RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 1/1 pp. 20-23
  • Pfuma Inokosha Yokugoverana

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Pfuma Inokosha Yokugoverana
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Muenzaniso Unokurudzira Waamai
  • Kugoverana Pfuma Yedu Nguva Yakazara
  • Kuita Nharidzano
  • Merita neRibhiya
  • Mugove Mutsva
  • Nzvimbo Yeboka Ravane Maperembudzi
  • Vakasimbiswa Nepfuma
  • Jehovha Akandidzidzisa Kuita Kuda Kwake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Mutsa weMerita Unounza Zvikomborero
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Kuchengeta Meso Nemwoyo Zvakanangidzirwa Pamubayiro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Kutsunga Kuramba Ndichishumira Musiki Wangu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 1/1 pp. 20-23

Pfuma Inokosha Yokugoverana

YAKATAURWA NAGLORIA MALASPINA

Apo mutsetse wemhenderekedzo yegungwa weSicily wakanyangarika, murume wangu neni takavamba kunangidzira ngwariro yedu kwataienda, chitsuwa cheMediterranean cheMerita. Yakanga iri kariro inofadza zvakadini! Sezvo ngarava yakagura gungwa, takafunga nezvechakaitika chomuapostora Pauro paMerita mukati mezana rokutanga ramakore.—MABASA 28:1-10.

GORE racho rakanga riri 1953, uye Merita panguva iyeyo yaisaziva mubato wokuparidza weZvapupu zvaJehovha. Gore rakapera racho, takanga tapedza kufunda paWatchtower Bible School of Gilead uye takagoverwa kuItariya. Pashure penguva pfupi chete yokufunda chiTariyana, takanga todisa kuona chakanga chakatimirira paMerita.

Ini, mukadzi muduku, ndakasvika sei pakuva mufundisi wokuimwe nyika? Regai nditsanangure.

Muenzaniso Unokurudzira Waamai

Muna 1926, apo mhuri yedu yakanga ichigara muFort Frances, Ontario, Canada, amai vangu vakagamuchira bhukwana raMillions Now Living Will Never Die kumumwe Mudzidzi weBhaibheri (seizvo Zvapupu zvaJehovha zvaizivikanwa panguva iyeyo). Vakarirava nefariro huru, uye vhiki iyoyo imene vakapinda fundo yeBhaibheri yeboka, vachishandisa magazini yeWatch Tower. Amai vakanga vari muravi anodisa weBhaibheri, uye vakagamuchira shoko pamusoro poUmambo hwaMwari sepfuma yavakanga vave vachitsvaka. (Mateo 6:33; 13:44) Pasinei zvapo nechishoro chamasimba masimba chakabva kuna Baba, uye kunyange zvazvo vakanga vane vasikana vaduku vatatu vokutarisira, vakatsigira chavakanga vachidzidza.

Kutenda kusingazununguki kwaamai mukati mamakore 20 akatevera kwakandichengeta navakoma vangu vaviri, Thelma naViola, tichiziva nezvetariro inoshamisa youpenyu husingagumi munyika itsva yokururama. (2 Petro 3:13) Vakatarisana nemiedzo yakaoma yakawanda, asi hatina kutongopokana ururami hwenzira yavo yakasarudzwa.

Muna 1931, apo ndaingova namakore gumi bedzi, takatamira kupurazi kuchamhembe kweMinnesota, U.S.A. Ikoko takaparadzaniswa nesonganirano yenguva dzose neZvapupu zvaJehovha asi kwete nomurayiridzo weBhaibheri waibva kuna Amai. Basa ravo rokuzvipira sacolporteur, kana kuti mushumiri wenguva yakazara, rakandikurudzira kuda kuvakumbanira mubasa iroro. Muna 1938 vakoma vangu vaviri neni takaratidzira tsauriro yedu kuna Jehovha kupfurikidza nokubhapatidzwa pagungano muDuluth, Minnesota.

Pashure pokunge ndapedza kufunda pachikoro chapamusoro muna 1938, Amai vakandikurudzira kutora kosi yebhizimisi kuitira kuti ndigogona kuzvitsigira ndimene sapiyona (zita idzva racolporteur). Irori rakabvumikisa kuva zano rakanaka, zvikurukuru sezvo Baba vakasarudza kuenda nenzira yavo vamene ndokutisiya tiri toga.

Kugoverana Pfuma Yedu Nguva Yakazara

Pakupedzisira ndakatamira kuCalifornia, uye muna 1947, ndakavamba mubasa roupiyona muSan Francisco. Apo ndakanga ndakabatikana mubasa rinotangira kokorodzano yeGungano re“Kufutunuka Kwamarudzi Ose” muLos Angeles, ndakasangana naFrancis Malaspina. Nharidzano yedu tiri vaviri yebasa roufundisi yakatungamirira kukutanga kwoukama hworudo. Takachata muna 1949.

Muna September 1951, Francis neni takakokwa kukirasi yechi 18 yeGilead. Pazuva rokupedza kufunda, February 10, 1952, pashure pemwedzi mishanu yerovedzo yakakomba, nyika kwataizotumirwa dzakashevedzerwa munhevedzano yemaarufabheti napurezidhendi wechikoro chacho, Nathan H. Knorr. Apo akati, “Itariya, Hama naHanzvadzi Malaspina,” takanga tava kutofamba mundangariro dzedu!

Vhiki shomanene gare gare, takakwira ngarava muNew York nokuda kwerwendo rwamazuva gumi rwokuGenoa, Itariya. Giovanni DeCecca naMax Larson, vashandi vapadzimbahwe reBrooklyn, vakanga varipo pachiteshi chengarava kuti vatione tichienda. MuGenoa takagamuchirwa navafundisi vakanga vakarovedzana nezvakawanda zvakaoma zvokupinda munyika macho.

Tichifadzwa nechinhu chiri chose chakatipoteredza, takakwira chitima chokuBologna. Murangariro wedu pakusvika wakanga uri uya weguta richakashatiswa nokubhomba kweHondo yeNyika II. Asi kwaivawo nezvinhu zvakawanda zvinofadza, zvakadai sokunhuwira kusingadzivisiki kwekofi iri kugochwa uko kwakazadza mhepo yamangwanani uye kunhuwira kwezvinonhuwira kwemito yakaisvonaka yaigadzirirwa marudzi asingaverengeki epasta.

Kuita Nharidzano

Takatanga muushumiri nemharidzo yakadzidzwa nomusoro, uye taiipa kutozosvikira shoko racho ragamuchirwa kana kuti suo ravharwa. Chishuvo chokuzvitaurira timene chakatisunda kufunda mutauro wacho nokushingaira. Pashure pemwedzi mina, takagoverwa kumusha mutsva wavafundisi muNaples.

Iri guta hombe rakakurumbira nokuda kwezviono zvaro zvinoshamisa. Takafarikanya basa redu imomo, asi pashure pemimwe mwedzi mina, murume wangu akagoverwa kubasa redunhu, kana kuti rokufambira, achishanyira ungano kubva Roma kuenda Sicily. Pashure penguva yakati, takashanyirawo Merita uye kunyange Ribhiya muAfrica yokuChamhembe.

Nzendo nechitima kubva Naples kuenda Sicily mukati mamakore iwayo dzakanga dziri muedzo wetsungiriro yomuviri. Taikwira chitima chakati ndendende kuzara ndokumira munofambwa namo makatsvikinyidzanwa, pane dzimwe nguva kwamaawa matanhatu kusvikira kumasere. Zvisinei, kwakatipa mukana wakaisvonaka wokufunda avo vakanga vakatipoteredza. Kakawanda bhotoro hombe rakarukirwa kunze rewaini yakagadzirwa pamusha raibatira sechigaro chomwene waro, uyo panhambo nenhambo aishandisa zvomukati maro kupedza nyota yake mukati morwendo rurefu. Vakwiri vane ushamwari kazhinji kazhinji vaizvipira kugoverana chingwa chavo nesalami nesu, chiito chomutsa, chinofadza icho taionga.

MuSicily taigamuchirwa neshamwari dzaitakura masutukesi edu tichikwira gomo pamukwidza unopfuurira wamaawa matatu nehafu tichienda kuungano yaiva pamusoro. Kwaziso youshamwari yehama dzedu dzechiKristu yaitiita tikanganwe kuneta kwedu. Pane dzimwe nguva taitasva manyurusi aisagumburwa, asi hatina kutongotarira kumawere aiva pasi uko kukanganisa kutsika kuduku kwenyurusi kungadai kwakatiendesa. Kutsigira zvokwadi yeBhaibheri kwakasimba kwehama dzedu pasinei zvapo nenhamo dzadzo kwakatisimbisa, uye rudo rwatairatidzwa rwaitiita tionge kuva nadzo.

Merita neRibhiya

Tazadzwa zvikuru neyeuko dzehama dzedu muSicily, takaenda nengarava kuMerita. Muapostora Pauro akanga awana vanhu vane mutsa imomo, uye ndozvatakaitawo. Dutu muSt. Paul’s Bay rakatiita kuti tizive ngozi iyo ngarava duku dzaitarisana nayo muzana rokutanga ramakore. (Mabasa 27:39-28:10) Bva Ribhiya yakanga iri mberi. Taizogara sei muiyi nyika yeAfrica umo basa redu rakanga rakarambidzwa?

Zvakare takawana tsika yakasiyana chose. Zviono nezvinonzwika zveguta reTripoli zvakabata ngwariro yangu sezvataifamba mumigwagwa ine shongwe yomunharaunda yetaundi. Varume vaishandisa nguo dzakarukwa namakushe engamera kuti vazvidzivirire vamene pakupisa kukuru kweSahara Desert mukati mezuva uye pakutonhora kwousiku. Takadzidza kunzwisisa ndokuremekedza nzira iyo vanhu vanochinjira nayo kumamirire omugariro wokunze uko vanogara.

Shingairo yokungwarira yehama yakatidzidzisa zvakawanda pamusoro pokuvimba zvikuru naJehovha nokutevera mirayiridzo yaavo vanoziva zvikuru pamusoro pokuparidza mumamirire ezvinhu akadaro. Hama dzedu dzechiKristu dzaiva dzamarudzi akawanda; bva dzaishanda netsinhirano mubasa radzo kuna Jehovha.

Mugove Mutsva

Nemhaka yechishoro kubasa redu rokuparidza, taifanira kubva muItariya, asi takagamuchira nomufaro mugove mutsva wokuparidza muBrazil muna 1957. Francis neni takachinjira kuupenyu netsika, uye pashure pemwedzi misere, Francis akakokwa kuita basa redunhu. Taifamba nebhazi, nendege, uye netsoka. Iyi nyika hombe, yakaisvonaka yakazaruka pamberi pedu sechidzidzo mumamirire epasi.

Dunhu redu rokutanga rakabatanidza ungano gumi muguta reSão Paulo, pamwe chete namataundi gumi maduku mukati uye munharaunda yemhenderekedzo yegungwa yokumaodzanyemba yenyika yeSão Paulo. Makanga musina ungano mumataundi iwayo panguva yacho. Taiwana nzvimbo yokugara, uye pashure pokugadzikana, taishanyira imba neimba neshoko roUmambo. Taisiyawo kokero kukuratidzwa kweimwe yemafirimu edzidzo eWatch Tower Society.

Kukwira mubhazi nemafirimu, purojekita, transformer, mafaira, mabhuku, kokero, uye zvokudhindisa nazvo nzvimbo yokuratidzwa kwefirimu pakokero rakanga risiri basa duku. Kupfurikidza nokuenzanisa, sutukesi yedu duku yezvipfeko yakanga isiri chinhu chikuru. Purojekita yaifanira kuisirwa chakapfava pamadya pedu kuti igorega kuzununguka ndokupwanyika nemhaka yokufamba mumigwagwa isina kunaka.

Pashure pokuwana nzvimbo yokuratidza firimu, taienda pasuo nesuo ndokusiya kokero dzokuuya kukuratidzwa kwefirimu. Pane dzimwe nguva taiwana mvumo yokuratidza firimu mukamba kokudyira kana kuti hotera. Padzimwe nguva taitambanudza jira pakati pemapango maviri panze. Vateereri vanoonga, vakawanda vavo vakanga vasina kutongoona mifananidzo inofamba yebhaisikopo, vaimira ndokusanoteerera sezvo Francis airava nhoroondo yacho. Pashure, taiparadzira mabhuku eBhaibheri.

Kuti tisvike misha, taifamba nebhazi. Dzimwe dzenzizi dzakanga dzisina bhiriji, naizvozvo bhazi raiiswa pamatanda akasungwa pamwe chete ndokuyangarutsirwa kurumwe rutivi. Tairayirwa kuburuka mubhazi uye, kana tikaona bhazi richitsvedzemukira murwizi, kusvetukira parumwe rutivi rwamatanda akasungwa pamwe chete kudzivisa kunyudzwa. Nokuonga, hatina kutongorasikirwa nebhazi murwizi—chinhu chakanaka, zvikurukuru sezvo rwizi rwacho rwaizivikanwa nokuda kwokuva nehove dzepiranha dzinodya nyama!

Pashure pokupinda kokorodzano yamarudzi ose muNew York muna 1958, takadzokera kuBrazil, uko nokukurumidza pashure pako takadzokera mubasa rokufambira. Ruwa rwedu rwaitisvitsa kumuganhu weUruguay kumaodzanyemba, Paraguay kumadokero, nyika yePernambuco kuchamhembe, uye Atlantic Ocean parutivi rwokumabvazuva rweBrazil.

Nzvimbo Yeboka Ravane Maperembudzi

Pakati pama 1960, takagamuchira kokero yokuratidza imwe yefirimu dzeSosaiti muboka ravane maperembudzi. Ndinofanira kubvuma kuti ndakanga ndichiti ityei. Taiva nezivo shomanene pamusoro pamaperembudzi, kunze kwezvatakanga tarava pamusoro pawo muBhaibheri. Pakupinda mukomboni macho, iyo yakanga yakapendwa nependi chena, takatungamirirwa kuhoro huru. Chikamu chakanga chaparadzaniswa netambo napakati nokuda kwedu nemidziyo yedu.

Mugadziri wemagetsi uyo akanga achitibetsera akanga ari mugari wenzvimbo yeboka ravane maperembudzi aiva namakore 40. Akanga arasikirwa namaoko ake namamwe mativi omuviri wake, kuchimushatisa zvikuru. Pakutanga ndakakatyamadzwa, asi chimiro chake chokufara nounyanzvi mukuita basa rake zvakandisunungura. Takanga tokurukura nokukurumidza pamusoro pezvinhu zvakawanda sezvo taipedzisa gadziriro dzaiva madikanwa. Pavanhu vanotambudzwa vane chiuru chimwe vakaiswa panzvimbo yacho, vanopfuura mazana maviri vakapinda. Sezvo vakapinda vachikamhina, takacherekedza mwero yakawanda yakasiyana-siyana yehosha yavakanga vachitambura nayo. Chaiva chinoitika chinosiririsa, chinonzwisa tsitsi zvakadini nokuda kwedu!

Takafunga nezveizvo Jesu akataura kune ane maperembudzi uyo akakumbira kuti, “Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa.” Achibata murume wacho, Jesu akamuvimbisa kuti, “Ndinoda; chinatswa!” (Mateo 8:2, 3) Pashure pokunge purogiramu yacho yaguma, vakawanda vakatisvika kuzotionga nokuda kwokuuya, miviri yavo yakakuvadzwa chipupuriro chakajeka kukutambura kukuru kworudzi rwomunhu. Gare gare, Zvapupu zvomunzvimbomo zvakafunda Bhaibheri naavo vaishuva kudzidza zvakawanda.

Muna 1967 takadzokera kuUnited States kuzotarisira zvinetso zvoutano zvakakomba. Sezvo takapfuurira kubata naizvozvi, takaropafadzwazve kubatira mubasa redunhu. Kwamakore 20 akatevera, ndakagoverana naFrancis mubasa rokufambira muUnited States. Mukati meiyi nguva iye akadzidzisawo Chikoro choUshumiri hwoUmambo.

Akanga ari manyuko ekurudziro yakadini kwandiri kuva nomurume ane rudo neshamwari yakatendeka aitarisira mugove upi noupi waaipiwa! Pamwe chete takaropafadzwa kugoverana pfuma yezvokwadi yeBhaibheri pamativi emakondinendi mana.

Vakasimbiswa Nepfuma

Shure muna 1950, Amai vakachata naDavid Easter, hama yakatendeka yakabhapatidzwa muna 1924. Vakabatira pamwe chete makore akawanda muushumiri hwenguva yakazara. Zvisinei, mukati mechikamu chokupedzisira choupenyu hwaAmai, hosha yeAlzheimer yakavamba kuzviratidzira imene. Vakada ngwariro huru sezvo hosha yacho yakaderedza simba ravo rokurangarira. Vakoma vangu vanotsigira naDavid vakatakura mutoro unorema wokuvatarisira, sezvo vakanga vasingadi kuti tisiye ropafadzo dzedu chaidzo dzebasa renguva yakazara. Muenzaniso wokutendeka waAmai kusvikira kurufu rwavo chaiko muna 1987 wakaita zvakawanda kutibetsera kuronga nzira yedu muupenyu, uye tariro yavaiva nayo yetuso yokudenga yakatinyaradza.

Pakasvika 1989, ndaigona kuziva kuti Francis akanga asiri anoshingaira sezvaaisiva. Takanga tisingazivi kuti chipfunga, hosha inosanozivikanwa mumativi akawanda enyika, yakanga ichiva nomugumisiro unokuvadza. Muna 1990, uyu muvengi asina tsitsi akakurira, uye ndakarasikirwa nomukwanyina wangu anodiwa uyo ndakanga ndagoverana naye makore anopfuura 40 mubasa raJehovha.

Gadziridzo rutivi rwoupenyu. Dzimwe dziri nyore, uye dzimwe dzakaoma. Asi Jehovha, Mupi wepfuma inokosha yezvokwadi yeBhaibheri, akandisimbisa kupfurikidza nesangano rake norudo nekurudziro zvemhuri yangu. Ndichiri kuwana gutsikano sezvandinotarira mberi kuzadziko yezvipikirwa zvose zvisingakundikani zvaJehovha.

[Mufananidzo uri papeji 23]

Apo murume wangu neni takanga tiri vafundisi muItariya

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe