RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 6/1 pp. 3-5
  • Chipikirwa Chenyika Isina Ushati

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chipikirwa Chenyika Isina Ushati
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ushati Hunokutapura
  • Icho Bhaibheri Rinotiudza
  • Vanhu Vanogona Kuchinja
  • Chipikirwa chaJehovha
  • Nei Uori Hwakawanda Kwazvo?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Kurwisa Uori Nebakatwa Romudzimu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Uori Hunoitwa Muhurumende Huchazombopera Here?
    Dzimwe Nyaya
  • Uori—Hwapararira Zvakadini?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 6/1 pp. 3-5

Chipikirwa Chenyika Isina Ushati

USHATI hwakapinda mumwero uri wose wenzanga. Mungave muhurumende, sayenzi, mitambo, rudzidziso, kana kuti bhizimisi, ushati hunoratidzika kuva husingadzoreki.

Munyika nenyika, nhau dzinoodza mwoyo dzoushati hunonyadzisa dzinooneka pamisoro mikuru yenhau. Vakawanda vakaita musengwa wokubatira fariro dzavanhu vari kufumurwa savanobatira fariro dzavo vamene kupfurikidza nokugamuchira fufuro nechioko muhomwe. Hunonzi utsotsi hwokuba nepenzura hwakatekeshera. Vanhu vakawanda zvikuru vane nzvimbo dzakakwirira munzanga kana kuti mune zvemari vane mhaka youtsotsi hwakakomba hwokukanganiswa kwetsika uye kwoutsotsi maererano namabasa avo enguva dzose.

Pane itiro hanya inokura pamusoro peizvo magazini imwe yokuEurope inorondedzera so“‘ushati hukuru’—muitiro kupfurikidza nawo vakuru vakuru vakakwirira, makurukota uye, kazhinji zvikuru, vatungamiriri venyika vanoda muripo vasati vatendera kutenga kukuru uye basa.” Mune imwe nyika “makore maviri okunzvera kwemapurisa uye kusunga kunodokuva kwezuva nezuva kuchingori kusati kwadzivisa kushata zvisingaruramiswi,” inodaro magazini yeBritain yeThe Economist.

Nemhaka youshati hwakapararira hwakadaro, vakawanda nhasi vanorangarira kuti hapana wavanogona kuvimba. Vanodzokorora mirangariro yomunyori weBhaibheri Dhavhidhi apo akati: “Vose vakatsauka, vose vakashata zvakafanana; hapana unoita zvakanaka, hapana kunyange mumwe.”—Pisarema 14:3, NW.

Unogonana sei nouchokwadi hwoushati hwakapararira? Vanhu vakawanda zvikurusa nhasi vanongohufuratira. Asi kunyange kana ukafuratira ushati, huchangokurwadza. Sei?

Ushati Hunokutapura

Hwose huri huviri ushati hwemwero mukuru nehwemwero muduku hunowedzera kudhura kwezvokurarama nazvo, hunoderedza unaku hwezvigadzirwa, uye hunoguma namabasa mashoma zvikuru nemibayiro yakaderera zvikuru. Somuenzaniso, kunokarakadzwa kuti utsotsi hwakadai sokurozva nounyengeri zvinodhura zvikuru nekanenge kagumi kupfuura kudhura kwakabatanidzwa kwekupaza, umbavha, uye kuba. The New Encyclopædia Britannica (1992) inotaura kuti “kudhura kwoutsotsi hwemakambani makuru muUnited States kwakafungidzirwa pa $200 000 000 000 pagore—kupeta katatu kudhura kwoutsotsi hwakarongwa.” Manyuko aya anotsanangura kuti nepo tapuro dzacho dzisingacherekedzwi zviri nyore, “utsotsi hwakadaro hune tapuro huru pachengeteko yavashandi, vatengi, uye mhoteredzo.”

Migumisiro isingafadzi youshati inotiyeuchidza nezvamashoko aMambo Soromoni, anoti: “Zvino ndakadzokazve, ndikaona kumanikidzwa kwose kunoitwa pasi pezuva; tarira, kwakanga kune misodzi yavanomanikidzwa, vachishayiwa munyaradzi; vamanikidzi vavo ndivo vakanga vane simba, asi ivo vakashayiwa munyaradzi.”—Muparidzi 4:1.

Ipapoka, tinofanira here kutera kuushati? Haudzivisiki here? Nyika isina ushati chiroto chisingabviri here? Nenzira inofadza, aiwa! Bhaibheri rinotidzidzisa kuti kusaruramisira nokusateerera mutemo zvichabviswa nokukurumidza.

Icho Bhaibheri Rinotiudza

Bhaibheri rinotiudza kuti ushati hwakavamba apo ngirozi ine simba yakapandukira Mwari ndokupesvedzera vanhu vaviri vokutanga kuikumbanira. (Genesi 3:1-6) Hapana chakanaka chakava munzira yavo yokutadza. Panzvimbo pezvo, kuvambira pazuva iro Adhama naEvha vakatadzira Jehovha Mwari, vakavamba kutambura migumisiro yakaipa youshati. Miviri yavo yakavamba muitiro wapashoma napashoma wokushata, uchitungamirira kurufu rusingadzivisiki. (Genesi 3:16-19) Kubvira panguva iyeyo, nhau yakazara nemienzaniso yepfumbamuromo, unyengeri, uye kukorovhera. Bva, vaiti vakawanda zvikurusa vanoratidzika kuva vari kudzivisa kubatwa.

