RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 1/15 pp. 24-29
  • Kuungana Naavo Vanotya Mwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuungana Naavo Vanotya Mwari
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ‘Ityai Mwari uye Chengetai Mirayiro Yake’
  • ‘Itai Basa Rinoyera Norutyo Rwoumwari Norukudzo’
  • “Ityai Mwari, Mumurumbidzei”
  • Kudzidza Kuwana Mufaro Mukutya Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Ita Kuti Mwoyo Wako Utye Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Itya Jehovha Uye Rumbidza Zita Rake Dzvene
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Betsero Dzokutya Mwari Wechokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 1/15 pp. 24-29

Kuungana Naavo Vanotya Mwari

“VANHU munzvimbo iri yose vanoshuva rusununguko murutyo—kutya masimba masimba, kutya kushayikwa kwamabasa, uye kutya chirwere chakakomba. Tinogoverana chishuvo ichocho. . . . Neiko, ipapo, tiri kukurukura nzira yokusakurira nayo rutyo?” Mubvunzo unofadza iwoyo wakamutswa nomukurukuri wehurukuro chaiyo paimwe neimwe yeKokorodzano Dzoruwa dzo“Rutyo Rwoumwari,” idzo dzakavamba muna June 1994.

Mamiriyoni akapinda—kutanga muNorth America, ipapo gare gare muEurope, Central neSouth America, Africa, Asia, uye zvitsuwa zvegungwa—akanga achidisa kudzidza kusakurira rutyo rwakadaro. Nemhaka yeiko? Nemhaka yokuti kugoverana kwedu muzvikomborero izvo Jehovha Mwari anazvo nokuda kwavanhu vake kunotsamira pakuva kwedu norutyo rwoumwari. Vakokorodzani vakaungana pamwe chete kuti vadzidze pamusoro porutyo rwoumwari, uye mukati mepurogiramu yamazuva matatu, vakadzidza zvakawanda pamusoro peiri vara rinokosha rechiKristu.

‘Ityai Mwari uye Chengetai Mirayiro Yake’

Iwoyo wakanga uri musoro wezuva rokutanga rekokorodzano, wakavakirwa pana Muparidzi 12:13. Kutya Mwari kunorevei? Murutivi rwokutanga rumene papurogiramu yacho, sachigaro wekokorodzano akatsanangura kuti rutyo rwoumwari runoratidzira rukudzo noruremekedzo rukuru nokuda kwaJehovha pamwe chete nokutya kwakanaka kwokusamufadza. Rutyo rwoumwari rwakadaro harusati ruri rwakaipa; rwakanaka uye rwakafanira.

Urwu rutyo rwakanaka runotibetsera sei? Hurukuro yakatevera, “Musapera Simba Ndokurega,” yakatsanangura kuti rutyo rwoumwari ruchatisunda kuchengeta mirayiro yaMwari nomufaro. Pamwe chete nokuda Mwari nomuvakidzani, rutyo rwakadaro ruchatizadza nesimba romudzimu. Hungu, rutyo rwoumwari runogona kutibetsera kudzivisa kuderera munhangemutange youpenyu husingaperi.

Dzakatevera papurogiramu yacho dzakanga dziri bvunzurudzo dzaipa zvibvumikiso zvipenyu zvokuti rutyo rwoumwari runogona kutitsigira. Avo vakabvunzurudzwa vakataura nzira iyo kutya Mwari kwokuremekedza kwakavatapura nayo kupfuurira muushumiri pasinei zvapo nokusakendenga, kusaitira hanya, kana kuti chitambudzo uye kuvabetsera kutsungirira kunyange mukutarisana nemiedzo yakaoma yomunhu oga.

Neiko, kunyanguvezvo, vamwe vanhu vane rutyo rwoumwari nepo vamwe vasina? Muhurukuro yaiti “Kusakurira uye Kubetserwa Norutyo Rwoumwari,” mukurukuri wehurukuro chaiyo akatsanangura kuti pana Jeremia 32:37-39, Jehovha akapikira kuti Aizopa mwoyo unotya Mwari kuvanhu Vake. Jehovha anoisa rutyo rwoumwari mumwoyo yedu. Seiko? Kupfurikidza nomudzimu mutsvene wake neShoko rake rakafuridzirwa, Bhaibheri. Nenzira yakajeka, zvisinei, tinofanira kuita nhamburiko yapachokwadi yokufunda Shoko raMwari uye kushandisa zvakazara gadziriro dzakawanda dzomudzimu dzaakaita. Idzodzi dzinobatanidza kokorodzano dzedu nemisangano yeungano, izvo zvinotibetsera kudzidza kumutya.

Purogiramu yamasikati yakazarura nekurudziro yokuvimba naJehovha neShoko rake. Iyoyi yakateverwa nekurukurirano yenzira dzinokosha idzo Umambo hunofanira kutapura nadzo upenyu hwedu savaKristu.

Ipapo kwakauya hurukuro yokutanga yokusiyirana yavatatu yakapiwa pakokorodzano yacho. “Rutyo Rwoumwari Runotisunda Kuteerera Zvinodikanwa Zvoumwari” wakanga uri musoro weiyi hurukuro yokusiyirana, iyo yakanangidzira ngwariro pamhuri. Unotevera muenzaniso wezano rapaMagwaro—uye rinoshanda—wakapiwa.

□ Nokuda kwavarume: Rutyo rwoumwari runofanira kusunda murume kuda mudzimai wake somuviri wake amene. (VaEfeso 5:28, 29) Murume haakuvadzi noune muviri wake amene, kuzvinyadzisa amene pamberi peshamwari dzake, kana kuti kureva guhwa pamusoro pezvikanganiso zvake amene. Naizvozvo, ipapoka, anofanira kubata mudzimai wake nechiremera noruremekedzo izvo anozvipa amene.

□ Nokuda kwavadzimai: Rutyo rwoumwari rwaJesu rwakamusunda ‘kufadza Mwari nguva dzose.’ (Johane 8:29) Uyu mudzimu wakaisvonaka wokuti vadzimai vatevedzere mukubata navarume vavo.

□ Nokuda kwavabereki: Vabereki vechiKristu vanogona kuratidza rutyo rwoumwari kupfurikidza nokurangarira mabasa oubereki zvakakomba, vachirangarira vana vavo senhaka inobva kuna Jehovha. (Pisarema 127:3) Nharidzano huru yavabereki inofanira kuva kurera vana vavo kuti vave vaKristu vechokwadi.

□ Nokuda kwavana: Jehovha anorayiridza vana kuteerera “vabereki [vavo] munaShe.” (VaEfeso 6:1) Nokudaro, kuteerera vabereki vavo kuteerera Mwari.

Hurukuro yokupedzisira yezuva racho yakatapura mirangariro yedu, nokuti yakakurukura mirangariro mikuru tose zvedu tinova nayo apo tinorasikirwa nomudiwa murufu. Panenge pakati pehurukuro yacho, zvisinei, pakanga pane chishamiso. Mukurukuri akafadza vateereri kupfurikidza nokuzivisa kubudiswa kwebhurocha idzva rinonzi Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa. Ichi chinyorwa chamapeji 32, chamavara mana chinotaura zvakawanda zvikurusa izvo zvinogona kubetsera avo vari kutambudzika kunzwisisa uye kubata nokunzwa nemirangariro zvinooneka pashure porufu rwomudiwa. Wati wamboshaya chokutaura kumunhu akafirwa here? Chikamu cheiri bhurocha chinotsanangura nzira iyo tinogona kubetsera nayo avo vari kutambudzika. Vachiteerera mukurukuri, vakawanda muvateereri vakanga vachifunga nezvomumwe munhu angagona kubetserwa neiri bhurocha idzva.

‘Itai Basa Rinoyera Norutyo Rwoumwari Norukudzo’

Iwoyo wakanga uri musoro wezuva rechipiri, wakavakirwa pana VaHebheru 12:28. Mukati mepurogiramu yamangwanani makauya hurukuro yokusiyirana yechipiri, “Ungano Dzinofamba Dzichitya Jehovha.” Rutivi rwokutanga rwakabata nokupinda misangano. Kuvapo kwedu pamisangano kunoratidzira kuremekedza kwedu Mwari negadziriro dzake dzomudzimu. Kupfurikidza nokupinda, tinoratidza kuti tinotya zita rake uye kuti tinodisa kuwirirana nokuda kwake. (VaHebheru 10:24, 25) Mukurukuri wechipiri akatsanangura kuti kuti ungano yose ifambe ichitya Jehovha, munhu mumwe nomumwe anofanira kuita rutivi rwake mukuchengeta mufambiro wakaisvonaka. Mukurukuri wokupedzisira akataura pamusoro peropafadzo nebasa izvo vaKristu vose vanazvo—kuzivisa mashoko akanaka vasingaregi. Tichapfuurira kuparidza kwenguva yakareba sei? Kutozosvikira Jehovha ati zvakwana.—Isaya 6:11.

“Mufaro waJehovha Ndiyo Nhare Yako” wakanga uri musoro wehurukuro yakatevera, sezvainofukidzwa zvino munyaya dzefundo mumagazini ino. (Nehemia 8:10) Neiko vanhu vaJehovha vachifara? Mukurukuri akaronga zvikonzero zvakati. Chinokosha zvikuru ndechokuti ukama hwapedyo naMwari hunotiita kuti tive vanhu vanofara zvikurusa pasi pano. Chimbofunga zvako, mukurukuri akayeuchidza vakokorodzani, kuti tine ropafadzo yokuva pakati pavanhu avo Jehovha akakwevera kuna Jesu Kristu. (Johane 6:44) Chikonzero chakasimba zvakadini chomufaro!

Rutivi rwakatanhamara rwekokorodzano iri yose rubhapatidzo, uye Kokorodzano dzo“Rutyo Rwoumwari” hadzina kusara. Muhurukuro yaiti “Tsauriro Norubhapatidzo Mukutyiwa kwaJehovha,” mukurukuri akatsanangura kuti misengwa yomunhu oga yavanhu vose vakabhapatidzwa yakapetwa kana: (1) Tinofanira kudzidza Shoko raMwari neyamuro yezvinyorwa zvinotibetsera kurinzwisisa nokurishandisa; (2) tinofanira kunyengetera; (3) tinofanira kusonganirana navadaviri biyedu pamisangano yeungano; uye (4) tinofanira kupupurira zita noUmambo zvaJehovha.

Purogiramu yeChitanhatu masikati yakavamba nomusoro unokurudzira waiti “Vanhu Vasina Kusiyiwa naJehovha.” Mazana amakore makumi matatu namashanu apfuura, apo rudzi rwaIsraeri rwakatarisana nenguva dzakaoma, Jehovha akapa vimbiso kupfurikidza naMosesi, achiti: “Jehovha Mwari wako . . . haangakuregi, haangakusiyi.” (Dheuteronomio 31:6) Jehovha akabvumikisa kuva wechokwadi kuvimbiso iyoyo kupfurikidza nokudzivirira vaIsraeri apo vakapinda muNyika Yakapikirwa ndokuiita yavo. Nhasi, pakutarisana nemiedzo yakaoma, isuwo tinogona kuva nechivimbo chakazara chokuti Jehovha haasati achizotisiya, kana tikasanonamatira paari ndokuteerera zano reShoko rake.

Unogona sei kuwana mufaro mukurava Bhaibheri? Muhurukuro yaiti “Rava Shoko raMwari, Bhaibheri Dzvene, Zuva Nezuva,” mukurukuri akakarakadza kurava nendangariro inoda kuziva uye kubvunza mibvunzo yakadai seiyi: Chii icho iyi nhoroondo inondidzidzisa pamusoro pamavara nenzira zvaJehovha? Ndinogona sei kuva akafanana zvikuru naJehovha mumativi aya? Kurava Bhaibheri neiyi nzira ndichinoitika chinofadza uye chinotusa.

Ngwariro tevere yakanangidzirwa pahurukuro yokusiyirana yechitatu yepurogiramu yacho yaiiti, “Gadziriro Dzokubetsera Avo Vanotya Jehovha.” Kunyange zvazvo Jehovha angasaita zvishamiso nokuda kwavanhu vake nhasi, zvirokwazvo anoyamura avo vanomutya. (2 Petro 2:9) Iyi hurukuro yokusiyirana yakarangarira gadziriro ina dzinobva kuna Jehovha dzokutibetsera muidzi nguva dzakaoma: (1) Kupfurikidza nomudzimu wake, Jehovha anotipa simba rokuita mabasa anopfuura zvikuru simba redu timene. (2) Kupfurikidza neShoko rake, anotigovera zano nenhungamiro. (3) Kupfurikidza norudzikinuro, anotipa hana yakachena. (4) Kupfurikidza nesangano rake, kubatanidza vakuru, anotigovera nhungamiro nedziviriro. (Ruka 11:13; VaEfeso 1:7; 2 Timotio 3:16; VaHebheru 13:17) Kupfurikidza nokushandisa zvakazara idzi gadziriro, tichakwanisa kutsungirira nokudaro ndokuwana tenderwo yaJehovha.

Hurukuro yokupedzisira paChitanhatu masikati yaiva nomusoro unoti “Zuva Rinotyisa raJehovha Rava Pedyo,” yakanga yakavakirwa pauporofita hwaMaraki. Kwave kune mazuva anotyisa munhau yomunguva yakapfuura, saapo rutongeso rwakaitwa paJerusarema muna 70 N.V. Asi zuva rinotyisa zvikurusa muruzivo rwokuzviwanira rwose rwomunhu richava zuva riri kuuya raJehovha apo ‘matsive anounzwa paavo vasingazivi Mwari uye avo vasingateereri mashoko akanaka pamusoro paShe wedu Jesu.’ (2 VaTesaronika 1:6-8) Ikoko kuchakurumidza kuvapo sei? Mukurukuri akati: “Mugumo wava pedyo! Jehovha anoziva zuva neawa iyoyo. Haasati achizochinja rudungwe rwake rwenguva. Tinorayiridzwa kutsungirira neshiviro.”

Kwakanga kwakaoma kudavira kuti mazuva maviri akanga atopfuura. Chii icho zuva rokupedzisira raizounza?

“Ityai Mwari, Mumurumbidzei”

Musoro wezuva rechitatu wakanga wakavakirwa pana Zvakazarurwa 14:7. Mukati mepurogiramu yamangwanani, nhevedzano yehurukuro yakasimbisa dzimwe dzidziso dzinotsauranisa Zvapupu zvaJehovha namamwe masangano ose orudzidziso.

Muhurukuro yaiti “Kuchava Norumuko Rwavakarurama,” mukurukuri akamutsa mubvunzo unofadza, waiti: “Mukati meZuva Rorutongeso iroro ramakore ane chiuru, ndirini apo avo vakafa vakatendeka muaya makore okupedzisira etsika yezvinhu yaSatani vachamutswa?” Mhinduro yacho? “Bhaibheri haritauri,” mukurukuri akatsanangura kudaro. “Zvisinei, hakuna mufungo here kuti avo vanofa muzuva redu vangatanga kumutswa kuti vagoverane neboka guru ravapukunyuki veArmagedhoni mubasa guru redzidzo iro richaitika muZuva Rorutongeso rose? Hungu, zvirokwazvo!” Kuchava navapukunyuki here? Zvirokwazvo vachavapo. Dzidziso nemienzaniso zveBhaibheri zvinotivimbisa nezvaikoku zvakatsanangurwa zvakajeka muhurukuro yakatevera, “Kuponeswa Vari Vapenyu Mudambudziko Guru.”

Zvapupu zvaJehovha zvakanzwisisa kare kuti Bhaibheri rinopa migumisiro miviri—upenyu husingaperi muparadhiso yapasi nokuda kwamamiriyoni asingaverengeki uye upenyu hwokusafa mumatenga nokuda kwenhamba yakaganhurirwa ichatonga naKristu muUmambo hwake. Tariro yokudenga yakakurukurwa muhurukuro yaiti “Musatya Henyu, Imi Kapoka Kaduku.” (Ruka 12:32) Nemhaka yemamiriro ezvinhu enyika azvino, boka duku rinofanira kuva risingatyi; mumwe nomumwe wavo anofanira kutsungirira kutozosvikira kumugumo chaiko. (Ruka 21:19) “Kusatya kwavo,” mukurukuri akadaro, “kunokurudzira avo veboka guru. Ivowo vanofanira kusakurira chimiro chendangariro chokusatya sezvavanokarira kununurwa mukati menguva hurusa yechitambudzo iyo pasi rati ramboziva.”

Pamhedziso yepurogiramu yamangwanani, vateereri vakaona nomufaro mutambo weBhaibheri unoti Zvisarudzo Zvawakatarisana Nazvo. Mumazuva aJoshua, uyewo omuporofita Eria, vaIsraeri vaifanira kuita chisarudzo. Chisarudzo chaifanira kuitwa. Eria akati: “Mucharamba muchifunga mifungo miviri kusvikira riniko? Kana Jehovha ari Mwari, mumutevere, kana ari Bhaari, mumutevere iye.” (1 Madzimambo 18:21) Nhasiwo rudzi rwomunhu runofanira kuita chisarudzo. Iyi haisiri nguva yokufunga mifungo miviri yakasiyana. Chii chiri chisarudzo chakarurama? Chimwe chetecho icho Joshua wekare akaita. Akati: “Kana ndirini naveimba yangu tichashumira Jehovha.”—Joshua 24:15.

Nokukurumidza, kwakaratidzika kudaro, akanga ava masikati eSvondo uye nguva yehurukuro yavose yaiva nomusoro unoti “Chikonzero Nei Kutya Mwari Wechokwadi Zvino.” Pana Zvakazarurwa 14:6, 7, rudzi rwose rwomunhu runokurudzirwa, kuti: “Ityai Mwari, mumurumbidzei.” Neiko kuri kwekurumidziro kutya Mwari zvino? Nemhaka yokuti, seizvo rugwaro rwacho runopfuurira kutaura, “nguva yake yokutonga yasvika.” Kupfurikidza noMwanakomana wake, zvino akagadzwa pachigaro choumambo saMambo woUmambo hwokudenga hwaMwari, Jehovha achagumisa tsika iripo yezvinhu isina kuchena, inopandukira. Mukurukuri akatsanangura kuti iyi ndiyo nzira bedzi yokuunza nayo nyaradzo kuavo vanotya Mwari pamwe chete nokununura ndokuchengetedza musha wedu wapasi. Sezvo aya ari mazuva okupedzisira etsika ino yezvinhu, ndokwekukurumidzira kuti titye Mwari wechokwadi zvino!

Pashure pepfupiso yechidzidzo cheNharireyomurindi chevhiki iroro, mukurukuri wokupedzisira akauya pachikuva. Somugumisiro wepurogiramu yekokorodzano, rutyo rwoumwari rwakanga rwava nerevo yakakura zvikuru nokuda kwavakokorodzani, akatsanangura kudaro. Akasimbisa betsero dzakawanda idzo dzinouya kuavo vanotya Mwari. Mukurukuri akazivisa kubudiswa kwevhidhiyo itsva—United by Divine Teaching. Inosimbisa mativi echienzi eKokorodzano Dzamarudzi ose dzo“Kudzidzisa Kwoumwari” dzakaitwa muna 1993-94. Sezvo hurukuro yacho yakanga yava kuguma, vakawanda vakashamisika kuti, ‘Tinogona kukarira chii gore rinouya?’ Kokorodzano dzoruwa dzamazuva matatu munzvimbo dzakawanda.

Mumhedziso, mukurukuri akanongedzera kuna Maraki 3:16, iyo inoti: “Ipapo vaitya Jehovha vakataurirana, Jehovha akateerera, akanzwa, bhuku yokurangaridza ikanyorwa pamberi pake, nokuda kwavanotya Jehovha, vachirangarira zita rake.” Vakokorodzani vakabva vane kutsunga kwakajeka kwokufunga pazita raJehovha ndokumubatira norutyo rwoumwari.

[Mufananidzo uri papeji 24]

Vanoda kubhapatidzwa vanofanira kupfuurira kuratidzira rutyo rwoumwari

[Mufananidzo uri papeji 25]

Mutambo wokuti “Zvisarudzo Zvaunonangana Nazvo” wakaorora vateereri nedikanwo yokuva vanosarudza pamusoro pokubatira Jehovha

[Mufananidzo uri papeji 26]

Vakokorodzani vakafara kugamuchira bhurocha idzva “Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe