RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 11/1 pp. 25-29
  • Nyaradzo Nokuda Kwaavo Vane “Mweya Wakaputsika”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nyaradzo Nokuda Kwaavo Vane “Mweya Wakaputsika”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Yeuko Dzakadzvinyirirwa”
  • Kwakaitika Chaizvoizvo Here?
  • Kugovera Utiziro
  • Gara Wakasimba Mumudzimu
  • Zvakadini Naanonzi Akabata Zvisina Kufanira?
  • Vakuru Vanogona Kuitei?
  • Kudzivisa Dhiyabhorosi
  • “Nguva Yokuporesa”
    Mukai!—1991
  • “Zvinhu Zvekare Hazvizoyeukwi”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Rudo Nekubata Vamwe Zvakanaka Munyika Ine Uipi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
  • Kunyaradza Vakashungurudzwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 11/1 pp. 25-29

Nyaradzo Nokuda Kwaavo Vane “Mweya Wakaputsika”

NHASI, nyika yaSatani yazova “isitongorina pfungwa yose yetsika.” (VaEfeso 4:19, NW; 1 Johane 5:19) Upombwe noufeve zvakapararira. Munyika dzakawanda 50 muzana kana kuti kupfuura dzeroorano dzinoguma nokurambana. Ungochani hunogamuchirwa zvakapararira. Masimba masimba mune zvevatano—kubata chibharo—anowanzova munhau. Zvevatano ibasa rinounza mabhiriyoni amadhora.—VaRoma 1:26, 27.

Pakati poushati hwakaipisisa kubatwa zvisina kufanira muvatano kwavana vasina mhaka. Souchenjeri hwenyika yaSatani, kubatwa zvisina kufanira muvatano kwavana ndokwe“mhuka, [k]woudhemoni.” (Jakobho 3:15, NW) MuUnited States moga, magazini yeTime inoti, “mishumo inopfuura 400 000 yedenho dzemuvatano dzakasimbiswa inochengetwa nezviremera gore rimwe nerimwe dzinoitwa navadzidzisi navanachiremba.” Apo vanyajambwa veuku kubatwa zvisina kufanira vanova vakuru, vamwe vachine maronda anorwadza, uye maronda iwayo chaiwoiwo! Bhaibheri rinoti: “Mweya [chimiro chendangariro, mirangariro yomukati nemifungo] womunhu unomusimbisa pakurwara kwake; asi mweya wakaputsika [wakakuvara, wakatambudzwa] ungamutswa nani?”—Zvirevo 18:14.

Mashoko akanaka oUmambo hwaMwari anofadza kuvanhu vamarudzi ose, kubatanidza “vane mwoyo yakaputsika” uye avo vane “mweya waziya.” (Isaya 61:1-4) Hakushamisi, vazhinji avo vari mumarwadzo emirangariro vanogamuchira kokero, yokuti: “Une nyota ngaauye. Unoda ngaatore mvura youpenyu asingatengi.” (Zvakazarurwa 22:17) Ungano yechiKristu inogona kuva nzvimbo yenyaradzo nokuda kwaava. Vanofara kuziva kuti kutambura nokukurumidza kuchava chinhu chomunguva yakapfuura. (Isaya 65:17) Kusvikira panguva iyoyo, kunyange zvazvo zvakadaro, vangada ku‘nyaradzwa’ ndo‘kusungwa’ maronda avo. Nenzira yakarurama Pauro akapa zano vaKristu, kuti: “Musimbise vanopera mwoyo, mutsigire vasine simba, muve nomwoyo murefu kuna vose.”—1 VaTesaronika 5:14.

“Yeuko Dzakadzvinyirirwa”

Mumakore mashoma apfuura vamwe vakava ne“mwoyo yakaputsika” nemhaka yezvikonzero izvo vamwe vanowana kuva zvakaoma kunzwisisa. Vanhu vakuru avo, pahwaro hwezvakarondedzerwa se“yeuko dzakadzvinyirirwa,” vanotaura kuti vakabatwa zvisina kufanira muvatano apo vakanga vari vana.a Vamwe havana mufungo wokuva vakabatwa zvisina kururama kusvikira, nenzira isingakarirwi, vanova nezvakaitika kare mundangariro dzavo zvakajeka uye “yeuko” dzomukuru (kana kuti vakuru) achivabata zvisina kufanira apo vakanga vari vaduku. Vamwe vari muungano yechiKristu vane mirangariro yakadaro inokangaidza here? Munyika shoma, hungu, uye ava vakazvitsaurira vanganzwa vaine nhamo huru, kushatirwa, kuva nemhaka, nyadzi, kana kuti ushoma. SaDhavhidhi vanganzwa vakaparadzaniswa naMwari ndokuchema, kuti: “Munomirireiko kure, Jehovha? Munozvivanzireiko panguva dzokutambudzika?”—Pisarema 10:1.

Mativi mazhinji eidzi “yeuko” haasanonzwisiswi nenyanzvi dzeutano hwepfungwa. Zvisinei, “yeuko” dzakadaro dzinogona kutapura umudzimu hwevaKristu vakazvitsaurira. Naizvozvo tinotarira nechivimbo kuShoko raMwari nokuda kwenhungamiro mukubata nadzo. Bhaibheri rinogovera “kunzwisisa pazvinhu zvose.” (2 Timotio 2:7; 3:16) Rinobetserawo vose vanoitira hanya kuisa kutenda muna Jehovha, “Baba vengoni, Mwari wokunyaradza kwose; iye unotinyaradza pakutambudzika kwedu kwose.”—2 VaKorinte 1:3, 4.

Kwakaitika Chaizvoizvo Here?

Munyika, mune kakavadzano zhinji pamusoro peizvo idzi “yeuko” dziri uye kuti kutambanukoi kwadzinoratidzira zvinhu zvakaitika chaizvoizvo. Zvapupu zvaJehovha hazvisi “[z]venyika” uye hazvitori rutivi muiyi kakavadzano. (Johane 17:16) Maererano nemishumo yakabudiswa, “yeuko” pane dzimwe nguva dzakabvumikisa kuva dzakarurama. Somuenzaniso, pashure pokunge muongorori wezvemainishuwarenzi Frank Fitzpatrick “akayeuka” achibatwa zvisina kururama nomumwe muprista, vanenge vamwe vane zana vakauya kuzotaura kuti ivowo vakanga vabatwa zvisina kufanira nemuprista mumwe cheteyo. Muprista wacho sezvinobvumwa akabvuma kubata zvisina kufanira kwacho.

Kunocherechedzwa zvisinei, kuti vanhu vakati vakatadza kubvumikisa “yeuko” dzavo. Vamwe vakatambudzika nenzira iyi vakayeuka zvakajeka mumwe munhu achivabata zvisina kufanira kana kuti kubatwa zvisina kufanira kuchiitwa munzvimbo yakati. Gare gare, kunyange zvazvo zvakadaro, ufakazi hwapamutemo hunopesana hwakajekesa kuti uhwu udzame “hunoyeukwa” hwaisagona kuve hwechokwadi.

Kugovera Utiziro

Kunyange zvazvo zvakadaro, nyaradzo inogona sei kupiwa kune avo vane “mweya wakaputsika” nemhaka ye“yeuko” dzakadaro? Yeuka mufananidzo waJesu wemuSamaria akanaka. Mumwe murume akarwiswa namakororo, akarohwa, uye akatorerwa zvinhu zvake. Apo muSamaria akasvika, akanzwira tsitsi murume akanga akuvadzwa. Chii chaakaita? Akaomerera pakunzwa udzame huri hwose here pamusoro pokurohwa kwacho? Kana kuti muSamaria wacho akawana rondedzerwo yamakororo acho ndokuatandanisa nokukurumidza here? Aiwa. Murume wacho akanga akuvadzwa! Naizvozvo muSamaria wacho akasunga maronda ake zvinyoronyoro uye norudo akamuendesa kuchengeteko yeimba yavaeni yaiva pedyo uko aigona kunaya ari.—Ruka 10:30-37.

Chokwadi, pane musiyano pakati pamaronda omuviri ne“mweya wakaputsika” unoparirwa nekubatwa zvisina kufanira chaikoiko muvatano muuhwana. Asi zvose zviri zviviri zvinoparira kutambura kukuru. Nokudaro, icho muSamaria akaitira muJudha akakuvadzwa chinoratidza chinogona kuitwa kubetsera muKristu biyedu ari kutambudzika. Chokutanga ndechokupa nyaradzo yorudo uye kumubetsera kunaya.

Dhiyabhorosi akatambudza Jobho akatendeka, sezviri pachena aine chivimbo chokuti marwadzo endangariro kana kuti zvimwe omuviri aizoputsa kuperera kwake. (Jobho 1:11; 2:5) Kubvira ipapo, Satani anowanzoedza kushandisa kutambura—kana achikuparira zvakananga kana kuti kwete—kunetesa kutenda kwavabatiri vaMwari. (Enzanisa na2 VaKorinte 12:7-9.) Tinogona here kupanikira kuti Dhiyabhorosi zvino anoshandisa kubatwa zvisina kufanira kwavana uye “mweya wakaziya” wevakawanda avo vakatambura ikoku (kana kuti vanonetswa ne“yeuko” dzokuva vakakutambura) kuedza kunetesa kutenda kwavaKristu? SaJesu apo akadenhwa naSatani, muKristu anotambura marwadzo asi anoramba zvakasimba kusiya kuperera kwake ari kuti: “Ibva, Satani.”—Mateo 4:10.

Gara Wakasimba Mumudzimu

“Muranda wakatendeka, wakangwara” akabudisa mashoko okubetsera kubata nokukuvadzwa kwomudzimu nokwendangariro kunoparirwa nokubatwa zvisina kufanira kwavana. (Mateo 24:45-47) Ruzivo rwokuzviwanira runoratidza kuti mutamburi anobetserwa kana achigona kuvimba ne‘simba raShe noukuru hwesimba rake,’ achipfeka “nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari.” (VaEfeso 6:10-17) Idzi nhumbi dzokurwa nadzo dzinobatanidza “zvokwadi” yeBhaibheri, iyo inofumura Satani somuvengi mukuru nokupedza rima iro iye navatsigiri vake vanoshandira mariri. (Johane 3:19) Ipapo, kune “chidzitiro chechifuva chokururama.” Anotambudzika anofanira kuvavarira kuomerera kumipimo yakarurama. Somuenzaniso, vamwe vane kusundwa kwakasimba kwokuzvikuvadza vamene kana kuti kuita unzenza. Nguva iri yose yavanodzivisa uku kusunda, vanokunda!

Nhumbi dzokurwa nadzo dzomudzimu dzinobatanidzawo “Evhangeri yorugare.” Kutaura kuvamwe pamusoro pezvinangwa zvaJehovha kunosimbisa uyo ari kutaura pamwe chete naani nani ari kuteerera. (1 Timotio 4:16) Kana ukava mumwe ane “mweya wakaputsika,” kuchikuomera kutaura nezvemashoko akanaka, edza kuperekedza mumwe muKristu sezvaanoita iri basa rinokosha. Uye usakanganwa “nhoo huru yokutenda.” Tenda kuti Jehovha anokuda uye kuti achadzorera zvose izvo wakarasikirwa nazvo. Davira pasina kupanikira kuti Jesu anokudawo, uye akabvumikisa ikoku kupfurikidza nokukufira. (Johane 3:16) Satani nguva dzose akataura zvenhema kuti Jehovha haaitiri hanya vabatiri vake. Iyoyi ndiimwe chete yenhema dzake dzakakomba, dzinotyisa.—Johane 8:44; enzanisa naJobho 4:1, 15-18; 42:10-15.

Kana marwadzo omwoyo achikuita kuti kuve kwakaoma kudavira kuti Jehovha anokuitira hanya, kuchabetsera kusonganirana navamwe vanodavira zvakasimba kuti anoitira hanya. (Pisarema 119:107, 111; Zvirevo 18:1; VaHebheru 10:23-25) Ramba kubvumira Satani kukubira mubayiro woupenyu. Yeuka, “ngowani yoruponeso” rutiviwo rwenhumbi dzokurwa nadzo; ndozvakaitawo “munondo woMweya.” Bhaibheri rakafuridzirwa nomudzimu mutsvene, uwo Satani asingagoni kukurira. (2 Timotio 3:16; VaHebheru 4:12) Mashoko aro anoporesa anogona kunyaradza marwadzo endangariro.—Enzanisa nePisarema 107:20; 2 VaKorinte 10:4, 5.

Pakupedzisira, nyengetera nguva dzose nokuda kwesimba rokutsungirira. (VaRoma 12:12; VaEfeso 6:18) Munyengetero wapachokwadi wakatsigira Jesu mumarwadzo akakomba endangariro, uye unogona kukubetserawo. (Ruka 22:41-43) Kwakakuomera here kunyengetera? Kumbira vamwe kunyengetera newe uye nokuda kwako. (VaKorose 1:3; Jakobho 5:14) Mudzimu mutsvene uchatsigira minyengetero yako. (Enzanisa naVaRoma 8:26, 27.) Sokurwara kwomuviri kunorwadza, vamwe vane maronda makuru endangariro vangasapora chose chose mutsika ino yezvinhu. Asi nebetsero yaJehovha tinogona kutsungirira, uye kutsungirira rukundo, sezvakwakanga kwakaita naJesu. (Johane 16:33) “Vimbai na[Jehovha] nguva dzose, imi vanhu; dururai mwoyo yenyu pamberi pake; Mwari ndiye utiziro hwedu.”—Pisarema 62:8.

Zvakadini Naanonzi Akabata Zvisina Kufanira?

Munhu anobata chaizvoizvo mwana zvisina kufanira muvatano mubati chibharo uye anofanira kurangarirwa saakadaro. Munhu upi noupi akaitwa nyajambwa nenzira yakadaro ane kodzero yokupomera mubati zvisina kufanira wake. Zvisinei, pomero haifaniri kuitwa nechimbichimbi kana yakavakirwa bedzi pa“yeuko dzakadzvinyirirwa” dzokubatwa zvisina kufanira. Muchinoitika chino chinhu chinokosha zvikuru ndechokuti mutamburi awanezve mwero wakati wegadzikano yendangariro. Pashure penguva yakati, angakwanisa zviri nani kuyera “yeuko” ndokusarudza kuti chii, kana pane chipi nechipi, chaanoda kuita pamusoro padzo.

Rangarira chakaitika chaDonna. Sezvinoshumwa akanga aine zvinetso pakudya uye akaenda kumupi wezano—sezviri pachena akakwanirisa zvinopanikirwa. Nokukurumidza akanga ava kupomera baba vake kuva vakavatana naye uye vakaendeswa kudare. Vatongi havana kubvumirana, naizvozvo baba vacho havana kuenda kutorongo, asi vaifanira kuripa dare $100 000. Ipapo, pashure paizvozvo zvose, Donna akaudza vabereki vake kuti akanga asati achadavira kuti kubata zvisina kufanira kwacho kwakaitika!

Nokuchenjera, Soromoni akati: “Usakurumidza kundoita nharo.” (Zvirevo 25:8) Kana paine chikonzero chakanaka chokufungidzira kuti anonzi akapara mhaka achiri kubata vana zvisina kufanira, nyevero ingafanira kupiwa. Vakuru veungano vanogona kubetsera muchinoitika chakadaro. Zvikasadaro, usakurumidza. Pakupedzisira, ungada kurega nyaya yacho. Kana, kunyange zvazvo zvakadaro, uchida kunangana neanonzi akapara mhaka (pashure pokutanga kuyera nzira yaunganzwa nayo pamusoro pokuita kunobvira), une kodzero dzokuita saizvoizvo.

Mukati menguva iyo uyo ari kuva ne“yeuko” anenge achipora, mamiriro ezvinhu asingafadzi angamuka. Somuenzaniso, munhu angava nezviono zvendangariro zvakajeka zvokubatwa zvisina kufanira nomumwe munhu waanoona zuva riri rose. Hapana mitemo inogona kuitwa yokubata ikoku. “Munhu mumwe nomumwe uchafanira kutakura mutoro wake.” (VaGaratia 6:5) Pane dzimwe nguva munhu anganzwa kuti hama yokunyama kana kuti mutezo wemhuri yake yapedyo unobatanidzwa. Yeuka rudzi runopanikirika rwedzimwe“yeuko dzakadzvinyirirwa” apo kunouya kukuziva uyo anofungidzirwa kuva muiti wemhaka. Mumamiriro ezvinhu akadaro, chero bedzi nhau yacho isina kubvumikiswa zvakasimba, onano nemhuri—kunenge kupfurikidza nokushanya kwapanhambo nenhambo, kupfurikidza netsamba, kana kuti norunhare—kwaizoratidza kuti munhu ari kuedza kutevera nzira yapaMagwaro.—Enzanisa naVaEfeso 6:1-3.

Vakuru Vanogona Kuitei?

Kana vakuru vakasvikwa nomutezo weungano uyo akatambura zvakaitika kare kana kuti “yeuko dzakadzvinyirirwa” dzekubatwa zvisina kufanira somwana, vaviri vavo vanowanzogoverwa kubetsera. Vakuru ava vanofanira kukurudzira nomutsa uyo ari kutambudzika kunangidzira ngwariro kwenguva ino pakugonana nokurwadza kwendangariro. Mazita evakabata zvisina kufanira vapi navapi “vanoyeukwa” anofanira kuchengetwa akavanzika zvikuru.

Basa guru ravakuru nderokushanda savafudzi. (Isaya 32:1, 2; 1 Petro 5:2, 3) Vanofanira kuva vanongwarira zvikuru ku“pfeka [ivo vamene] zvidakadaka zvetsitsi, mutsa, kuzvininipisa kwendangariro, unyoro, uye mwoyo murefu.” (VaKorose 3:12, NW) Ngavateerere nenzira yomutsa uye ipapo kushandisa mashoko anoporesa anobva muMagwaro. (Zvirevo 12:18) Vamwe vanotambudzwa ne“yeuko” dzinorwadza vakataura kuonga vakuru avo vanoshanya nguva dzose kana kuti kunyange kuridza runhare kuti vanzvere kuti vakadini. Onano dzakadaro hadzifaniri kutora nguva yakawanda, asi dzinoratidza kuti sangano raJehovha rinoitira hanya. Apo anotambudzika anoziva kuti hama dzake dzechiKristu dzinomuda zvirokwazvo, angabetserwa kuwana mwero wakati wedzikamo yendangariro.

Zvakadini kana mutamburi akasarudza kuti anoda kuita pomero?b Ipapo vakuru vaviri vanogona kumupa zano kuti, maererano nenheyo iri pana Mateo 18:15, anofanira kusvika ari kupomerwa wacho somunhu oga pamusoro penhau yacho. Kana mupomeri asingakwanisi mundangariro kuita ikoku vakatarisana, kunogona kuitwa norunhare kana kuti zvichida nokunyora tsamba. Munzira iyi uyo ari kupomerwa anopiwa mukana wokutaura pamberi paJehovha nemhinduro yake kupomero yacho. Angatokwanisa kupa ufakazi hwokuti aisagona kuva akaita kubata zvisina kufanira. Kana kuti zvichida uyo ari kupomerwa achareurura, uye kuyanana kungawanwa. Chaizova chikomborero chakadini! Kana paine kureurura, vakuru vaviri vanogona kubatazve nhau yacho maererano nenheyo dzaMagwaro.

Kana pomero yacho ikarambwa, vakuru vanofanira kutsanangura kumupomeri kuti hapana zvimwe zvizhinji zvinogona kuitwa mukutonga. Uye ungano ichapfuurira kurangarira uyo ari kupomerwa somunhu asina mhaka. Bhaibheri rinotaura kuti panofanira kuva nezvapupu zviviri kana kuti zvitatu chiito chokutonga chisati chagona kuitwa. (2 VaKorinte 13:1; 1 Timotio 5:19) Kunyange kana vanopfuura munhu mumwe “vakayeuka” kubata zvisina kufanira kwakaitwa nomunhu mumwe cheteyo, rudzi rweidzi yeuko runongova chete rusina chokwadi zvikuru kuvakira zvisarudzo zvedare pazviri pasina humwe ufakazi hunotsigira. Ikoku hakurevi kuti “yeuko” dzakadaro dzinorangarirwa sedzenhema (kana kuti dzinorangarirwa sedzechokwadi). Asi nheyo dzeBhaibheri dzinofanira kuteverwa mukusimbisa nhanho yacho mukutonga.

Zvakadini kana uyo ari kupomerwa—kunyange zvazvo achiramba chakaipa chacho—ane mhaka chaizvoizvo? Ano“pukunyuka chirango,” sokunge zvakadaro here? Zvirokwazvo kwete! Mubvunzo wekuva kwake ane mhaka kana kuti asina unogona kusiyiwa zvakakotsekana mumaoko aJehovha. “Zvivi zvavamwe vanhu zvinoonekwa pachena, zvinotungamirira kutongwa kwavo, vamwezve vanoteverwa nazvo.” (1 Timotio 5:24; VaRoma 12:19; 14:12) Bhuku raZvirevo rinoti: “Tariro yavakarurama mufaro; asi kutarira kwavakaipa kuchaparadzwa.” “Kana munhu wakaipa achifa, zvaanotarira zvichaparadzwa.” (Zvirevo 10:28; 11:7) Pakupedzisira, Jehovha Mwari naKristu Jesu vanoita rutongeso rusingagumi mukururamisira.—1 VaKorinte 4:5.

Kudzivisa Dhiyabhorosi

Apo mweya yakazvitsaurira inotsungirira mukutarisana namarwadzo makuru omuviri kana kuti endangariro, ufakazi hwakadini hwesimba ravo romukati uye kuda Mwari! Uye chipupuriro chakadini kusimba romudzimu waJehovha nokuvatsigira!—Enzanisa na2 VaKorinte 4:7.

Mashoko aPetro anoshanda kuna vakadaro: “Mumudzivisei [Satani], makamira nesimba pakutenda.” (1 Petro 5:9) Kuita saizvozvo kungasava nyore. Pane dzimwe nguva, kungatova kwakaoma kufunga zvakajeka uye zvine mufungo. Asi usaodzwa mwoyo! Nokukurumidza, Dhiyabhorosi namabasa ake amanomano hazvizovapo. Zvirokwazvo, tinoshuva nguva iyoyo apo “Mwari amene . . . uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:3, 4.

[Mashoko Omuzasi]

a “Yeuko dzakadzvinyirirwa” nekutaura kwakafanana kwakaiswa muzviratidzo zvokunokorwa kwamashoko kukutsauranisa neyeuko chaidzo zvikuru idzo tose tinadzo.

b Kungavawo kuri madikanwa kuti nhanho yaoneswa mundima ino iitwe kana nhau yacho yava kuzivikanwa navose muungano.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe