RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 9/15 pp. 14-19
  • Rudo Runokurira Godo Risina Kufanira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rudo Runokurira Godo Risina Kufanira
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Godo Pakati pavaKristu
  • Muungano
  • Mumhuri Yenyu
  • Mienzaniso Yokukurira Godo
  • Mienzaniso Yakatanhamara Zvikurusa
  • Kukurira Godo Rako
  • Chaunofanira Kuziva Pamusoro Pegodo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Godo Nokuda Kwokunamatwa Kwakachena kwaJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • VaKristu Vanofanira Kuva Negodo Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Josefa Anoitirwa Godo
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2020
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 9/15 pp. 14-19

Rudo Runokurira Godo Risina Kufanira

“Rudo harune godo.”—1 VAKORINTE 13:4.

1, 2. (a) Jesu akaudzei vadzidzi vake pamusoro porudo? (b) Kunobvira here kuva zvose zviri zviviri ane rudo uye ane godo, uye neiko uchipindura kudaro?

RUDO chiratidzo chinozivisa chiKristu chechokwadi. “Vose vachaziva naizvozvi kuti muri vadzidzi vangu, kana mune rudo pakati penyu,” akadaro Jesu Kristu. (Johane 13:35) Muapostora Pauro akafuridzirwa kutsanangura nzira iyo rudo rwunofanira kutapura nayo ukama hwavaKristu. Pakati pezvimwe zvinhu, akanyora, kuti: “Rudo harune godo.”—1 VaKorinte 13:4.

2 Apo Pauro akanyora mashoko iwayo, akanga achinongedzera kugodo risina kufanira. Nezvisizvo angadai asina kuudza ungano imwe cheteyo, kuti: “Ndine godo pamusoro penyu [godo roumwari, NW].” (2 VaKorinte 11:2) “Godo [rake] roumwari” rakanyandurwa nemhaka yavarume avo vakanga vari pesvedzero inoshatisa muungano. Ikoku kwakasunda Pauro kunyorera vaKristu veKorinte tsamba yechipiri yakafuridzirwa ine zano rorudo zvikuru.—2 VaKorinte 11:3-5.

Godo Pakati pavaKristu

3. Chinetso chaibatanidza godo chakatanga sei pakati pavaKristu veKorinte?

3 Mutsamba yokutanga kuvaKorinte, Pauro aifanira kubata nechinetso chakanga chichidzivisa ava vaKristu vatsva kuwirirana. Vakanga vachikwidziridza varume vakati, vachizvi“kudza [v]achitsaura mumwe kunomumwe.” Ikoku kwakatungamirira kukukamukana mukati meungano, vakasiyana-siyana vachiti: “Ini ndiri waPauro, ini waAporo, ini waKefasi.” (1 VaKorinte 1:12; 4:6) Munhungamiro yakapiwa kupfurikidza nomudzimu mutsvene, muapostora Pauro akakwanisa kusvika pachisakiso chechinetso chacho. VaKorinte vakanga vachiita savanhu vane ndangariro yenyama, kwete kufanana “navoMweya.” Nokudaro, Pauro akanyora, kuti: “Muchiri venyama; nokuti zvapachine godo pakati penyu, negakava, ko hamuzi venyama, muchifamba nomutoo wavanhu here?”—1 VaKorinte 3:1-3.

4. Pauro akashandisa muenzanisoi kubetsera hama dzake kusvika pamurangariro wakarurama womumwe nomumwe, uye chidzidzoi chatinogona kudzidza muna ikoku?

4 Pauro akabetsera vaKorinte kunzwisisa murangariro wakanaka wezvipo namano zvavakasiyana-siyana vaiva muungano. Akabvunza, kuti: “Ndianiko wakakutsaura iwe? Chinyiko chaunacho chausina kupiwa? Zvino kana wakapiwa, unozvikudzireiko sousina kupiwa?” (1 VaKorinte 4:7) Muna 1 VaKorinte ganhuro 12, Pauro akatsanangura kuti avo vakanga vari rutivi rweungano vakanga vakafanana nemitezo yakasiyana-siyana yomuviri womunhu, yakadai soruoko, ziso, uye nzeve. Akaonesa kuti Mwari akaita mitezo yomuviri munzira yakadaro zvokuti inotarisirana. Pauro akanyorawo, kuti: “Kana mutezo mumwe uchikudzwa, mitezo yose inofara pamwe chete nawo.” (1 VaKorinte 12:26) Vabatiri vaMwari vose nhasi vanofanira kushandisa iyi nheyo muukama hwavo nomumwe nomumwe. Panzvimbo pokuva negodo nomumwe munhu nemhaka yomugove wake kana kuti zvaanoita mubasa raMwari, tinofanira kufara nomunhu iyeyo.

5. Chii chinoziviswa pana Jakobho 4:5, uye Magwaro anosimbisa sei zvokwadi yaaya mashoko?

5 Sezvinobvumwa, ikoku kuri nyore kutaura kupfuura kukuita. Munyori weBhaibheri Jakobho anotiyeuchidza kuti “chimiro chendangariro cheshanje” chinogara mumunhu ari wose anotadza. (Jakobho 4:5, NW) Rufu rwokutanga rwomunhu rwakaitika nemhaka yokuti Kaini akatera kugodo rake risina kufanira. VaFiristia vakatambudza Isaka nemhaka yokuti vakava neshanje nepfuma yake yaiwedzera. Rakeri akanga ane godo nokuva nembereko kwomukoma wake. Vanakomana vaJakobho vakanga vane godo nokudiwa kwairatidzwa kumunun’una wavo Josefa. Miriami sezviri pachena akanga ane godo nomuroora wake akanga asiri muIsraeri. Kora, Dhatani, uye Abhirami nenzira yeshanje vakaumba bangano mukurwisana naMosesi naAroni. Mambo Sauro akava negodo nokubudirira muhondo kwaDhavhidhi. Hapana panikiro godo rakanga ririwo chisakiso chaiparira vadzidzi vaJesu kuitirana vaitiranazve nharo pamusoro pokuti ndiani akanga ari mukurusa pakati pavo. Idi nderokuti hapana munhu asina kukwana akasununguka chose chose pa“chimiro chendangariro cheshanje” yechivi.—Genesi 4:4-8; 26:14; 30:1; 37:11; Numeri 12:1, 2; 16:1-3; Pisarema 106:16; 1 Samueri 18:7-9; Mateo 20:21, 24; Marko 9:33, 34; Ruka 22:24.

Muungano

6. Vakuru vanogona sei kudzora chimiro chendangariro chokuva neshanje?

6 VaKristu vose vanofanira kudzivisa shanje negodo risina kufanira. Ikoku kunobatanidza mitumbi yavakuru yakagadzwa kutarisira ungano dzavanhu vaMwari. Kana mukuru achizvininipisa, haasati achizoedza nenzira yegwinyiro kukunda vamwe. Kune rumwe rutivi, kana mukuru akati ane mano akatanhamara somurongi kana kuti mukurukuri wavose, vamwe vachafara pamusoro paikoku, vachikurangarira sechikomborero kuungano. (VaRoma 12:15, 16) Hama ingava ichiita fambiro mberi yakaisvonaka, ichipa ufakazi hwokubereka zvibereko zvomudzimu waMwari muupenyu hwayo. Mukurangarira zvikwaniriso zvayo, vakuru vanofanira kungwarira kusakudziridza kukundikana kwakati kuduku kuti varuramise kusamurumbidza somubatiri anoshumira kana kuti mukuru. Ikoku kwaizoratidza kushayikwa kworudo nokuva nomufungo.

7. Chinetsoi chingamuka apo muKristu anowana mugove wakati woubati ushe hwaMwari?

7 Kana mumwe munhu akagamuchira mugove woubati ushe hwaMwari kana kuti ropafadzo yomudzimu, vamwe vari muungano vanofanira kudzivisa shanje. Somuenzaniso, imwe hanzvadzi inokwanisa ingawanzoshandiswa kupfuura imwe kupa mienzaniso pamisangano yechiKristu. Ikoku kungaparira godo kune dzimwe hanzvadzi. Chinetso chimwe chetecho chingave chaivapo pakati paYuodhia naSintike vomuungano yeFiripi. Vakadzi vakadaro vomuzuva razvino vangada kurudziro yomutsa kubva kuvakuru kuti vazvininipise uye kuva “nomwoyo mumwe munaShe.”—VaFiripi 2:2, 3; 4:2, 3.

8. Godo rinogona kutungamirira kuzviitoi zvechivi?

8 MuKristu angaziva nezvokukundikana kwekare kwouyo zvino akakomborerwa neropafadzo muungano. (Jakobho 3:2) Nemhaka yegodo, pangava nomuedzo wokutaura kuna vamwe pamusoro paikoku uye kupanikira mugove waiyeyo muungano. Ikoku kwaizova kwakapesana norudo, urwo “runofukidza zvivi zvizhinji.” (1 Petro 4:8) Kutaura kwegodo kunogona kuvhiringidza rugare rweungano. “Kana mune godo rinovava norukave mumwoyo menyu,” akanyevera kudaro muapostora Jakobho, “musazvirumbidza nokurevera zvokwadi nhema. Kuchenjera uku hakuburuki kuchibva kumusoro, asi ndokwenyika, kwatakamuka nako, kwomweya wakaipa.”—Jakobho 3:14, 15.

Mumhuri Yenyu

9. Vakwanyina veroorano vanogona sei kudzora kunzwa kwegodo?

9 Roorano dzakawanda dzinokundikana nemhaka yegodo risina kufanira. Kuratidza kusavimba mukwanyina weroorano hakusati kuri kuda. (1 VaKorinte 13:7) Kune rumwe rutivi, mukwanyina mumwe angava asingatapuriki kukunzwa kwegodo kwomumwe. Somuenzaniso, mukadzi angava negodo nemhaka yengwariro iyo murume wake anopa kune mumwe munhuwo zvake womutezo wakasiyana. Kana kuti murume angava negodo nemhaka youwandu hwenguva iyo mudzimai wake anopedza achitarisira hama yokunyama inoshayiwa. Vachinyadziswa pamusoro pokunzwa kwakadaro, vakwanyina veroorano vangaramba vanyerere ndokuratidza kuvhiringidzika kwavo munzira idzo dzinoomesa chinetso chacho. Panzvimbo pezvo, mukwanyina weroorano ane godo anofanira kukurukura ndokuva akatendeseka pamusoro pokunzwa kwake. Uyewo, mumwe mukwanyina anofanira kuratidza kunzwisisa ndokupa vimbiso yorudo rwake. (VaEfeso 5:28, 29) Vose vari vaviri vangada kuderedza kunzwa kwegodo kupfurikidza nokudzivisa mamiriro ezvinhu anokuparira. Pane dzimwe nguva mutariri wechiKristu angada kubetsera mudzimai wake kunzwisisa kuti ari kupa ngwariro yakaganhurirwa yakafanira, kuvanhu vemitezo yakasiyana kuitira kuti aite mutoro wake somufudzi weboka raMwari. (Isaya 32:2) Chokwadika, mukuru anofanira kungwarira kusatongopa chisakiso chipi nechipi chakanaka chegodo. Ikoku kunoda dzikamo, achiva nechokwadi chokuti anopedza nguva mukusimbisa ukama hwake amene hweroorano.—1 Timotio 3:5; 5:1, 2.

10. Vabereki vanogona sei kubetsera vana vavo kugonana nokunzwa kwegodo?

10 Vabereki vanofanirawo kubetsera vana vavo kunzwisisa murangariro wegodo risina kufanira. Vana vanowanzobatanidzwa mukuitirana nharo kunowanzoguma nokurwa. Kakawanda chisakiso chikuru igodo. Nemhaka yokuti zvinodikanwa zvemwana mumwe nomumwe zvakasiyana, vana havagoni kubatwa nenzira yakafanana. Uyezve, vana vanofanira kunzwisisa kuti mumwe nomumwe wavo ane mavara noutera zvakasiyana. Kana mwana mumwe achigarokurudzirwa kuti aite sezvinoita mumwe, ikoku kungasakurira shanje mune mumwe uye rudado mune mumwe wacho. Nokudaro, vabereki vanofanira kurovedza vana vavo kuyera fambiro mberi yavo kupfurikidza nokurangarira mienzaniso iri muShoko raMwari, kwete nokukwikwidzana. Bhaibheri rinoti: “Tirege kuzvikudza, tichimutsana mwoyo, tichigodorana.” Panzvimbo pezvo, “mumwe nomumwe ngaaidze basa rake amene, ipapo ungazvirumbidza pamusoro pake iye amene oga, asingazviiti pamusoro pomumwe.” (VaGaratia 5:26; 6:4) Chinokosha zvikurusa, vabereki vechiKristu vanofanira kubetsera vana vavo kupfurikidza nefundo yeBhaibheri yenguva dzose, vachisimbisa mienzaniso yakanaka neyakaipa iri muShoko raMwari.—2 Timotio 3:15.

Mienzaniso Yokukurira Godo

11. Mosesi akanga ari muenzaniso wakaisvonaka sei mukubata negodo?

11 Kusafanana navatungamiriri vanoda simba, “Mosesi wakanga ari munhu munyoro kwazvo, kupfuura vanhu vose vaiva panyika.” (Numeri 12:3) Apo kutungamirira vaIsraeri kwakava kunoremera Mosesi kukuita oga, Jehovha akaparira mudzimu Wake kushanda pane vamwe vaIsraeri 70, achivapa simba kuti vabetsere Mosesi. Apo vaviri vaava varume vakavamba kuita savaporofita, Joshua akanzwa kuti ikoku nenzira isina kufanira kwakabvisa ngwariro kukutungamirira kwaMosesi. Joshua aida kudzivisa varume vacho, asi Mosesi nenzira yokuzvininipisa akarangarira, kuti: “Ko une [godo, NW] nokuda kwangu here? Dai vanhu vose vaJehovha vaiva vaporofita, Jehovha akaisa mweya wake pamusoro pavo!” (Numeri 11:29) Hungu, Mosesi aifara apo vamwe vaigamuchira ropafadzo dzebasa. Nenzira yegodo haana kuda kuzviitira mbiri amene.

12. Chii chakagonesa Jonatani kudzivisa kunzwa kwegodo?

12 Muenzaniso wakaisvonaka wokuti rudo runokurira sei kunzwa kunobvira kwegodo risina kufanira wakagoverwa naJonatani, mwanakomana waMambo waIsraeri Sauro. Jonatani akanga achitevera mumutsara wokuti agare nhaka chigaro choushe chababa vake, asi Jehovha akanga asarudza Dhavhidhi, mwanakomana waJese, kuti ave mambo anotevera. Vakawanda vari munzvimbo yaJonatani vangadai vakaitira Dhavhidhi godo, vachimurangarira somukwikwidzani. Zvisinei, kuda Dhavhidhi kwaJonatani kwakadzivisa kunzwa kwakadaro kutongomudzora. Pakuziva nezverufu rwaJonatani, Dhavhidhi aigona kuti: “Ndinotambudzika kwazvo pamusoro pako, munun’una wangu Jonatani; wakanga uchindifadza kwazvo; rudo rwako kwandiri rwaishamisa, rwaipfuura rudo rwavakadzi.”—2 Samueri 1:26.

Mienzaniso Yakatanhamara Zvikurusa

13. Ndiani muenzaniso wakaisvonaka munhau yegodo, uye neiko?

13 Jehovha Mwari ndiye muenzaniso wakatanhamara zvikurusa womunhu anodzora kunyange godo rakafanira. Anochengeta kunzwa kwakadaro mukudzora kwakakwana. Kuratidzirwa kupi nokupi kune simba kwegodo roumwari nguva dzose kuri mutsinhirano norudo rwaMwari, ruramisiro, uye uchenjeri.—Isaya 42:13, 14.

14. Muenzanisoi wakagadzwa naJesu mukupesana naSatani?

14 Muenzaniso wechipiri wakatanhamara womunhu anoratidza kudzora kunzwa kwegodo Mwanakomana anodiwa waMwari, Jesu Kristu. “Kunyange akanga akafanana naMwari,” Jesu “haana kuti kuenzana naMwari ndichinhu chinofanira kubatisiswa.” (VaFiripi 2:6) Kupesana kukuru kwakadini nenzira yakatorwa nengirozi yaiva negwinyiro iyo yakava Satani Dhiyabhorosi! Kufanana na“mambo weBhabhironi,” Satani nenzira yegodo akashuva ku“zvienzanisa noWokumusorosoro” kupfurikidza nokuzvigadza saMwari anokwikwidza mukushora Jehovha. (Isaya 14:4, 14; 2 VaKorinte 4:4) Satani akatoedza kuita kuti Jesu a“wir[e] pasi [amunamate].” (Mateo 4:9) Asi hapana chinhu chaigona kutsausa Jesu munzira yake yokuzvininipisa yokuzviisa pasi kuuchangamire hwaJehovha. Mukupesana naSatani, Jesu “akazvidurura iye, akazviita muranda, akafanana navanhu; akati awanikwa nomufananidzo womunhu, akazvininipisa, akateerera kusvikira parufu, irwo rufu rwomuchinjikwa.” Jesu akatsigira kukodzera kwokutonga kwaBaba vake, achiramba chose chose nzira yaDhiyabhorosi yorudado negodo. Nokuda kwokutendeka kwaJesu, “Mwari wakamukudza zvikuru, akamupa zita rinopfuura mazita ose; kuti muzita raJesu mabvi ose afugame, avari kudenga navari panyika, navari pasi penyika, kuti ndimi dzose dzibvumire dziti, Jesu Kristu ndiyeShe, kuti Mwari, Baba, arumbidzwe.”—VaFiripi 2:7-11.

Kukurira Godo Rako

15. Neiko tichifanira kungwarira kudzivisa kunzwa kwegodo?

15 Kusafanana naMwari naKristu, vaKristu havana kukwana. Zvavanotadza, pane dzimwe nguva vangasundwa negodo rechivi. Panzvimbo pokubvumira godo kutisunda kutsoropodza mudaviri biyedu pamusoro pokudarika kuduku kwakati kana kuti chikanganiso chinofungidzirwa, naizvozvo, kunokosha kuti tifungisise paaya mashoko akafuridzirwa, anoti: “Usava munhu wakaisvorurama, usava wakaisvochenjera; uchazviparadzireiko?”—Muparidzi 7:16.

16. Izanoi rakaisvonaka pamusoro pegodo rakapiwa muchimwe chinyorwa chakapfuura chemagazini ino?

16 Panhau yegodo, Nharireyomurindi yechiNgezi yaMarch 15, 1911, yakanyevera, kuti: “Nepo tichifanira kushingaira zvikuru, kuva negodo zvikuru muzvinangwa zvaIshe, bva tinofanira kuva nechokwadi zvikuru kuti haisati iri nhau yomunhu oga; uye tinofanira kurangarira kana tiri ‘vanopindira munyaya dzavamwe kana kuti kwete.’ Ipapowo, tinofanira kurangarira kana kungava chinhu chakafanira chokuti vakuru vabate nacho uye kana kwaizova basa redu kana kuti kwete kuenda kuvakuru. Tose tinofanira kuva negodo guru zvikuru nokuda kwechinangwa chaIshe uye basa raIshe, asi tingwarire zvikuru kuti harisi riya rorudzi runorwadza . . . namamwe mashoko, tinofanira kuva nechokwadi zvikuru chokuti hakusati kuri kuitira mumwe godo, asi godo nokuda kwomumwe, nokuda kwefariro dzake negarikano yake yakanakisisa.”—1 Petro 4:15.

17. Tinogona sei kudzivisa zviito zvokutadza zvegodo?

17 Isu savaKristu tinogona sei kudzivisa rudado, godo, uye shanje? Chinopedza chiri mukubvumira kuyerera kwakasununguka kwomudzimu mutsvene waMwari muupenyu hwedu. Somuenzaniso, tinofanira kunyengeterera mudzimu waMwari uye nokuda kwebetsero mukuratidzira zvibereko zvawo zvakanaka. (Ruka 11:13) Tinofanira kupinda misangano yechiKristu, iyo inozarurwa nomunyengetero uye ine mudzimu waMwari nechikomborero pairi. Uyezve, tinofanira kufunda Bhaibheri, iro rakafuridzirwa naMwari. (2 Timotio 3:16) Uye tinofanira kugoverana mubasa rokuparidza Umambo riri kuitwa nesimba romudzimu mutsvene waJehovha. (Mabasa 1:8) Kubetsera vaKristu biyedu avo vakaodzwa mwoyo nemhaka yezviitiko zvakaipa ndeimwe nzira yokubvumira pesvedzero yakanaka yomudzimu waMwari. (Isaya 57:15; 1 Johane 3:15-17) Kuita iyi mitoro yechiKristu yose nokushingaira kuchabetsera kutidzivirira mumiitiro yechivi yegodo, nokuti Shoko raMwari, rinoti: “Fambai noMweya, ipapo hamungaiti kuchiva kwenyama.”—VaGaratia 5:16.

18. Neiko tisingazogarotamburi nokurwisana nokunzwa kusina kufanira kwegodo?

18 Rudo runorongwa kutanga pakati pezvibereko zvomudzimu waMwari. (VaGaratia 5:22, 23) Kuva norudo kuchatibetsera kudzora zvimiro zvendangariro zvechivi zvino. Asi zvakadiniko nenguva yemberi? Mamiriyoni avabatiri vaJehovha ane tariro youpenyu muParadhiso yapasi inouya, umo vanogona kukarira kusimudzirwa kukuva vanhu vakakwana. Munyika itsva iyoyo, rudo ruchatekeshera uye hapana achatera kukunzwa kusina kufanira kwegodo, nokuti “zvisikwa zvimene zvi[cha]sunungurw[a]wo pauranda hwokuora, zviiswe pakusunungurwa kwokubwinya kwavana vaMwari.”—VaRoma 8:21.

Mapfundo Okufungisisa

◻ Pauro akashandisa muenzanisoi kubetsera kukurira godo?

◻ Godo ringavhiringidza sei rugare rweungano?

◻ Vabereki vanogona sei kurovedza vana vavo kugonana negodo?

◻ Tinogona sei kudzivisa zviito zvokutadza zvegodo?

[Mufananidzo uri papeji 16]

Musarega godo richivhiringidza rugare rweungano

[Mufananidzo uri papeji 17]

Vabereki vanogona kurovedza vana vavo kugonana nokunzwa kwegodo

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe