Kudzidziswa naJehovha Kusvikira Kuzuva Rino
“Jehovha wakandipa rurimi rwavakadzidziswa.”—ISAYA 50:4.
1, 2. (a) Jehovha akagadzirira mudzidzi wake anodiwa nokuda kwechii, uye chii chakanga chiri mugumisiro? (b) Jesu akabvuma sei Manyuko okudzidzisa kwake?
JEHOVHA MWARI ave ari Mudzidzisi chibviro cheapo akava Baba. Nguva yakati pashure pokunge vamwe vevana vake vapanduka, akagadzirira mudzidzi wake anodikanwa, Dangwe rake, nokuda kwoushumiri pasi pano. (Zvirevo 8:30) Isaya ganhuro 50 nenzira youporofita inoratidzira uyu mudzidzi seanoti: “Ishe Jehovha wakandipa rurimi rwavakadzidziswa, kuti ndizive kusimbisa vakaneta namashoko.” (Isaya 50:4) Somugumisiro wokushandisa kudzidzisa kwaBaba vake paaiva pasi pano, Jesu akanga ari manyuko ezororo kuna avo vose vakanga ‘vakaneta nokuremerwa.’—Mateo 11:28-30.
2 Jesu akaita mabasa esimba akawanda mukati mezana ramakore rokutanga. Akasvinudza meso amapofu uye kunyange kumutsa vakafa, bva aizivikanwa zvikuru navakararama nguva imwe naye somudzidzisi. Vateveri vake pamwe chete navashori vake vakamudana kudaro. (Mateo 8:19; 9:11; 12:38; 19:16; Johane 3:2) Jesu haana kumbowana mbiri nokuda kwezvaakadzidzisa asi nokuzvininipisa akabvuma, kuti: “Kudzidzisa kwangu hakusi kwangu, asi ndokwowakandituma.” “Ndinoreva izvozvo zvandakadzidziswa naBaba.”—Johane 7:16; 8:28; 12:49.
Ukama Hwakanaka Hwomudzidzisi Nomudzidzi
3. Uporofita hwaIsaya hunoratidzira sei fariro yaJehovha mune avo anodzidzisa?
3 Mudzidzisi akaisvonaka anova nefariro yomunhu oga, yokuitira hanya, uye fariro yerudo muvadzidzi vake. Isaya ganhuro 50 inozivisa kuti Jehovha Mwari ane fariro yakadaro muna avo iye anodzidzisa. “Unondimutsa mangwanani ose,” uporofita hwacho hunodaro, “unomutsa nzeve dzangu kuti ndinzwe savanodzidziswa.” (Isaya 50:4) Mutauro uri pano unokarakadza murayiridzi anomutsa vadzidzi vake mangwanani-ngwanani kuitira kuti avadzidzise. Ichitsinhira pakushandiswa kweuporofita hwacho, imwe nyanzvi yeBhaibheri yakati: “Pfungwa yacho ndeyekuti, Mudzikinuri aizova . . . uyo akanga ari, kutaura nenzira yokufananidzira, muchikoro chaMwari; uye aizova akakwaniriswa kugovera murayiridzo kuna vamwe. . . . Mesiya aizova akakwaniriswa zvikuru, noKudzidzisa kwoumwari, kuva murayiridzi worudzi rwomunhu.”
4. Jesu akagamuchira sei kudzidzisa kwaBaba vake?
4 Nenzira yakakodzera, vadzidzi vanogamuchira kudzidzisa kwomurayiridzi wavo. Jesu akagamuchira sei kudzidzisa kwaBaba vake? Kugamuchira kwake kwakanga kuri mutsinhirano nezvatinorava pana Isaya 50:5, kuti: “Ishe Jehovha wakadziura nzeve dzangu, handina kuramba kana kudzokera shure.” Hungu, Jesu aidisa kudzidza kuita. Akanga ari, sokutaurwa kwazvo, anoteerera zvikuru. Kupfuura izvozvo, akanga achidisa kuita chipi kana chipi icho Baba vake vakamukumbira. Akanga asingapandukiri; panzvimbo pezvo, akati: “Kuda kwangu kurege kuitwa, asi kwenyu.”—Ruka 22:42.
5. (a) Chii chinoratidzira kuti Jesu akafanoziva miedzo yaaizotambura pasi pano? (b) Uporofita huri pana Isaya 50:6 hwakazadzikwa sei?
5 Uporofita hwacho hunoratidzira kuti Mwanakomana aiziva nezvemigumisiro inobvira yokuita kwake kuda kwaMwari. Izvi zvinoratidzwa nezvinotaurwa neuyo akadzidziswa: “Ndakarinzira varovi musana wangu, namatama angu kuna vakataura ndebvu dzangu; handina kuvanza chiso changu pakunyadziswa nokupfirwa mate.” (Isaya 50:6) Sezvinoratidzirwa nouporofita, Jesu akabatwa noutsinye pasi pano. “Vakamupfira mate pachiso,” muapostora Mateo akanyora kudaro. “Vakamurova . . . vamwe noruoko.” (Mateo 26:67) Ikoku kwakaitika musimba ravatungamiriri vorudzidziso pausiku hwePaseka hwa33 C.E. Zuva rakatevera Jesu akazvipa amene kuvarovi, sezvo varwi veRoma vaimurova zvisina tsitsi vasati vamuturika padanda kuti afe.—Johane 19:1-3, 16-23.
6. Chii chinoratidza kuti Jesu haana kutongorasikirwa nechivimbo chake muMudzidzisi wake, uye chivimbo chake chakatuswa sei?
6 Mwanakomana, akafanodzidziswa zvakanaka, haana kutongorasikirwa nechivimbo muMudzidzisi wake. Ikoku kunoratidzirwa nezvaanotevera kutaura mukuwirirana nouporofita: “Nokuti Ishe Jehovha uchandibatsira, naizvozvo handina kunyadziswa; naizvozvo ndakaita chiso changu sebwe romusarasara, ndinoziva kuti handinganyadziswi.” (Isaya 50:7) Chivimbo chaJesu mubetsero yoMudzidzisi wake chakatuswa zvikuru. Baba vake vakamukwidziridza, vachimukomborera nenzvimbo yakakwirira kupfuura iyo yavamwe vabatiri vose vaMwari. (VaFiripi 2:5-11) Zvikomborero zvikuru zvakatimirirawo kana tikaomerera nenzira yokuteerera kukudzidzisa kwaJehovha ndokusa“dzokera shure.” Ngatitarirei kuti kudzidzisa ikoko kwakaitwa kuti kuve kunowanika sei kusvikira kuzuva redu.
Purogiramu Yokudzidzisa Yakafutunurwa
7. Jehovha akapfuuridzira sei kudzidzisa kwake papasi?
7 Sezvatacherekedza pakuvamba, Jehovha akashandisa Mumiriri wake wapasi, Jesu Kristu, kuita kudzidzisa kwoumwari mukati mezana rokutanga ramakore. (Johane 16:27, 28) Jesu aigaronongedzera kuShoko raMwari sechiremera nokuda kwokudzidzisa kwake, achigadza muenzaniso nokuda kweavo akadzidzisa. (Mateo 4:4, 7, 10; 21:13; 26:24, 31) Pashure, kudzidzisa kwaJehovha kwakapfuuridzirwa mupasi kupfurikidza noushumiri hwavakadzidziswa vakadaro. Yeukai kuti Jesu akavarayira, kuti: “Endai naizvozvo, mudzidzise marudzi ose, . . . muvadzidzise kuchengeta zvose zvandakakurayirai imi.” (Kutsveyamisa mashoko ndokwedu.) (Mateo 28:19, 20) Apo vadzidzi vakaitwa, ivava vakava rutivi rwe“[i]mba [ya]Mwari, . . . kereke yaMwari mupenyu.” (1 Timotio 3:15) Vakaumbwawo kupinda muungano imwe neimwe umo vakadzidziswa naJehovha. (Mabasa 14:23; 15:41; 16:5; 1 VaKorinte 11:16) Kudzidzisa kwoumwari munzira iyoyo kwakapfuurira kusvikira kuzuva redu here?
8. Jesu akaratidzira kuti basa rokuparidza raizotungamirirwa sei pasi pano mugumo usati wazouya?
8 Zvirokwazvo, kwakadaro! Mazuva matatu rufu rwake rwusati rwasvika, Jesu akafanotaura kuti mugumo wetsika ino yezvinhu usati wasvika, kwaizova nebasa guru rokuparidza. “Evhangeri iyi youshe ichaparidzirwa munyika dzose, chive chapupu kumarudzi ose.” akadaro, “ipapo kuguma kuchasvika.” Jesu akapfuurira kurondedzera mutoo uyo kupfurikidza nawo uku kuparidzwa kwomunyika yose nepurogiramu yokudzidzisa zvaizoitwa. Akataura nezve“muranda wakatendeka, wakangwara” uyo aizobatira somukoto, kana kuti chishandiso, kugovera vabatiri Vake zvokudya zvomudzimu. (Mateo 24:14, 45-47) Jehovha Mwari akashandisa uyu “muranda” kutarisira fariro dzoUmambo mupasi rose.
9. Ndiani anoumba muranda akatendeka uye akachenjera?
9 Nhasi, muranda akatendeka uye akachenjera anoumbwa navakasarira vavadyi nhaka voUmambo. Ava ndivo vaKristu vakazodzwa, vakasarira pasi pano ve144 000, avo va“ri vaKristu” uye vari rutivi rwe“vana vaAbrahama.” (VaGaratia 3:16, 29; Zvakazarurwa 14:1-3) Unogona sei kuziva muranda akatendeka uye akachenjera? Zvikurukuru kupfurikidza nebasa ravanoita uye kupfurikidza nokusanoomerera kwavo kuShoko raMwari, Bhaibheri.
10. Zvishandisoi zvinoshandiswa neboka romuranda kusimudzira dzidziso dzaJehovha?
10 Jehovha anoshandisa uyu “muranda” sechishandiso chake chokudzidzisa vanhu nhasi. Avo veboka romuranda vakagamuchira zita rokuti Zvapupu zvaJehovha muna 1931. Kubvira panguva iyeyo mamiriyoni akasonganirana navo uye akagamuchira zita iroro ndokukumbanira mukuzivisa Umambo hwaMwari. Magazini ino, Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha, ndiyo chishandiso chikuru chinoshandiswa no“muranda” mubasa rokudzidzisa. Zvisinei, zvimwe zvinyorwa zvinoshandiswawo, kubatanidza mabhuku, mabhukwana, mabhurocha, maturakiti, uye magazini yeMukai!
11. “Muranda” akaronga zvikoroi, uye chimwe nechimwe cheizvi zvikoro chinobatira chinangwai?
11 Mukuwedzera, “muranda” anoronga zvikoro zvakasiyana-siyana. Izvozvi zvinobatanidza Watchtower Bible School of Gilead, iri kosi yemwedzi mishanu inogadzirira vashumiri vaduku nokuda kwebasa roufundisi kumwe, uye kosi yemwedzi miviri yeChikoro Chokurovedza Vashumiri, icho chinorovedza vakuru navabatiri vanoshumira vasina kuroora nokuda kwemigove chaiyo youbati ushe hwaMwari. Kunewo Chikoro Choushumiri Choumambo, machiri vakuru vechiKristu navabatiri vanoshumira vanorayiridzwa panhambo nenhambo mumitoro yavo yomuungano, uye Chikoro Chebasa Roupiyona, icho chinoshongedzera vaparidzi venguva yakazara kuti vave vanobudirira zvikuru mumubato wavo wokuparidza.
12. Chii chiri rutivi rukuru rwevhiki nevhiki rwepurogiramu yokudzidzisa?
12 Rumwe rutivi rwepurogiramu yokudzidzisa misangano mishanu yevhiki nevhiki, inoitwa mune ungano dzinopfuura 75 500 dzevanhu vaJehovha munyika yose. Unobetserwa zvikuru sezvinobvira neiyi misangano here? Kupfurikidza nokupa ngwariro kwako kumurayiridzo unopiwa, unoratidza here kuti unodavira chaizvoizvo kuti uri, sokunge zvakadaro, muchikoro chaMwari? Fambiro mberi yako yomudzimu inokuita kuti kuve pachena kuna vamwe kuti une “rurimi rwavakadzidziswa” here?—Isaya 50:4; 1 Timotio 4:15, 16.
Kudzidziswa Pamisangano Yeungano
13. (a) Ndeipi iri nzira inokosha iyo Jehovha anodzidzisa nayo vanhu vake nhasi? (b) Tinogona sei kuratidza kuonga kwedu nokuda kweNharireyomurindi?
13 Jehovha zvikurukuru anodzidzisa vanhu vake nomutoo wefundo yevhiki nevhiki yeBhaibheri, achishandisa Nharireyomurindi seyamuro yokudzidzisa. Unorangarira uyu musangano senzvimbo yaunogona kudzidziswa naJehovha here? Kunyange zvazvo Isaya 50:4 ichishanda zvikurukuru kuna Jesu, inogonawo kushanda kuna avo vose vanoshandisa vamene gadziriro yaMwari yokugamuchira “rurimi rwavakadzidziswa.” Nzira imwe yaunogona kuratidza nayo kuti unokoshesa Nharireyomurindi iri kupfurikidza nokurava chinyorwa chimwe nechimwe nokukurumidza sezvinobvira pashure pokuchigamuchira. Ipapo, apo Nharireyomurindi inofundwa muungano, unogona kuratidza kuonga kwako Jehovha kupfurikidza nokuvapo uyewo kupfurikidza nokuva akagadzirira kuita ziviso yapachena yetariro yako.—VaHebheru 10:23.
14. (a) Neiko kutsinhira pamisangano iri ropafadzo inokosha zvakadaro? (b) Itsinhiro dzorudzii dzinoitwa navaduku dzinokurudzira zvikuru?
14 Unonzwisisa here kuti kupfurikidza netsinhiro dzako pamisangano, unogona kuva norutivi mupurogiramu huru yokudzidzisa yaJehovha? Hapana kupokana pamusoro pako, kutsinhira pamisangano inzira inokosha yatinogona kunyandurirana nayo ku“rudo namabasa akanaka.” (VaHebheru 10:24, 25) Vana vanogona kuvawo norutivi mune iyi purogiramu yomurayiridzo here? Hungu, vanogona. Tsinhiro dzomwoyo wose dzinoitwa navaduku dzinowanzokurudzira vakuru. Padzimwe nguva, vatsva zvikuru pamisangano yedu vakasundwa netsinhiro dzavana kuti vave nefariro yakakomba zvikuru muzvokwadi yeBhaibheri. Vamwe vaduku vanowanzokuita tsika kurava tsinhiro dzavo zvakananga kubva mundima kana kuti kudzokorora pashure pomukuru ari kuzevezera munzeve dzavo. Zvisinei, kunokurudzira zvikurusa apo tsinhiro dzavo dzinenge dzakasanogadzirirwa. Kutsinhira kwakadaro zvirokwazvo kunounza rukudzo kuMurayiridzi wedu Mukuru nepurogiramu yake yakakwidziridzwa yokudzidzisa.—Isaya 30:20, 21.
15. Vabereki vanogona kuitei kubetsera vana kutsinhira zvinobudirira zvikuru?
15 Mufaro kuona vana vachida kugoverana mukurumbidza Mwari wedu. Jesu akakoshesa kutaura kwokurumbidza kwakabva kuvana vaduku. (Mateo 21:15, 16) Mumwe muKristu ari mukuru anoti: “Pandaiva mwana, ndaida kutsinhira paFundo yeNharireyomurindi. Pashure pokundibetsera kugadzirira tsinhiro, baba vangu vaida kuti ndirovedze tsinhiro yacho kanenge kanomwe.” Sezvinobvira mukati mefundo yenyu yemhuri yeBhaibheri, imi vabereki mungagona kubetsera vana venyu kugadzirira tsinhiro mumashoko avo vamene pandima dzakasarudzwa muNharireyomurindi. Vabetserei kukoshesa ropafadzo yavanayo yokugoverana mupurogiramu yokudzidzisa yaJehovha.
16. Chii chave chiri betsero yeChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari, uye ndivanaani vanganyoresa muchikoro chacho?
16 Kudzidzisa pamimwe misangano yechiKristu kunofanirawo kupiwa kurangarira kwakakomba, navose vari vaviri avo vane ropafadzo yokupa mashoko uye naavo vanoteerera kumurayiridzo unopiwa. Kwaanopfuura makore 50 zvino, Jehovha akashandisa Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari chevhiki nevhiki kurovedza mamiriyoni avarume navakadzi kuti vape mashoko oUmambo nenzira inobudirira zvikuru. Avo vanosonganira nenzira yokushingaira neungano vanganyoresa, kubatanidza vanhu vakatanga nguva pfupi yapfuura kupinda misangano, chero bedzi vachirarama upenyu hunowirirana nenheyo dzechiKristu.
17. (a) Musangano Wavose wakatangwa nokuda kwechinangwai zvikurukuru? (b) Vakurukuri vavose vanofanira kurangarira zvinhu zvipi?
17 Rumwe rutivi rwenguva refu rwepurogiramu yokudzidzisa Musangano Wavose. Sezvinoratidzirwa nezita rawo, uyu musangano wakatangwa zvikurukuru kurovedzanisa vasiri Zvapupu nedzidziso dzinokosha dzeBhaibheri. Nokudaro, uyo ari kupa hurukuro yacho anofanira kupa mashoko acho kuitira kuti ave anonzwisisika kuna avo vari kunzwa mashoko acho kekutanga. Ikoku kunoreva kutsanangura mashoko akadai se“mamwe makwai,” “hama,” uye “vakasarira,” mashoko ayo vasati vari Zvapupu vangasanzwisisa. Sezvo vanhu vanopinda Musangano Wavose vangava nezvitendero kana kuti miraramiro inopesana zvikuru naMagwaro—kunyange zvazvo ichigamuchirwa munzanga yanhasi—mukurukuri anofanira nguva dzose kuva anongwarira asingatomboiti musere nezvitendero zvakadaro kana kuti miraramiro.—Enzanisa na1 VaKorinte 9:19-23.
18. Ndeipi mimwe misangano yevhiki nevhiki yeungano iripo, uye inobatira zvinangwai?
18 Fundo yeBhuku yeUngano musangano uyo pauri zvinyorwa zvakagadzirwa munhungamiro yemuranda akatendeka uye akachenjera zvinofundwa vhiki imwe neimwe pamwe chete neBhaibheri. Bhuku rinonzi Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo! ndiro riri kufundwa zvino munyika dzakawanda. Musangano Webasa unogadzirirwa kushongedzera vanhu vaJehovha kuva negoverano yakazara mukuparidza mashoko akanaka oUmambo uye kuita vadzidzi.—Mateo 28:19, 20; Marko 13:10.
Kudzidziswa Pamisangano Mikuru Zvikuru
19. “Muranda” anoronga kuunganai kukuru zvikuru gore rimwe nerimwe?
19 Kwaanopfuura makore zana, ‘muranda akatendeka’ akagadzirira kokorodzano nemagungano nokuda kwokudzidziswa nokukurudzirwa chaiko kwavaKristu vechokwadi. Misangano mitatu mikuru yakadaro zvino inoitwa gore rimwe nerimwe. Pane gungano rezuva rimwe iro rinopindwa neboka reungano dzinoumba dunhu. Mukati megore, dunhu rimwe nerimwe rinovawo nokuungana kwemazuva maviri kunonzi gungano redunhu. Mukuwedzera, kune kuungana kunonzi kokorodzano yeruwa, kunopindwa nematunhu anoverengeka. Mune mamwe makore kungava nekokorodzano dzamarudzi ose. Uku kuungana kukuru neZvapupu zviri vashanyi zvinobva kunyika dzakawanda zvirokwazvo kunosimbaradza kutenda kwavanhu vaJehovha!—Enzanisa naDheuteronomio 16:16.
20. Chii chakasimbiswa nenzira inotsinhirana pakuungana kukuru kweZvapupu zvaJehovha?
20 Muna 1922, apo vanenge 10 000 vakasangana muCedar Point, Ohio, U.S.A., nhume dzakanyandurwa nekurudziro yavakurukuri: “Iri izuva ramazuva ose. Tarirai, Mambo anotonga! Muri nhume dzake dzokuzivisa. Naizvozvo zivisai, zivisai, zivisai, Mambo noumambo hwake.” Kokorodzano huru dzakadaro nenzira inotsinhirana dzakaisa simbiso pabasa rokuparidza. Somuenzaniso, pakokorodzano yamarudzi ose muNew York City muna 1953, chiziviso chakaitwa pamusoro pokutangwa kwepurogiramu yerovedzo yapaimba neimba muungano dzose. Kushandiswa kwayo kwakava nemigumisiro yakanaka zvikuru pakuparidza Umambo munyika dzakawanda.
Kudzidziswa naJehovha Kuti Tidzidzise
21. Iropafadzoi yatinoda kugamuchira, tisingapotsi chinangwa chayo?
21 Zvirokwazvo, Jehovha ane purogiramu yokudzidzisa inoshamisa papasi nhasi! Vose vanoishandisa vanogona kudzidziswa naMwari, hungu, vanogona kuva pakati paavo vakapiwa “rurimi rwavakadzidziswa.” Iropafadzo yakadini kuva, sokunge zvakadaro, muchikoro chaMwari! Bva, pakugamuchira iyi ropafadzo, hatifaniri kupotsa chinangwa chayo. Jehovha akadzidzisa Jesu kuitira kuti agogona kudzidzisa vamwe, uye Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kuitira kuti vagogona kuita basa rimwe chetero seraakanga achiita asi pamwero unotova mukuru zvikuru. Nenzira yakafanana, tiri kurovedzwa mupurogiramu huru yokudzidzisa yaJehovha nechinangwa chokudzidzisa vamwe.—Johane 6:45; 14:12; 2 VaKorinte 5:20, 21; 6:1; 2 Timotio 2:2.
22. (a) Mosesi naJeremia vaiva nechinetsoi, asi chakapedzwa sei? (b) Ivimbisoi yatinogona kuva nayo yokuti Mwari achaona kuti basa rokuparidza Umambo rinopedzwa?
22 Unotaura sezvakaita Mosesi here, kuti: “Handizi munhu unogona kutaura zvakanaka,” kana kuti sezvakataura Jeremia, “Handigoni kutaura”? Jehovha achakubetsera sezvaakavabetsera. “Ini ndichava muromo wako,” akaudza Mosesi kudaro. Uye kuna Jeremia akati: “Usatya . . . Ini ndinewe.” (Eksodho 4:10-12; Jeremia 1:6-8) Apo vatungamiriri vorudzidziso vakanga vachida kunyaradza vadzidzi vake, Jesu akati: “Kana ava vakanyarara, mabwe angadanidzira.” (Ruka 19:40) Asi mabwe haana kudikanirwa kudanidzira panguva iyeyo, uye haadikanirwi kudaro zvino nemhaka yokuti Jehovha ari kushandisa rurimi rwavakadzidziswa kugovera shoko rake roUmambo.
Unogona Kupindura Here?
◻ Ukamai hwakanaka hweMudzidzisi nomudzidzi hunotanhamariswa muna Isaya ganhuro 50?
◻ Jehovha akapfuuridzira sei purogiramu huru yokudzidzisa?
◻ Ndeapi mamwe mativi akatanhamara epurogiramu yokudzidzisa yaJehovha?
◻ Neiko iri ropafadzo huru kugoverana mupurogiramu yokudzidzisa yaJehovha?
[Mufananidzo uri papeji 16]
Tsinhiro dzomwoyo wose dzinoitwa navana dzinowanzova dzinokurudzira kuvakuru