RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w12 10/1 pp. 3-4
  • Uori—Hwapararira Zvakadini?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Uori—Hwapararira Zvakadini?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Mashoko Akafanana
  • Chipikirwa Chenyika Isina Ushati
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Kurwisa Uori Nebakatwa Romudzimu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Uori Hunoitwa Muhurumende Huchazombopera Here?
    Dzimwe Nyaya
  • Nei Uori Hwakawanda Kwazvo?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
w12 10/1 pp. 3-4

Uori​—Hwapararira Zvakadini?

“Kambani yedu ine rimwe basa rainoitira hurumende. Kazhinji tinopedza mwedzi miviri kana mitatu tisati tabhadharwa. Asi nguva ichangopfuura iyi ndakafonerwa nemumwe mushandi wehurumende. Akati kana tikamupa chiokomuhomwe aigona kuita kuti tikurumidze kubhadharwa.”—JOHN.a

WAKAMBOITIRWA uori here? Pamwe hauna hako kuitirwa hwakafanana nehwataurwa pamusoro apa, asi panofanira kunge paine zvimwe zvakamboitika kwauri zvakonzerwa nouri.

Sangano rinonzi Transparency International rakaita ongororo yenyika 183 muna 2011 uye rakaona kuti panyika idzi, “zhinji dzacho dzaiva neuori hwakanyanyisa.” Muna 2009, sangano iri rakanga raita imwe ongororo yakabudisa kuti uori hwakapararira chaizvo. Ongororo iyi inobudiswa gore negore yakati: “Zviri pachena kuti munyika yose hapana kusina dambudziko rouori.”

“Uori kushandisa zvisizvo simba raunaro kuti ugutse dumbu rako. Hunorwadza vaya vanenge vachivimba newe vachitotiwo basa rako ndiro rinoita kuti vawane chouviri kana kuti mufaro muupenyu.”​—TRANSPARENCY INTERNATIONAL

Pamwe pacho uori hunogona kutourayisa. Somuenzaniso, magazini inonzi Time yakati “uori nokushaya hanya” ndizvo zvimwe zvakaita kuti pafe vanhu vakawanda chaizvo pakadengenyeka nyika yeHaiti muna 2010. Yakatiwo: “Zvivako zvacho zvinongovakwa pasina mainjiniya uye vashandi vehurumende vanoongorora zvivako izvi vanopiwa chiokomuhomwe.”

Pane chichapedza zvachose dambudziko rouori here? Kuti tipindure mubvunzo uyu tinofanira kutanga taziva zvacho zvinombokonzera uori. Tichazvikurukura munyaya inotevera.

a Zita rakachinjwa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe