“Varumbidzi Vanofara” Kokorodzano Yoruwa yeZvapupu zvaJehovha
Mazuva matatu anotusa emurayiridzo weBhaibheri akakumirira. Nekokorodzano 180 dzakarongwa muUnited States moga, sezvinobvira imwe kokorodzano ichaitwa pedyo nekwaunogara. Ivapo apo purogiramu inovamba namarimba na 9:40 a.m. paChishanu.
Purogiramu yemangwanani eChishanu ichasimbisa tsinhiro dzokuchingamidza uyewo hurukuro chaiyo, “Vakatsaurwa Savarumbidzi Vanofara Munyika Yose.” Mumasikati purogiramu yacho ichanangidzira ngwariro papwere, vabereki, uye dzidzo. “Ndagadzirira Kuroora Here?” ihurukuro iyo vechiduku vasingadi kupotsa. Vabereki vanofanira kusanoteerera inoti “Vabereki Vanowana Mufaro Muvana Vavo.” Purogiramu yemasikati ichaguma nehurukuro inoti “Dzidzo—Ishandise Kurumbidza Jehovha.” Zvinokurukurwa zvinofanira kubetsera pwere kupfuurira nenzira inobudirira muchikoro.
Purogiramu yemangwanani eChitanhatu ichasimbisa rubhapatidzo, uye mukana uchagoverwa nokuda kwaavo vanokwanirisa kuti vabhapatidzwe. Mumasikati kuchava nekurukurirano yakajeka yenzira iyo Satani kubvira munguva dzapakuvamba akashandisa nayo chishuvo chevatano kuisa vanhu mumusungo. Kuchavawo nehurukuro yakasimba inoti “Dzivisa Misungo yaDhiyabhorosi.” Purogiramu yezuva racho ichaguma nehurukuro inokosha inoti “Chikonzero Nei Rudzi Rwomunhu Ruchifanira Kuziva Mwari.”
Mangwanani eSvondo, hurukuro yokusiyirana ine musoro unoti “Varumbidzi Vanofara Mumhedziso Yetsika Ino” ichanangidzira ngwariro pazviitiko zvinotyisa nyika zviri pamberi pedu chaipo. Ichasimbisa kurumidziro yokutizira kuchengeteko “dambudziko guru” risati ravamba iro Jesu Kristu akataura pamusoro paro, sezvakanyorwa pana Mateo 24:21, NW.
Purogiramu yemangwanani eSvondo ichaguma nomutambo unokosha unoti “Kuremekedza Vakafanirwa Muukweguru Hwavo.” Ipapo, mumasikati, hurukuro yavose inoti, “Rumbidzai Mambo Wokusingagumi!” ichapiwa. Ichava rutivi rwakatanhamara zvikuru rwekokorodzano yacho.
Ita zvino rongedzero dzokupinda. Kuti uwane nzvimbo iri pedyosa nomusha wako, svika paHoro yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha yomunzvimbomo, kana kuti nyorera vabudisi vemagazini ino.