RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • si pp. 226-228
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 51—VaKorose

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 51—VaKorose
  • “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ZVIRI MUBHUKU RAVAKOROSE
  • CHIKONZERO NEI RICHIBETSERA
  • Jehovha Anogona Kukuita Kuti Uve Ane Simba
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Batsira Vamwe Kuti Vafambe Zvakafanira Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Chengetai Kutenda Muna Mwari naKristu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Epafrasi—“Mushumiri Wakatendeka waKristu”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
Ona Zvimwe
“Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
si pp. 226-228

Bhuku reBhaibheri Nhamba 51—VaKorose

Munyori: Pauro

Nzvimbo Yakanyorerwa: Roma

Kunyora Kwakapedzwa: Munenge muna 60–61 C.E.

1. Taundi reKorose rakanga riri kupi?

VACHISIYA Efeso shure kwavo, varume vaviri vakaenda kumabvazuva vachipfuura nomuAsia Minor murutivi meRwizi rwaMaeander (Menderes). Pakusvika rukova runonzi Lycus, munyika yeFrigia, vakatendeukira kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kuti vatevere rwizi vachikwira nomumupata wakavharwa negomo. Pamberi pavo paiva nechiono chakaisvonaka: mafuro akasvibira akaorera ane mapoka makuru amakwai. (Zvinhu zvinogadzirwa nemvere zvakanga zviri manyuko makuru okuwana mari enharaunda yacho.a) Vachipfuurira kukwira mumupata wacho, vafambi vakapfuura, kurudyi, guta rakapfuma reRaodhikia, musimboti wokudzora kweRoma ruwa rwacho. Kuruboshwe kwavo, mhiri kworwizi, vaigona kuona Hierapolis, yakakurumbira nokuda kwetembere dzayo nezvitubu zvine mvura inopisa. Kwakanga kune ungano dzechiKristu mumaguta iwaya ose ari maviri uyewo muguta duku reKorose, makiromita anenge 10 nechokumusoro kwomupata wacho.

2. (a) Ndedzipi dzaiva nhume mbiri dzakatumwa naPauro kuKorose? (b) Chii chinozivikanwa pamusoro peungano yeKorose?

2 Korose ndiko kwakanga kuchiendwa navafambi vacho. Vose vari vaviri vakanga vari vaKristu. Mumwe wavo, zvichida, aisanoziva nharaunda yacho, sezvo akanga ari wokuKorose. Zita rake rakanga riri Onesimo, uye akanga ari muranda aidzokera kuna tenzi wake, uyo akanga ari mutezo weungano ikoko. Shamwari yaOnesimo akanga ari Tikiko, akasununguka, uye vose vari vaviri vakanga vari nhume dzakabva kumuapostora Pauro, dzine tsamba yakabva kwaari yakanyorerwa “hama dzakatendeka muna Kristu vari paKorose.” Sokuziva kwatinoita, Pauro haana kutongoshanyira Korose. Ungano yacho, iyo yakanga yakaumbwa zvikurukuru navaisava vaJudha, sezvinobvira yakavambwa naEpafrasi, uyo akanga ashanda pakati pavo uye uyo zvino akanga aina Pauro muRoma.—VaK. 1:2, 7; 4:12.

3. Tsamba yaVaKorose imene inozivisei pamusoro pomunyori, pamwe chete nenguva nenzvimbo zvokunyora?

3 Muapostora Pauro akanga ari munyori weiyi tsamba, sezvo iye anotaura mumashoko ayo okutanga neokupfiga. (1:1; 4:18) Mhedziso yake inotaurawo kuti iye akainyora ari mutorongo. Iyoyi ingava nguva yokuiswa kwake mutorongo kwokutanga muRoma, 59-61 C.E., apo iye akanyora tsamba dzakati kuti dzekurudziro, tsamba yokuvaKorose ichiva yakatumirwa pamwe chete neiyo yokuna Firemoni. (VaK. 4:7-9; Fir. 10, 23) Kunoratidzika kuti yakanyorwa inenge nguva imwe cheteyo netsamba yokuvaEfeso, sezvo pfungwa dzakawanda nezvitsama zvamashoko zviri zvimwe chetezvo.

4. Chii chinopupurira uchokwadi hwaVaKorose?

4 Hakuna zvikonzero zvokupanikira uchokwadi hwetsamba yokuvaKorose. Kuvapo kwayo nedzimwe tsamba dzaPauro muChester Beatty Papyrus Nha. 2 (P46) yemunenge muna 200 C.E. kunoratidza kuti yakagamuchirwa navaKristu vapakuvamba seimwe yetsamba dzaPauro. Uchokwadi hwayo hunopupurirwa nezviremera zvapakuvamba zvimwe chetezvo izvo zvinopupurira uchokwadi hwedzimwe tsamba dzaPauro.

5. (a) Chii chakasunda kunyora kwaPauro kuvaKorose? (b) Tsamba yacho inosimbisei?

5 Chii chakasunda Pauro kuti anyore tsamba yokuVaKorose? Kutanga, Onesimo akanga ari kudzokera kuKorose. Epafrasi akanga achangobva kukumbanira Pauro, uye pasina kupanikira mushumo wake pamusoro pamamirire ezvinhu kuKorose wakagovera chimwe chikonzero chetsamba yacho. (VaK. 1:7, 8; 4:12) Ngozi yakati yakatyisidzira ungano yechiKristu imomo. Marudzidziso ezuva racho akanga ari kuparadzika, uye marudzidziso matsva akanga ari kuumbwa nguva dzose kupfurikidza nokubatanidza mativi eekare. Kwakanga kune uzivi hwechihedheni hwaibatanidza kuzvinyima, kudavira midzimu, uye kutenda mashura kwokunamata zvidhori, uye izvozvi, zvakabatanidzwa nokurega kwechiJudha zvokudya nokuchengetwa kwamazuva, zvingave zvakatapura vamwe muungano. Chipi kana chipi chingave chaiva chinetso, chinoratidzika kuve chakanga chiri chikonzero chakakwana chokuti Epafrasi aite rwendo rurefu kuenda kuRoma kundoona Pauro. Zvisinei, kuti ungano yacho yose zvayo yakanga isiri mungozi yaiva pedyo kunoratidzirwa nomushumo unokurudzira waEpafrasi pamusoro porudo rwavo nokusimbisa. Pakunzwa mushumo wacho, Pauro akadzivirira zvakasimba zivo yakarurama nokunamata kwakachena kupfurikidza nokunyora iyi tsamba kuungano yeKorose. Yakasimbisa ukuru hwakapiwa naMwari hwaKristu mukutarisana nouzivi hwechihedheni, kunamatwa kwengirozi, uye magamuchidzanwa echiJudha.

ZVIRI MUBHUKU RAVAKOROSE

6. (a) Pauro anoita munyengeteroi nokuda kwavaKorose? (b) Pauro anokurukurei pamusoro penzvimbo yaJesu noushumiri pamusoro peungano?

6 Ivai nokutenda muna Kristu, musoro weungano (1:1–2:12). Pashure pekwaziso dzokuzarura dzinobva kuna Timotio naiye amene, Pauro anopa kuonga nokuda kwokutenda kwavaKorose muna Kristu uye nokuda kworudo rwavo. Vakaziva nezvemutsa usakafanirwa waMwari somugumisiro wokuparidza kwaEpafrasi mashoko akanaka pakati pavo. Kubvira pakunzwa mushumo pamusoro pavo, Pauro haana kurega kunyengetera kuti vagozadzwa ne“kuziva kwazvo kuda kwake, pakuchenjera nokunzwisisa kwose kwomweya; kuti [va]fambe sezvinofanira Ishe” uye kuti va“ve nomwoyo murefu nomufaro.” (1:9-11) Baba vakavapinza mu“ushe hwoMwanakomana worudo rwavo,” uyo ari mufananidzo waMwari asingaoneki, uye uyo zvinhu zvose zvakasikwa kupfurikidza naye uye nokuda kwake. Iye ndiye Musoro weungano nedangwe kubva kuvakafa. Kupfurikidza neropa raJesu, Mwari akaona kwakanaka kuyananisazve zvinhu zvose naiye amene, hungu, kubatanidza vaKorose vaichimbova vakaparadzaniswa, ‘chero bedzi, chokwadika, vachipfuurira mukutenda.’—1:13, 23.

7. Pauro ari kuparidzei, uye nokuda kwechinangwai?

7 Pauro anofara mukuzadza kutambura kwaKristu nokuda kweungano, iyo akava mushumiri wayo. Ikoku kwakanga kuri nokuda kwokuparidza zvizere nokuda kwenakirwo yavo shoko raMwari pamusoro pe‘chakavanzika chinoyera, pfuma ine mbiri iyo Mwari akafadzwa nayo zvino kuzivisa kuvatsvene vake.’ ‘NdiKristu watiri kuzivisa,’ anodaro Pauro, ‘tichirayira nokudzidzisa muuchenjeri hwose, kuti tigopa munhu ari wose akakwana muumwe naKristu.’—1:26-28.

8. Neiko Pauro achirwa nokuda kwehama dzake?

8 Kurwa kwaPauro nokuda kwavaKorose, vaRaodhikia, uye vamwe kuri nokuda kwokuti vagonyaradzwa uye vabatanidzwe pamwe chete nenzira ine tsinhirano murudo, nomurangariro wokuwana kwavo ‘zivo yakarurama yechakavanzika chinoyera chaMwari, ndiko kuti, Kristu, umo pfuma yose youchenjeri neyezivo yakasanovanzwa.’ Haadi kuvaona vachitsauswa nenharo dzinonyengetedza, asi, panzvimbo pezvo, vanofanira kuramba vachifamba muumwe naKristu, “[va]ne midzi y[avo] nokuvakwa kw[avo] maari, [va]kasimbiswa pakutenda.” Pauro zvino anozivisa nyevero. “Chenjerai, kuti murege kutapwa nomunhu nouchenjeri, nokunyengera kusina maturo, achitevera tsika dzavanhu.”—2:2, 3, 7, 8.

9. Pauro anonyevera pamusoro porudzii rwokunamata, uye neiko vaKorose vasingafaniri kuzviisa vamene pasi poMutemo?

9 Ivai vakafa kumabasa enyama asi vapenyu kuna Kristu (2:13–3:17). Kunyange zvazvo vakanga vakafa mukudarika kwavo uye kusadzingiswa, Mwari akavararamisa pamwe chete naKristu, achidzima gwaro rakanyorwa noruoko roMutemo, iro rakanga richirwisana navaJudha. “Naizvozvo munhu ngaarege kuvapo uno[va]tonga” pamusoro poMutemo kana kuti kuchengetwa kwawo, izvo zviri bedzi mumvuri wechinhu chaichoicho, Kristu. Uyewo, kana vakafa pamwe chete naKristu kuzvinhu zvokutanga zvenyika, neiko vachizviisa vamene pasi pemirayiro, inoti: “Usabata, usaravira, usagunzva,” maererano nemirayiro nedzidziso zvavanhu? Chimiro chokuzvitutumadza chokuzviitira chokunamata, kuzvininipisa kwokunyepedzera, kutambudzwa kwakakomba kwomuviri—izvozvi hazvikoshi mukurwisa zvishuvo zvenyama.—2:16, 21.

10. Munhu angaramba sei achitsvaka zvinhu zviri kumusoro ndokufuka unhu hutsva?

10 Panzvimbo pezvo, Pauro anopa zano, kuti: “Tsvakai zviri kumusoro, uko kuna Kristu, ugere kurudyi rwaMwari. Fungai zviri kumusoro, musafunga zviri pasi.” Ikoku kunogona kuitwa kupfurikidza nokubvisa unhu hwakare nokupfeka unhu hutsva, uhwo kupfurikidza nezivo yakarurama husingaiti mutsaukano wokunyama pakati pomuJudha nomuGiriki, nokuti “Kristu ndiye zvose, uye uri muna vose.” Kunoreva kupfeka “savasanangurwa vaMwari” zvidakadaka zvinyoro zvetsitsi, mutsa, kuzvininipisa, unyoro, uye mwoyo murefu. Muapostora anoti: “Ishe sezvaakakukanganwirai, muite saizvozvo nemiwo. Zvino pamusoro pezvinhu izvi zvose fukai rudo, ndicho chisungo chinokwanisa.” Mushoko kana kuti mubasa, chinhu chiri chose chinofanira kuitwa “nezita raShe Jesu, muchionga Mwari Baba naye.”—3:1, 2, 11-14, 17.

11. (a) Izanoi rinopiwa pamusoro pemhuri nohumwe ukama? (b) Ikwazisoi dzinopiwa mumhedziso?

11 Ukama navamwe (3:18–4:18). Pamusoro poukama hwemhuri, vadzimai ngavazviise pasi pavarume uye varume ngavade vadzimai vavo, vana ngavateerere vabereki uye madzibaba ngaarege kutsamwisa vana vavo. Varanda vanofanira kuteerera vatenzi vavo vachitya Jehovha, uye vatenzi vanofanira kubata nenzira yakarurama navaranda vavo. Vose ngavapfuurire mumunyengetero uye vanoramba vachifamba nouchenjeri kune avo vari kunze. Tikiko naOnesimo vacharondedzera kwavari pachavo zvinhu pamusoro paPauro navashandi biyake nokuda kwoUmambo hwaMwari. Vanotumira kwaziso kuKorose, uye Pauro anokwazisawo hama kuRaodhikia, achikumbira kuti vachinjane tsamba dzaari kutumira. Pauro anonyora kwaziso yokugumisa noruoko rwake amene: “Rangarirai kusungwa kwangu. Nyasha ngadzive nemi.”—4:18.

CHIKONZERO NEI RICHIBETSERA

12. Izvokwadii dzinozorodza idzo tsamba yaPauro kuvaKorose inogovera, uye nebetseroi kuungano?

12 Tinogona kufungidzira kuti mashoko pamusoro pokusvika kwehama mbiri dzichibva kuRoma akatenderera nokukurumidza sei pakati pehama kuKorose. Nekariro huru vaizoungana, sezvinobvira paimba yaFiremoni, kuti vanzwe kuraviwa kwetsamba yaPauro. (Fir. 2) Izvokwadi dzinozorodza zvakadini idzo iyo yakagovera pamusoro penzvimbo chaiyoiyo yaKristu nokudikanwa kwezivo yakarurama! Uzivi hwavanhu namagamuchidzanwa echiJudha zvakaiswa munzvimbo yazvo nenzira yakajeka sei, uye rugare neshoko zvaKristu zvakakwidziridzwa sei! Pano pakanga pane zvokudya zvendangariro nomwoyo zvavose muungano—vatariri, varume, vadzimai, madzibaba, vana, vatenzi, varanda. Zvirokwazvo kwakanga kune zano rakanaka raFiremoni naOnesimo sezvo vakapinda zvakare muukama hwatenzi nomuranda. Inhungamiro yakaisvonaka zvakadini yakapiwa kuvatariri mukudzorera boka kudzidziso yakarurama! Mashoko aPauro akawedzera sei kuonga kwavaKorose ropafadzo yavo yokushanda nomweya wose sokuna Jehovha! Uye zano rinovaka kuvaKorose pamusoro pokusununguka pamifungo inopinza muuranda nemiitiro zvenyika rinoramba riri seshoko benyu reungano nhasi.—VaK. 1:9-11, 17, 18; 2:8; 3:15, 16, 18-25; 4:1.

13. Pauro anorayirei pamusoro pamashoko enyasha, munyengetero, uye songaniro yechiKristu?

13 Zano rakaisvonaka romushumiri wechiKristu rinoratidzwa pana VaKorose 4:6: “Kutaura kwenyu ngakuve nenyasha nguva dzose, kwakarungwa nomunyu, kuti muzive kupindura mumwe nomumwe sezvamunofanira kuita.” Mashoko enyasha ezvokwadi achabvumikisa kuva anofadza kuvanhu vane mwoyo yakatendeseka uye achashanda kukubetserwa kwavo kwechigarire. Uyewo, munyengetero wokungwarira zvikuru womuKristu, unotaurwa uchibva mumwoyo unoonga, uchaunza zvikomborero zvikuru zvinobva kuna Jehovha: “Tsungirirai pakunyengetera, murinde pakuri nokuonga.” Uye mufaro wakadini nezorodzo inovaka zvinowanwa musonganiro yechiKristu! “Mudzidzisane, nokurayirana,” anodaro Pauro, “muimbire Mwari . . . mumwoyo menyu.” (4:2; 3:16) Uchawana zvimwe zvinokosha zvakawanda zvomurayiridzo wakanaka, unoshanda sezvaunonzvera tsamba yose yokuvaKorose.

14. (a) Muvirii unosimbiswa muna VaKorose? (b) Tariro yoUmambo inosimbiswa sei?

14 Pamusoro pokuchengetwa kwoMutemo, tsamba yacho inoti: “Izvi mumvuri wezvichauya; asi muviri ndowaKristu.” (2:17) Ndiwo uyu muviri waKristu unosimbiswa muna VaKorose. Tsamba yacho inonongedzera kazhinji kazhinji kutariro ine mbiri yakachengeterwa avo vari muumwe naKristu mumatenga. (1:5, 27; 3:4) Vanhu vakadaro vanogona kuva vanoonga zvikurusa kuti Baba vakatovanunura musimba rerima ndokuvaisa “muushe hwoMwanakomana worudo rwavo.” Nokudaro vakava pasi poUyo ari “mufananidzo waMwari usingaonekwi, dangwe rezvisikwa zvose; nokuti maari zvinhu zvose zvakasikwa, zviri kudenga napanyika, zvinoonekwa nezvisingaonekwi, kana zviri zvigaro zvoushe, kana ushe, kana vabati, kana masimba.” Iyeyu akakwaniriswa zvikuru kutonga mukururama muUmambo hwaMwari. Nokudaro, kunodaro kuti Pauro anopa zano vaKristu vakazodzwa, kuti: “Naizvozvo, kana makamutswa pamwe chete naKristu, tsvakai zviri kumusoro, uko kuna Kristu, ugere kurudyi rwaMwari.”—1:12-16; 3:1.

[Mashoko Omuzasi]

a The New Westminster Dictionary of the Bible, 1970, peji 181.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe