RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 11/15 pp. 24-27
  • “Jehovha Ndiye Unopa Uchenjeri”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Jehovha Ndiye Unopa Uchenjeri”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Urerekere Nzeve Yako Iteerere Uchenjeri”
  • Uchaita Nhamburiko Here?
  • Haungakundikani
  • Apo “Zivo Ichafadza”
  • “Zvikurwire Panzira Yezvakaipa”
  • ‘Vakarurama Vachagara Panyika’
  • Rerekera Mwoyo Wako Kunzwisiso
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Unogona Kusakurira Kunzwisisa Kukuru Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • “Munhu Awana Uchenjeri Une Mufaro”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • “Uchenjeri Hunobva Kumusoro” Huri Kushanda Muupenyu Hwako Here?
    Swedera Pedyo naJehovha
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 11/15 pp. 24-27

“Jehovha Ndiye Unopa Uchenjeri”

ZVINHU zvipi zvaunotsvaka zvinopedza nguva nesimba rako? Kuzviitira zita rakanaka inhau yaune hanya nayo here? Unopedzera nguva yako pakuunganidza pfuma here? Zvakadini nokuita basa muzvimwe zvinhu zvokuedza kana kuti kukudziridza unyanzvi muchikamu chimwe kana kuti zvakawanda zvekudzidza? Kukudziridza ukama hwakanaka nevamwe kunokosha kwauri here? Kugara une utano hwakanaka ndokwaunokoshesa here?

Zvose zvezviri pamusoro apa zvingaratidzika sezvinokosha. Asi chinokosha kwazvo chii? Bhaibheri rinopindura kuti: “Uchenjeri chinhu chikuru kune zvose; saka uzviwanire uchenjeri.” (Zvirevo 4:7) Saka tingawana sei uchenjeri, uye hunobatsirei? Chitsauko chechipiri chebhuku reBhaibheri raZvirevo chinogovera mhinduro dzacho.

“Urerekere Nzeve Yako Iteerere Uchenjeri”

Mumashoko erudo ababa, Mambo Soromoni akachenjera weIsraeri yekare anoti: “Mwanakomana wangu, kana ukagamuchira mashoko angu, nokuchengeta mirayiro yangu kwauri; kuti urerekere nzeve yako iteerere uchenjeri, nokurwadza mwoyo wako, kuti unzwisise; kana ukachemera kunzwisisa, ukadanidzira nenzwi rako kuti uwane njere; zvirokwazvo kana ukahutsvaka sesirvheri, ukahutsvakisisa sepfuma yakavanzwa; ipapo uchanzwisisa kutya Jehovha, nokuwana zivo yaMwari.—Zvirevo 2:1-5.

Unoona pane mutoro wokuwana uchenjeri here? Mundima idzi, mashoko okuti “kana uka-” anowanika katatu. Saka, zviri kumumwe nemumwe wedu kuti atsvake uchenjeri nezvinohubatsira—njere nenzwisiso. Zvisinei, kutanga, tinoda “kugamuchira” noku“chengeta” mupfungwa mashoko ouchenjeri akanyorwa muMagwaro. Kuti tidaro tinofanira kufunda Bhaibheri.

Uchenjeri kugona kushandisa zvakarurama zivo inopiwa naMwari. Uye Bhaibheri rinowanisa uchenjeri nenzira inoshamisa zvakadini! Hungu, rine mashoko ouchenjeri, seayo akanyorwa mumabhuku aZvirevo naMuparidzi uye tinofanira kuteerera mashoko aya. MuBhaibheri tinowanawo mienzaniso inoratidza kubatsira kunoita kushandisa nheyo dzaMwari uye migumisiro yokusadziteerera. (VaRoma 15:4; 1 VaKorinde 10:11) Somuenzaniso, funga nezvenhau yaGehazi ane makaro, muranda wemuprofita Erisha. (2 Madzimambo 5:20-27) Haitidzidzisi here uchenjeri hwokudzivisa makaro? Uye zvakadini nomugumisiro unosuruvarisa wekushanya kwairatidzika sekusina ngozi kwaiitwa naDhina, mukunda waJakobho ku“vakunda venyika” yeKanani? (Genesi 34:1-31) Hatigoni here kuona nyore nyore upenzi hwekusonganira kwakaipa?—Zvirevo 13:20; 1 VaKorinde 15:33.

Kuteerera uchenjeri kunosanganisira kuwana njere nenzwisiso. Maererano neWebster’s Revised Unabridged Dictionary, njere i“simba kana kuti mano endangariro ayo inosiyanisa nawo chimwe chinhu nechimwe.” Njere dzinopiwa naMwari mano okugona kusiyanisa chakaipa nechakanaka ndokusarudza nzira yakanaka. Kana tikasa‘rerekera mwoyo yedu’ kuti tinzwisise kana kuda kuti tiiwane, tingarambira sei pa“mugwagwa wakamanikana unoenda kuupenyu”? (Mateu 7:14; enzanisa naDheuteronomio 30:19, 20.) Kudzidza nokushandisa Shoko raMwari kunopa njere.

Tinga“chemera kunzwisisa” sei—mano okugona kuona kuti imwe nhau yakabatana neimwe sei uye nezvinhu zvose? Chokwadika, zera nezvakamboitika, zvimwe zvezvinhu zvinogona kutibatsira kuti tive nenzwisiso yakakura—asi hazvigarodaro. (Jobho 12:12; 32:6-12) “Ndinonzwisisa kupfuura vakakwegura,” akadaro munyori wepisarema, “nokuti ndakachengeta zvirevo [zvaJehovha] zvenyu.” Akaimbawo kuti “Kuzarurwa kwamashoko enyu kunopa chiedza, kunopa njere vasina mano.” (Pisarema 119:100, 130) Jehovha ndiye “Akakwegura paMazuva,” uye ane nzwisiso yakakura zvikuru kupfuura yevanhu vose. (Dhanieri 7:13) Mwari anogona kupa nzwisiso kune asina mano, achimuita kuti akunde kunyange vakakwegura pamakore. Naizvozvo, tinofanira kushingairira kufunda uye kushandisa Shoko raMwari, Bhaibheri.

Mashoko akadzokororwa okuti “kana uka-” muchikamu chokutanga chechitsauko chechipiri chaZvirevo anoteverwa nemashoko okuti “gamuchira,” “chengeta,” “chemera,” “tsvaka,” “tsvakisisa.” Nei munyori uyu akashandisa mashoko oukuru hwakadaro? Rimwe bhuku rinoti: “Chinhu chikuru [pano] chinosimbisa kudikanwa kwekushingairira kutsvaka uchenjeri.” Hungu, tinofanira kutsvakisisa nomwoyo wose uchenjeri nezvinhu zvinofambidzana nahwo—njere nenzwisiso.

Uchaita Nhamburiko Here?

Chinhu chikuru mukutsvaka uchenjeri kushingairira kufunda Bhaibheri. Zvisinei, kufunda uku kunofanira kupfuura kungorava nokuda kwokungowana mashoko chete. Kufungisisa zvine chinangwa pane zvatinorava chimwe chinhu chinokosha pakufunda Magwaro. Kuwana uchenjeri nenjere kunosanganisira kufunga pamusoro pemashandisiro atingaita zvatiri kudzidza pakugadzikisa zvinetso nepakuita zvisarudzo. Kuwana nzwisiso kunoda kufungisisa kuti zvinhu zvitsva zvacho zvinopindirana sei nezvatinotoziva. Ndiani angaramba kuti kufunda Bhaibheri kwokufungisisa zvakadaro kunoda nguva nenhamburiko? Nguva nesimba zvinoshandiswa zvakangofanana nezvinopedzerwa paku‘tsvaka sirivha nokutsvakisisa pfuma yakavanzwa.’ Uchaita nhamburiko dzinodikanwa here? Uchazvi‘tengera nguva yakafanira’ kuti udaro here?—VaEfeso 5:15, 16.

Funga kukura kweupfumi hwakatimirira kana tikachera zvakadzika muBhaibheri nemwoyo wakatendeseka. Tichawana “zivo yaMwari”—zivo inopa upenyu, yakadzikama yeMusiki wedu! (Johani 17:3) “Kutya Jehovha” imwewo pfuma yatinofanira kuwana. Kukosha kwakadini kwokumutya! Kutya kumutsamwisa kwakanaka kunofanira kudzora chinhu chose chomuupenyu hwedu, zvichiwedzera zvinoreva mudzimu wezvose zvatinoita.—Muparidzi 12:13.

Shungu dzokutsvaka nokuchera pfuma yokumudzimu dzinofanira kupisa matiri. Kuti kutsvaka kwedu kuve nyore, Jehovha akagovera zvishandiso zvokucheresa zvakaisvonaka—magazini echokwadi anobuda panguva yakakodzera, Nharireyomurindi neMukai!, nemamwe mabhuku anotsanangura Bhaibheri. (Mateu 24:45-47) Jehovha akagoverawo misangano yechiKristu kuti tiwane dzidzo muShoko rake nenzira dzake. Tinofanira kugaropinda, tichiteerera kune zviri kutaurwa, tichiita nhamburiko dzomwoyo wose kuti tinyatsoteerera nokuchengeta pfungwa huru, tofunga zvakadzama nezvoukama hwedu naJehovha.—VaHebheru 10:24, 25.

Haungakundikani

Kutsvaka mabwe anokosha akavanzwa, ndarama, kana kuti sirivha kunowanzokundikana. Izvi hazvifaniri kudaro nokutsvaka pfuma yomudzimu. Nemhaka yei? “Jehovha ndiye unopa uchenjeri,” Soromoni anotivimbisa kudaro, “mumuromo make munobuda zivo nenjere.”—Zvirevo 2:6.

Mambo Soromoni akanga akakurumbira nokuda kwouchenjeri hwake. (1 Madzimambo 4:30-32) Magwaro anoratidza kuti aive noruzivo rwezvinhu zvakawanda, zvaisanganisira zvinomera, mhuka, unhu hwevanhu, uye Shoko raMwari. Njere dzaakaratidza samambo muduku mukugadzikisa gakava pakati pevakadzi vaviri, mumwe nemumwe wavo achiti ndiye amai vemwana mumwe chete, dzakabatsira kuti aite mukurumbira kumarudzi akawanda. (1 Madzimambo 3:16-28) Dzidzo yake yakakura yaibva kupi? Soromoni akanyengeterera “njere nokuziva” kuna Jehovha, uye mano okuti a“zive kutsaura pakati pezvakanaka nezvakaipa.” Jehovha akamugovera izvozvi.—2 Makoronike 1:10-12; 1 Madzimambo 3:9.

Isuwo tinofanira kunyengeterera rubatsiro rwaJehovha sezvatinoshingaira kufunda Shoko rake. Munyori wepisarema akanyengetera kuti: “Ndidzidzisei nzira yenyu, Jehovha. Ndichafamba muzvokwadi yenyu. Batanidzai mwoyo wangu kuti nditye zita renyu.” (Pisarema 86:11) Jehovha akabvumira munyengetero iwoyo nokuti akaita kuti unyorwe muBhaibheri. Tinogona kuva nechivimbo chokuti minyengetero yedu yemwoyo wose neyenguva dzose yokukumbira rubatsiro rwake kuti titsvake pfuma yokumudzimu muBhaibheri haingaregi kupindurwa.—Ruka 18:1-8.

Soromoni anoti: “Unovigira vakarurama uche- njeri chaihwo; ndiye nhoo yavanofamba muzvokwadi; nokuti unorinda makwara okururamisa, nokuchengeta nzira yavatsvene vake. Ipapo uchanzwisisa kururama nokururamisa, nokutendeka, idzo nzira dzose dzakanaka.” (Zvirevo 2:7-9) Iyi ivimbiso yakadini! Jehovha haangopi uchenjeri hwechokwadi chete kune avo vanohutsvaka nomwoyo wose asi anovawo nhoo inodzivirira nokuda kwevakarurama nokuti vanoratidza uchenjeri hwechokwadi uye vanobvumirana nezvaanoda nenzira yokutendeka. Ngativeiwo pakati peavo Jehovha anobatsira kunzwisisa “nzira dzose dzakanaka.”

Apo “Zivo Ichafadza”

Kufunda Bhaibheri uri woga—chinodikanwa chinokosha chokutsvaka uchenjeri—hachisi chinhu chinofadza vanhu vakawanda. Somuenzaniso, Lawrence ane makore 58 okukura anoti: “Ndinogaroshanda nemaoko angu. Kufunda kwakandiomera.” Uye Michael ane makore 24 okukura, uyo aisafarira kufunda ari kuchikoro, anoti: “Ndaifanira kuzvimanikidzira kugara pasi ndokufunda.” Asi, chido chokufunda chinotosakurirwa.

Funga zvakaita Michael. Anoti: “Ndakazviranga kuti ndifunde kwehafu yeawa zuva roga roga. Nokukurumidza ndakagona kuona migumisiro yacho pamafungiro angu, tsinhiro dzangu pamisangano yechiKristu, uye nokutaura kwangu nevamwe. Zvino ndinotarisira kunguva dzandinofunda, uye ndinovenga kuti pave nechimwe chinhu chinodzidzongonyedza.” Hungu, kufunda uri woga kunogona kunakidza patinoona kufambira mberi kwatinoita. Lawrence akashandawo kuti afunde Bhaibheri, uye nokufamba kwenguva, akazoshanda somukuru muungano yeZvapupu zvaJehovha.

Kuita kuti kufunda uri woga kufadze zvinoda nhamburiko dzinopfuurira. Zvisinei, kubatsira kwacho kukuru. “Nokuti uchenjeri huchapinda mumwoyo mako, zivo ichafadza mweya wako;” anodaro Soromoni, “kungwara kuchakurindira, njere dzichakuchengeta.”—Zvirevo 2:10, 11.

“Zvikurwire Panzira Yezvakaipa”

Uchenjeri, zivo, kungwara, nenjere zvinochengeta munzirai? “[Zviripo kuti] zvikurwire panzira yezvakaipa,” anodaro Soromoni, “napavanhu vanotaura zvisakarurama; vanorasha makwara okururama, kuti vafambe nenzira dzerima; vanofarira kuita zvakaipa, vanofadzwa nokunyengera kwezvakaipa. Vane nzira dzakaminama, vanotsauka pamakwara avo.”—Zvirevo 2:12-15.

Hungu, avo vanoda uchenjeri hwechokwadi vanodzivisa kushamwaridzana nani zvake “anotaura zvisakarurama,” kureva zvinhu zvinopesana nezvechokwadi nezvakarurama. Kungwara nenjere zvinochengeta pane vanoramba chokwadi kuti vangofamba munzira dzerima uye pane vanotsauka nevanowana mufaro muzviito zvakashata.—Zvirevo 3:32.

Mufaro wakadini watingava nawo pakuti uchenjeri hwechokwadi nezvinhu zvinofambidzana nahwo zvinotichengetawo panzira dzakashata dzevarume nevakadzi vari nzenza! Soromoni anowedzera kuti zvinhu izvi “zvikurwire kumukadzi wokumwe, kumukadzi mutorwa, unobata kumeso namashoko ake. Iye, unorasa shamwari youmhandara hwake, achikanganwa sungano yaMwari wake. Nokuti imba yake inonyura kurufu, nenzira dzake kuvakafa; hakuna unopinda kwaari unozodzokazve; havasviki panzira dzoupenyu.”—Zvirevo 2:16-19.

“Mukadzi wokumwe,” hure, anorondedzerwa seuyo anosiya “shamwari youmhandara hwake”—zvichida murume woumhandara hwake.a (Enzanisa naMaraki 2:14.) Akakanganwa kurambidzwa kwoupombwe uko kwaiva chikamu chesungano yoMutemo. (Eksodho 20:14) Nzira dzake dzinotungamirira kurufu. Avo vanoita ushamwari naye “hava[ngazombo]sviki panzira dzoupenyu,” nokuti zvino kana gare gare vangangosvika pachinhanho chisingadzokwi, zvichireva rufu, rwavasingagoni kudzoka kwarwuri. Munhu wenjere neakangwara anoziva zvinokwezvera kuunzenza uye anodzivisa kubatwa mazviri nenzira yokuchenjera.

‘Vakarurama Vachagara Panyika’

Achipa pfupiso yechinangwa chezano rake pamusoro pouchenjeri, Soromoni anoti: “Kuti ufambe nenzira yavakanaka, uchengete makwara avakarurama.” (Zvirevo 2:20) Uchenjeri hunoshanda chinangwa chinoshamisa zvakadini! Hunotibatsira kuti tive neupenyu hunofadza nehunogutsa hunopa tendero yaMwari.

Chimbofungawo zvikomborero zvakaisvonaka zvakachengeterwa avo vano“famb[a] nenzira yavakanaka.” Soromoni anopfuurira achiti: “Nokuti vakarurama vachagara panyika, vakakwana vacharambirapo. Asi vakaipa vachaparadzwa panyika; vanoita nokunyengedzera vachadzurwapo.” (Zvirevo 2:21, 22) Ivawo pakati pevakakwana avo vachagara nokusingaperi munyika itsva yakarurama yaMwari.—2 Petro 3:13.

[Mashoko Omuzasi]

a Shoko rokuti “wokumwe” raishandiswa kune avo vaitsauka pane zvaibvumirana noMutemo saka vachizviparadzanisa naJehovha. Nokudaro, hure—kwete chaizvoizvo mutorwa—rinonzi “mukadzi wokumwe.”

[Mufananidzo uri papeji 26]

Soromoni akanyengeterera uchenjeri. Isuwo tinofanira kudaro

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe