RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 6/1 p. 32
  • Chikonzero Nei Uchifanira Kupinda

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chikonzero Nei Uchifanira Kupinda
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Mashoko Akafanana
  • “Rutyo Rwoumwari” Kokorodzano Yoruwa Yaswedera Pedyo
    Mukai!—1994
  • “Varumbidzi Vanofara” Kokorodzano Yoruwa yeZvapupu zvaJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Uya kuKokorodzano Yoruwa yo“Kutenda Shoko raMwari”!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Pinda “Rutyo Rwoumwari” Kokorodzano Yoruwa!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 6/1 p. 32

Chikonzero Nei Uchifanira Kupinda

UCHAGAMUCHIRA mazuva mana anotusa omuraidzo womudzimu pa“Kudzidzisa Kwoumwari” Kokorodzano Yoruwa, iyo ichava ichifambira mberi zhezha rino mumaguta kupota nyika. MuUnited States moga, kunopfuura 150 kwouku kuungana kuchaitwa mukati maJune, July, uye August. Kazhinji kazhinji, purogiramu ichavamba paChina pa 1:20 p.m. ndokuguma paSvondo pa 4:15 p.m. Pfundo guru padzimwe kokorodzano ichava mishumo inopiwa navafundisi, avo vakabetserwa kudzokera kunyika yokumusha kwavo nokuda kweiyi nguva inofadza.

Iwe ungave wakura kana kuti uri muduku—murume, mudzimai, baba, amai, wechiduku, kana kuti mwana—uchagamuchira kudzidzisa kunopiwa nenzira yakajeka, inofadza uko kuchakubetsera. Somuenzaniso, vazhinji nhasi vanobvunza, Chiiko chiri donzo roupenyu? PaChishanu mangwanani, uchafarikanya kunzwa uyu mubvunzo uchikurukurwa uye uchafadzwa nechaunogamuchira kubetsera vamwe kunzwisisa nhau yacho.

Chishanu masikati purogiramu ichasimbisa mativi anoti “Kuita Roorano Mubatanidzwa Unogarisa,” “Shanda Nesimba Nokuda Kworuponeso Rwemhuri Yako,” uye “Vabereki—Vana Venyu Vanoda Ngwariro Chaiyo.” Nokukurumidza pashure paiwaya, ngwariro chaiyo ichanongedzerwa pazvinetso vanhu vaduku vanotarisana nazvo uye nzira yavanogona kubata nayo nazvo. Ivo vanofanira kukurudzirwa nechinoitika chazvino uno chino musoro unoti Pwere Dzinoyeuka Musiki Wadzo Zvino.

PaChitanhatu purogiramu ichasimbisa uporofita hwaJesu pamusoro pamazuva okupedzisira uye zvikurukuru mashoko ake, anoti: “Nokukurumidza pashure pedambudziko ramazuva iwayo zuva richasvibiswa.” (Mateo 24:29, NW) Uchada kunzwa kurukurirano pamusoro paapo dambudziko iroro rinoitika. Purogiramu yeChitanhatu ichahwirudzurawo chinyorwa cheZvapupu zvaJehovha munguva dzazvino uno ndokuratidza izvo zvakaita.

PaSvondo chimwe chinoitika, chine musoro unoti Musanyengerwa kana kuti Kuseka Mwari, chichataura pamusoro pedenho kuperero yomunhu yechiKristu nemhaka yamavhidhiyo nenziyo dzakakurumbira zvanhasi. Hurukuro yavose mumasikati ichasimbisa musoro unoti “Kudzidzisa Kunobetsera nokuda Kwenguva Dzedu Dzinotambudza.” Purogiramu yacho ichaguma nezano rokuti “Ramba Wakabatisisa Kudzidzisa Kwoumwari.”

Zvirokwazvo, uchabetserwa nokuvapo mazuva ose mana! Unokokwa noushamwari kuti upinde. Kuti uwane nzvimbo iri pedyosa nomusha wako, wana Horo yoUmambo yomunzvimbomo yeZvapupu zvaJehovha kana kuti nyorera vabudisi vamagazini ino.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe