RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 4/1 pp. 4-8
  • Ndizvakanakai Zvinogona Kubva Mukukurukura Rudzidziso?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndizvakanakai Zvinogona Kubva Mukukurukura Rudzidziso?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ‘Teerera uye Dzidza’
  • Kupupurira kupfurikidza Nekurukurirano
  • Kurukurirano Dzine Rugare, Dzinovaka
  • Kurukurirano Dzinoita Zvakawanda
  • Zvapupu zvaJehovha
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Shoko Ratinofanira Kuzivisa
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • “Mashoko Akanaka Anofanira Kutanga Kuparidzirwa”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Chikonzero Nei Uchifanira Kufarira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 4/1 pp. 4-8

Ndizvakanakai Zvinogona Kubva Mukukurukura Rudzidziso?

VABEREKI vanomirira nokudisa mashoko okutanga ayo mwana wavo anotaura. Apo vanonzwa mashoko anodzokororwa pakati pokubwabwada, zvichida “Mhamha” kana kuti “Papa,” mwoyo yavo inozara nomufarwa. Nokukurumidza vanogoverana mashoko aikoku neshamwari nomuvakidzani zvakafanana. Kurukurirano yokutanga yomwana mashoko akanaka zvirokwazvo ayo anounza mufaro.

Kurira, zviono, uye hwema zvinopinzwa nepfungwa dzomwana muduku zvinosunda kuita chimwe chinhu. Chokwadika, kuita chimwe chinhu kunosiyana. Asi kana, pashure penhambo yakati yenguva, mucheche akakundikana kuita chimwe chinhu kuidzi sundo, vabereki vaizonetseka nenzira yakarurama kuti kukura kwomwana wavo kungakuvadzwa.

Vana vanoita chimwe chinhu zvakanakisisa kuvanhu avo vanoziva. Apo amai vanofungatira mwana, nyemwerero huru inowanzovapo somugumisiro. Bva, kubata kwehama yokunyama inoshanyira kunogona kuparira kuchema, kunyange kuramba nechisimbwa kubatwa naiyeyo. Hama dzokunyama dzakawanda zvikurusa dzinowana ikoku hadziregi. Sezvo mwana wacho anosvika pakudziziva zviri nani, kumufaro wadzo mhinganidzo yokusarovedzana inoparadzika, uye nyemwerero yomwana inooneka pashoma napashoma.

Nenzira yakafanana, vakura vakawanda vanozengurira kukurukura zvitendero zvavo zvorudzidziso pachena nomumwe munhu asiri muzivikanwi wenguva refu. Ivo vangasanzwisisa chikonzero nei muenzi angada kukurukura pamusoro penhau yomunhu oga—rudzidziso. Mugumisiro wacho ndowokuti ivo vanobvumira mhinganidzo kuuya pakati pavo naavo vanotaura pamusoro poMusiki. Ivo vanotoramba kukurukura icho chiri, pashure pokurangarira zvose, vara rokuberekwa naro rorudzi rwomunhu, chishuvo chokunamata.

Chaizvoizvo, tinofanira kufarira kudzidza pamusoro poMusiki wedu, uye kukurukura navamwe kungatigonesa kudzidza. Ikoko kwakadaro nemhaka yokuti Mwari anguve achibatanidzwa nekurukurirano yapachena. Ngationei kuti sei.

‘Teerera uye Dzidza’

Kurukurirano yokutanga yaMwari nomunhu yakanga iri naAdhama mubindu reEdheni. Bva, pashure pokunge Adhama naEvha vatadza, vakada zvavo kuvanda apo Mwari akavadana, apo aida kukurukurazve navo. (Genesi 3:8-13) Bhaibheri, kunyanguvezvo, rinotaura udzame hwavarume navakadzi vakagamuchira nokudisa kurukurirano yakabva kuna Mwari.

Mwari akakurukura naNoa pamusoro poruparadziko rwakanga rwuchiuya rwenyika yakaipa yezuva rake, apo Noa akava “muparidzi wokururama.” (2 Petro 2:5) Somutauriri waMwari kuchizvarwa chake, Noa haana kuratidzira bedzi kutenda mukubata kwaMwari nomunhu asi akazvizivisawo amene pachena kuva mutsigiri waJehovha. Noa akacherekedza kuitai? Nenzira inosuruvarisa, vakawanda zvikurusa vavararami vapanguva imwe cheteyo naye vakanga “vasingazivi kusvikira mvura zhinji yauya, ikavabvisa vose.” (Mateo 24:37-39) Asi nenzira inofadza nokuda kwedu, mitezo minomwe yemhuri yaNoa yakateerera, yakateerera mirayiridzo yaMwari, uye yakapukunyuka Boporodzi renyika yose. Vanhu vapenyu vose nhasi vakabva kwavari.

Gare gare, Mwari akakurukura norudzi rwose rwavanhu, Israeri wakare. Kupfurikidza naMosesi, Mwari akavapa Mirayiro Gumi uye mimwe mitemo inosunga zvakaenzana inenge 600. Jehovha aikarira vaIsraeri kuiteerera yose. Mosesi akarayira kuti makore manomwe ari ose, mukati moMutambo wegore negore waMatumba, Mutemo waMwari waifanira kuraviwa zvinonzwika. “Unganidza vanhu,” akarayiridza kudaro, “varume navakadzi, nepwere, navatorwa vako vari pakati pamasuo ako.” Nokuda kwechinangwai? “Kuti vanzwe, vadzidze, vatye Jehovha Mwari wenyu, vachenjere kuita mashoko ose omurayiro uyu.” Vose vaifanira kuteerera ndokudzidza. Fungidzira kuti vanofanira kuva vakafarikanya sei kukurukura izvo vainzwa!—Dheuteronomio 31:10-12.

Anopfuura mazana mashanu amakore gare gare, mambo weJudhea Jehoshafati akaronga machinda navaRevhi munhimbe yokumutsidzira kunamatwa kwakachena kwaJehovha. Ava varume vaifamba mumaguta ose aJudha vachidzidzisa vagari vemo mitemo yaJehovha. Kupfurikidza nokuita kuti iyoyi ikurukurwe pachena, mambo akaratidzira ushingi hwake nokuda kwokunamata kwechokwadi. Kana vari vadzorwi vake, vaifanira kuteerera ndokudzidza.—2 Makoronike 17:1-6, 9.

Kupupurira kupfurikidza Nekurukurirano

Mwari akatuma Mwanakomana wake amene, Jesu, kupasi kuzobatira soMutauriri Wake. (Johane 1:14) Sezvo vadzidzi vatatu vakapupurira Jesu achishandurwa chitarisiko pamberi pavo, vakanzwa inzwi raMwari amene richizivisa, kuti: “Uyu Mwanakomana wangu unodikanwa, wandinofarira, mumunzwei.” (Mateo 17:5) Ivo vakateerera nokudisa.

Nenzira yakafanana, Jesu akaita kuti vaapostora vazivise zvinangwa zvaMwari kuvamwe. Asi apo mwedzi mitanhatu youshumiri pasi pano yakanga yasara, Jesu akazivisa kuti basa rokuparidza Umambo hwamatenga rakanga riri guru kwazvo zvokuti vadzidzi vakawanda vaizodikanwa. Iye akadzidzisa 70 vavo nzira yokukurukura nayo Umambo hwaMwari navaeni uye ipapo akavatuma kundoparadzira shoko iroro pachena. (Ruka 10:1, 2, 9) Chinguvana asati adzokera kuna Baba vake mudenga, Jesu akakurudzira vateveri vake kutanga kutaura kuvamwe pamusoro peiri shoko, kunyange kuvarayira, achiti: “Endai naizvozvo, mudzidzise marudzi ose, . . . muvadzidzise kuchengeta zvose zvandakakurayirai imi.” (Mateo 28:19, 20) Munyika yose, vaKristu vechokwadi nhasi vanoita basa iroro kupfurikidza nokukurukura mashoko akanaka oUmambo hwaMwari navavakidzani vavo. Idzi kurukurirano dzinovagonesa kupupurira zvokwadi pamusoro poMusiki, Jehovha.—Mateo 24:14.

Kurukurirano Dzine Rugare, Dzinovaka

Vadzidzi vaJesu vaifanira kukurukura zvitendero zvavo navamwe nomutooi? Vakanga vasingafaniri kushatirisa vashori, uyewo vakanga vasingafaniri kuitirana nharo navashori. Panzvimbo pezvo, vakanga vachifanira kutsvaka avo vaigamuchira nomufaro mashoko akanaka uye ipapo kupa ufakazi hwapaMagwaro mukuatsigira. Chokwadika, Mwari aicherekedza kuita kwaavo vaionana navadzidzi voMwanakomana wake, kunyange sezvo Jesu akazivisa, kuti: “Unokugamuchirai imi, unondigamuchireni; nounogamuchireni, unogamuchira wakandituma.” (Mateo 10:40) Kwakanga kuri kuramba kwakadini apo vakawanda zvikurusa vavararami vapanguva imwe cheteyo naJesu vakaramba shoko rake!

“Muranda waShe haafaniri kukakavara,” akarayira kudaro muapostora wechiKristu Pauro. Panzvimbo pezvo, “ave munyoro kuvanhu vose, unoziva kudzidzisa, unotsungirira pakuitirwa zvakaipa, unodzidzisa nounyoro avo vanomudzivisa, kuti zvimwe Mwari avape kutendeuka vagoziva zvokwadi.” (2 Timotio 2:24, 25) Nzira iyo Pauro akazivisa nayo mashoko akanaka kuvanhu veAtene, Girisi, inogovera muenzaniso wakaisvonaka. Iye airangarira navaJudha musinagoge yavo. Zuva nezuva iye aitaura mumusika “navaakasongana navo.” Kunyange zvazvo vamwe, pasina kupokana, vaingoda zvavo kuteerera pfungwa itsva, Pauro aitaura zvakananga uye nenzira yomutsa. Iye aikurukura navateereri vake shoko raMwari, iro raivarayira kupfidza. Kuita kwavo kwakanga kuri kumwe cheteko zvikuru nouko kwavanhu nhasi. “Vamwe vakaseka, asi vamwe vakati: Tichazokunzwazve pamusoro paizvozvi.” Pauro haana kuomerera pakurebesa kurukurirano yacho. Aparidza shoko rake, iye “akabuda pakati pavo.”—Mabasa 17:16-34.

Gare gare, Pauro akaudza mitezo yeungano yechiKristu muEfeso kuti ‘akanga asina kurega kutaura chipi nechipi chezvinhu zvaibetsera kana kuti kudzidzisa pachena napaimba neimba.’ Iye akanga, kupfuurirazve, ‘akurukura zvakakwana rupfidzo kuna Mwari nokutenda Jesu Kristu navose vari vaviri vaJudha navaGiriki.’—Mabasa 20:20, 21.

Iyi mienzaniso yapaMagwaro inozivisa nzira iyo vabatiri vakatendeka vaMwari vomunguva dzeBhaibheri vaikurukura nayo rudzidziso. Naizvozvo nhasi, Zvapupu zvaJehovha zvinokurukura rudzidziso nenzira yokuteerera navavakidzani vazvo.

Kurukurirano Dzinoita Zvakawanda

‘Inzwa Shoko raMwari.’ ‘Teerera mirayiro yake.’ Kurayira kwakadaro kunooneka kakawanda sei muBhaibheri! Unogona kugamuchira uku kurayira kweBhaibheri nguva inotevera apo Zvapupu zvaJehovha zvinotaura kwauri. Teerera shoko razvinokuunzira rinobva muBhaibheri. Iri shoko harisi rezvamatongerwe enyika asi rinotsigira hurumende yokudenga inodzorwa naMwari, Umambo hwake. Uyu ndiwo mutoo waMwari wokubvisa nawo zvisakiso zverwisano dzomuzuva razvino. (Dhanieri 2:44) Pashure paikoko uku kutonga kunoitwa naMwari ari mudenga kucharonga kuti pasi rose rishandurwe kuva paradhiso yakafanana nebindu reEdheni.

Aichimbova mutikitivha aiwanzoramba kuteerera apo Zvapupu zvaJehovha zvaitaura kwaari pamusoro peBhaibheri. Asi newedzero youtsotsi iyo aifanira kutarisana nayo, akaodzwa mwoyo noupenyu. Naizvozvo akaudza Chapupu chakatevera chakashanya kuti aizoongorora ufakazi hweshoko reBhaibheri. Kurukurirano dzenguva dzose dzakatevera. Kunyange zvazvo mupurisa wacho akatama kanoverengeka, Zvapupu zvakamutsvaka nomufaro panzvimbo itsva imwe neimwe kuti zvipfuuridzire kurukurirano dzacho. Pakupedzisira mupurisa wacho akabvuma, kuti: “Ufakazi hwandakanga ndichitsvaka hwakanga hurimo chaizvo muMagwaro Matsvene nguva yose. Kudai Zvapupu izvozvo zvakanga zvisina kutsungirira mukutaura kwandiri, ndingadai ndichiri kunze ikoko ndichishamiswa nechinoreva upenyu. Sezvakwakaita, ndakasvika pakudzidza zvokwadi, uye ndichapedza asara amazuva angu ndichitsvaka vamwe vari kutsvaka Mwari sezvandakanga ndichiita chaizvo.”

Vanzwi vanofarira vanoda zvapachokwadi kuziva zvakawanda. Ivo vanokarira nomazvo zvikonzero zvezvitendero zvinopiwa. (1 Petro 3:15) Seizvo chaizvo mwana muduku achibvunza nguva dzose vabereki vake uye achivakarira kupindura, iwe unokarira nomazvo Zvapupu kukupa mhinduro dzakanaka. Unogona kuva nechokwadi chokuti zvichadzokera nomufaro ndokukurukurazve shoko reBhaibheri newe.

Zvichida unotoziva zvishomanene pamusoro peBhaibheri. Ungaziva kuti icho Mwari anokarira kwauri chichabatanidza chinjo dzakati mumararamiro ako. Usazengurira kuronda zvinhu nemhaka yokutya kuti zvinodikanwa zvaMwari zvichakuparira kurasikirwa nezvakawanda zvikuru. Izvo zvichangounza bedzi mufarwa wechokwadi. Uchanzwisisa ikoku sezvaunofambira mberi nhano imwe panguva.

Kutanga kwazvose, rangarira kuti Jehovha ndiani, icho anokarira kwauri, uye chaanopa. Kumbira Zvapupu kukuratidza chinotaura Bhaibheri pamusoro paikoku. Nzvera chazvinotaura mukopi yako umene yeBhaibheri. Uchiziva kuti Zvapupu zvine mufungo muizvo zvinopa sezvokwadi pamusoro porudzidziso, pasina kupokana uchada kunzvera zvimwe zvinhu zvakawanda zvikuru zvakaisvonaka zvazvinogona kugoverana newe zvinobva muMagwaro.—Zvirevo 27:17.

Unogamuchirwa nomufaro kuti ucherekedze Zvapupu panzvimbo yazvo yomunzvimbomo yemisangano, Horo yoUmambo. Ipapo uchanzwa kurukurirano dzinobetsera dzeShoko raMwari. Uchaona kuti avo varipo vanofarikanya sei kutaura nomumwe nomumwe pamusoro pezvinangwa zvaMwari. Bvumira izvi Zvapupu kukubetsera kudzidza zvokwadi pamusoro pokuda kwaMwari nokuda kwedu nhasi. Gamuchira kokero yaMwari yokukurukura kunamata kwechokwadi ndokugamuchira nyemwerero yake yetendero, kunyange upenyu husingagumi muParadhiso.—Maraki 3:16; Johane 17:3.

[Mufananidzo uri papeji 5]

Noa akataura pachena pamusoro pechinangwa chaMwari

[Mifananidzo iri papeji 7]

Sezvakaita Pauro muAtene yakare, Zvapupu zvaJehovha zvinodzidzisa zvokwadi dzeBhaibheri kuvamwe

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe