Kuteerera Kwoumwari Mumhuri Yakakamukana Mune Zvorudzidziso
“KUNOKUVADZA zvikuru kwazvo kupfuura chibhakera. . . . Ndinonzwa sokunge kuti ndakuvadzwa mumuviri wose, bva hapana anogona kuzviona.” “Pane dzimwe nguva ndinonzwa kuda kurega upenyu . . . kana kuti kubva pamusha ndokusatongodzoka.” “Kwakaoma kufunga zvakanaka pane dzimwe nguva.”
Mashoko iwayo akazadzwa nemirangariro anoratidza kunzwa kwokupererwa nezano uye ushoma. Anobva kuvananyajambwa vokutukwa—pomero, tyisidziro, kunyomba kunoderedza, kunyararirwa—uye kunyange kurohwa navakwanyina uye mitezo yemhuri. Neiko vanhu ava vachibatwa nenzira yakaipa kwazvo? Nemhaka bedzi yezvitendero zvorudzidziso zvinosiyana. Mumamiriro ezvinhu iwaya, kugara mumhuri yakakamukana mune zvorudzidziso kunoita kuti kunamatwa kwaJehovha kuve denho chaiyoiyo. Bva, vaKristu vanoitwa vananyajambwa vakadaro vanoratidzira kuteerera kwoumwari nenzira inobudirira.
Tinoonga, kuti shungu nedzvinyiriro zvakadaro hazviwaniki mumisha yose yakakamukana mune zvorudzidziso. Zvisinei, zviripo. Musha wako unokodzera iyi rondedzero here? Ipapo, ungakuwana kwakaoma kuchengeta ruremekedzo nokuda kwomukwanyina wako kana kuti nokuda kwavabereki vako. Kana uri mudzimai ari mumamiriro ezvinhu iwayo kana kuti vana vari mumhoteredzo yakadaro, unogona sei kubudirira mukuratidza kuteerera kwoumwari mumusha wakakamukana mune zvorudzidziso? Itsigiroi iyo vamwe vanogona kupa? Uye Mwari anomborangarira sei nhau yacho?
Neiko Kwakaoma Kwazvo Kuva Anoteerera?
Kuzvifadza kwenyika nokusaonga zvinoshanda pamwe chete nezvimiro zvako umene zvendangariro zvokusakwana ndokuita kuti kuteerera kwoumwari kuve kurwisa kwenguva dzose. Satani anoziva izvozvi, uye anoda kuputsa mudzimu wako. Anowanzoshandisa mitezo yemhuri iyo ine kuonga kushomanene noruremekedzo kana kuti isina nokuda kwemipimo youmwari. Mipimo yako yakakwirira yomudzimu neyetsika inowanzova yakasiyana zvikuru neiyo yemhuri yako isingatendi. Ikoku kunoreva mirangariro inorwisana pamusoro pomufambiro nomubato. (1 Petro 4:4) Dzvinyiriro yokukutsausa pamupimo wechiKristu ingava huru, sezvo wakateerera murayiro wokuti: “Regai kuyanana namabasa erima asine zvibereko.” (VaEfeso 5:11) Mumeso avo hapana chaunoita chichiri chakarurama. Kwose kuri nemhaka yorudzidziso rwako. Vamwe mai, varemedzwa navana vairwara, vakakumbira betsero kumurume wavo ndokuwana mhinduro yokunyomba, “Une nguva nokuda kworudzidziso rwako; haudi betsero.” Tsinhiro dzakadaro dzinowedzera kudenho yokuva anoteerera.
Ipapo pane nguva apo ungasabvuma pamusoro penhau dzisingaputsi zvakananga Magwaro. Bva, unoziva kuti uri rutivi rwemhuri uye kusvikira kutambanuko iyoyo une misengwa yakati. “Ndinoshatirwa zvikuru apo ndinenge ndichifunga nzira iyo baba vangu vanotibata nayo nemhaka yokuti ndinoziva kuti vanonzwa vari voga,” anodaro Connie. “Ndinofanira kuzviyeuchidza ndimene kazhinji kazhinji kuti ndirege kushatirirwa kushora kwababa vangu. Ndinofanira kuzviudza ndimene kuti pane chikonzero chakasimba nei vachidzivisa kana kuti kuramba chimiro chedu. Satani ndiye mubati ushe wetsika ino yezvinhu.” Susan, akaroorwa naasingatendi, anotaura, kuti: “Pamavambo ndaisinzwa kuti ndaida kuparadzana—asi handichadaro. Ndakaziva kuti Satani akanga achimushandisa kundiedza.”
Nhamburiko dzaSatani dzokukuita kuti unzwe usina maturo dzingaratidzika kuva dzinopfuurira. Mazuva angapfuura pasina kurukurirano nomukwanyina wako. Upenyu hunogona kuva hune ushoma zvikuru. Ikoku kunobvisa chivimbo nokuzviremekedza uye kunoedza kuteerera kwako kwoumwari. Vana vanonzwawo vaneteswa mumirangariro uye munyama. Mune chimwe chakaitika, kunyange zvazvo vabereki vavo vakaramba, vabatiri vaMwari vatatu vechiduku vakapinda misangano yechiKristu nokutendeka. Mumwe wavo, zvino mushumiri wenguva yakazara, akabvuma, kuti: “Tainzwa tisina maturo uye taneta; taisagona kurara; kwakatisuruvarisa zvikuru.”
Chii Icho Mwari Anokarira Kwauri?
Kuteerera Mwari nguva dzose kunouya pakutanga, uye kuteerera umusoro hwomurume kusina kukwana kunofanira kuva nguva dzose seizvo Jehovha anorayira. (Mabasa 5:29) Ikoko kungava kwakaoma, bva kunobvira. Ramba uchitarira kuna Mwari nokuda kwebetsero. Anoda kuti u“namat[e] mumweya nezvokwadi” uye kuti uteerere nokuzviisa pasi penhungamiro yake. (Johane 4:24) Zivo inobva muShoko raMwari, sezvainozadza rudzi rwakarurama rwomwoyo, inonyandura kuteerera kwokudisa. Kunyange zvazvo mamiriro ezvinhu zvako pachako angachinja, Jehovha uyewo Shoko rake hazvichinji. (Maraki 3:6; Jakobho 1:17) Jehovha akagovera umusoro kumurume. Ikoku kunoramba kuri kwechokwadi kana achibvuma umusoro hwaKristu kana kuti kwete. (1 VaKorinte 11:3) Kunyange zvazvo ikoku kungava kwakaoma kurarama nako kana ukatarisana nokubatwa zvisina kufanira kwenguva dzose uye kuzvidzwa, mudzidzi Jakobho anoti: “Kuchenjera kunobva kumusoro . . . kunoteerera.” (Jakobho 3:17) Kubvuma uhwu umusoro pasina kupokana uye kuhugamuchira kunoda mudzimu waMwari, zvikurukuru chibereko chawo chorudo.—VaGaratia 5:22, 23.
Apo unoda mumwe munhu, kuri nyore zvikuru kuratidza kuteerera kwoumwari kuchiremera chakarongwa nenzira youmwari. VaEfeso 5:33 inopa zano, ichiti: “Mumwe nomumwe ngaade mukadzi wake sezvaanozvida iye; nomukadzi ngaatye murume wake.”
Rangarira Jesu. Akatukwa uye akarohwa, bva haana kutongotuka munhu upi noupi. Akachengeta chinyorwa chisina mhaka. (1 Petro 2:22, 23) Kuti Jesu atambure kusaremekedzwa kwakadaro, aida ushingi hukuru uye kuda Baba vake, Jehovha kwakasimba. Asi, rudo “runotsungirira pazvose.”—1 VaKorinte 13:4-8.
Pauro akayeuchidza mushandi biyake Timotio, uye anotiyeuchidza nhasi, kuti: “Mwari haana kutipa mweya wokutya, asi wesimba, noworudo, nowokuzvidzora.” (2 Timotio 1:7) Kuda Jehovha naJesu Kristu kukuru kunogona kukunyandura mukuteerera kwoumwari apo mamiriro ezvinhu anoratidzika kuva asingabviri kutsungirira. Kunaka kwendangariro kuchakubetsera kuchengeta murangariro wakadzikama uye kuramba wakanangidzira ngwariro paukama hwako naJehovha naJesu Kristu.—Enzanisa naVaFiripi 3:8-11.
Vakwanyina Vanobudirira Mukuratidza Kuteerera Kwoumwari
Pane dzimwe nguva unofanira kumirira nguva refu kuti uone kuti Jehovha achatarisira sei zvinetso zvako. Bva, ruoko rwake haruna kutongopfupika. “Nguva dzose ita zvinhu izvo Jehovha anokupa kodzero neropafadzo yokuita—kumunamata pamisangano namagungano, kufunda, kupinda mubasa, uye kunyengetera,” anopa zano achidaro mumwe ari kubudirira mukuratidza kuteerera kwoumwari. Inhamburiko dzako idzo Jehovha anokomborera, kwete bedzi zvaunoita. Pana 2 VaKorinte 4:17, muapostora Pauro akataura kuti ‘kutambudzika kwacho ndekwechinguvana, asi kunotiparira mbiri isingaperi.’ Fungisisa izvozvi. Chichava chinhu chinodzikamisa nokuda kwako. Mumwe mudzimai anoyeuka, kuti: “Upenyu hwangu hwemhuri hausiri kuva nani, uye pane dzimwe nguva handizivi kana Jehovha achifadzwa neni. Asi chinhu chimwe chandinorangarira sechikomborero chake iidi rokuti ndakabuda muaya mamiriro ezvinhu ndiri nani kupfuura murume wangu. Kuziva kuti zviito zvedu zviri kufadza Jehovha kunoita kuti kutambura kwose kuve kwakakodzera.”
Jehovha anopikira kuti haasati achizokurega uchitambura mamiriro ezvinhu kupfuura zvaunogona kutsungirira. Muvimbe. Anoziva zviri nani kupfuura zvaunoita, uye anokuziva zviri nani kupfuura kuzviziva umene kwaunoita. (VaRoma 8:35-39; 11:33; 1 VaKorinte 10:13) Kunyengetera kuna Jehovha mumamiriro ezvinhu akaoma kunobetsera. Nyengeterera mudzimu wake kuti ukutungamirire, zvikurukuru apo unenge usingazivi chokuita kana kuti nzira yokubata nayo mamiriro ezvinhu akati. (Zvirevo 3:5; 1 Petro 3:12) Nguva dzose mukumbire shiviro, kuzvidzora, uye kuzvininipisa kuti uteerere chiremera muupenyu hwako. Wezvamapisarema akati: “Jehovha idombo rangu, nenhare yangu, nomurwiri wangu.” (Pisarema 18:2) Kuyeuka ikoku iyamuro inosimbaradza nokuda kwaavo vari mumhuri dzakakamukana mune zvorudzidziso.
Kupfuura zvose, ita nhamburiko iri yose kuti roorano yenyu ive inofadza. Hungu, Jesu akafanoona kuti mashoko akanaka aizoparira kukamukana. Nyengetera, kunyange zvakadaro, kuti kukamukana kupi nokupi kusatongova nemhaka yechimiro chako chendangariro kana kuti mufambiro. (Mateo 10:35, 36) Nechinangwa ichochi, batira pamwe inoderedza zvinetso zveroorano. Kunyange apo bedzi unenge uchiratidzira ichi chimiro chendangariro chakafanira, kunogona kubetsera zvikuru kudzivisa zvinetso kusvika papfundo rokupesana kwakanyanyisa negakava. Shiviro norudo zvinokosha kwazvo. Iva “munyoro” uye a“notsungirira pakuitirwa zvakaipa.”—2 Timotio 2:24.
Muapostora Pauro akava “zvose kuvanhu vose.” (1 VaKorinte 9:22) Nenzira yakafanana, nepo usingabvumiranisi pane zvisina kufanira mabasa echiKristu, ungada pane dzimwe nguva kugadziridza rudungwe rwako kuti upedze nguva yakawanda nomukwanyina wako uye mhuri. Ipa nguva yakawanda seinobvira kumunhu uyo wawakasarudza kugoverana naye upenyu hwako. Ratidza kurangarira kwechiKristu. Ikoku kuratidzirwa kwokuteerera kwoumwari.
Mudzimai anotya Mwari uye anozviisa pasi uyo ari anochinjika uye ane tsitsi anokuwana kuri nyore zvikuru kuratidzira kuteerera kwoumwari. (VaEfeso 5:22, 23) Mashoko anofadza, “akarungwa nomunyu,” anobetsera kuderedza kuwanda kwerwisano dzinobvira.—VaKorose 4:6; Zvirevo 15:1.
Uchenjeri hwoumwari hunorayira kugadzikisa misiyano nokukurumidza uye kudzorera rugare namashoko akanaka anovaka, panzvimbo pokuenda kunorara “muchakatsamwa.” (VaEfeso 4:26, 29, 31) Ikoku kunoda kuzvininipisa. Tsamira zvakasimba pana Jehovha nokuda kwesimba. Mumwe mudzimai wechiKristu akabvuma nokuzvininipisa, kuti: “Pashure pomunyengetero wapachokwadi, ndakawana mudzimu waJehovha uchisimudza ruoko rwangu kuti ndimbundire mukwanyina wangu.” Shoko raMwari rinopa zano, rokuti: “Musatsiva munhu chakaipa kana akakuitirai chakaipa. . . . Ukunde zvakaipa nezvakanaka.” (VaRoma 12:17-21) Iri izano rouchenjeri uye nzira yokuteerera kwoumwari.
Vana Vanoratidza Kuteerera Kwoumwari
Zano raJehovha kwamuri vana vari mumhuri dzakakamukana mune zvorudzidziso, nderokuti: “Teererai vabereki venyu pazvinhu zvose, nokuti ndizvo zvakanaka munaShe.” (VaKorose 3:20) Cherechedza kuti Ishe Jesu Kristu anodudzwa. Nokudaro, kuteerera vabereki hakusati kuri kwakakwana. Mupfungwa yakati zano raMabasa 5:29, ro“kuteerera Mwari kupfuura vanhu,” rinewo chokuita nepwere dzechiKristu. Nhambo dzichamuka apo munofanira kusarudza chokuita pahwaro hwezvamunoziva kuva zvakarurama maererano naMagwaro. Kungaguma nechimiro chakati chechirango nokuda kwokuramba kuita chiito chokunamata kwenhema. Nepo iyoyi iri kariro isingafadzi, munogona kuwana nyaradzo uye munogona kunyange kufarira idi rokuti muri kutambura nokuda kwokuita zvakanaka mumeso aMwari.—1 Petro 2:19, 20.
Sezvo mifungo yenyu ichitungamirirwa nenheyo dzeBhaibheri, mungasiyana navabereki venyu panhau dzakati. Ikoku hakuvaiti vavengi venyu. Kunyange kana vasiri vabatiri vakazvitsaurira vaJehovha, vakafanirwa norukudzo rwakafanira. (VaEfeso 6:2) Soromoni akati: “Teerera baba vako vakakubereka; usazvidza mai vako kana vachembera.” (Zvirevo 23:22) Edzai kunzwisisa kurwadziwa kwavanoita pamusoro pokuronda kwenyu kutenda kunoratidzika kuva kwechienzi kwavari. Kurukuriranai navo, uye “unyoro hwenyu ngauzikanwe.” (VaFiripi 4:5) Goveranai mirangariro yenyu neitiro hanya. Ivai vakasimba nokuda kwenheyo dzoumwari, bva, “kana zvichibvira, pamunogona napo, ivai norugare navanhu vose.” (VaRoma 12:18) Idi rokuti munoteerera utongi hwavabereki zvino rinoratidza kuna Jehovha kuti munoshuva kupfuurira kuva vanoteerera somudzorwi woUmambo.
Izvo Vamwe Vanogona Kuita
VaKristu vari kugara mumhuri dzakakamukana mune zvorudzidziso vanoda tsigiro nokunzwisisa kubva kuvanamati biyavo. Ikoku kuri pachena mumashoko omumwe munhu uyo akati: “Ndinonzwa ndisina tariro chose uye ndisina betsero, sezvo pasina chinhu icho munhu upi noupi anogona kuita, uye hapana chinhu chandingagona kuita kukuchinja. Ndiri kuvimba naJehovha kuti aite kuda kwake mumhuri yedu, kupi kana kupi kwakungava.”
Kusonganirana nehama nehanzvadzi dzomudzimu pamisangano yechiKristu utiziro. Munhu mumwe cheteyu akatsanangura upenyu hwake se“hwakafanana nenyika mbiri dzakasiyana. Imwe yandinofanira kuva mairi uye imwe yandinoda kuva mairi.” Rudo rwouhama ndirwo runoita kuti kubvirire ava vanotambudzwa kutsungirira uye kubatira mumamiriro ezvinhu ose. Vabatanidze muminyengetero yako. (VaEfeso 1:16) Nguva dzose, panhambo iri yose, taura kwavari mashoko anokurudzira, akanaka, uye anonyaradza. (1 VaTesaronika 5:14) Apo kunoshanda uye kwakakodzera, vabatanidze mumibato yako youbati ushe hwaMwari uye youshamwaridzani.
Zvikomborero Nebetsero Dzokuteerera Kwoumwari
Fungisisa zuva nezuva zvikomborero nebetsero zvokuratidzira kuteerera kwoumwari mumusha wakakamukana mune zvorudzidziso. Shandira kuva anoteerera. “Reg[a] kuneta.” (VaGaratia 6:9) Kutsungirirwa kwamamiriro ezvinhu asina kunaka nokusaruramisira “nemhaka yehana kuna Mwari . . . chinhu chinofadza” Mwari. (1 Petro 2:19, 20, NW) Iva anoteerera kusvikira kutambanuko yokuti nheyo dzakarurama dzaJehovha nemitemo hazvibvumiraniswi pane zvisina kufanira. Ikoku kunoratidza kuvimbika kugadziriro yaJehovha. Mufambiro wako woumwari ungatoponesa upenyu hwomukwanyina wako, vana, kana kuti vabereki.—1 VaKorinte 7:16; 1 Petro 3:1.
Sezvaunogonana nezvido uye kariro dzemhuri yakakamukana mune zvorudzidziso, yeuka ukoshi hwokuchengeta kuperera kuna Jehovha Mwari naJesu Kristu. Ungatera pane mativi akawanda, asi kutera kukuperera kwako kutera kuchinhu chiri chose, kubatanidza upenyu humene. Muapostora Pauro akati: “Mwari . . . pakupedzisira kwamazuva ano wakataura kwatiri muMwanakomana wake, waakaita mudyi wenhaka yezvinhu zvose, waakaitawo naye nyika.” Kuziva uku “kuponeswa kukuru kwakadai” kuchakusimbisa kuti uve anoteerera.—VaHebheru 1:1, 2; 2:3.
Kuteerera kwako kusingabvumiraniswi pane zvisina kufanira uye kusimba nokuda kwetsika dzakarurama uye mipimo idziviriro yakanaka nokuda kwako nomukwanyina wako asingatendi. Kutendeka kunovaka zvisungo zvemhuri zvakasimba. Zvirevo 31:11 inoti nezvemukadzi anokwanisa neakavimbika: “Mwoyo womurume wake unomutenda.” Mufambiro wako wakachena noruremekedzo rukuru zvingavhura meso omurume wako asingatendi. Ungamutungamirira kugamuchira zvokwadi yaMwari.
Kuteerera kwoumwari zvirokwazvo kunokosha uye kunoponesa upenyu. Kunyengeterere muupenyu hwako hwemhuri. Kuchaguma norugare rwendangariro ndokuunza rumbidzo kuna Jehovha.