Chikonzero Nei Uchifanira Kupinda
UCHAGAMUCHIRA mazuva mana anotusa omuraidzo womudzimu pa“Kudzidzisa Kwoumwari” Kokorodzano Yoruwa, iyo ichava ichifambira mberi zhezha rino mumaguta kupota nyika. MuUnited States moga, kunopfuura 150 kwouku kuungana kuchaitwa mukati maJune, July, uye August. Kazhinji kazhinji, purogiramu ichavamba paChina pa 1:20 p.m. ndokuguma paSvondo pa 4:15 p.m. Pfundo guru padzimwe kokorodzano ichava mishumo inopiwa navafundisi, avo vakabetserwa kudzokera kunyika yokumusha kwavo nokuda kweiyi nguva inofadza.
Iwe ungave wakura kana kuti uri muduku—murume, mudzimai, baba, amai, wechiduku, kana kuti mwana—uchagamuchira kudzidzisa kunopiwa nenzira yakajeka, inofadza uko kuchakubetsera. Somuenzaniso, vazhinji nhasi vanobvunza, Chiiko chiri donzo roupenyu? PaChishanu mangwanani, uchafarikanya kunzwa uyu mubvunzo uchikurukurwa uye uchafadzwa nechaunogamuchira kubetsera vamwe kunzwisisa nhau yacho.
Chishanu masikati purogiramu ichasimbisa mativi anoti “Kuita Roorano Mubatanidzwa Unogarisa,” “Shanda Nesimba Nokuda Kworuponeso Rwemhuri Yako,” uye “Vabereki—Vana Venyu Vanoda Ngwariro Chaiyo.” Nokukurumidza pashure paiwaya, ngwariro chaiyo ichanongedzerwa pazvinetso vanhu vaduku vanotarisana nazvo uye nzira yavanogona kubata nayo nazvo. Ivo vanofanira kukurudzirwa nechinoitika chazvino uno chino musoro unoti Pwere Dzinoyeuka Musiki Wadzo Zvino.
PaChitanhatu purogiramu ichasimbisa uporofita hwaJesu pamusoro pamazuva okupedzisira uye zvikurukuru mashoko ake, anoti: “Nokukurumidza pashure pedambudziko ramazuva iwayo zuva richasvibiswa.” (Mateo 24:29, NW) Uchada kunzwa kurukurirano pamusoro paapo dambudziko iroro rinoitika. Purogiramu yeChitanhatu ichahwirudzurawo chinyorwa cheZvapupu zvaJehovha munguva dzazvino uno ndokuratidza izvo zvakaita.
PaSvondo chimwe chinoitika, chine musoro unoti Musanyengerwa kana kuti Kuseka Mwari, chichataura pamusoro pedenho kuperero yomunhu yechiKristu nemhaka yamavhidhiyo nenziyo dzakakurumbira zvanhasi. Hurukuro yavose mumasikati ichasimbisa musoro unoti “Kudzidzisa Kunobetsera nokuda Kwenguva Dzedu Dzinotambudza.” Purogiramu yacho ichaguma nezano rokuti “Ramba Wakabatisisa Kudzidzisa Kwoumwari.”
Zvirokwazvo, uchabetserwa nokuvapo mazuva ose mana! Unokokwa noushamwari kuti upinde. Kuti uwane nzvimbo iri pedyosa nomusha wako, wana Horo yoUmambo yomunzvimbomo yeZvapupu zvaJehovha kana kuti nyorera vabudisi vamagazini ino.