Mwari rakabetsera sei muchakaitika chaPauro?
10 Zvirokwazvo Pauro aida simba romuraudzo, apo tinorangarira simba romudzimu nerendangariro raidikanwa kuita nzendo nhatu dzoufundisi dzaifukidza mazana amakiromita. Iye akashivirawo marudzi ose enhamo, achitsungirira kuiswa mutorongo nokutarisana nokufira kutendeka. Akakuita sei? Iye akapindura, kuti: “Ishe wakamira neni, akandisimbisa, kuti ndipedzise kwazvo kuparidza kwangu.”—2 Timotio 4:6-8, 17; 2 VaKorinte 11:23-27.
11. Pamusoro pesimba raMwari, itariroi iyo Pauro akanongedzera kwairi nokuda kwavabatiri biyake muKorose?
11 Hakushamisi, ipapo, kuti Pauro, paainyorera “hama [dzake] dzakatendeka muna Kristu” muKorose, akadzivimbisa kuti dzaigona ku“simbiswa nesimba rose [raJehovha], nesimba rokubwinya kwake, [va]ve nomwoyo murefu nomufaro.” (VaKorose 1:2, 11) Kunyange zvazvo mashoko iwayo akanga akanangidzirwa zvikurukuru kuvaKristu vakazodzwa, vose vanotevera mumakwara aKristu vanogona kubetserwa zvikuru nezvakanyorwa naPauro.
Kusimbiswa muKorose
12, 13. Chii chiri mumiriro wezvinhu wekare wetsamba yokuvaKorose, uye sezvingabvira chii chakanga chiri mhinduro kwairi?
12 Ungano yomuKorose, yaiva iri muruwa rweRoma rweAsia, sezvingabvira yakaumbwa nokuparidza kwomuKristu akatendeka ainzi Epafrasi. Kunoratidzika kuti apo akanzwa nezvokuiswa mutorongo kwaPauro muRoma munenge muna 58 N.V., Epafrasi akasarudza kushanyira muapostora wacho ndokumukurudzira nomushumo wakaisvonaka worudo nokutsiga zvehama dzake muKorose. Epafrasi sezvingabvira akarondedzerawo mushumo wechokwadi pamusoro pezvinetso zvakati zvaiva muungano yeKorose izvo zvaida kururamiswa. Uyewo, Pauro akanzwa akurudzirwa kunyorera ungano tsamba yekurudziro nerayiro. Iwewo ungawana kurudziro yakati muganhuro rokutanga retsamba iyeyo, nokuti rinojekesa kuti Jehovha anogona sei kuita kuti vabatiri vake vave vane simba.
13 Unogona kufungidzira kuti hama nehanzvadzi muKorose dzinofanira kuva dzakanzwa sei apo Pauro akadzirondedzera se“hama dzakatendeka muna Kristu.” Dzaifanira kurumbidzwa nokuda kwo‘rudo [rwadzo] nokuda kwavatsvene vose’ uye nokuda kwo‘kubereka chibereko chamashoko akanaka’ kuvambira panguva yavakava vaKristu! Kutaura kumwe cheteko kunogona kutaurwa nezveungano yedu, nezvedu somunhu oga here?—VaKorose 1:2-8.
14. Chii chakanga chiri chishuvo chaPauro pamusoro pavaKorose?
14 Pauro akasundwa kwazvo nomushumo waakagamuchira zvokuti akaudza vaKorose kuti akanga asina kurega kuvanyengeterera nokukumbira kuti ivo va“zadziswe nokuziva kwazvo kuda [kwaMwari], pakuchenjera nokunzwisisa kwose kwomweya; kuti [va]fambe zvinofanira Ishe.” Iye akanyengetera kuti ivo va“chibereka zvibereko pamabasa ose akanaka, [va]chikura pakuziva Mwari kwazvo; [va]chisimbiswa nesimba rose, nesimba rokubwinya kwake, [va]ve nomwoyo murefu, nomufaro.”—VaKorose 1:9-11.
Kusimbiswa Nhasiwo
15. Tinogona sei kuratidzira chimiro chendangariro chimwe chetecho sechakaratidzirwa mune izvo Pauro akanyora kuvaKorose?
15 Muenzaniso wakaisvonaka zvakadini Pauro akatigadzira! Hama dzedu kupota pasi dzinoda minyengetero yedu kuti dzitsungirire nokuchengeta mufaro wadzo pasinei zvapo nokutambura kwadzo. SaPauro, tinofanira kuva vakananga muminyengetero yedu apo tinowana mashoko okuti hama mune imwe ungano, kana kuti imwe nyika, dziri kuva nenguva dzakaoma. Kungava kuti ungano iri pedyo inotapurwa nengwavaira yomusikirwo kana kuti nhamo yomudzimu yakati. Kana kuti kungava kuti vaKristu vari kutsungirira munyika yasakadzwa nehondo yavagari vemo kana kuti kuurayana kwamadzinza. Mumunyengetero tinofanira kukumbira Mwari kuti abetsere hama dzedu kuti dzi“fambe sezvinofanira Ishe,” kuti dzipfuurire dzichibereka zvibereko zvoUmambo padzinenge dzichitsungirira, uye kuti dziwedzere muzivo. Munzira iyi vabatiri vaMwari vanogamuchira simba romudzimu wake, va“chisimbiswa nesimba rose.” Unogona kuva nechokwadi chokuti Baba vako vachanzwa ndokupindura.—1 Johane 5:14, 15.
16, 17. (a) Sezvakanyora Pauro, tinofanira kuva vanoonga nokuda kwei? (b) Vanhu vaMwari vakasunungurwa nokukanganwirwa mupfungwai?
16 Pauro akanyora kuti vaKorose vaifanira kunge vachi‘onga Baba vakavaita vakakodzera nokuda kwokutora rutivi munhaka yavatsvene muchiedza.’ Ngationgeiwo Baba vedu vokudenga nokuda kwenzvimbo yedu mugadziriro yavo, ingave munzvimbo yokudenga kana kuti yapasi yoUmambo hwavo. Mwari akaita sei kuti vanhu vasina kukwana vave vakakodzera mukurangarira kwake? Pauro akanyorera hama dzake dzakazodzwa, kuti: “Vakatisunungura pasimba rerima, vakatiisa muushe hwoMwanakomana worudo rwavo; watine dzikinuro maari, ndiko kukanganwirwa kwezvivi zvedu.”—VaKorose 1:12-14.
17 Ipi kana ipi ingava tariro yedu, yokudenga kana kuti yapasi, tinoonga Mwari zuva nezuva nokuda kwokununurwa kwedu mutsika ino yakaipa yerima, kunoitwa nokutenda kwedu mugadziriro inokosha yechibayiro chorudzikinuro choMwanakomana anodiwa waJehovha. (Mateo 20:28) VaKristu vakazodzwa nomudzimu vakabetserwa norudzikinuro ruri kushandiswa kwavari munzira chaiyo kuti vagone ku‘chinjirwa muumambo hwoMwanakomana worudo rwaMwari.’ (Ruka 22:20, 29, 30) Asi “mamwe makwai” anobetserwawo norudzikinuro kunyange zvino. (Johane 10:16) Anogona kugamuchira kukanganwira kwaMwari kuti ave nechimiro chakarurama pamberi pake seshamwari dzake. Ane goverano huru mukuzivisa “evhangeri iyi youshe” munguva ino yomugumo. (Mateo 24:14) Kupfuura izvozvo, ane tariro inoshamisa yokuva akarurama chose chose nokuva akakwana mumuviri, pamugumo woKutonga Kwamakore Ane Chiuru kwaKristu. Sezvaunorava rondedzero iri pana Zvakazarurwa 7:13-17, ona kana usingabvume kuti ikoku kwaizova chibvumikiso chokuva anoponeswa nokukomborerwa.
18. Iyananisoi yakadudzwa muna VaKorose iyo Mwari achiri kuita?
18 Tsamba yaPauro inotibetsera kuziva kuti tine musengwa mukuru sei kumunhu mukurusa ati amborarama. Mwari akanga ari kuitei kupfurikidza naKristu? “[Kwakanga kuri] kuti naye ayananise zvinhu zvose kwaari, amboita rugare neropa romuchinjikwa wake; naiye kunyange zviri panyika, kunyange zviri kudenga.” Chinangwa chaMwari ndechokudzorera chisikwa chose mutsinhirano yakakwana naye, sezvachakanga chiri kupanduka kusati kwaitika muEdheni. Munhu akashandiswa kusika zvinhu zvose ndiye Munhu mumwe cheteyo ari kushandiswa zvino kuita iyi yananiso.—VaKorose 1:20.
Kusimbiswa Nechinangwai?
19, 20. Kuva kwedu vatsvene navasina kushatswa kunotsamira pachii?
19 Mitoro inouya kuna avo vedu vakayananiswa naMwari. Pane imwe nguva takanga tichitadza uye takaparadzaniswa naMwari. Asi zvino, zvatakatenda chibayiro chaJesu nendangariro dzedu dzisisiri pamabasa akaipa, tinomira zvikurukuru mumumiriro wezvinhu mu“tsvene usina mhosva usina pomero pamberi pa[Mwari].” (VaKorose 1:21, 22, NW) Chimbofungidzira, sezvo chaizvo Mwari asina kunyadziswa nezvapupu izvozvo zvakatendeka zvakare, naizvozvo haanyadziswi nesu, kuti adanwe saMwari wedu. (VaHebheru 11:16) Nhasi, hapana anogona kutipomera zvisakarurama kutakura zita rake rakaisvonaka, kana kuti kuva kwedu vanotya kuzivisa zita iroro kumigumo yapasi!
20 Bva cherekedza nyevero iyo Pauro akabatanidza pana VaKorose 1:23: “Kana muchingorambira pakutenda, makateyiwa, mumire makasimba, musingabviswi patariro yeEvhangeri yamakanzwa, yakaparidzirwa zvisikwa zvose pasi pokudenga.” Zvakawanda kwazvo zvinotsamira pakuramba kwedu takatendeka kuna Jehovha, tichitevera mumakwara oMwanakomana wake anodiwa. Jehovha naJesu vakatiitira zvakawanda kwazvo! Ngatiratidzei rudo rwedu nokuda kwavo kupfurikidza nokutevera zano raPauro.
21. Neiko tine chikonzero chikuru chokufadzwa nhasi?
21 VaKristu veKorose vaifanira kuva vakafadzwa kunzwa kuti ‘mashoko akanaka avakanzwa’ akanga ato“paridzirwa zvisikwa zvose pasi pokudenga.” Nhasi kunotofadza zvikuru kunzwa ukuru kwahuri uko mashoko akanaka oUmambo ari kuziviswa neZvapupu zvinosanopfuura mamiriyoni mana nehafu munyika dzinopfuura 230. Chokwadi, gore rimwe nerimwe vanenge 300 000 vanobva mumarudzi ose vari kuva vanoyananiswa naMwari!—Mateo 24:14; 28:19, 20.
22. Kunyange kana tikatambura, Mwari anogona kutiitirei?
22 Kunyange zvazvo Pauro sezviri pachena akanga ari mutorongo panguva yaakanyora tsamba yacho kuvaKorose, haana kuchema mumiriro wake wezvinhu munzira ipi neipi. Panzvimbo pezvo, iye akati: “Ndinofara pakutambudzika kwangu nokuda kwenyu.” Pauro aiziva chakwaiva kuva “nomwoyo murefu, nomufaro.” (VaKorose 1:11, 24) Asi aiziva kuti haana kuita ikoku nesimba rake amene. Jehovha akanga amuita kuti ave ane simba! Ndizvimwe chetezvo nhasi. Zviuru zveZvapupu izvo zvakaiswa mutorongo nokutambudzwa hazvina kurasikirwa nomufaro wazvo mukubatira Jehovha. Panzvimbo pezvo, zvakasvika pakunzwisisa uchokwadi hwamashoko aMwari anowanwa pana Isaya 40:29-31, anoti: “Vanoziya unovapa simba; . . . vanomirira Jehovha vachawana simba.”
23, 24. Chii chiri chakavanzika chinoyera chinodudzwa pana VaKorose 1:26?
23 Ushumiri hwamashoko akanaka hwakanangidzirwa pana Kristu hwaikosha kwazvo kuna Pauro. Aida kuti vamwe vanzwisise ukoshi hwebasa raKristu muchinangwa chaMwari, naizvozvo akahurondedzera se“chakavanzika, chakanga chakafukidzwa kubvira pakutanga kwenguva nendudzi.” Chakanga chisingazovi chakavanzika nguva yose kunyanguvezvo. Pauro akawedzera, kuti: “Zvino chakaratidzwa vatsvene vake.” (VaKorose 1:26) Apo kupanduka kwakatanga muEdheni, Jehovha akapa chipikirwa chezvinhu zviri nani zvaizouya, achideya kutaura kuti ‘mbeu yomukadzi yaizopwanya musoro wenyoka.’ (Genesi 3:15) Ikoku kwakarevei? Kwezvizvarwa, kwamazana amakore, kwakaramba kuri chakavanzika. Ipapo Jesu akauya, uye iye “akabudisa pachena upenyu nokusaora nenzira yeEvhangeri.”—2 Timotio 1:10.
24 Hungu, “chakavanzika ichochi” chinonanga pana Kristu noUmambo hwouMesiya. Pauro akadudza “zviri kudenga,” achinongedzera kuna avo vachagoverana mukutonga naKristu. Ivava vachabetsera mukuunza zvikomborero zvisingatauriki kuzvose “zviri panyika,” avo vachafarikanya paradhiso isingaperi pano. Unogona kuona kuti kwakanga kwakakodzera sei, ipapo, kuti Pauro anongedzere kuku“bwinya kwechakavanzika ichochi.”—VaKorose 1:20, 27.
25. Sezvinoratidzirwa pana VaKorose 1:29, chii chinofanira kuva chimiro chedu chendangariro zvino?
25 Pauro aikarira nzvimbo yake muUmambo hwacho. Bva iye akaziva kuti chakanga chisiri chimwe chinhu chaaigona kukarira zvake akati dede. “Ndizvo zvandinobatirawo, ndichirwa, zvichiitwa nokubata kwake kunobata mukati mangu nesimba.” (VaKorose 1:29) Cherekedza kuti Jehovha, kupfurikidza naKristu, akaita kuti Pauro ave nesimba kuti aite ushumiri hunoponesa upenyu. Jehovha anogona kuita zvimwe chetezvo nokuda kwedu nhasi. Asi tinofanira kuzvibvunza timene, kuti ‘Ndine mudzimu wokuparidza evhangeri wandaiva nawo pandakatanga kudzidza zvokwadi here?’ Chii chiri mhinduro yako? Chii chinogona kubetsera mumwe nomumwe wedu kupfuurira ‘tichishanda zvakaoma uye tichizvishandisa timene maererano nokushanda kwesimba raJehovha’? Nyaya inotevera iri pamusoro penhau iyoyi imene.
Wacherekedza Here?
◻ Neiko tichigona kuva nechokwadi chokuti Jehovha anogona kuratidzira simba rake nokuda kwavanhu?
◻ Chii chiri mumiriro wezvinhu wekare wamashoko aPauro ari muna VaKorose ganhuro yokutanga?
◻ Mwari ari kuita sei yananiso inodudzwa pana VaKorose 1:20?
◻ Kupfurikidza nesimba rake, Jehovha anogona kuitei kupfurikidza nesu?
[Mepu/Mufananidzo uri papeji 8]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
KOROSE