Wakakurudzira Munhu Upi Noupi Nguva Pfupi Yapfuura Here?
ELENA akanga ane makore 17 chete okukura apo vanachiremba vakawana kuti akanga ane kenza yechizvaro. Mai vake, Mari, vaifanira kugonana namarwadzo okuona Elena achirwadziwa zvikuru.
Pakupedzisira, Elena akachinjirwa kuchimwe chipatara muMadrid, Spania, makiromita 1 900 kubva kumusha wake muCanary Islands. MuMadrid boka ravanachiremba rakanga richidisa kuvhiya pasina ropa. (Mabasa 15:28, 29) Asi nokukurumidza pashure pokunge kuvhiya kwacho kwavamba, kwakava kwakajeka kuti mamiriro ezvinhu aElena aizotungamirira kurufu pakupedzisira. Kenza yacho yakanga yatopararira mumuviri wake wose, uye vavhiyi vaisagona kupedza chinetso chacho. Elena akafa mazuva masere pashure pokusvika muMadrid.
Mari aisafanira kutarisana nomuedzo unotyisa iwoyo ari oga. Pandyiko dzavo vamene, vakuru vechiKristu vaviri vakamuperekedza nomwanakomana wake mukurusa kuMadrid ndokuramba variko kutozosvikira parufu rwaElena. “Vakandibetsera kuti ndigonane nokunzwa kwokuva asina maturo kwandainzwa mukati,” anotsanangura kudaro Mari. “Handisati ndichizotongokanganwa kurudziro yavakandipa. Tsigiro yavo yomudzimu nebetsero yavo inoshanda zvakanga zvichikosha. Vakanga vari ‘nzvimbo yokuvanda pamhepo’ yechokwadi.”—Isaya 32:1, 2.
Jehovha anofadzwa kuti vafudzi vane rudo vakadai saivava vanotarisira makwai ake nounyoro kwazvo. (Zvirevo 19:17; 1 Petro 5:2-4) Kupa kurudziro, zvisinei, haisati chete iri ropafadzo yavakuru. VaKristu vose vanosangana pamwe chete kuti vagamuchire murayiridzo womudzimu uye ku‘kurudzirana.’ (VaHebheru 10:24, 25) Kurudziro rutivi runokosha rwesonganiro yechiKristu.
Chii Icho Kurudziro Inobatanidza?
Kungofanana neruva rakaisvonaka rinosvava apo rinonyimwa mvura, naizvozvo vanhu vamwe navamwe—mose muri muviri mumhuri nomuungano—vanogona kuuna nemhaka yokushayikwa kwekurudziro. Kune rumwe rutivi, kurudziro yakakodzera nguva inogona kusimbisa avo vanotarisana nomuedzo, kuita kuti vakaora mwoyo vafare, uye kupa simba avo vari kubatira Mwari nokutendeka.
Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “kurudziro” rinobatanidza mufungo wokunyaradza, uye kukurudzira. Naizvozvo, kurudziro haina kuganhurirwa kukuudza mumwe munhu kuti ari kuita zvakanaka. Ingabatanidzawo kugovera rubatsiro runoshanda uye betsero yomudzimu.
Chaizvoizvo, shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “kurudziro” chaizvoizvo rinoreva kuti “kudana kuuya parutivi pomunhu.” Kufamba pamwe chete nehama nehanzvadzi dzedu dzomudzimu kunotigonesa kupa tsigiro yapakarepo kana imwe yadzo ikaneta kana kuti ikagumburwa. (Muparidzi 4:9, 10) Nenzira inofadza, vanhu vaJehovha “va[no]mushumir[a] nomwoyo mumwe.” (Zefania 3:9) Uye muapostora Pauro akadaidza mumwe muKristu kuti “shamwari yangu yazvokwadi pabasa.” (VaFiripi 4:3) Kushanda pamwe chete pasi pejoko rimwe chetero kupfurikidza nokubetserana kunoita kuti mutoro ureruke zvikuru, zvikurukuru nokuda kwaavo vasina kusimba mumudzimu.—Enzanisa naMateo 11:29.
Vakapa Kurudziro
Sezvo kurudziro ichikosha kwazvo, ngatirangarirei mienzaniso yapaMagwaro yakwo. Apo muporofita waMwari Mosesi akanga ava kusvika pedyo nomugumo woupenyu hwake, Jehovha akagovera Joshua kuva mutungamiriri wavaIsraeri. Uyu wakanga usiri mugove uri nyore, seizvo Mosesi amene aisanoziva. (Numeri 11:14, 15) Nokudaro, Jehovha akaudza Mosesi kuti a“rayir[e] Joshua, [a]mutse mwoyo wake nokumusimbisa.”—Dheuteronomio 3:28.
Mukati menguva yavatongi vaIsraeri, mwanasikana waJefta akawirirana nokudisa nemhiko yababa vake kupfurikidza nokurega bviro yokuva nemhuri kuitira kuti agobatira panzvimbo tsvene yaJehovha. Chibayiro chake hachina kucherekedzwa here? Aiwa, nokuti Vatongi 11:40 inoti: “Kuti vakunda vaIsraeri vaende makore ose mazuva mana pagore kundochema mukunda waJefta muGireadhi.” Shanyo dzakadaro dzaifanira kuva dzaikurudzira zvikuru kumukunda waJefta anozvibayira.
Kupa kurudziro pane dzimwe nguva kunoda ushingi. Mukati merwendo rwoufundisi rwokutanga rwomuapostora Pauro, akasangana nechishoro chinotyisa mumaguta anoverengeka eAsia Minor. Akadzingwa muAntiokia, akapukunyuka paduku duku kuurawa muIkonio, uye akatakwa namabwe ndokusiyiwa achirangarirwa saafa paRistra. Nokukurumidza pashure pezvo, zvisinei, Pauro neshamwari dzake vakadzokera kuaya maguta, “vachisimbisa mweya yavadzidzi, vachivarayira kuti vatsungirire pakutenda, vachiti, tinofanira kupinda ushe hwaMwari nama[t]ambudziko mazhinji.” (Mabasa 14:21, 22) Pauro akanga akagadzirira kuisa upenyu hwake mungozi kuti akurudzire ava vadzidzi vatsva.
Bva, vadzidzi vatsva havasati vari vaKristu bedzi avo vanoda kurudziro. Makore akati gare gare Pauro akava nerwendo rwakaoma rwokuRoma, uko aifanira kutongwa. Sezvaakasvika kwaaienda, angave akati odzwei mwoyo. Asi apo akasvika panzvimbo iri makiromita 74 kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kweRoma, akakurudzirwa. Neiko? Nemhaka yokuti hama dzakabva Roma dzakanga dzauya kuzosangana naye paMusika weApio Foro napaTabherne Nhatu. “Pauro akati adziona idzo, akaonga Mwari, akatsunga mwoyo.” (Mabasa 28:15) Panhambo dzakafanana, kungovapo kwedu kungava chete kunokurudzira zvikuru kuvadaviri biyedu.
Shandisa Mikana Yokupa Kurudziro
Yakawanda, zvirokwazvo, mikana yokupa kurudziro. Mwoyo wako wakaororwa nehurukuro yomudzidzi yakanaka yakapiwa neimwe hama kana kuti imwe hanzvadzi muChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari here? Unofara here kuti kune vechiduku vakasimba mumudzimu muungano yenyu? Kutsungirira kwavakwegura kwakakuorora here? Wakayemura nzira iyo mumwe wamapiyona akashandisa nayo Bhaibheri muushumiri hwapaimba neimba here? Ipapo ipa rumbidzo, uye taura chimwe chinhu chinokurudzira.
Kurudziro inoita basa rinokosha mumhuri pamwe chete nomuungano. Inogona kubetsera vabereki kurera vana vavo “pakuranga nokurayira kwaShe.” (VaEfeso 6:4) Kuudza mwana kuti aita zvakanaka, uye kutsanangura chikonzero nei, kunogona kuva kunokurudzira kwazvo! Mukati memakore ouduku, apo vechiduku vanotarisana nemiedzo nedzvinyiriro, kurudziro yenguva dzose inokosha.
Kushayikwa kwekurudziro mukati mouduku kunogona kuva kunokuvadza zvikuru. Nhasi Michael, mukuru wechiKristu, akasununguka, asi anoti: “Baba vangu havana kutongoti ndakaita chinhu chipi nechipi zvakanaka. Naizvozvo ndakakura ndisina kuzviremekedza. . . . Kunyange zvazvo zvino ndava namakore 50 okukura, ndichiri kuonga kuvimbiswa neshamwari dzangu kuti ndiri kuita basa rakanaka somukuru. . . . Ruzivo rwokuzviwanira rwangu ndimene rwakandidzidzisa kuti kunokosha sei kupa kurudziro kuvamwe, uye ndinozvishandisa ndimene nesimba kuipa.”
Ndiani Anoda Kurudziro?
Vakuru vechiKristu vanoshanda zvakaoma vakafanirwa nekurudziro. Pauro akanyora, kuti: “Tinokumbira kwamuri, hama dzangu, kuti muzive avo vanobata pakati penyu, vanokutungamirirai munaShe, vanokurayirai; muvakudze zvikuru norudo, nokuda kwebasa ravo.” (1 VaTesaronika 5:12, 13) Kuri nyore kurerutsa basa rakaoma ravakuru. Asi mashoko okuonga kwapachokwadi nekurudziro zvinogona kuita kuti mutoro wavo uratidzike kuva wakareruka zvikuru.
Avo vari pakati pedu vari kutsungirira mamiriro ezvinhu akaoma vanodawo kurudziro. “Musimbise vanopera mwoyo, mutsigire vasina simba,” Bhaibheri rinopa zano richidaro. (1 VaTesaronika 5:14) Vabereki vamwe, chirikadzi, vechiduku, vakwegura, uye ndonda vari pakati paavo vanganzwa vaodzwa mwoyo kana kuti vakaneta mumudzimu nguva nenguva.
María mukadzi wechiKristu uyo kamwe kamwe akazviwana amene asiyiwa nomurume wake. Akati: “Kufanana naJobho, ndaida kufa padzimwe nguva. [Jobho 14:13] Bva handina kurega, nemhaka yekurudziro yandakagamuchira. Vakuru vaviri, avo ndaisanoziva zvikuru, vakapedza maawa akawanda vachindibetsera kuona ukoshi hwokupfuurira mubasa renguva yakazara. Uye hanzvadzi mbiri dzinonzwisisa dzakandinyaradzawo, dzichiteerera neshiviro sezvandaivaudza chinhu chiri chose. Kupfurikidza nokushandisa Bhaibheri, vakandigonesa kuona zvinhu mumurangariro waJehovha. Handizivi kuti kangani katakarava Pisarema 55:22, asi ndinoziva kuti kupfurikidza nokushandisa urwu rugwaro, ndakawanazve dzikamo yomudzimu uye yemirangariro zvishoma nezvishoma. Ikoku kwose kwakaitika makore 12 apfuura, uye ndinofara kutaura kuti ndakapfuurira mubasa renguva yakazara kutozosvikira zvino. Upenyu hwangu huri kugutsa uye huri kufadza pasinei zvapo nokurwadza kwemirangariro kwapanhambo nenhambo. Ndinopwiswa kuti kurudziro mukati menguva yakafanana naiyoyo inogona kuita musiyano mukuru muupenyu hwomunhu.”
Vamwe vanoda kurudziro nemhaka yokuti vakaita mhosho uye zvino vari kurwisa kudziruramisa. Zvichida vakagamuchira tsiuro yorudo. (Zvirevo 27:6) Vakuru vakapa tsiuro vanogona kungwarira kupa rumbidzo apo vanoona kuti zano rapaMagwaro riri kushandiswa. Mashoko avo ekurudziro achava nebetsero dzakapetwa kaviri—kusimbisa kuda kwavo munhu anotadza kuitira kuti arege kuva “neshungu huru” uye kumuyeuchidza nezvebetsero dzokushandisa zano racho.—2 VaKorinte 2:7, 8.
Mumwe mukuru akaita mhosho yakakomba ndokurasikirwa neropafadzo yake youtariri muungano. “Apo chiziviso chakaitwa pamusoro pokubviswa kwangu somukuru, ndakafunga kuti hama dzaizonzwa dzisina kusununguka ndiinadzo,” anodaro. “Kunyanguvezvo, vakuru vakachengeta chikonzero chacho chiri chakavanzika zvikuru ndokuzvishandisa vamene mukundipa kurudziro. Vasara veungano yose nenzira yakafanana vakatambanudza rudo noushamwaridzani, izvo zvakasimudzira zvikuru kunaya kwangu kwomudzimu.”
Iva Anokurudzira
Muupenyu hwedu hwokubatikana, kurudziro iri nyore kufuratira. Asi ndizvakanaka zvikuru sei zvainogona kuita! Kuti upe kurudziro inoshanda, unofanira kuchengeta zvinhu zviviri mundangariro. Chokutanga, funga pamusoro pechokutaura, kuitira kuti kurudziro yako ive yakananga. Chechipiri, tsvaka mukana wokusvika munhu akafanirwa nerumbidzo kana kuti anoda kuvakwa.
Kana ukaita ikoku kazhinji kazhinji zvikuru, uchava anofara zvikuru. Pashure pokurangarira zvose, Jesu anotivimbisa, kuti: “Kupa kune mufaro chaiwo kupfuura kugamuchira.” (Mabasa 20:35) Kupfurikidza nokukurudzira vamwe, uchazvikurudzira umene. Huregererei kuiita vavariro yako kupa kurudziro kune mumwe munhu zuva riri rose?