Mukusafanana namatsotsiwo zvawo, vakuru vakuru vakashata nevezvamatongerwo enyika havawanzoendi kujeri kana kuti kuripira zvavakawana nenzira isiri yapamutemo. Nemhaka yokuvanzika kwepfumbamuromo, chioko muhomwe, uye kubhadhara, kunowanzova kwakaoma kufumura utsotsi hwemwero mukuru. Asi ikoku hakurevi kuti nyika isina ushati chiroto chisingabviri.

Kununurwa muushati kuchabva kuMusiki womunhu, Jehovha Mwari. Kupindira Kwoumwari ndiyo mhinduro bedzi. Nemhaka yeiko? Nemhaka yokuti muvengi werudzi rwomunhu asingaoneki, Satani Dhiyabhorosi, anopfuurira kutsausa rudzi rwomunhu. Sezvatinorava pana 1 Johane 5:19, “nyika yose igere muna iye wakaipa.” Chiizve chingagona kutsanangura wedzero muushati—hwakawanda hwacho hunoitwa pasina chirango?

Hapana uwandu hwenhamburiko dzomunhu hunogona kukurira Satani namadhemoni ake. Kupindira kwoumwari bedzi kunogona kuvimbisa rudzi rwomunhu rwunoteerera “kusunungurwa kwokubwinya kwavana vaMwari.” (VaRoma 8:21) Jehovha anopikira kuti nokukurumidza Satani achaganhurirwa kuitira kuti asagone kunyengera rudzi rwomunhu zvakare. (Zvakazarurwa 20:3) Munguvayi, kana tichishuva kurarama munyika itsva yaMwari isina ushati, tinofanira kuramba nzira dzakashata dzenyika ino.

Vanhu Vanogona Kuchinja

Mumazuva aJesu Kristu, pane avo vaishandisa zvisina kufanira simba ravo nokudzvinyirira vanhu biyavo. Somuenzaniso, vateresi vaizivikanwa nokuda kwemiitiro yavo yakashata. Ikoku kwakanga kwakadaro pasinei zvapo nomutemo waMwari wakajeka, wokuti: “Usagamuchira fufuro, nokuti fufuro inopofumadza vanoona, nokukanganisa mashoko avakarurama.” (Eksodho 23:8) Zakeo, muteresi mukuru, akabvuma kuti akanga apamba kupfurikidza nepomero yenhema. Asi panzvimbo pokusimudzira kuchinja kwenzanga pamwero mukuru, Jesu akakumbirisa vanhu vamwe nevamwe kupfidza ndokusiya nzira dzavo dzakashata. Somugumisiro, vateresi vakashata zvinozivikanwa saMateo naZakeo vakarega waichimbova muraramiro wavo.—Mateo 4:17; 9:9-13; Ruka 19:1-10.

Avo vanobatanidzwa mumiitiro yokusatendeseka nhasi vanogona nenzira yakafanana kuramba ushati kupfurikidza nokupfeka “munhu mutsva, wakasikwa akafanana naMwari pakururama, noutsvene hwezvokwadi.” (VaEfeso 4:24) Kungasava nyore kuripa mitero nokutendeseka kana kuti kurega kugoverana muzvirongwa zvinopokanwa. Zvisinei, betsero dzacho dzakafanira nhamburiko ipi neipi.

Vasingachadzorwi nenyika ino yakashata, avo vanoitira hanya garikano yavamwe vanofarikanya rugare rwomukati. Hapana rutyo rwokubatwa mukuitwa kwechakaipa. Panzvimbo pezvo, vanofarikanya hana yakanaka. Vanotevedzera muenzaniso weBhaibheri waDhanieri muporofita. Nhoroondo yeBhaibheri inotaura kuti vakuru vakuru nguva dzose vaitsvaka kuwanira mhaka Dhanieri. “Asi vakashayiwa shoko kana mhosva, nokuti wakanga akatendeka, uye kwakanga kusina kutadza kana mhosva kwaari.”—Dhanieri 6:4.

Chipikirwa chaJehovha

Jehovha anopikira kuti “kunyange mutadzi akaita zvakaipa rune zana, akava namazuva mazhinji, kunyange zvakadaro ndinoziva zvirokwazvo kuti vanotya Mwari, vanotya pamberi pake, vachagara zvakanaka; asi wakaipa haangagari zvakanaka, haangavi namazuva mazhinji, zvakafanana nomumvuri; nokuti haatyi pamberi paMwari.”—Muparidzi 8:12, 13.

Kusunungurwa kwakadini apo ushati hunenge husingachapariri kusafara! Chikomborero chakadini kurarama nokusingaperi munyika isina ushati! Ikoku hakusi kusingabviri. Bhaibheri rinotaura nezve“tariro youpenyu husingaperi, hwaakapikira iye Mwari, usingatongorevi nhema, nguva dzisingaperi dzisati dzavapo.” (Tito 1:2) Kana uchivenga ushati uye uchida kururama, ungasanoona kuzadzika kwechipikirwa chaMwari chenyika isina ushati.

[Mufananidzo uri papeji 4]

Ushati hwakatekeshera munzvimbo dzemuhurumende nedzamabhizimisi

[Mufananidzo uri papeji 5]

Ushati hunowanzotapura kubata navakuru vakuru vomunzanga.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe