RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 9/1 pp. 19-21
  • Unogona Kusakurira Kunzwisisa Kukuru Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unogona Kusakurira Kunzwisisa Kukuru Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kushayiwa Kunzwisisa kwaIsraeri
  • Kuwana Kunzwisisa Kwomudzimu
  • Kunzwisisa Nouchenjeri
  • Rerekera Mwoyo Wako Kunzwisiso
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Nzwisiso Ngaikutavirire
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • “Jehovha Ndiye Unopa Uchenjeri”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Tevedzera Jesu Pakuva Neushingi Uye Anonzwisisa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 9/1 pp. 19-21

Unogona Kusakurira Kunzwisisa Kukuru Here?

KUNZWISISA i“simba kana kuti mano endangariro ayo kunosiyanisa nako chinhu chimwe nechimwe.” Kunogonawo kuva “kukomba kwechisarudzo” kana kuti “simba rokucherekedza misiyano yezvinhu kana kuti mifungo.” Inodaro Webster’s Universal Dictionary. Nenzira yakajeka, kunzwisisa ivara rinofanira kushuviwa. Ukoshi hwaro hunoonwa mumashoko aSoromoni, okuti: “Uchenjeri hukapinda mumwoyo mako, zivo ichafadza mweya wako; [kunzwisisa] kuchakurindira . . . zvikurwire panzira yezvakaipa.”—Zvirevo 2:10-12.

Hungu, kunzwisisa kuchatibetsera kudzivisa “nzira yezvakaipa,” iyo iripo zvikuru nhasi. Uye kunounza dzimwe betsero zhinji. Somuenzaniso, vabereki vanowanzonzwa vana vavo vachiti, ‘Hamumbonzwisisi!’ Nokunzvera kuduku, vabereki vanonzwisisa vanoziva kuti vangabudisa sei mirangariro nenhau dziri kutambudza vana vavo. (Zvirevo 20:5) Murume anonzwisisa achateerera mudzimai wake ndokuwana nzwisiso mukufunga kwake nemirangariro panzvimbo pokungomhanyira kumhedziso. Mudzimai achaita zvimwe chetezvo nemurume wake. Nokudaro, “imba inovakwa nouchenjeri; inosimbiswa no[kunzwisisa, NW].”—Zvirevo 24:3.

Kunzwisisa kunobetsera munhu kubata namamiriro ezvinhu nenzira inobudirira. Bhuku raZvirevo 17:27 rinoti: “Unozvidzora pamashoko ake, une zivo; uye une mweya wakagadzikana, munhu wo[kunzwisisa, NW].” Munhu anonzwisisa haakurumidzi kushatirwa, achimhanyira mumamiriro ezvinhu ari ose asina kufunga. Anofungisisa nokungwarira migumisiro inobvira asati azvibatanidza amene. (Ruka 14:28, 29) Anofarikanyawo ukama hune rugare rukuru navamwe nemhaka yokuti “muromo wokungwarira” unomutungamirira kusarudza mashoko ake nokungwarira. (Zvirevo 10:19; 12:8, NW) Asi, chinokosha zvikurusa, munhu anonzwisisa anocherekedza nenzira yokuzvininipisa ganhuriro dzake amene uye anotarira kuna Mwari panzvimbo pavanhu nokuda kwenhungamiro. Ikoku kunofadza kuna Jehovha uye chimwe chikonzero chokusakurira kunzwisisa.—Zvirevo 2:1-9; Jakobho 4:6.

Kushayiwa Kunzwisisa kwaIsraeri

Ngozi yokukundikana kushandisa kunzwisisa inoonekwa muchimwe chiitiko munhau yapakuvamba yaIsraeri. Achitarira shure panguva iyoyo, wezvamapisarema akafuridzirwa akati: “Madzibaba edu haana kunzwisisa zvishamiso zvenyu paEgipita; haana kurangarira ngoni dzenyu zhinji; asi vakakumukirai pagungwa, ipo paGungwa Dzvuku.”—Pisarema 106:7.

Apo Mosesi akatungamirira Israeri kubuda muEgipita, Jehovha akanga atoratidza simba rake nokutsunga kwake kusunungura vanhu vake kupfurikidza nokuisa matambudziko gumi pasimba iroro guru renyika. Pashure pokunge Farao arega vaIsraeri vachienda, Mosesi akavatungamirira kumahombekombe eGungwa Dzvuku. Zvisinei, hondo dzeEgipita dzakavatevera. Kwakaratidzika sokunge kuti vaIsraeri vakanga vabatwa uye kuti rusununguko rwavo ruchangobva kuwanwa rwakanga ruchizogara nguva duku zvikuru. Naizvozvo chinyorwa cheBhaibheri chinoti: “Vakatya kwazvo; vana vaIsraeri vakachema kuna Jehovha.” Uye vakapanduka vachiti kuna Mosesi: “Makatiitireiko zvamatibudisa paEgipita? . . . Nokuti zviri nani kuti tibatire vaEgipita, pakuti tifire murenje.”—Eksodho 14:10-12.

Kutya kwavo kungaratidzika sokunonzwisisika kusvikira tayeuka kuti vakanga vatoona ratidzirwo gumi dzakatanhamara dzesimba raJehovha. Vaiziva zvakananga izvo Mosesi aizovayeuchidza nezvemakore 40 gare gare: “Jehovha akatibudisa paEgipita nechanza chine simba, noruoko rwakatambanudzwa, nezvinotyisa, nezviratidzo, nezvishamiso.” (Dheuteronomio 26:8) Nokudaro, sokunyora kwakaita wezvamapisarema, apo vaIsraeri vakapandukira nhungamiro yaMosesi, “ha[v]ana kunzwisisa.” Kunyange zvazvo zvakadaro, Jehovha, mukuwirirana nechipikirwa chake, akaita rukundo rwunoshamisa pamauto eEgipita.—Eksodho 14:19-31.

Kutenda kwedu kungakundikana nenzira yakafanana kudai taizosangana nemiedzo nokupanikira kana kuti nokusava nechokwadi. Kunzwisisa kuchatibetsera kurangarira zvinhu mumurangariro wakanaka nguva dzose, tichiyeuka kuti Jehovha mukuru zvikuru sei kupfuura vapi navapi vangava vachitishora. Kunzwisisa kuchatibetserawo kuyeuka izvo Jehovha akatotiitira. Kuchatibetsera kusatongokanganwa idi rokuti ndiye Uyo “unochengeta vose vanomuda.”—Pisarema 145:18-20.

Kuwana Kunzwisisa Kwomudzimu

Kunzwisisa hakungoerekani kwauya nezera. Kunofanira kusakurirwa. Mambo akachenjera Soromoni, uyo akawana mukurumbira mumarudzi akawanda nokuda kwokunzwisisa kwake, akati: “Munhu, wawana uchenjeri, une mufaro, naiye munhu, unowana [kunzwisisa, NW]. Nokuti kuwana [iko] kunopfuura kuwana sirivha; noku[ku]fuma [iko] kunopfuura kufuma ndarama.” (Zvirevo 3:13, 14) Soromoni akawana kupi kunzwisisa kwake? Kuna Jehovha. Apo Jehovha akabvunza Soromoni chikomborero chaaida, Soromoni akapindura, kuti: “Ipai muranda wenyu mwoyo unonzwisisa, . . . ndizive kutsaura pakati pezvakanaka nezvakaipa.” (1 Madzimambo 3:9) Hungu, Soromoni akatarira kuna Jehovha somubetseri wake. Akakumbira kunzwisisa, uye Jehovha akakupa kwaari kusvika kumwero wechienzi. Mugumisiro wacho? “Kungwara kwaSoromoni kwakapfuura kungwara kwavana vamabvazuva, nokungwara kwose kwavaEgipita.”—1 Madzimambo 4:30.

Chakaitika chaSoromoni chinotiratidza kwokuenda mukutsvaka kwedu kunzwisisa. SaSoromoni, tinofanira kutarira kuna Jehovha. Sei? Eya, Jehovha akagovera Shoko rake, Bhaibheri, iro rinotipa nzwisiso yokufunga kwake. Apo tinorava Bhaibheri, tiri kuchera mumanyuko anokosha ezivo iyo ichagovera hwaro hwokunzwisisa kwomudzimu. Mashoko atinounganidza mukurava kwedu Bhaibheri anofanira kufungisiswa paari. Ipapo, anogona kushandiswa kuita zvisarudzo zvakarurama. Pashure penguva yakati, masimba edu okunzwisisa anovandudzwa kusvika kutambanuko yokuti tinova “vakakura zvakakwana mumasimba okunzwisisa,” tichikwanisa “kutsauranisa [kana kuti, kunzwisisa pakati pe]zvose zviri zviviri zvakarurama nezvisakarurama.”—1 VaKorinte 14:20; VaHebheru 5:14, NW; enzanisa na1 VaKorinte 2:10.

Nenzira inofadza, tinogona kungobetserwa nokunzwisisa uko Jehovha akapa kuna Soromoni. Seiko? Soromoni akava nyanzvi mukutaura uchenjeri muchimiro chezvirevo, izvo zvaive, chaizvoizvo, kutaura kwakapfupikiswa kwouchenjeri hwakafuridzirwa nenzira youmwari. Zvizhinji zvezvirevo izvi zvakachengetedzwa mubhuku reBhaibheri raZvirevo. Kufunda bhuku iroro kunotibetsera kubetserwa nokunzwisisa kwaSoromoni uyewo kuvandudza kunzwisisa isu timene.

Kutibetsera mufundo yedu yeBhaibheri, tinogona kushandisa yamuro dzekufunda Bhaibheri, dzakadai semagazini eNharireyomurindi neMukai! Kwamakore anopfuura 116, Nharireyomurindi yave ichizivisa Umambo hwaJehovha kuvanhu vane mwoyo yakatendeseka. Magazini yeMukai! neakaitangira ave achitsinhira pamusoro pemamiriro ezvinhu enyika kubvira muna 1919. Magazini maviri aya anonzvera zvokwadi dzeBhaibheri ndokugovera nzwisiso yomudzimu inofambira mberi iyo inotibetsera kunzwisisa zvikanganiso, izvi zvingava zvinodzidziswa nechiKristudhomu kana kuti zvinowanwa mumitoo yedu timene yokufunga.—Zvirevo 4:18.

Imwe betsero mukuvandudza kunzwisisa isonganiro yakarurama. Chimwe chezvirevo zvaMambo Soromoni chinoti: “Fambidzana navakachenjera, ugova wakachenjerawo; asi shamwari yamapenzi inoshatiswa.” (Zvirevo 13:20) Kunosuruvarisa kuti mwanakomana waMambo Soromoni Rehoboami haana kuyeuka chirevo ichi panguva yakakosha muupenyu hwake. Pashure porufu rwababa vake, ndudzi dzaIsraeri dzakauya kwaari kuzokumbira kuti arerutse mitoro yavo. Kutanga, Rehobhoami akabvunza varume vakuru, uye ava vakaratidza kunzwisisa apo vakamukurudzira kuteerera vadzorwi vake. Ipapo, akaenda kuvarume vaduku zvikuru. Ava vakaratidza kusava noruzivo rwokuzviwanira nokushayikwa kwokunzwisisa, vachikurudzira Rehobhoami kupindura vaIsraeri netyisidziro. Rehobhoami akateerera varume vaduku zvikuru. Mugumisiro wacho? Israeri akapanduka, uye Rehobhoami akarasikirwa norutivi rukuru rwoumambo hwake.—1 Madzimambo 12:1-17.

Rutivi runokosha rwokuvandudza kunzwisisa kutsvaka betsero yomudzimu mutsvene. Mukuhwirudzura kubata kwaJehovha navaIsraeri pashure pokusunungurwa kwavo muutapwa muEgipita, munyori weBhaibheri Nehemia, akati: “Makavapawo mweya wenyu wakanaka kuvadzidzisa.” (Nehemia 9:20) Mudzimu waJehovha unogonawo kubetsera kutiita vakachenjera. Sezvaunonyengeterera mudzimu waJehovha kukupa kunzwisisa, nyengetera nechivimbo nemhaka yokuti Jehovha “unongopa vose asingazotuki.”—Jakobho 1:5; Mateo 7:7-11; 21:22.

Kunzwisisa Nouchenjeri

Muapostora Pauro akaratidza kunzwisisa apo akaparidza zvokwadi kuvanhu vamarudzi. Pane imwe nguva, somuenzaniso, paaiveri muAtene, akanga “achiona” zvinhu zvavo zvavainamata. Pauro akanga akapoteredzwa nezvidhori, uye mudzimu wake wakashungurudzika mukati make. Zvino akanga aine chisarudzo chokuita. Aifanira kuronda nzira yakakotsekana ndokuramba akanyarara here? Kana kuti aifanira kutaura nouchokwadi pamusoro pokunamata zvifananidzo kwakapararira uko akawana kuchishatirisa kwazvo, kunyange zvazvo kuita saizvozvo kwaigona kuva kune ngozi?

Pauro akaita nokunzwisisa. Akanga aona atari yakanyorwa, kuti: “KUNA MWARI USINGAZIVIKANWI.” Nokungwarira pakutaura, Pauro akabvuma kuzvipira kwavo kuzvidhori uye ipapo akashandisa atari iyoyo senzira yokusuma nayo nhau ya“Mwari wakasika nyika nezvose zviri mairi.” Hungu, Jehovha akanga ari Mwari wavaisaziva nezvake! Pauro nenzira iyoyo akacherekedza kutapurwa kwavo panhau yacho uye akakwanisa kupa uchapupu hunoshamisa. Nomugumisiroyi? Vanhu vakati vakagamuchira zvokwadi, kubatanidza “Dhionisio, muAreopago, nomukadzi ainzi Dhamari, navamwe pamwe chete navo.” (Mabasa 17:16-34) Pauro aiva muenzaniso wakadini wokunzwisisa!

Pasina panikiro, kunzwisisa hakuuyi nyore nyore kana kuti nenzira yomuzvarirwo. Asi nokushivirira, munyengetero, nhamburiko yapachokwadi, songaniro yokungwarira, fundo yeBhaibheri nokufungisisa pairi, uye kuvimba nomudzimu mutsvene waJehovha, iwewo unogona kukusakurira.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe