Vazivisi voUmambo Vanoshuma
Mashoko Akanaka oUmambo Achaparidzwa
KWAMAZANA amakore muvengi mukuru waMwari, Satani Dhiyabhorosi, akashandisa nenzira yamanomano hurumende dzamatongerwe enyika norudzidziso rwenhema munhamburiko dzake dzokudzivisa kupararira kwechiKristu chechokwadi. Asi iyi mitoo ichakundikana. Jesu akadeya kutaura kuti “mashoko akanaka oumambo achaparidzirwa [kwete, “angaparidzirwa” kana kuti, “angagona kuparidzirwa”] mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose.”—Mateo 24:14, NW.
Kukundikana kwaSatani kwave kwakajeka muGirisi. Munyika iyoyo Greek Orthodox Church yakaedza kuganhurira Zvapupu zvaJehovha kuparidza mashoko akanaka oUmambo. Asi, sezvinosimbiswa nechakaitika chinotevera, munguva yakafanira zvokwadi dzeBhaibheri dzinosvika vanhu vane mwoyo yakatendeseka pasinei zvapo nechishoro.
Anenge makore 30 apfuura, mumwe muprista weGreek Orthodox akagamuchira mashoko akanaka akabva atotaura chishuvo chokuva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Zvisinei, hama dzake dzokunyama dzakashora zvakasimba iri danho ndokumudzvinyirira kuti arege songaniro yake neZvapupu. Kuti afadze mhuri yake, akapfuurira kuronda basa rake somuprista; bva, aiziva nguva dzose kuti Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvamubetsera kudzidza zvokwadi uye kuti akanga airega mukutsinhana nenzvimbo yake youtanhamari murudzidziso rwenhema.
Kunyanguvezvo, pane dzimwe nguva aitaura achitsigira Zvapupu zvaJehovha apo mukana waimuka. Panhambo dzinoverengeka akatopa zano vanhu kuti kana vaida kudzidza zvokwadi dzeBhaibheri, vaifanira kufunda neZvapupu. Mumakore akapfuura vamwe vakatevera chaizvoizvo rumbidzo yake.
Nguva pfupi yapfuura muprista wacho akarwara zvikuru ndokuziva kuti angakurumidza kufa. Ari muchipatara, akadaidza vana vake, uye vose vakaungana parutivi rwomubhedha wake.a Ipapo akavatsanangurira kuti kana akafa, vangasangana naye zvakare. Akataura kwavari pamusoro pedzidziso yeBhaibheri yokumutswa kwavanhu naJehovha kuzorarama muparadhiso pasi pano, asi kana vaida chaizvoizvo kuona ikoko kuchiitika, vaifanira kudzidza zvokwadi muBhaibheri ndokuzvibvisa vamene musonganiro norudzidziso rwenhema. Akavateterera kusonganirana neZvapupu zvaJehovha ndokudzidza kwazviri nzira yokuva nayo vaKristu vechokwadi.
Nokukurumidza pashure pacho, muprista wacho akafa. Zvisinei, zano rake rokuoneka kuvana vake rakava nemigumisiro yakanaka. Mwanasikana wake, kufanana navakawanda zvikurusa vehama dzake dzokunyama, akanga ave ari anoshora zvikurusa Zvapupu zvaJehovha nebasa razvo. Asi aisagona kufuratira chikumbiro chapachokwadi chababa vake vakanga vofa, naizvozvo akakurumidza kuonana neZvapupu zvaJehovha ndokuvamba kufunda Bhaibheri. Nguva pfupi yapfuura iye amene akava Chapupu, achitsaurira upenyu hwake kuna Jehovha Mwari nokuratidzira tsauriro yake norubhapatidzo rwomumvura.
MuGirisi uye mudzimwe nyika dzinopfuura 230, Zvapupu zvaJehovha zvinovimba nesimba romudzimu mutsvene waMwari. Netsigiro yakakwana yomudzimu mutsvene zvinogoverana uporofita hwaJesu, hunoti: “Muchapiwa simba, kana mweya mutsvene wauya pamusoro penyu; ipapo muchava zvapupu zvangu paJerusarema, napaJudhea rose, napaSamaria, nokusvikira kumugumo wenyika.”—Mabasa 1:8.
[Mashoko Omuzasi]
a Greek Orthodox Church inobvumira vaprista vayo kuroora.